Mabvazuva naMadokero, Jehovha Anosimbisa Vanhu Vake
MUNDIMA umo basa rokuparidzira rakarambidzwa, munyika dzakaparadzwa namasimba masimba, uye munyika umo zvirambidzo zvakabviswa misi ichangobva kupfuura iyi—zvamazvirokwazvo, mumunda wenyika yose—Jehovha anopfuurira kugovera Zvapupu zvake “simba rinopfuura renguva dzose.”—2 VaKorinte 4:7, NW.
Budiriro Muchirambidzo
Muboka rezvitsuwa reFar East, basa rokuparidzira rave rakarambidzwa zvino kwamakore 17. Ko Zvapupu zvinoodzwa mwoyo here? Nyangwe! May apfuura uno, izvo zvakasvika chiverengero chitsva chapamusoro chavaparidzi 10 756, vane 1 297 vavo vakanga vachibatira savashumiri venguva yakazara. Sezvo migariro yenyika inoshata, vanhu vapazvitsuwa vanoda zvikuru nguva dzose kuteerera zvokwadi. Naizvozvo vave vachishuma fundo dzeBhaibheri 15 654 dzakaitiswa mumisha yavanhu vanofarira. Pamberi pezvo, vane 25 397 vakapinda misangano yakaitwa chinyararire kurangarira rufu rwaJesu.
Apo “Kudzidzisa Kwoumwari” Kokorodzano Dzoruwa dzakaitwa—zvakare nokuchenjera mukuwirirana nemigariro yomunzvimbomo—hama dzakafadzwa nokugamuchira, mumutauro womunzvimbomo, makopi adzo amabhuku matsva akabudiswa mamwe chetewo akanga aitwa muUnited States. Vashanduri, varavi navaruramisi vamanyoro, uye vamwe vakanga vazvipira kushanda maawa omuraudzo kuti vagogona kugadzira bhuku idzva guru rakabudiswa, namazana aro amapeji, munguva. Uye mushandirapamwe wenzvimbo yokutsikirira wokunze wakafara kuita basa rakaisvonaka rokutsikirira nokusunga. Vakokorodzani vakafadzwa nokugamuchira chinyorwa chacho, nomuunganidzwa wacho wakaisvonaka wemifananidzo inopfuura chiuru chimwe. Vakuru vakuru vakawanda vehurumende vanoremekedza Zvapupu zvaJehovha, uye chishoro chinobva zvikurukuru kuvafundisi vechiKristudhomu. Kunokarirwa kuti nokukurumidza chirambidzo chichabviswa.
Zvakadiniko nezvamaAmerica?
Zvapupu zvaJehovha zviri muidzi nyika dzokuMadokero zvakabatana nehama dzazvo dziri muMabvazuva mukubata noushingi nezvinetso zvazvo, uye mudzimu mutsvene waJehovha unozvibetsera kukurira migariro yakaoma. Rangarira, somuenzaniso, mushumo unotevera wakabva kuimwe nyika yeLatin America umo mapoka anodzora kugadzirwa nokutengeswa kwemirimo isiri yapamutemo anofamba nguva dzose mumasango.
Rimwe boka reZvapupu rakakwira bhazi richienda kundima iri yoga. Sezvo zvakaburuka mubhazi, zvakacherechedza mugwagwa muduku waparutivi waibva mumusha wacho. Naizvozvo hama shanu dzakaenda kundoona uko mugwagwa muduku usina kukurwa waitungamirira, dzichigovera hanzvadzi navana kuti vashande mumusha macho. Imwe yehama inorondedzera, kuti:
“Maawa maviri okufamba mumugwagwa wacho akapa dzimba shomanene zvikuru. Ipapo, varume vasere vakashongedzwa nezvombo vane zvifukidziro zvemisoro yavo vakabuda kamwe kamwe mumiti. Vamwe vaiva nezvigwagwagwa, uye vamwe vaiva namapakatwa. Chii chatakanga tapinda machiri? Takatanga kubvunza chavaida, asi takaudzwa kuti tinyarare ndokusataura—kungopfuurira kufamba chete. Takadaro! Mamwe maawa maviri okufamba nomusango rakabata akatisvitsa pasina miti apo sezvinooneka wakanga uri musasa wakashongedzwa nezvombo. Varindiri vane pfuti vakanga vari munzvimbo iri yose. Pakati pakanga pane imba yakavakwa zvakaisvonaka kwatakaendeswa.
