Kukura Nechikomborero chaJehovha
PUROGIRAMU yetsauriro pamanheru aSeptember 18, 1995, yakasimbisa kuti Jehovha Mwari akakomborera zvirokwazvo kukura kweZvapupu zvake panzvimbo yedzimbahwe razvo renyika muBrooklyn, New York.
Vanopfuura 6 000 vakateerera purogiramu yetsauriro. Ivo vakaungana muBrooklyn, umo purogiramu yakavamba, pamwe chete nokune dzimwe nzvimbo, kubatanidza zvivako zvikuru zveZvapupu zvaJehovha pedyo nePatterson uye Wallkill, New York, uye pabazu razvo pedyo neToronto, Canada. Avo vaiva panzvimbo dzakanga dzisiri Brooklyn vakanzwa zviitiko zvacho murunhare.
Purogiramu Inofadza
Vashandi vapaBheteri, seizvo vashandi vanozvipira vanodanwa, vachiteerera purogiramu yacho vakaumba rutivi rukuru rwemhuri yeBheteri yenyika yose yemitezo inopfuura 16 400. Mitezo yakadaro inobatira munyika dzinenge zana, umo vanodhinda mabhuku eBhaibheri uye vanogovera basa rinotsigira ungano dzinopfuura 78 600 dzeZvapupu zvaJehovha munyika.
Kariro yakanga iri huru apo purogiramu yetsauriro yakavamba pa6:30 p.m. norwiyo, rwuchiteverwa nomunyengetero wakapiwa naKarl Klein. Sachigaro wepurogiramu, Lloyd Barry, nenzira youshamwari akachingamidza vose netsinhiro pfupi parevo yenhambo yacho. Albert Schroeder akahwirudzura chidzidzo chevhiki yacho cheNharireyomurindi, uye ipapo Daniel Sydlik akataura pamusoro unoti “Basa Redu Rinoyera paBheteri.” Ava vokutanga papurogiramu vakanga vari vose mitezo yoMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha.
Mativi maviri akatevera epurogiramu—“Kugonana Nezvinodikanwa Zvedu Zvinokura Zvepokugara, 1974-1995,” uye “Mapfundo Makuru Okugadziridzwa kweBheteri uye Kuvaka muBrooklyn”—akasimbisa mapfundo makuru okuvaka kana kuti kuwanwa kwezvivako zvakatsaurirwa. Tsinhiro dzacho dzakanangidzira ngwariro pachivako chokugara chichangobva kupedzwa umo vashandi vapaBheteri vanenge chiuru zvino vanogara. Uyu musha wakareba mamita 115 uri pa90 Sands Street uri pedyo nechivako chefekitari yokudhinda.
Purogiramu yacho yakasimbisa hurukuro yetsauriro yakapiwa naMilton Henschel, purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society. Iye akasimbisa mienzaniso yeBhaibheri yokutsaurira zvivako kuti zvigoshandiswa mubasa raJehovha. Pashure porwiyo zviitiko zvacho zvakagumiswa nomunyengetero naCarey Barber, uyo ariwo mutezo woMutumbi Unodzora. Asi ndeapi akanga ari mamwe emapfundo makuru epurogiramu yacho?
Zvivako Zvakatsaurirwa
Mutariri Womusha weBheteri, George Couch, akatsanangura kuti nzvimbo dzokugara 17 dzakawedzerwa kubvira patsauriro yokupedzisira yenzvimbo yokugara yeBheteri muBrooklyn pana May 2, 1969.a Iyi yakanga iri misha yakanga ichangobva kuvakwa kana kuti zvimwe zvivako zvakatengwa ndokugadziridzwa. Iyi tsauriro chaizvoizvo yakanga iri yeidzi nzvimbo dzokugara 17, yezvivako zviduku zviviri—zvakatengwa muma 1940 asi zvakagadziridzwa senzvimbo dzokugara dzeBheteri—pamwe chete nenzvimbo dzefekitari namahofisi idzo dzakanga dzavakwa kana kuti kutengwa kubvira pakutsaurirwa kwehofisi dzedzimbahwe reZvapupu zvaJehovha pana March 15, 1982.b
Chikurusa chezvivako zvakatsaurirwa ndeicho chiri pa360 Furman Street. Chakavakwa pakuvamba muna 1928, icho chakatengwa neZvapupu zvaJehovha pana March 15, 1983, uye chakagadziridzwa zvizere. Icho chine masikweya 93 000 emamita enzvimbo youriri, kana kuti mahekita 9. Zvimwe zvivako zvakabatanidzwa mukutsaurirwa zvakanga zviri fekitari iri pa175 Pearl Street uye magaraji makuru akavakwa mumakore mashoma apfuura.
