Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Jesu akati: “Avo, vamunokanganwira zvivi zvavo, vazvikanganwirwa; avo, vamunobata zvivi zvavo, zvabatwa.” Aya mashoko anoreva here kuti vaKristu vanogona kukanganwira zvivi?
Hapana hwaro hwapaMagwaro hwokugumisa kuti vaKristu vose zvavo, kana kuti kunyange vakuru vakagadzwa muungano, vane chiremera choumwari chokukanganwira zvivi. Bva, icho Jesu akataura kuvadzidzi vake pana Johane 20:23, iyo yanokorwa mashoko pamusoro apa, chinoratidzira kuti Mwari akapa vaapostora masimba chaiwo muna ikoku. Uye kutaura kwaJesu ipapo kungava nechokuita nezvaakataura pana Mateo 18:18 pamusoro pezvisarudzo zvokudenga.
VaKristu vanogona kukanganwira zvikanganiso zvakati, maererano nezano romuapostora Pauro rakanyorwa pana VaEfeso 4:32: “Muitirane mwoyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.” Pauro pano akanga achitaura pamusoro pezvinetso zvomunhu oga pakati pavaKristu, zvakadai sokutaura kwokusangwarira. Ivo vanofanira kuvavarira kupedza idzi nhau, vachikanganwirana. Yeuka mashoko aJesu: “Naizvozvo kana iwe uchiuya nechipo chako paartari, ukarangarira ipapo kuti hama yako ine mhosva newe, usiye chipo chako ipapo pamberi peartari, uende, umbondoyanana nehama yako, ugozouya woisa chipo chako.”—Mateo 5:23, 24; 1 Petro 4:8.
Zvisinei, mashoko akapoteredza aJohane 20:23 anokarakadza kuti Jesu akanga achinongedzera kuzvivi zvakakomba zvikuru, sezvinoratidzirwa nezvimwezve izvo ipapo akataura kuvateereri vake vakananga. Ngationei kuti chikonzero nei.
Pazuva raakamutswa, Jesu akaoneka kuvadzidzi mukamuri rakakiyiwa muJerusarema. Nhoroondo yacho inoti: “Jesu akatizve kwavari: Rugare kwamuri. Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumaiwo. Zvino wakati areva izvozvo, akafemera kwavari, akati kwavari: Gamuchirai mweya mutsvene. Avo, vamunokanganwira zvivi zvavo, vazvikanganwirwa; avo, vamunobata zvivi zvavo, zvabatwa.”—Johane 20:21-23.
Sezvingabvira, vadzidzi vadudzwa vakanga vari zvikurukuru vaapostora vakatendeka. (Enzanisa Joh 20 nendima 24.) Kupfurikidza nokuvafemera uye kutaura kuti, “Gamuchirai mweya mutsvene,” Jesu nenzira yokufananidzira akavapa ziviso yokuti nokukurumidza mudzimu mutsvene waizodururirwa pavari. Jesu akapfuurira kutaura kuti vaizova nechiremera pamusoro pokukanganwira zvivi. Nenzira ine mufungo, kutaura kwake kuviri kunobatanidzwa, kumwe kuchitungamirira kunotevera.
Mazuva makumi mashanu kubva pakumutswa kwake, pazuva rePentekosta, Jesu akadurura mudzimu mutsvene. Ikoko kwakaitei? Kutanga, avo vakagamuchira mudzimu vakaberekwazve savanakomana vomudzimu vaMwari netariro yokuva vatongi pamwe naKristu mudenga. (Johane 3:3-5; VaRoma 8:15-17; 2 VaKorinte 1:22) Asi kudururwa ikoko kwomudzimu kwakaita zvakawanda. Vamwe vagamuchiri vakawana masimba anoshamisa. Nomutoo iwoyo vamwe vaigona kutaura nendimi dzokumwe dzavakanga vasingazivi. Vamwe vaigona kuporofita. Bva vamwe vaigona kurapa vanorwara kana kuti kumutsira vakafa kuupenyu.—1 VaKorinte 12:4-11.
Sezvo mashoko aJesu ari pana Johane 20:22 akanongedzera kuuku kudururwa kwomudzimu mutsvene pavadzidzi, mashoko ake akabatanidzwa pamusoro pokukanganwira zvivi anoratidzika kuva anoreva kuti vaapostora vakanga vagoverwa nenzira youmwari kupfurikidza nokushanda kwomudzimu chiremera chinoshamisa chokukanganwira kana kuti kuchengeta zvivi.—Ona Nharireyomurindi yechiNgezi yaMarch 1, 1949, peji 78.
Bhaibheri haritipi nhoroondo yakazara yenguva iri yose apo vaapostora vakashandisa chiremera chakadaro, asi iro harisati richinyorawo nhau iri yose apo ivo vakashandisa chipo chinoshamisa kutaura nendimi, kuporofita, kana kuti kurapa.—2 VaKorinte 12:12; VaGaratia 3:5; VaHebheru 2:4.
Chimwe chiitiko chakabatanidza chiremera chavaapostora chokukanganwira kana kuti kuchengeta zvivi chakabatanidza Ananiasi naSafira, avo vakarevera mudzimu nhema. Petro, uyo akanzwa Jesu achitaura zvatinorava pana Johane 20:22, 23, akafumura Ananiasi naSafira. Pakutanga Petro akataura kuna Ananiasi, uyo akafa pakarepo. Apo Safira gare gare akapinda ndokutsigira nhema, Petro akazivisa rutongeso rwake. Petro haana kukanganwira chivi chake asi akati: “Tarira, tsoka dzavakaviga murume wako, dzichiri pamukova, vachakutakurirawo kunze.” Iyewo akafa pakarepo.—Mabasa 5:1-11.
