RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 12/1 pp. 15-20
  • Pwere Dzinoyeuka Musiki Wadzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pwere Dzinoyeuka Musiki Wadzo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Chaiyeiye Sei Kwauri?
  • Chinoreva Kuyeuka
  • Dzidzo Ine Donzo
  • Kutarisirirei Mari Yako Nokuchenjera?
  • Pwere Dzakafanirwa Nokutevedzerwa
  • Dzidzo Ine Donzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kuita Zvisarudzo Zvakanaka Panyaya Yekuwedzera Dzidzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Bhaibheri Rinoshora Dzidzo Here?
    Mukai!—1998
  • Kuchengeta Dzidzo Iri Munzvimbo Yayo
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 12/1 pp. 15-20

Pwere Dzinoyeuka Musiki Wadzo

“Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako.”—MUPARIDZI 12:1.

1. Kutaurai kwaane makore 11 okukura kunoratidzira kuti Musiki wedu ndichaiyeiye kwaari?

KWAKAISVONAKA sei apo vaduku vanotaura uye kuita munzira inoratidza kuti vanorangarira Jehovha Mwari somunhu chaiyeiye wavanoyemura uye wavanoda kufadza! Mumwe mukomana ane makore 11 okukura akati: “Apo ndinenge ndiri ndoga uye ndichitarira panze nepahwindo, ndinoona kunaka kwakaita zvisikwa zvaJehovha. Ipapo ndinofungidzira pamusoro pokunaka kuchava kwakaita Paradhiso munguva yemberi uye pamusoro penzira yandinogona kubata nayo mhuka panguva iyoyo.” (Isaya 11:6-9) Iye akawedzera, kuti: “Apo ndinenge ndiri ndoga, ndinonyengetera kuna Jehovha. Ndinoziva kuti haasati achizondishatirirwa nokuda kwokutaura kwangu kwaari nguva yose. Ndinoziva kuti iye aripo nguva dzose akanditarira.” Musiki wedu ndichaiyeiye kwauri sezvaakaita kumukomana uyu here?

Mwari Chaiyeiye Sei Kwauri?

2. (a) Musiki wako anogona sei kuva chaiyeiye kwauri? (b) Rutivii urwo vabereki vanogona kuva narwo mukubetsera vana vavo kunzwisisa kuti Mwari munhu chaiyeiye?

2 Kuti Jehovha nezvipikirwa zvake zvive chaizvoizvo kwauri, unofanira kutanga kudzidza pamusoro pake nenguva yemberi yakaisvonaka yaanokugovera munyika itsva yakarurama iyo Bhaibheri rinorondedzera. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Kana vabereki vako vakakudzidzisa pamusoro pezvinhu izvi, une chikonzero chokuonga nemhaka yokuti ikoku kunokugonesa kuteerera murayiro wakafuridzirwa: “Rangarirawo Musiki wako.” (Muparidzi 12:1) Imwe pwere yakati nezverovedzo yayo yapakuvamba yavabereki: “Chinhu chiri chose muupenyu nguva dzose chaidzokera kuna Jehovha. Ichi chakanga chiri chinokosha kukuyeuka kwangu Musiki wangu.” Imwe mhandara yakati: “Ndichaonga nokusingaperi vabereki vangu nokuda kwokundidzidzisa kuti Jehovha munhu chaiyeiye. Vakandiratidza nzira yokumuda nayo ndokundiudza pamusoro pomufaro wokumubatira nguva yakazara.”

3, 4. Chii chinogona kukubetsera kufunga nezvaJehovha somunhu chaiyeiye?

3 Bva, vakawanda vanokuwana kwakaoma kufungidzira Mwari somunhu chaiyeiye anovafarira. Unodaro here? Imwe pwere yakabetserwa kufunga pamusoro paMwari munzira yomunhu oga nouku kutaura kwaiva muNharireyomurindi: “Kuti Jehovha Mwari akakura sei mumuviri wake, hatizivi.” Chokwadika, kutanhamara kwaMwari hakutsamiri paukuru hwake kana kuti chimiro, sezvo mutsetse unotevera womuNharireyomurindi iyoyo wakati: “Ukuru hwake chaihwoihwo huri mukuva rudzi rwaMwari rwaari,” zvirokwazvo, Mwari akatendeka, anonzwira tsitsi, ane rudo, uye anokanganwira.a (Eksodho 34:6; Dheuteronomio 32:4; Pisarema 86:5; Jakobho 5:11) Wakasvika pakurangarira Jehovha somunhu akadaro, shamwari inovimbwa nayo yaunogona kuva noukama hunokosha nayo here?—Isaya 41:8; Jakobho 2:23.

