Kirasi Yechi101 Yegilead Inoshingairira Mabasa Akaisvonaka
MUSIKI wedu, Jehovha Mwari, anoshingairira mabasa akaisvonaka, uye ndizvo zvinoitawo Mwanakomana wake, Jesu Kristu. Somuenzaniso wedu, Jesu akaratidza kushingaira kupfurikidza nokuita mugove wake wakapihwa naMwari, uyo wakabatanidza ku“zvipa nokuda kwedu, . . . kuti azvinatsire vanhu vave vake chaivo, vanhu vanoshingairira mabasa akanaka.” (Tito 2:14) Mitezo 48 yekirasi yechi101 yeWatchtower Bible School of Gilead zvirokwazvo yakaratidzira kushingairira kwayo mabasa akaisvonaka. Purogiramu yokupedza kufunda yeava vafundisi yakaitwa pana September 7, 1996, paWatchtower Educational Center muPatterson, New York.
Zano Rinoshanda Rokuti Varambe Vachishingaira
Sachigaro wepurogiramu yokupedza kufunda akanga ari Carey Barber, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora, ane makore anopfuura 70 muushumiri hwenguva yakazara. Mutsinhiro dzavo dzokuzarura, Hama Barber vakadanira ngwariro kumubato wokuparidza nokudzidzisa waJesu, uyo aiva “chiedza chenyika.” (Johane 8:12) Vakaonesa kuti Jesu haana kuzvichengetera amene basa iroro rinokudzwa asi akakurudzira vadzidzi vake kuita kuti chiedza chavo chipenyewo. (Mateo 5:14-16) Iyi ropafadzo yebasa inowedzera revo kuupenyu hwomuKristu ndokuisa mutoro unorema pamafudzi evose vari ku“famba . . . savana vechiedza.”—VaEfeso 5:8.
Pashure petsinhiro idzodzo dzokuzarura, Don Adams weHofisi Dzinotungamirira padzimbahwe reBrooklyn akasumwa. Akataura pamusoro penhau yaiti “Kufambira Mberi, Kwete Kudzokera Shure.” Hama Adams vakanangidzira ngwariro kuChikoro cheGilead chimene nedonzo racho—kutambanudzira kuparidzirwa kwemashoko akanaka kunyika dzokumwe. Vakataura pamusoro pekufambira mberi kwesangano raMwari, iro rakabudisa mabhuku eBhaibheri munyika yose mumitauro inopfuura 300. Bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa muna 1995, rakaitwa kuti riwanikwe mumitauro 111 uye rakarongwa kuti ridhindwe mune mimwezve. Ratobetsera mukubetsera vadzidzi vatsva vaJesu kusvika pfundo rekuzvitsaurira norubhabhatidzo mukati memwedzi inoverengeka chete. Naizvozvo vafundisi vatsva vachava neyamuro dzokufunda Bhaibheri dzazvino dzinowanika nokuda kwebasa ravo.
Tevere, Lyman Swingle, mumwe mutezo weMutumbi Unodzora, akataura pamusoro pomusoro waiti “Ramba Uchiitira Jehovha Basa Rako Rinoyera,” wakavakirwa pana Zvakazarurwa 7:15. Sezvo Jehovha amene ari Mwari anofara, kumubatira nguva dzose ndiko kunoita kuti munhu afare. (1 Timotio 1:11) Somugumisiro weiri basa rinofadza, boka guru revanhu vanobva mumativi ose apasi rakauya kuzomunamata. Makore akapfuura, avo vakarovedzwa muChikoro cheGilead vakava negoverano mukubetsera vazhinji vaivava kusvika pazivo yakarurama yechokwadi. Tine chikonzero chiri chose, naizvozvo, chokudavira kuti Jehovha achapfuurira kukomborera avo vari kutumwa zvino kuti vaunganidze mimwe mitezo yeboka guru riri kukura.
