Nhimbe Inobudirira yeMashoko Oumambo
“NEMHAKA Yei Upenyu Hwakazadzwa Kwazvo Nezvinetso?—Paradhiso isina nhamo inobvira here?” Uyu ndiwo wakanga uri musoro weMashoko oUmambo Nha. 34, turakiti ramapeji mana rakaparadzirwa munyika yose mumitauro 139 mukati maApril naMay gore rapera. “Rimwe ramapfundo makuru egore” ndiyo iyo Zvapupu muJamaica zvakarondedzera nayo iyi nhimbe yebasa. “Manyuko makuru omufaro nokuda kwehama,” Zvapupu muBelgium zvakaidana kudaro. MuCzech Republic, iyi yakanga iri nguva yokutanga iyo Zvapupu zvaJehovha zvakava nomukana wokugoverana mukuparadzirwa kweMashoko oUmambo. Bazu racho rinoshuma, kuti: “Nhimbe yacho yakaunza mudzimu wokushingaira nembavarira.” Mifungo yakafanana yakanzwiwa ichibva kudzimwe nyika dzakawanda.
Mashoko oUmambo Nha. 34 rakanga rine shoko chairo nokuda kweavo vanogomera nokuchema nemhaka yezvinonyangadza zvinoitwa muzita rorudzidziso. (Ezekieri 9:4) Rakanga rine nyaradzo nokuda kweavo vane upenyu hunotambudzwa nemhaka ye“nguva dzokutambudzika” dzavasingagoni kudzora. (2 Timotio 3:1) Richinongedzera kuBhaibheri, turakiti racho rakaratidza kuti zvinetso zvoupenyu zvichapedzwa nokukurumidza zvikuru. Paradhiso isina nhamo ndeyechokwadi. (Ruka 23:43) Vazhinji vakarava Mashoko oUmambo vakanyengetedzwa neshoko raro. Mumwe murume muTogo akati kuChapupu: “Zvawataura hazvirambiki.”
Nenzira isingarambiki, kuparadzirwa kweaya Mashoko oUmambo kwakakwezva ngwariro yechienzi. MuDenmark mumwe saimba akapindura Chapupu chaigovera turakiti, kuti: “Ndichangobva kudzoka kubva kuUnited States. Ndisati ndabva ikoko, mumwe munhu andigovera turakiti rako. Zvino ndichangosvika kuno, uye kamwe kamwe turakiti rimwe chetero riri kugoverwa muchiDanish!”
Tsigiro Yembavarira Nokuda Kwenhimbe
Zvapupu zvaJehovha kupote nyika yose zvakakumbanira nembavarira mubasa rokuparadzira turakiti racho. Austria, El Salvador, Haiti, Hungary, Italy, New Caledonia, dzakanga dzichingova chete dzimwe dzenyika zhinji dzaishuma zviverengero zvapamusoro zvavaparidzi mukati memwedzi apo Mashoko oUmambo rakanga richiparadzirwa.
MuZambia mutariri wedunhu akanga arovedza mwanasikana wake ane makore matatu okukura, Deborah, kugovera mabhuku paimba neimba. Mukati menhimbe yeMashoko oUmambo Nha. 34, Deborah akagovera anopfuura makopi 45 eturakiti racho. Mai vake vakatanga fundo dzeBhaibheri nevamwe vakanga vagamuchira Mashoko oUmambo kuna Deborah.
MuSouth Africa mumwe wechiduku akagovera turakiti kune wepachikoro biyake anonzi Cashia. Cashia akarava turakiti ndokuti: “Kunoshamisa zvikuru kwazvo—kurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi! Nemhaka yei ndisina kumboudzwa pamusoro payo kare?” Fundo yeBhaibheri yakatangwa. Mukati mevhiki rimwe Cashia akagamuchira rimwe turakiti. Rechipiri rakabva kune shamwari yake yokunyorerana tsamba yeRoma Katurike, iyo inogara muCyprus. Shamwari yokunyorerana tsamba yacho yakatsanangurira Cashia chikonzero nei dzidziso dzeChechi yeRoma Katurike dzakanga dziri dzenhema ndokumuudza kuti airangarira kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Chokwadika, ikoko kwakasimbisa zvikuru kutsunga kwaCashia kupfuuridzira kufunda kwake.