4 Jesu akabetsera vateveri vake vapakuvamba kufarikanya ukama hwomunhu oga naMwari. Nokudaro, apo muapostora Johane akanyora pamusoro porumuko rwake rwaikarirwa kuupenyu hwokudenga, Johane akati: “Tichafanana naye [Mwari]; nokuti tichamuona sezvaakaita.” (1 Johane 3:2; 1 VaKorinte 15:44) Pwere nhasi dzinogonawo kubetserwa kurangarira Mwari somunhu chaiyeiye, munhu wadzinogona kusanoziva kunyange zvazvo dzisingagoni kumuona somunhu oga. Rimwe jaya rakatsinhira, kuti: “Vabereki vangu vakandibetsera kuyeuka Jehovha kupfurikidza nokubvunza mibvunzo yakawanda, yakadai sokuti, ‘Jehovha aizotii? Waizokutsanangura sei namashoko ako umene? Ikoko kunorevei?’” Mibvunzo yakaita seiyi haitiiti kuti tifunge pamusoro poukama hwedu hwomunhu oga naMwari here?

Chinoreva Kuyeuka

5. Mienzanisoi yomuBhaibheri inoratidza kuti kuyeuka mumwe munhu kunobatanidza zvinopfuura kuyeuka zita rake?

5 Kuteerera murayiro wokuti, “Rangarirawo Musiki wako,” kunoreva zvinopfuura kungofunga chete pamusoro paJehovha. Kunobatanidza chiito, kuita zvinomufadza. Apo tsotsi rakateterera Jesu kuti, “Mundirangarire, kana mosvika muushe hwenyu,” rakanga richida kuti Jesu aite zvinopfuura kuyeuka zita raro. Raida kuti Jesu aite chiito, kurimutsa. (Ruka 23:42) Nenzira yakafanana, Josefa akaiswa mutorongo aikarira kuitirwa chiito chakati apo akakumbira mudiri waFarao kumuyeuka kuna Farao. Uye apo Jobho akakumbira Mwari kuti, “Ndiyeukei,” Jobho akanga achikumbira kuti pane imwe nguva yomunguva yemberi, Mwari aizoita chiito chokumumutsa.—Jobho 14:13, NW; Genesi 40:14, 23.

6. Shoko rechiHebheru nokuda kwa“yeuka” rinoreva sei chidakadaka nokuda kwechinhu kana kuti munhu anoyeukwa?

6 Chimwe chiremera chinotaura kuti shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “yeuka” kazhinji kazhinji rinoreva “chidakadaka chendangariro uye chiito chinobatanidza kuyeuka.” Revo ya“chidakadaka” mushoko rokuti “yeuka” inogona kuonwa mukudanidzira kwa“vatorwa” murenje: “Tinorangarira hove dzataidya Egipita!” Sezvo Jobho akakumbira kuti ayeukwe nenzira yenyasha naMwari, naizvozvo Hezekia, Nehemia, Dhavhidhi, uye wezvemapisarema asingadudzwi zita vakatetererawo kuyeukwa nechidakadaka naJehovha mukuziva kutendeka kwavo.—Numeri 11:4, 5; 2 Madzimambo 20:3; Nehemia 5:19; 13:31; Pisarema 25:7; 106:4.