Chikonzero Nei Pokugara Pakawanda Paidikanwa
Muna 1969, apo chivako chokugara cheBheteri cheBrooklyn chokupedzisira chakatsaurirwa, pakanga pane chiverengero chapamusoro cheZvapupu 1 336 112 izvo zvaiparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika yose. Asi muna 1995 pakanga pane 5 199 895 vaiita kudaro, vakawanda nekanopfuura katatu nehafu! Nokudaro, kuti ifambirane nokudiwa kuri kuwedzera kwemabhuku eBhaibheri, mhuri yeBheteri yokuBrooklyn yakawedzera kubva pamitezo yenguva dzose 1 042 muna 1969 kusvikira kuinopfuura 3 360, iyo zvino inogara munzvimbo 22!
George Couch akakurukura nzira iyo kudikanwa kwepokugara kwokuwedzera kwakawanwa kubva muna 1974 kusvika muna 1995. Mukutanga kwama1970, nhurikidzwa dzinoverengeka dziri muTowers Hotel iri pedyo dzakarendwa neZvapupu zvaJehovha kuti dzigarwe nemhuri yeBheteri yaikura. Muna December 1973, Nathan Knorr, panguva iyoyo purezidhendi weWatch Tower Society, akanyorera dzose dziri mbiri Hofisi yeBheteri uye vatarisiri veTowers, achitaura kuti Sosaiti yakanga ichironga ku‘buda muTowers Hotel pana October 1, 1974.’
Hama Couch vakataura kuti vakashamiswa nemhaka yokuti kwakanga kusina nzvimbo yokuisa vashandi vapaBheteri vaigara muTowers. Vatarisiri veTowers vakashamiswawo, sezvo vakanga vachitsamira pamari yerendi yeSosaiti kuti vapfuurire. Mugumisiro wacho wakanga uri wokuti vatarisiri veTowers vakakurudzira Zvapupu zvaJehovha kutenga hotera yacho. “Mave muchiwedzera kubvira apo tave tiri munharaunda ino,” ivo vakadaro, “uye munoda chivako chacho.”
“Icho chakazara nevanhu,” yakanga iri mhinduro yomumwe wavamiriri veSosaiti. “Kana tikachitenga, tingada kuisa vanhu vedu timene imomo.”
“Tichakubvisirai vanhu muchivako chacho,” vakavimbisa kudaro vatarisiri veTowers. Eya, nokukurumidza pashure pacho Zvapupu zvaJehovha zvakatenga chivako cheTowers nemutengo wakafanira. “Nei Hama Knorr vakanyora tsamba iyoyo?” Couch akabvunza vateereri vake vaifadzwa. “Zvimwe akanga asingazvizivi iye amene, asi ndicho chinhu chakatengesa Towers Hotel kuWatch Tower Society.”
Mukurukuri akarondedzerawo nzira iyo Zvapupu zvaJehovha zvakatenga nayo 97 Columbia Heights, yaichimbova nzvimbo yeMargaret Hotel yakakurumbira, pamhiri pomugwagwa wowaichimbova Musha weBheteri. Nzvimbo yacho yakaisvonaka, sezvo yaigona kubatanidzwa nyore nyore nechivako cheBheteri nomukoto uri pasi pomugwagwa. Muna February 1980, apo chivako chacho chakanga chichigadziridzwa, chakatsva. Ipapo, nemhaka yokuti muridzi akava nechinetso chokuvakazve chivako chitsva panzvimbo yacho, iye akatengesa nzvimbo yacho kuZvapupu zvaJehovha.
Hama Couch vakatsinhira, kuti: “Chinenge chiri chose cheizvi zvivako chine nhau inofadza iyo inganongedzera kuchinhu chimwe—kuti Jehovha Mwari ndiye akatungamirira sangano rake rinooneka kuti riwane chivako ichocho chaicho.”
Nhauro Iri Seri kwe90 Sands
Nzvimbo yokugara itsva zvikurusa uye hurusa i90 Sands Street. Apo nzvimbo yacho yakatengwa neZvapupu zvaJehovha muna December 1986, yaiva nefekitari huru pa160 Jay Street.c Fekitari yacho yakaputswa, uye pana August 30, 1990, mhuri yeBheteri yakaudzwa kuti mvumo yakanga yapiwa yokuvaka nzvimbo yokugara ine nhurikidzwa 30 panzvimbo yacho.