Mune ichi chiitiko muapostora Petro akashandisa chiremera chaicho kuratidza kuchengetwa chaiko kwechivi, zivo inoshamisa yokuti Mwari aisazokanganwira chivi chaAnaniasi naSafira. Vaapostora vanoratidzikawo kuva vakanga vane nzwisiso inopfuura yohunhu munhau umo vakanga vane chokwadi chokuti zvivi zvakanga zvakanganwirwa pahwaro hwechibayiro chaKristu. Naizvozvo vaapostora ivavo vakanga vane simba romudzimu vaigona kuzivisa kanganwiro kana kuti kuchengetwa kwezvivi.a
Ikoku hakusati kuri kutaura kuti vakuru vose vakazodzwa nomudzimu shure panguva iyeyo vakanga vane chiremera chinoshamisa chakadaro. Tinogona kuona ikoko mune izvo muapostora Pauro akataura pamusoro pomunhu akadzingwa muungano yeKorinte. Pauro haana kuti, ‘Ndinokanganwira zvivi zvomunhu uyo’ kana kuti kunyange kuti, ‘Ndinoziva kuti munhu wacho akanganwirwa mudenga, naizvozvo mugamuchirei.’ Panzvimbo pezvo, Pauro akakurudzira ungano yose kukanganwira uyu muKristu akadzorerwa ndokumuratidzira rudo. Pauro akawedzera, kuti: “Zvino iye wamunokanganwira, neni ndinomukanganwirawo.”—2 VaKorinte 2:5-11.
Murume wacho angodzorerwa bedzi muungano, hama dzose nehanzvadzi dzechiKristu dzaigona kukanganwira mupfungwa yokusarangarira zvaakanga aita. Kutanga, kunyange zvakadaro, iye aifanira kupfidza ndokudzorerwa. Ikoko kwaizoitika sei?
Pane zvivi zvakakomba izvo vakuru veungano vanofanira kutarisira, zvakadai sokuba, kureva nhema, kana kuti unzenza hwakakomba. Ivo vanoedza kururamisa uye kutsiura vaiti vezvakaipa vakadaro, vachivasundira kurupfidzo. Asi kana mumwe munhu nenzira yokusapfidza achiita chivi chakakomba, ava vakuru vanoshandisa nhungamiro youmwari yokudzinga muiti wechakaipa. (1 VaKorinte 5:1-5, 11-13) Izvo Jesu akataura pana Johane 20:23 hazvishandi muzviitiko zvakadaro. Ava vakuru havana zvipo zvomudzimu zvinoshamisa, zvakadai semano okurapa vanorwara mumuviri kana kuti kumutsa vakafa; zvipo izvozvo zvakabatira chinangwa chazvo muzana rokutanga remakore uye ipapo zvakaguma. (1 VaKorinte 13:8-10) Kupfuurirazve, vakuru nhasi havana chiremera choumwari chokukanganwira chakaipa chakakomba mupfungwa yokutaura kuti muiti wechivi chakakomba akachena mumeso aJehovha. Urwu rudzi rwekanganwiro rwunofanira kuva pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro, uye ndiJehovha bedzi anogona kukanganwira pahwaro ihwohwo.—Pisarema 32:5; Mateo 6:9, 12; 1 Johane 1:9.
Somuchiitiko chomurume womuKorinte yakare, apo mutadzi akakomba anoramba kupfidza, iye anofanirawo kudzingwa. Kana iye gare gare akapfidza ndokuita mabasa anofanirwa norupfidzo, kanganwiro youmwari inobvira. (Mabasa 26:20) Mumamiriro ezvinhu akadaro, Magwaro anopa vakuru chikonzero chokudavira kuti Jehovha zvirokwazvo akakanganwira muiti wechakaipa. Ipapo, kana munhu wacho angodzorerwa, vakuru vanogona kumubetsera mumudzimu kuti ave akasimba mukutenda. Vamwe muungano vanogona kukanganwira munzira imwe cheteyo iyo vaKristu vomuKorinte vakakanganwira nayo murume akadzingwa uyo akadzorerwa shure panguva iyeyo.
Mukutarisira nhau neiyi nzira, vakuru havaiti mipimo yavo vamene yorutongeso. Ivo vanoshandisa nheyo dzeBhaibheri uye vanosanotevera miitiro yepaMagwaro iyo Jehovha akaonesa. Nokudaro, kukanganwira kana kuti kusakanganwira kupi kana kupi kwavakuru kwaizova mupfungwa yamashoko aJesu ari pana Mateo 18:18: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvose zvamunosunga panyika, zvichasungwa kudenga; nezvose zvamunosunungura panyika, zvichasunungurwa kudenga.” Zviito zvavo zvaizoratidzira murangariro waJehovha wenhau dzakati sezvinoratidzirwa muBhaibheri.
Somugumisiro, icho Jesu akataura, sezvakanyorwa pana Johane 20:23, hachipesani namamwe Magwaro ose, asi chinoratidzira kuti vaapostora vakanga vane chiremera chaicho pamusoro pekanganwiro, maererano nebasa ravo chairo pakuvamba kweungano yechiKristu.
[Mashoko Omuzasi]
a Kunyange Jesu asati afa ndokugovera rudzikinuro, iye akanga ane chiremera chokutaura kuti zvivi zvomumwe munhu zvakanga zvakanganwirwa.—Mateo 9:2-6; enzanisa ne“Mibvunzo Inobva Kuvaravi” iri muNharireyomurindi yaJune 1, 1995.