7. Kana tikayeuka Mwari nechidakadaka, ikoku kuchatapura sei mufambiro wedu?

7 Nokudaro tingabvunza kuti, ‘Tinoyeuka Musiki wedu nechidakadaka ndokudzivisa kuita chinhu chipi nechipi chokumuparira kunzwa akuvadzika kana kuti kurwadziwa here?’ Imwe pwere yakati: “Amai vakandibetsera kuziva kuti Jehovha ane mirangariro, uye pazera rapakuvamba, ndakanga ndichiziva kuti zviito zvangu zvine tapuro paari.” (Pisarema 78:40-42) Imwe yakatsanangura, kuti: “Ndaiziva kuti zviito zvangu zvaizobetsera kana kuti zvimwe kudzivisa kupindura denho iyo Satani akaita kuna Jehovha. Ndaida kufadza mwoyo waJehovha, naizvozvo izvozvo zvakandibetsera uye zvinopfuurira kundibetsera nhasi.”—Zvirevo 27:11.

8. (a) Kurondai kucharatidzira kuti tinoyeuka Jehovha nechidakadaka? (b) Mibvunzoi iyo pwere dzicharangarira nenzira yokuchenjera?

8 Sezvinobvumwa, munyika ino yakaipa, hakusi nyore nguva dzose kuyeuka Jehovha kupfurikidza nokugoverana zvizere mumubato unomufadza. Bva kungava kwakaisvonaka zvakadini kudai mungagona kutevedzera muduku Timotio wezana rokutanga ramakore—tisingadudzi zviuru zvepwere dzinotya Mwari nhasi—kupfurikidza nokuronda basa rechiKristu nguva yakazara somushumiri piyona! (Mabasa 16:1-3; 1 VaTesaronika 3:2) Zvisinei, kungabvunzwa kuti, Ungakwanisa kuzvitsigira umene muushumiri hwoupiyona here? Uye kana ukaroora kana kuti kuroorwa, ungava nounyanzvi hwokugovera avo vari mumhuri yako here? (1 Timotio 5:8) Iyi mibvunzo inokosha, uye kunokosha kuti muifunge zvakakomba.

Dzidzo Ine Donzo

9. Chisarudzoi chinotarisana nepwere pamusoro pedzidzo yokunyika?

9 Sezvo nzanga yavanhu ichiva yakaoma zvikuru, nguva yakawanda zvikuru yokudzidza ingadikanwa kuti uwane basa rakakodzera kuti uzvitsigire umene mubasa roupiyona. Ungava wakacherekedza kuti kunyange vamwe vane dzidzo yokuyunivhesiti vakafanira kudzidziswazve kuti vawane unyanzvi hutsva hunokosheswa navashandirwi nhasi. Naizvozvo kudzidza kukuru sei uko imi vaduku vanoda kufadza Mwari mucharonda? Chisarudzo chacho nenzira yakafanira chinofanira kuitwa muchirangarira murayiro wakafuridzirwa: “Rangarirawo Musiki wako.”

10. Idzidzoi yakanakisisa yatinogona kugamuchira?

10 Chokwadika, uchada kuronda iyo kunyange zviremera zvakawanda zvokunyika zvinorangarira sedzidzo yakanakisisa—inowanika mufundo yokungwarira yeShoko raMwari. Munyori weGerman Johann Wolfgang von Goethe akati: “Kana [vanhu] vakafambira mberi zvikuru muungwaru, kuchavawo kunobvira zvizere kushandisa Bhaibheri zvose zviri zviviri senheyo uye sechishandiso chedzidzo.” Hungu, fundo yeBhaibheri ichakushongedzera zviri nani nokuda kwoupenyu kupfuura zvichaita imwe dzidzo ipi neipi!—Zvirevo 2:6-17; 2 Timotio 3:14-17.

11. (a) Ibasai rinokosha zvikurusa ratinogona kuita? (b) Nei imwe pwere yakasarudza kuwana mwero wakati wedzidzo?

11 Sezvo zivo yaMwari ichipa upenyu, basa rinokosha zvikurusa raunogona kuita nhasi nderokugoverana zivo iyoyo navamwe. (Zvirevo 3:13-18; Johane 4:34; 17:3) Kuti uite ikoku nenzira inobudirira, zvisinei, unofanira kudzidziswa munzira dzinokosha. Unofanira kukwanisa kufunga zvakajeka, kutaura nenzira ine mufungo, uye kurava ndokunyora zvakanaka—unyanzvi hunodzidziswa muchikoro. Naizvozvo rangarira kosi dzako dzechikoro nenzira yakakomba, sezvakaita Tracy, imwe pwere muFlorida, U.S.A., yakapedza kudzidza pachikoro chapamusoro nokupasa kwakanaka zvikuru. Iye akataura tariro yake: “Ndave ndine senharidzano yangu kuva mubatiri wenguva yakazara waMwari wangu Jehovha, uye ndinovimba kuti dzidzo yangu ichandibetsera kusvika iyi nharidzano.”

