Wakaponeswa Here?
JOHNNY akanga aine makore gumi okukura apo mumwe murume akamumisa pane imwe shoo ndokubvunza, kuti: “Jaya, unogamuchira Jesu Kristu saShe wako noMuponesi here?” Iwowo wakanzwika somubvunzo wakati ivei wechienzi kuna Johnny, sezvo akanga agara achidavira Jesu. Naizvozvo akapindura kuti, “Chokwadika ndinogamuchira.” “Rumbidza Ishe!” murume wacho akadanidzira kudaro kuti vose vanzwe. “Mumwe mweya waponeswa nokuda kwaKristu!”
Ruponeso chaizvoizvo rwakapfava zvakadaro here? Johnny aka“poneswa” kubva panguva yaakataura mashoko iwayo, pasinei zvapo nezvaaizoita kwoupenyu hwake hwakanga hwasara here? Vanhu vazhinji vapachokwadi vaizopindura kuti hungu. Mamwe maturakiti orudzidziso anotaura nezvekunyora musi wawaka“poneswa” kuitira kuti ugone kuuyeuka.
Mumwe mufundisi akanyora kuti pa“nguva yokungotenda kwakapfava Kristu . . . ramangwana romunhu rinosarudzwa zvechigarire.” Akataura kuti Bhaibheri rinotaura kuti ruponeso runotsamira pa“chiito [chimwe, chenguva imwe] chokutenda, kwete pakupfuurira kwokutenda.” Mumwe munyori worudzidziso akanyora, kuti: “Ichochi ibasa rakapedzwa. Rakatokuitirwa . . . ‘Hondo [yako] yapera.’ ‘Chivi [chako] chabviswa.’” Asi kunyange vanhu vanopwiswa zvakasimba kuti ikoku ndokwechokwadi vangaona chinetso pano. Kuri pachena kuti vanhu vazhinji avo vakaudzwa kuti vaka“poneswa” havararami nenzira iyo Bhaibheri rinoti vanofanira. Tsananguro inozivikanwa navose ndeyokuti zvichida vakanga vasina chaizvoizvo ku“gamuchira” Kristu.
Naizvozvo, “kugamuchira” Jesu kunorevei chaizvoizvo? Chiito chenguva imwe chokutenda, kana kuti mararamire anopfuurira here? Chitendero chedu chinofanira kuva chakasimba zvakakwana kutisunda kuchiito here? Tinogona chaizvoizvo kugamuchira betsero dzechibayiro chaJesu pasina mutoro wokumutevera here?
Vanhu vazhinji vanoda zvikomborero asi kwete mutoro wokutevera nokuteerera Jesu. Kutaura idi, shoko rokuti “teerera” rinowanzovakangaidza. Bva Jesu akati: “Ugouya, unditevere.” (Ruka 18:18-23) Uye Bhaibheri rinoti: “Vasingateereri Evhangeri yaShe wedu, Jesu . . . vacharohwa nokuparadzwa kusingaperi.”—2 VaTesaronika 1:8, 9; Mateo 10:38; 16:24.
Bhaibheri rinotaura zvinhu zvizhinji zvinomutsa mibvunzo yakakomba pamusoro pezvakadzidziswa nezveruponeso. Kana ungada kuva nechokwadi cheizvo Bhaibheri rinotaura chaizvoizvo panhau iyi, uchawana mapeji anotevera kuva anofadza zvikuru. Zarura Bhaibheri rako, uye rava magwaro akanongedzerwa kuti uone izvo Jesu navaapostora vake vakadzidzisa pamusoro penhau iyi inokosha.