Mukomana ane makore gumi okukura muSwitzerland akagoverana namai vake mukuparadzira turakiti racho. Akagamuchidza kopi imwe kune mukadzi muduku ndokumukurudzira kuirava nokungwarira. Mukadzi wacho akabvunza mukomana muduku kana aidavira chaizvoizvo icho mufanikiso uri pabutiro raro wairatidzira—upenyu husingagumi pasi pano. Mhinduro yomukomana? “Haiwa, hongu, ndine chokwadi zvikuru.” Mukadzi wacho ipapo akazivisa kuti akanga achitsvaga kutenda kwechokwadi nemhaka yokuti maiva nepokanidzano dzakawanda zvikuru murudzidziso rwake amene. Pashanyo yedzokororo, fundo yeBhaibheri yakatangwa.
Zviito Zvekamwe Kamwe
Pane dzimwe nguva Mashoko oUmambo akaparira kuita kwakamwe kamwe kuavo vakaarava. Mushure mokurava turakiti racho, musikana ane makore 11 okukura muBelgium akabvuma kune mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti akanga achiba muchitoro. Mai vemusikana wacho vaida kuramba vakanyarara pamusoro penhau yacho, asi hana yemusikana muduku yakasundwa nezvaakanga arava, uye akaomerera pakuenda kundoona manija wepazvitoro zvacho. Mai vacho pakupedzisira vakabvuma kurega mwanasikana wacho achidzoka kunzvimbo yezvitoro neChapupu. Maneja wacho akashamiswa zvikuru nokubvuma kwake. Apo akaziva kuti rakanga riri Mashoko oUmambo rakamusunda kuita nenzira iyi, akazvitorera kopi amene kuti aone zvayaiva nazvo zvakanga zvine simba rakadaro. Musikana wacho zvino ari kuva nefundo yeBhaibheri inofambira mberi.
Chimwe chapupu muCameroon chakasiya kopi yeMashoko oUmambo iine mumwe murume uye chinorondedzera, kuti: “Apo takadzokera, takawana kuti akanga atoritara uye akanga ane mibvunzo inoverengeka. Mushure mokugamuchira mhinduro dzinogutsa, akazivisa, kuti: ‘Ndokwechokwadi chaizvoizvo kuti rudzidziso rwakaparira kusafara kworudzi rwomunhu. Turakiti renyu rakandibetsera kunzwisisa zvakawanda, asi ndinoda kuziva zvakawanda.’” Ava zvino nefundo yeBhaibheri yenguva dzose.
Chimwe Chapupu chichishanya paimba neimba muUruguay chakagovera turakiti mumwe murume. Chapupu chakapfuudzira basa racho rokuparidza paimba neimba uye chakashanda mubhuroko racho kusvikira chasvikazve kusuo reseri romusha womurume wacho. Chakashamiswa kuwana murume wacho akachimirira, turakiti racho riri muruoko. Akanga atorirava uye aida mashoko mazhinji. Fundo yakatangwa pakare pakarepo.
Vanhu Vanobetsera Mukuparadzira
MuJapan Chapupu chiduku chakasvika mumwe murume ava namakore 50 uye akasuma turakiti racho kwaari. Murume wacho akabvunza, kuti: “Munoita sei nepamufureti iyoyo apo munosangana navanhu vasingaoni?” Chapupu chacho chakabvuma kuti chaisaziva. Murume wacho akamuudza kumira kwechinguvana ndokudzokera mumba make. Akadzoka nekopi yaMashoko oUmambo ndokuti: “Ndakatogamuchira pamufureti iyoyo. Ndakafunga kuti yaiva nemashoko anofadza zvikuru neanokosha, naizvozvo ndakatoinyorera muBraille. Ndapota shandisai iyoyi nokuda kwevanhu vari mapofu.” Murume wacho anga apedza maawa mazhinji achinyora Mashoko oUmambo muBraille kuitira kuti mapofu arege kurasikirwa nezvaraiva nazvo.