12. Kana dzidzo yokuwedzera yokunyika ikasarudzwa, ingabetsera kuita donzoi?

12 Wakafunga pamusoro pokuti nei uchienda kuchikoro here? Zvikurukuru kuti uzvishongedze umene kuti uve mushumiri anobudirira waJehovha here? Kana zvakadaro, uchada kurangarira zvakakomba kuti dzidzo yako inoita zvakanaka sei iri donzo. Pashure pokunzvera navabereki vako, kungasarudzwa kuti unofanira kuronda kudzidza kupfuura zvinodikanwa nomutemo. Dzidzo yokuwedzera yakadaro ingakubetsera kuwana basa rokuzvitsigira umene uye richingokusiyira nguva nesimba zvokugoverana zvizere mumubato woUmambo.—Mateo 6:33.

13. VaKristu vaviri vokuRussia vakaronda dzidzo yokuwedzera vakaratidzira sei donzo ravo muupenyu?

13 Vamwe vanoronda dzidzo yokuwedzera vanopinda muushumiri hwenguva yakazara kunyange apo vanenge vachigamuchira imwe dzidzo. Rangarira Nadia naMarina, pwere mbiri dzechisikana muMoscow, Russia. Dzose dziri mbiri dzakabhabhatidzwa muna April 1994 ndokuvamba kubatira savashumiri mapiyona ebetsero. Nokukurumidza pashure pezvo dzakapedza kudzidza pachikoro chapamusoro ndokunyoresa muchirongwa chamakore maviri chokudzidzira akaunzi. Muna May 1995 dzakatanga upiyona hwenguva dzose, bva dzakachengeta avhareji yadzo yeA mumakirasi adzo okudzidzira akaunzi. Uyezve, dzakanga dzichikwanisa kuitisa, pakati padzo, avhareji yefundo dzeBhaibheri 14 vhiki imwe neimwe apo dzakanga dzichiri kuenda kuchikoro. Vasikana vacho vanokarira kuti dzidzo yavo yeakaunzi ichavagonesa kuwana basa rakakodzera, kuti vagogona kuzvitsigira vamene muushumiri hwenguva yakazara.

14. Pasinei zvapo nechitsama chedzidzo yokunyika chatinosarudza, chii chinofanira kuva chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu hwedu?

14 Kana ukaronda dzidzo yokunyika kupfuura zvinodikanwa nomutemo, nzvera nenzira yokuchenjera chikonzero chako chokuita kudaro. Ndechokuzviitira umene zita uye kuwana pfuma yokunyama here? (Jeremia 45:5; 1 Timotio 6:17) Kana kuti inharidzano yako kushandisa dzidzo yokuwedzera kugoverana zvizere zvikuru mubasa raJehovha here? Lydia, imwe pwere yakasarudza kuronda imwe dzidzo, akataura kunangidzira ngwariro kwakaisvonaka pazvinhu zvomudzimu, achitsanangura, kuti: “Vamwe vanoronda dzidzo yapamusoro ndokurega kudisa zvenyika kuchivavhiringidza, uye vakasiya Mwari. Somunhu oga ukama hwangu naMwari ndicho chinhu chinokosha zvikurusa kwandiri.” Chimiro chendangariro chinorumbidzwa zvakadini nokuda kwedu tose!