Mubvunzurudzo yakaitiswa nomutezo woMutumbi Unodzora Theodore Jaracz, mutariri wefekitari yeBrooklyn yeSosaiti, Max Larson, akarondedzera nzira iyo mvumo yakapiwa nayo yokuvaka nzvimbo yokugara pa90 Sands Street. Chakaitika shure muna 1965, Hama Larson vakatsanangura, chakanga chakakosha.
Shure ikoko Sosaiti yakanga ichida kuvaka fekitari ine nhurikidzwa gumi panzvimbo yaiva pedyo nedzimwe fekitari dzayo, asi mitemo yokuvaka yenzvimbo yacho yakabvumira kuvaka nhurikidzwa mbiri bedzi. Munyori wemapurani akabvuma kugadzira mapurani okuvaka efekitari yakanga ichangobva kukarakadzwa, asi iye akati: “Handisati ndichizozvinyadzisa ndimene kupfurikidza nokuapa kuboka ravakuru vakuru.” Iye akapwiswa kuti Board of Standards and Appeals yaisazotongochinja mitemo yayo yokuvaka yenzvimbo yacho. Apo mapurani echivako akatenderwa, iye akati: “Makamboawana sei!”
Chikonzero chacho, Larson akapfuurira, chakanga chiri chokuti apo nzvimbo yacho yakachinjwa mitemo yokuvaka nokuda kwefekitari yedu ine nhurikidzwa gumi, nzvimbo dziri pedyo dzakachinjwawo mitemo yokuvaka, kubatanidza iyo ine chivako che160 Jay Street. Uye, nenzira inoshamisa, kuchinja mitemo yokuvaka kwakabvumira hotera. Asi, Larson akatsinhira, chakanga chiri chimwe chinhu icho pasina munhu akambocherekedza—kusvikira anenge makore 25 gare gare, pashure pokunge tavamba kutsvaka nzvimbo yokuvaka musha mutsva weBheteri. Ipapo mutemo wokuvaka wakawanwazve!
Hama Larson vakatsanangura chakaitika: “Apo takagadzirira mapurani echivako chedu chokugara chine nhurikidzwa 30 ndokuaendesa kubato rokuvaka, takaudzwa, kuti: ‘Hamugoni kuva nechivako chokugara ipapo. Nzvimbo yose ndeyokugadzira zvinhu, uye havasati vachizochinja mitemo yokuvaka nokuda kwenyu.’
“‘Havasati vachifanira kuichinja,’ takaudza vakuru vakuru kudaro. ‘Inotobvumirwa hotera.’ Apo vakanzvera zvinyorwa, ivo vaisatongogona kuzvidavira! Eya, ndiwo mawanire atakaita chivako chedu chine nhurikidzwa 30,” akagumisa kudaro Larson.
Chikomborero chaJehovha Chinooneka
Wezvamapisarema weBhaibheri akanyora, kuti: “Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanobata pasina.” (Pisarema 127:1) Nenzira yakajeka, chikomborero chaJehovha chave chiri pamubato wokuvaka weZvapupu zvaJehovha kuyamura basa renyika yose rokuparidza nokudzidzisa iro Jesu akarayira vateveri vake kuita.—Mateo 24:14; 28:19, 20.
Avo vakaropafadzwa kunzwa purogiramu yacho pana September 18, 1995, vakafadzwa noufakazi hwechikomborero chakadaro pakukura kuri padzimbahwe renyika revabatiri vaJehovha. Vanhu vaJehovha vanogona kuva nechivimbo chechikomborero chake chinopfuuridzirwa sezvo vanoramba vachiita zvaanorayira.
[Mashoko Omuzasi]
a Nharireyomurindi yechiNgezi yaJune 15, 1969, mapeji 379-82.
b Nharireyomurindi yechiNgezi yaDecember 1, 1982, mapeji 23-31.
c Mukai! yaDecember 22, 1987, mapeji 16-18.
[Mufananidzo uri papeji 23]
90 Sands St. • 1995
[Mifananidzo iri papeji 24, 25]
Dzimwe dzenzvimbo dzokugara dzokuwedzera idzo dzakatsaurirwa
97 Columbia Hts. • 1986
Bossert Hotel, 98 Montague St. • 1983
34 Orange St. • 1945
Standish Hotel, 169 Columbia Hts. • 1981
67 Livingston St. • 1989
108 Joralemon St. • 1988
Towers Hotel, 79-99 Willow St. • 1975
[Mifananidzo iri papeji 26]
175 Pearl St. • 1983
69 Adams St. • 1991
360 Furman St. • 1983