“Kuratidzira Mufaro waJehovha” wakanga uri musoro wakasimbiswa naDaniel Sydlik, ariwo mutezo weMutumbi Unodzora. Akaratidza kuti vabatiri vose vaMwari, kubatanidza vafundisi vatsva, vane ropafadzo yokudzidzisa vanhu nzira yeupenyu husingaperi uye nzira yokuwana nayo zvakanakisisa muupenyu zvino. “Kudzidzisa,” vakadaro Hama Sydlik, “ibasa rokuzvitusa. Kunoratidzirwa muzviso zvavanhu vanodzidzisa uye muzviso zvavanhu vanodzidza.” (Pisarema 16:8-11) Vakanokora mashoko mumwe mufundisi muEstonia uyo akati, “Tine shoko gurusa mupasi rose, uye ndisu tinoriratidza.” Chitarisiko chechiso chedu chingaparira vanhu vazhinji kuteerera. Vanhu vanoda kuziva chinoita kuti vabatiri vaJehovha vafare. “Naizvozvo ipa ngwariro kuchiso chako,” vakapa zano Hama Sydlik. “Vanhu vanofarira kuona vanhu vanofara.”
Ulysses Glass, uyo akagoverana mukupa murayiridzo kuvadzidzi veGilead kubvira pakirasi yechi12 muna 1949, akataura kuvateereri pamusoro penhau yaiti “Muchishivirira, Rindai Mweya Yenyu.” Kushivirira chii? Kunoratidzira mufungo wekumirira chimwe chinhu nokuterama, kuratidzira kuzvidzora pakudenhwa kana kuti pakudzvinyirirwa. Munhu anoshivirira anoramba akaterama; asingashivirire anoita chimbichimbi uye anoshatirwa. “Vazhinji vanofunga kuti kushivirira kunoratidzira utera kana kuti kusaziva kuita chisarudzo,” vakadaro Hama Glass, asi “kuna Jehovha kunoratidzira simba nedonzo.” (Zvirevo 16:32) Kushivirira kunopa tusoi? “Kushivirira munhambo yehasha kuchakudzivisira mazuva ane zana enhamo,” chinodaro chimwe chirevo chechiChinese. “Kushivirira kunonatsa unhu hwomunhu,” vakatsinhira kudaro Hama Glass. “Chaizvoizvo, kunobetsera kuchengeta mamwe mavara akaisvonaka ari mumugariro wakanaka zvechigarire. Kunoita kuti kutenda kuve kunoshuviwa, rugare rwugare nguva refu, uye rudo rwusazununguke.”
“Iropafadzo kugamuchira mugove unobva kuna Jehovha Mwari kupfurikidza nesangano rake,” akadaro Mark Noumair, uyo akabatira somufundisi muKenya kwemakore 11 uye zvino mumwe murayiridzi weGilead. Sezvavakakudziridza musoro waiti “Kutoti Muine Kutenda, Hamungatsungirire,” Hama Noumair vakadanira ngwariro kumuenzaniso waMambo Ahazi weJudha. Isaya akavimbisa mambo nezvetsigiro yaJehovha mumugove wake, asi Ahazi akangokundikana kuMuvimba. (Isaya 7:2-9) Hama Noumair ipapo vakaonesa kuti vafundisi—zvirokwazvo, tose zvedu—vanofanira kutenda Jehovha kuitira kuti vatsungirire mumigove yavo youbati ushe hwaMwari. Denho dzakati dzemugove weufundisi dzinoda kutenda kwakasimba. “Nguva dzose rangarira kuti hakuna mumiriro wezvinhu wakakwana mutsika ino yezvinhu,” vakadaro Hama Noumair.