15. Imhatsai yezvikwaniriso zvedzidzo yakanga iri pakati pevaKristu vezana rokutanga ramakore?

15 Nenzira inokosha, vaKristu vomuzana rokutanga ramakore vakanga vane mhatsa huru yezvikwaniriso zvedzidzo. Vaapostora Petro naJohane, somuenzaniso, vakarangarirwa kuva “vasina kudzidza, vasingazivi chinhu” nemhaka yokuti vakanga vasina kurovedzwa muzvikoro zvavanarabhi. (Mabasa 4:13) Muapostora Pauro, pano rumwe rutivi, akagamuchira zvaienzana nhasi nedzidzo yokuyunivhesiti. Bva, Pauro haana kushandisa dzidzo iyoyo kuzviunzira amene ngwariro; panzvimbo pezvo, chakanga chiri chinhu chinokosha apo aiparidza kuvanhu vari munzvimbo dzakasiyana-siyana dzoupenyu. (Mabasa 22:3; 1 VaKorinte 9:19-23; VaFiripi 1:7) Nenzira yakafanana, Manaeni, uyo akanga a“rerwa pamwe chete naHerodhe mubati,” akanga ari pakati paavo vakatungamirira muungano yeAntiokia.—Mabasa 13:1.

Kutarisirirei Mari Yako Nokuchenjera?

16. (a) Nei kungava kwakaoma zvikuru kuyeuka Musiki wedu kana tine chikwereti? (b) Mumwe wemienzaniso yaJesu unoratidza sei kukosha kwokufunga tisati tashandisa mari?

16 Kana ukakundikana kutarisira mari yako nokuchenjera, kungava kwakaoma zvikuru kuyeuka Musiki wako kupfurikidza nokuita zvinomufadza. Nokuti kana ukawira muchikwereti, kunogona kunzi une mumwe tenzi. Bhaibheri rinotsanangura, kuti: “Kwereta mari uye uri muranda womukweretesi.” (Zvirevo 22:7, Today’s English Version) Mumwe wemienzaniso yaJesu unosimbisa ukoshi hwokufunga tisati taparadza mari. “Ndiani kwamuri,” Jesu akadaro, “kana achida kuvaka svingo, usingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuona kana ane mari yokuipedzisa nayo? Kuti zvimwe kana atanga nheyo, akakoniwa kupedzisa, vose vanozviona, vasatanga kumuseka.”—Ruka 14:28, 29.

17. Nei kwakaoma kazhinji kazhinji kudzora kushandisa mari kwomunhu?

17 Nenzira yokuchenjera, naizvozvo, uchaedza kurarama maererano nenheyo yapaMagwaro ‘yokusava nechikwereti chomunhu chechinhu chimwe, kunze kwechokudanana.’ (VaRoma 13:8) Asi ikoku kwakaoma kuita, zvikurukuru apo unonangana nomugove unopfuurira wezvigadzirwa zvitsva izvo vashambadziri vanotaura kuti unoda chaizvoizvo. Mumwe mubereki, uyo akaedza kubetsera vana vake kushandisa nzwisiso, akati: “Takapedza nguva yakawanda tichikurukura chiri chinodikanwa uye chiri chinongodikanwawo hacho.” Zvikoro kazhinji kazhinji zvakakundikana kudzidzisa zvinhu zvakadaro, zvichigovera murayiridzo mushomanene kana zvichitongodaro pamusoro penzira yokutarisira nayo mari nomutoo wokuvimbika. “Tinopedza kudzidza pachikoro chapamusoro tichiziva zvakawanda pamusoro peisosceles triangle kupfuura nzira yokuchengetedza nayo mari,” akadaro mumwe mushandi womunzanga. Chii, ipapoka, chinogona kukubetsera kushandisa mari nenzira yokuchenjera?

18. Chii chiri chinokosha kukutarisirwa kwokuchenjera kwemari, uye nei?

18 Kuteerera murayiro wokuti, “Rangarirawo Musiki wako,” ndichinokosha kukutarisirwa kwokuchenjera kwemari yako. Ikoku imhaka yokuti apo unoteerera murayiro iwoyo, chinhu chako chokutanga kufadza Jehovha, uye chidakadaka chako nokuda kwake chinopesvedzera nzira yaunoshandisa nayo mari yako. Nenzira inowirirana, uchaedza kusabvumira zvinodikanwa hazvo zvomunhu oga kudzongonyedza kupa Mwari kuzvipira kwomwoyo wose. (Mateo 16:24-26) Uchavavarira kuchengeta ziso rako raka“naka,” ndiko kuti, rakanangidzirwa zvakajeka paUmambo hwaMwari nokuita kuda kwake. (Mateo 6:22-24) Nokudaro uchasvika pakurangarira zano roumwari roku“kudza Jehovha nezvaunazvo” seropafadzo inofadza.—Zvirevo 3:9.

