Vanotsigirwa Neshamwari Yavo Hurusa
USHAMWARI humwe hunotsigira Zvapupu zvaJehovha zvikurukuru. Ndihwo ukama hwazvo hunokosha neShamwari yazvo hurusa, Jehovha Mwari. (Enzanisa naJakobho 2:23.) Anozvitsigira mukati memiedzo yazvo mikuru yokutenda.
Chinyorwa cheZvapupu cheperero muhurumende dzoudzvinyiriri chakarumbidzwa navacherekedzi vakawanda. Mumwe wavo ndiJiří Krupička, ane madhigirii ouzivi nesayenzi dzomusikirwo uyo akatama kubva muCzechoslovakia muna 1968 pashure pokupedza makore akawanda mumisasa yechibharo yechiKomonisiti. Mubhuku rake rinonzi Renesance rozumu (Nhambo Yechinjo Youngwaru), anotsinhira pamusoro pokutambura nokutsiga kweZvapupu zvakaiswa mutorongo nokuda kwokusatora rutivi kwazvo.
Muhurumende yechiKomonisiti, Zvapupu zvakawanda zvakatongerwa kuva mutorongo nemhaka yokutenda kwazvo. Kunyange zvazvo zvakaiswa mutorongo, zvakaramba kuchera uranium mumugodhi nokuda kwezvinangwa zvehondo. (Isaya 2:4) Krupička anorondedzera chiono chaakaona pamumwe weiyi migodhi muna 1952. Akaona vanhu vaviri vakamira sezvidhori zvakafukidzwa nechando mumamirire ekunze akashata emwaka wechando. Madhiramu esimbi akafukidza misoro yavo nokumusoro kwemiviri.
Krupička anonyora, kuti: “Vakanga vakamira ipapo vakapfeka mamvemve omutorongo kubvira mangwanani-ngwanani. Vaigona sei kukwanisa kumira kwenguva yakareba kwazvo nemakumbo akaoma nechando. Kupfurikidza nesimba rokutenda. Madhiramu acho akanga ava ekare uye ane ngura. Munhu ane utsinye akaarovera mumisoro yavo nemapfudzi nesimba kwazvo zvokuti gango rinocheka rakacheka nomubhachi ndokupinda muganda romumwe wavarume vacho, uye ropa rakanga richibuda nomuruoko rwebhachi rake.
“Murindiri akamisa mutsetse wedu wevarwi pamberi pavo, uye mutungamiriri akataura kwatiri kwechinguvana. Kuramba kushanda, iye akadaro, kupandukira uye kunorangwa nenzira inowirirana. Hapana kutaura kusina mufungo kwokudzorwa nemirangariro pamusoro pehondo nokuuraya kuchabetsera ava vanoramba, ava vavengi vegutsaruzhinji.”
Mutungamiriri wacho akatora zisimbi ndokurova rimwe remadhiramu. Munhu aivamo akadonha dhiramu richakafukidza musoro wake. Zvakatevera kuitika zvakarovererwa zvikuru muyeuko yaKrupička.
Iye akati: “Kwakanga kune kuimba kwaibva mukati memadhiramu. Kunzwika kwakapfava, munyengetero wechizevezeve kuna Mwari, uyo anogona kunzwa chinhu chipi nechipi chiri kwose kwose—kunyange kuedza kuimba kunobva mukati memadhiramu euranium aiva ekare, ane ngura. Anokunzwa kuchinzwika zvikuru kupfuura rwiyo runoimbwa mucathedral huru.”
Pana September 1, 1993, basa reZvapupu zvaJehovha muCzech Republic rakawana zivikanwo yapamutemo yehurumende. Zvapupu zvokuCzech zvino zvinofara kupfuuridzira basa razvo redzidzo rechiKristu murusununguko. Hungu, zvinofara kuudza vamwe pamusoro paJehovha, Shamwari yazvo hurusa.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Vakokorodzani muCzech Republic