Zvakaitika Zvinokurudzira Mubato Wokushingaira
Mukati mekosi yerovedzo yavo yeGilead, vadzidzi pakupera kwevhiki kumwe nokumwe vaipedzera nguva muushumiri hwapachena, uhwo huchavawo itiro hanya huru mumigove yavo youfundisi. Wallace Liverance, mumwe mutezo wavadzidzisi veGilead, akabvunzurudza vadzidzi 15, avo vakarondedzera zvakaitika zvavo. Leon Weaver weDare reBato Rebasa naLon Schilling weDare Rokushanda kweBheteri ipapo akabvunzurudza mitezo yedare rebazu inobva kuAfrica neLatin America, iyo yakarondedzera zvakaitika mumunda wavafundisi uye vakanga vaine zano rakaisvonaka revafundisi vaipedza kufunda. MuSierra Leone, kwakaoneswa kuti, inenge 90 muzana yeavo vakabhabhatidzwa mukati megore rebasa ra1995 vakanga vabatsirwa nevafundisi. Chinyorwa chakaisvonaka zvakadini chomubato wokushingaira!
Pakupedzisira, Milton Henschel, purezidhendi weSosaiti, akataura kuvateereri 2 734 pamusoro waiti “Sangano Rinooneka raJehovha Rakasiyana.” Chii chinoita kuti sangano raMwari rive risina chimwe chinhu charinoenzana nacho? Handi ukuru hwaro kana kuti simba raro asi idi rokuti rinotungamirirwa nemirayiro yaMwari yakarurama nezvisarudzo zvokutonga. Munguva dzakare vakanga vari vanhu vaJehovha, rudzi rwaIsraeri, vakaronzwa kutaura kwake kunoyera, uko kwakaita kuti rudzi irworwo rwuve rwakasiyana. (VaRoma 3:1, 2) Nhasi, sangano raJehovha rakabatana sezvarinoshanda munhungamiro yaJesu Kristu. (Mateo 28:19, 20) Riri kubudirira, riri kukura. Kune rimwe sangano pasi pano rine Mutumbi Unodzora unonzvera Shoko raMwari, Bhaibheri, usati waita zvisarudzo zvinokosha here? Muna idzodzi nedzimwe nzira, sangano rinooneka raJehovha rakasiyana zvirokwazvo.
Purogiramu yacho inofadza yakaguma nekupihwa kwemagwaro nekuraviwa kwetsamba yakabva mukirasi yacho ichitaura kuonga rovedzo chaiyo.
[Bhokisi riri papeji 22]
Mashoko Ekirasi
Nhamba yenyika dzinomiririrwa: 9
Nhamba yenyika dzakagoverwa: 12
Nhamba yevadzidzi: 48
Avhareji yezera: 31.7
Avhareji yamakore muchokwadi: 13.8
Avhareji yamakore muushumiri hwenguva yakazara: 9.8
[Mufananidzo uri papeji 23]
Kirasi Inopedza Kufunda yechi101 yeWatchtower Bible School of Gilead
Mundaza iri pasi apa, mitsetse inoiswa nhamba kuvambira mberi kudzokera shure, uye mazita akarongwa kuvambira kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe.
(1) Swint, H.; Zezenski, A.; Highfield, L.; Mercado, S.; Diehl, A.; Chavez, V.; Smith, J.; Selenius, S. (2) Kurtz, D.; Clark, C.; Leisborn, J.; Mortensen, W.; Bromiley, A.; Toikka, L.; Marten, A.; Smith, D. (3) Zezenski, D.; Bjerregaard, L.; Garafalo, B.; Kaldal, L.; Chavez, E.; Fröding, S.; Khan, R.; Selenius, R. (4) Swint, B.; Bjerregaard, M.; Garafalo, P.; Holmblad, L.; Keyzer, M.; Fröding, T.; Palfreyman, J.; Palfreyman, D. (5) Minguez, L.; Leisborn, M.; Mercado, M.; Kurtz, M.; Diehl, H.; Toikka, J.; Clark, S.; Khan, A. (6) Minguez, F.; Marten, B.; Highfield, L.; Holmblad, B.; Bromiley, K.; Kaldal, H.; Mortensen, P.; Keyzer, R.