Pwere Dzakafanirwa Nokutevedzerwa

19. Pwere munguva yakapfuura dzakayeuka sei Musiki wadzo?

19 Nenzira inofadza, pwere dzakawanda, dzomunguva yakapfuura nedzazvino, dzakayeuka Musiki wadzo. Samueri muduku akaramba akasimba mubasa rapatabhernakeri pasinei zvapo nepesvedzero younzenza yaavo akanga achibatira navo. (1 Samueri 2:12-26) Muedzikadzi anokwezva, mudzimai waPotifari, akanga asingagoni kuedza Josefa muduku kuti aite ufeve. (Genesi 39:1-12) Kunyange zvazvo akanga ari “mwanana,” Jeremia akaparidza nokushinga pasinei zvapo nechishoro chakakomba. (Jeremia 1:6-8) Musikana muduku wechiIsraeri nenzira yokusatya akanangidzira mukuru wemauto ane simba weSiria kuti atsvake betsero muna Israeri, umo aigona kudzidza pamusoro paJehovha. (2 Madzimambo 5:1-4) Dhanieri muduku neshamwari dzake vakachengeta kutenda kwavo pavakaedzwa pamitemo yezvokudya yaMwari. Uye pwere Shadraki, Meshaki, uye Abhedhi-nego dzakasarudza kukandirwa muchoto chomwoto panzvimbo pokubvumiranisa pane zvisina kufanira kuvimbika kwavo kuna Mwari kupfurikidza nokunamata pamberi pechifananidzo.—Dhanieri 1:8, 17; 3:16-18; Eksodho 20:5.

20. Pwere dzakawanda dzinoyeuka sei Musiki wadzo nhasi?

20 Nhasi pwere dzinopfuura 2 000 dzine makore 19 kusvikira ku25 ezera dzinobatira padzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha muNew York State, U.S.A. Dzinongova bedzi chikamu chiduku chemakumi ezviuru zvavaduku vari kuyeuka Musiki wavo munyika yose. Kufanana naJosefa wekare, vakaramba kubvumiranisa pane zvisina kufanira kuchena kwetsika dzavo. Vakawanda vakateerera Mwari panzvimbo pavanhu apo vakamanikidzwa kusarudza wavaizobatira. (Mabasa 5:29) Muna 1946 muPoland, Henryka Zur aiva nemakore 15 okukura akatambudzwa apo akaramba kuita chiito chokunamata zvidhori zvorudzidziso. “Nechomukati funga chipi kana chipi chaunoda,” akakarakadza kudaro mumwe wavatambudzi vake, “ingoita chete chiratidzo chechiKaturike chomuchinjikwa.” Nemhaka yokuti akaramba, akazvuzvurudzirwa musango ndokupfurwa, tariro yake yakavimbiswa youpenyu husingaperi yakanaka!b

21. Ikokeroi ingava yokuchenjera kugamuchira, uye nomugumisiroi?

21 Mwoyo waJehovha unofanira kuva wakafadzwa sei navaduku vakamuyeuka mumazana amakore akapfuura! Uchabvuma kokero yake, “Rangarirawo Musiki wako” here? Zvirokwazvo akafanirwa nokuyeukwa newe! Funga zuva nezuva pamusoro pezvose zvaakakuitira uye zvaachaita, uye gamuchira kokero yake: “Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu; kuti ndigone kupindura unondishora.”—Zvirevo 27:11.

[Mashoko Omuzasi]

a Nharireyomurindi yechiNgezi, December 15, 1953, peji 750.

b Ona 1994 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 217-18, yakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

Unoyeuka Here?

◻ Pwere dzinogona sei kubetserwa kurangarira Mwari somunhu chaiyeiye?

◻ Kuyeuka Musiki wako kunorevei?

◻ Dzidzo yedu inofanira kubatira donzoi?

◻ Nei kuchikosha kutarisira mari yedu nenzira yokuchenjera?

◻ Ipwere dzipi dzakafanirwa nokutevedzera kwedu?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Wakafunga pamusoro pokuti nei uchienda kuchikoro here?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Uri kudzidza kutarisira mari nenzira yokuchenjera here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe