RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 3/1 p. 32
  • Chiedza Chako Ngachipenye!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chiedza Chako Ngachipenye!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 3/1 p. 32

Chiedza Chako Ngachipenye!

PAKUPEDZISIRA nguva yakanga yasvika yokuti murume akwegura aone Mesiya akapikirwa! Kupfurikidza nechakazarurwa choumwari Simeoni akaziva kuti “haaizoona rufu asati aona Kristu waJehovha.” (Ruka 2:26, NW) Asika wakanga uri mufaro wakadini apo Simeoni akapinda mutembere uye Maria naJosefa vakaisa mwana Jesu mumaoko ake! Akapa rumbidzo kuna Mwari, achiti: “Zvino, Tenzi, muranda wenyu ngaaende hake norugare . . . nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, . . . chiedza chokuvhenekera vahedheni, nokurumbidzwa kwavanhu venyu vaIsraeri.”—Ruka 2:27-32; enzanisa naIsaya 42:1-6.

Jesu, kubvira parubhapatidzo rwake pamakore 30 ezera kusvikira kurufu rwake, akabvumikisa kuva “chiedza” kunyika. Munzirai? Iye akapenya chiedza chomudzimu kupfurikidza nokuparidza nezvoUmambo hwaMwari nezvinangwa Zvake. Akafumurawo dzidziso dzenhema dzorudzidziso uye kuzivisa nenzira yakajeka mabasa erima. (Mateo 15:3-9; VaGaratia 5:19-21) Naizvozvo, Jesu aigona kutaura zvakarurama, kuti: “Ndini chiedza chenyika.”—Johane 8:12.

Jesu akafa mugore ra33 C.E. Chiedza chakadzima ipapo here? Nyangwe napaduku zvapo! Apo akanga achiri pasi pano, Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu.” (Mateo 5:16) Naizvozvo, pashure porufu rwaJesu vateveri vake vakachengeta chiedza chichipenya.

Mukutevedzera Jesu, vaKristu nhasi vanoratidzira chiedza chaJehovha kupfurikidza nokubatikana mubasa rokuparidza. Vano“ramba vachifamba savana vechiedza,” vachizvibvumikisa vamene kuva mienzaniso inopenya mukurarama kwechiKristu.—VaEfeso 5:8, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe