Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Vaichimbova Vavengi Vakabatana Mukubatira Jehovha
“NGUVA yokutanga yandakanzwa chinhu chipi nechipi pamusoro peZvapupu zvaJehovha yakanga iri apo ndakanga ndichibatira somurindiri ane zvombo muBosnia,” anotsanangura kudaro Branko.a
Branko akanga ari pabasa rokurinda pachipatara apo vakakuvadzwa vairapirwa. Mumwe wavanachiremba akanga achifunda Bhaibheri neZvapupu, uye mukati mejana rousiku, akatsanangura kuna Branko zvizhinji zvezvaakanga adzidza pamusoro peBhaibheri.
Icho Branko akanzwa usiku ihwohwo chakamusunda zvikuru kwazvo zvokuti akaisa zvombo zvake pasi nokukurumidza. Akaonana neZvapupu, achida kudzidza zvakawanda. Nguva yakati gare gare, mushure mokutamira kune imwe nyika yokuEurope, Branko akatsvaka Horo yoUmambo ndokupinda misangano yeungano yekuYugoslavia yeZvapupu zvaJehovha. Ikoko ndiko uko Branko akasangana naSlobodan.
Slobodan akabvawo kuBosnia uye akanga abatira somuzvipiri muhondo imwe cheteyo saBranko—asi mukamba yaiva kurumwe rutivi. Slobodan akanga arwira vaSerb mukurwisana navaCroat. Panguva iyo vaviri vakasongana, Slobodan akanga ava Chapupu chakabhapatidzwa chaJehovha. Akazvipira kufunda Bhaibheri naBranko, aichimbova muvengi wake. Sezvo fundo yakafambira mberi, Branko akadzidza zvakawanda pamusoro paJehovha, uye kuda Mwari kwake kwakakura. Ikoko kwakasunda Branko kutsaurira upenyu hwake kuMusiki. Muna October 1993 akaratidzira tsauriro yake kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura.
Slobodan akava sei mumwe weZvapupu zvaJehovha? Akanga asiya nharaunda yehondo muBosnia nguva yakati pakuvamba. Akanga arava zvinyorwa zvinonyorwa neZvapupu zvaJehovha, asi kufarira kwake Shoko raMwari hakuna kukura kutozosvikira Zvapupu zviviri zvashanyira musha wake pakuvamba muna 1992. Ndiani akashanyira Slobodan, achikarakadza kufunda Bhaibheri naye? Akanga ari Mujo, uyo akabvawo kuBosnia asi akarerwa somuMuslim. Sezvo fundo yeBhaibheri yakafambira mberi, Mujo naSlobodan, vaichimbova vavengi, vakapedza nguva yakati vari pamwe chete zuva riri rose kuti vasimbise kutenda kwomumwe nomumwe.
Hondo muyaichimbova Yugoslavia yakauraya upenyu hwemazana ezviuru zvavanhu. Asi Branko, Slobodan, uye Mujo zvino vanobatira savaparidzi venguva yakazara vemashoko akanaka muungano imwe cheteyo yeZvapupu zvaJehovha. Vakakurira gakava rerudzi neredzinza, uye zvino vanotsvaga rugare vachizviisa pasi poMusiki, Jehovha.
Asika chii chakaparira chinjo dzakadaro? Kwakanga kuri kuda kwavo Jehovha, kuremekedza kwavo Bhaibheri, uye kudisa kushandisa zvokwadi yeBhaibheri muupenyu hwavo. Seizvo Magwaro Matsvene anotaura, “shoko raMwari ibenyu, rine simba . . . rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya.”—VaHebheru 4:12.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita okunyepedzera akashandiswa.