Unoyeuka Here?
Wakawana zvinyorwa zvazvino zveNharireyomurindi kuva zvoukoshi hunoshanda kwauri here? Ipapo kuregererei kuedza yeuko yako nemibvunzo inotevera:
◻ Chidzidzoi chatinogona kudzidza mukuwa kwavaAmoni? (Zefania 2:9, 10)
Jehovha haarerutsi kutsiva mutsa wake noutsinye, uye munguva yake yakafanira, iye achaita chiito zvakare, kungofanana nezvaakaita munguva dzakare. (Enzanisa nePisarema 2:6-12.)—12/15, peji 10.
◻ Munzirai mbiri huru umo vaKristu vane rugare?
Yokutanga, ivo vane “rugare kuna Mwari naShe [wavo], Jesu Kristu.” (VaRoma 5:1) Yechipiri, ivo vane rugare pakati pavo vamene kupfurikidza nokusakurira “kuchenjera, kunobva kumusoro,” uko “kwakachena, uye kune rugare.” (Jakobho 3:17)—1/1, peji 11.
◻ Ndezvipi zvimwe zvinhu izvo Shoko raMwari rinofananidzwa nazvo, uye ikoku kunotibetsera sei?
Shoko raMwari rinofananidzwa nomukaka unovaka muviri, zvokudya zvikukutu, mvura inozorodza neinochenesa, chionioni, uye munondo unopinza. Kunzwisisa izvo mashoko aya anoreva kunobetsera mushumiri kushandisa Bhaibheri nenzira younyanzvi.—1/1, peji 29.
◻ Dzidzo yokunyika yakadzikama inofanira kutibetsera kuitei?
Kurava zvakanaka, kunyora zvakajeka, kukura mundangariro nomutsika, uye kuwana rovedzo inoshanda inodikanwa nokuda kwokurarama kwezuva nezuva uye basa rinoyera rinobudirira.—2/1, peji 10.
◻ Chidzidzoi chinokosha pamusoro pedzidzo chatinogona kudzidza kuna Jesu?
Dzidzo inofanira kushandiswa, kwete kuzvirumbidza timene, asi kuunza rumbidzo kuMudzidzisi mukurusa, Jehovha Mwari. (Johane 7:18)—2/1, peji 10.
◻ Umambo hwaMwari chii?
Umambo ihurumende yokudenga yakagadzwa nenzira youmwari iyo inoparira kuda kwaMwari kuti kubvise tapuro dzechivi norufu uye kuti idzorere mamiriro ezvinhu akarurama pasi pano. (Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 11:15; 12:10)—2/1, peji 16.
◻ Bhaibheri rinogovera sei dzidzo inodikanwa yokugumisa masimba masimba zvechigarire?
Kupfurikidza neShoko rake, Bhaibheri, Jehovha anodzidzisa vanhu kuva vanoda rugare uye vakarurama. (Isaya 48:17, 18) Shoko raMwari rine simba rokusvika ndokuorora mwoyo womunhu, richichinja kufunga kwake nomufambiro. (VaHebheru 4:12)—2/15, peji 6.
◻ Uporofita hwaIsaya ganhuro 35 hunogona kunzi hune zadziko nhatu munzirai?
Uporofita hwaIsaya hwakava nokuzadzika kwokutanga apo vaJudha vakadzoka vachibva muutapwa hweBhabhironi muna 537 B.C.E. Hune zadziko inopfuurira yomudzimu nhasi kubvira pakusunungurwa kwaIsraeri womudzimu achibva muusungwa kuBhabhironi Guru. Uye huchava nokuzadzika kwechitatu maererano nevimbiso yeBhaibheri yemamiriro ezvinhu eparadhiso chaiyoiyo pasi pano. (Pisarema 37:10, 11; Zvakazarurwa 21:4, 5)—2/15, peji 17.
◻ Fariro yaMwari yomunhu oga muvanhu yakaratidzirwa sei muzvishamiso zvakaitwa nomwanakomana wake, Jesu?
Sezvo Jesu asinga“goni kuita chinhu oga, kana asingaoni baba vachichiita,” tsitsi dzake dzinoratidzira kuitira hanya kwaJehovha mumwe nomumwe wavabatiri vake. (Johane 5:19)—3/1, peji 5.
◻ Chii chinorehwa nokutaura kwaJesu kwokuti “hwiro hweyeuko” kunoshandiswa pana Johane 5:28, 29, NW?
Shoko rechiGiriki rokuti mne-mei’on (hwiro hweyeuko) rinoshandiswa pano rinokarakadza kuti Jehovha anoyeuka chinyorwa chomunhu akafa, kubatanidza mavara ake akagarwa nhaka uye yeuko yakakwana. Ikoku kunopa chibvumikiso chakasimba chokuti Mwari anoitira hanya vanhu pahwaro hwomunhu oga!—3/1, peji 6.
◻ Ishokoi rinonyevera riri muuporofita hwaZefania riri rebetsero inoshanda kwatiri?
Nhasi haisi nguva yokubvumira panikiro kusimba mumwoyo yedu uye kusundira mberi mundangariro dzedu kuuya kwezuva raJehovha. Uyewo, tinofanira kungwarira tapuro dzinonetesa dzokusakendenga. (Zefania 1:12, 13; 3:8)—3/1, peji 17.
◻ Neiko kuvimbika kuna Mwari kuchipa denho?
Nemhaka yokuti kuvimbika kunobonderana nezvimiro zvendangariro zvoudyire zvatakagara nhaka kuvabereki vedu. (Genesi 8:21; VaRoma 7:19) Zvinokosha zvikuru, Satani nemadhimoni ake vakatsunga kutiita kuti tive vasina kuvimbika kuna Mwari. (VaEfeso 6:12; 1 Petro 5:8)—3/15, peji 10.
◻ Munharaundai ina matinofanira kukunda denho yokuvimbika, uye chii chichatibetsera kuita kudaro?
Nharaunda ina ndiko kuvimbika kuna Jehovha, kusangano rake, kuungano, uye kuvakwanyina vedu veroorano. Imwe yamuro mukukunda idzi denho ndeyokunzwisisa kuti denho yokuvimbika yakabatanidzwa nokurevererwa kwouchangamire hwaJehovha.—3/15, peji 20.
◻ Chidzidzoi chatinogona kudzidza muchiitiko chaDhavhidhi chokuedza kudzosa areka yesungano kuJerusarema? (2 Samueri 6:2-7)
Dhavhidhi akafuratira mirayiridzo iyo Jehovha akanga apa nezvokutakurwa kweAreka, uye ikoku kwakaunza nhamo. Chidzidzo chacho ndechokuti hatitongofaniri kupomera Jehovha nokuda kwezvinetso zvinouya nemhaka yokuti tinofuratira mirayiridzo yake yakajeka. (Zvirevo 19:3)—4/1, mapeji 28, 29.