MuSlovakia mumwe murume akada turakiti racho zvikuru kwazvo zvokuti akaita kuti makopi 20 aitwe, uye iye amene akaparadzira makopi iwawo akafotokopwa. Mumwe muparidzi muSwitzerland akasiya Mashoko oUmambo riine imwe mhuri ndokupfuurira kushanda uriri hwapamusoro hwechivako umo mhuri yacho yaigara. Pakudzika kwake zvakare, akasangana nemukomana muduku aibva mumhuri yacho, uyo akamukumbira mamwe makopi 19 eturakiti racho. Kuchikoro chomukomana wacho, vadzidzi vakanga vagoverwa kunyora pamusoro pezvinetso uye kutsvaka mhinduro yazvo. Akanga achida kopi yaMashoko oUmambo yomumwe nomumwe yevomukirasi biyake.
Hapana Mumwe Akasiyiwa
Avo vakagoverana munhimbe vakaedza zvakaoma kuva nechokwadi chokuti hapana mumwe akasiyiwa. MuNew Caledonia Zvapupu zviviri zvakanga zvichienda kundima yerudzi ruri kure nokuda kwokuparadzira Mashoko oUmambo. Zviri munzira, zvakacherekedza nzira yairatidzika kuva isingashandiswi, asi kunyange zvakadaro vakasarudza kuona kana munhu upi noupi aigara uko yaiperera. Vachisiya motokari, vakafamba munzira vachichakwaira nomunzizi kusvikira pakupedzisira vaona imba. Varoorani vakanga vasina kutongonzwa nezveZvapupu zvaJehovha vaigaramo, uye vakagamuchira kopi yaMashoko oUmambo. Gare gare vaparidzi vakaita shanyo yedzokororo uye kukushamiswa kwavo vakawana kuti varoorani vacho vakanga vagadzira mugwagwa uye mabhiriji anoverengeka kuitira kuti Zvapupu zvigogona kutyaira motokari yazvo kusvikira kumba kwavo. Fundo yeBhaibheri yenguva dzose yakatangwa.
MuPoland chimwe Chapupu chaifanira kufamba chichipfuura nepanzvimbo paivakwa kuitira kuti chigovere kopi yaMashoko oUmambo kuna saimba. Vashandi vakacherekedza sezvo akafamba achidzokera achipfuura napaivakwa. Pakupedzisira, mumwe wevashandi akadana kwaari, achimukumbira kusavakanganwa. Apo akavasvika, vakamira ndokusanoteerera mharidzo yeturakiti. Vakagamuchira makopi aMashoko oUmambo pamwe chete nemagazini uye gare gare, pashanyo yedzokororo, mabhuku.
Mazana emamiriyoni aMashoko oUmambo Nha. 34 akaparadzirwa mumitauro mizhinji. Shoko rawo ratova nemigumisiro ine simba. Vazhinji vakadzidza kuti paradhiso isina nhamo inobvira. Tinonyengetera kuti vane mwoyo yakarurama vachapfuurira kugamuchira uye pakupedzisira kuva pakati pe“vanyoro” vacha“gara nhaka yenyika . . . vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11.
[Bhokisi riri papeji 31]
Ramba Uchiparadzira Magazini!
April naMay 1995 yakawana nhimbe inobudirira zvikuru yokuparadzira Mashoko oUmambo Nha. 34. Mukati memwedzi miviri iyoyo, kwakanga kunewo kuparadzirwa kwakatanhamara kwemagazini eNharireyomurindi neMukai! Imwe hama muCzech Republic, somuenzanziso, inoshuma kuti muna April yakagovera makopi 250 eMashoko oUmambo uye magazini 750. MuGuadeloupe, Saturday, April 15, akasarudzwa sezuva chairo remagazini. Anenge muparidzi ari wose munyika yacho akagoverana muushumiri zuva iroro! Slovakia yakava nenhamba itsva yapamusoro mukuparadzirwa kwamagazini muna April. Mishumo yakafanana yakabva kune dzimwe nyika dzakawanda.
Naizvozvo huregererei kuita April naMay 1996 mwedzi yakatanhamara nokuda kwekuparadzirwa kwemagazini? Ungano dzinogona kuronga mazuva chaiwo emagazini. Vanhu vamwe navamwe vanogona kugoverana mukuita upiyona hwebetsero. Muidzi nedzimwe nzira, kuparadzirwa kwemagazini kunogona kukurudzirwa, uye shoko rinokosha rinoziviswa muMashoko oUmambo Nha. 34 richapfuurira kuparadzirwa. Ipapo, sezvakaitika gore rapera, Jehovha zvirokwazvo achakomborera mudzimu wokushingaira watinoratidza.—2 Timotio 4:22.