“Tangogara chete uyo sezviri pachena akanga ari mukuru womusasa akataura kwatiri. Akanga akapfeka zvakatsvinda, akasanodzidza, uye ane chiremera zvikuru. Iye akanongedzera kumumwe weboka redu rehama ndokumuudza kusimuka. Uye ipapo akamubvunza, kuti: ‘Unofungei nezveboka [redu]?’ Ichiziva zvizere kwatakanga tiri, hama yacho yakapindura, kuti: ‘Eya, tinoziva nezveboka renyu, asi hatirifariri kana kuti rimwe boka ripi neripi rezvamatongerwe enyika. Chikonzero bedzi nei tiri pano ndechokuparidzira pamusoro poUmambo hwaJehovha Mwari hunodzorwa naKristu Jesu. Huchakurumidza kuparadza hurumende dzose dzezvamatongerwe enyika dzetsika ino yezvinhu ndokuunza zvikomborero zvinoshamisa kuvanhu vari papasi rino mumigariro yeParadhiso—chimwe chinhu chisina munhu kana kuti boka ravanhu rinogona kuita.’
“Chimiro chendangariro chomurume wacho chakachinja. Akavamba kubvunza mibvunzo. ‘Wakadzidzepi zvose izvozvi? Wakagadzirirwa sei kutaura saizvozvo?’ Kweawa nehafu, takakwanisa kupa uchapupu hwakanaka pamusoro pemigariro yenyika ndokuratidza kuti Bhaibheri rinozivisa tariro bedzi yorudzi rwomunhu. Takatsanangurawo VaRoma ganhuro 13—kuti tinoteerea zviremera zvinotonga, asi apo panenge pane rwisano pakati peShoko raJehovha nerazvo, tinoteerera Mwari wedu, Jehovha, pakutanga. Pakupedzisira, takamugovera mabhuku ataiva nawo. Akatora matatu awo neBhaibheri uye, kukushamiswa kwedu kukuru, akatipa mupiro wawo. Akati aizoarava.
“Tevere, mutungamiriri akaninira kumumwe wavarume kuti atibudise mumusasa. Nokukurumidza takanga todzoka, tichionga Jehovha nokuda kworukundo rwatakanga tava narwo mune mumwe munda wokupupurira.”
MuAfrica Yasakadzwa Negakava
Pakati peFar East neMadokero ari kure pane nyika yeAfrica. Hondo dzamarudzi dzakachinja dzimwe dzenyika imomo kuva mugariro wamasimba masimba. MuLiberia, vanhu vaJehovha vakatapurwazve zvikuru nemukiro muhondo yavagari vemo. Kutanga kwakanga kune kurwa mudzimbahwe nemakaripoteredza mukati maOctober naNovember 1992. Ipapo, sezvo hondo yakapararira yakananga mukati menyika yacho, ungano dzakazara dzakaparadzwa sezvo hama dzakatizira musango navasara vose vavagari vemo. Zvisinei, shingairo yadzo yakaramba isina kuderera. Sezvo dzaitiza, dzaiparidzira, uye ikoku kwakaguma nouchapupu hwakaisvonaka hunopiwa mumativi ari kure zvikurusa omukati.
Ungano imwe yehama dzakaparadzirwa yakavaka Horo yoUmambo yechinguvana pakati pomunda wemiti yerabha. Mune rimwe taundi pedyo nomuganhu, zuva riripo vagari vemo vasiri varwi vaitiza vachipinda mumunda wemiti yerabha wakapoteredza kuti vanzvenge kubhomba kunobva mumhepo. Hama dzomunzvimbomo (kubatanidza vaparidzi vakawanda vakaparadzirwa vachibva kudzimbahwe, Monrovia) dzakaronga ushumiri hwomumunda uye dzaigona kuonwa nguva dzose dzichiparidzira kuzviuru zvaigara pasi pemiti yerabha! Panguva ipi neipi apo ndege yaisvika, hama nehanzvadzi dzaisvetukira mugoronga raiva pedyo uye ipapo, apo ngozi yakanga yapfuura, kupfuurira neshanyo dzadzo.
Nenzira inoshamisa, vaparidzi veungano vanopfuura chiuru chimwe avo vanokwanisa kusvitsa mishumo kuSosaiti vakaita avhareji, pasinei zvapo neiyi migariro yehondo yavagari vemo, yamaawa 18,1 muushumiri hwomumunda uye vari kuitisa fundo dzeBhaibheri 3 111 mwedzi nomwedzi.
MuAfrica mukati mamakore mana akapfuura, ganhuriro pabasa reZvapupu zvaJehovha dzakabviswa munyika 18. Uye mufaro wemifaro! Pana August 12, chirambidzo paZvapupu muMalawi icho chakanga chaiswa muna October 1967, chakabviswa. Kuparidzirwa kwapasi pevhu kwamashoko akanaka kwakanga kwabudirira nguva dzose, asi zvino Zvapupu zvinokwanisa kufambira mberi murusununguko, kunyange zvazvo zvichafanira kumirira rumuko kuti zvikwazisezve shamwari dzazvo dzinodiwa dzakawanda dzakapondwa navadzvinyiriri.
MuMozambique chibvumirano chorugare chakatanga kushanda pana October 4, 1992. Ndima dzaichimbova dzisingasvikiki nemhaka yehondo inoparadzanya yamakore 16 akapfuura dziri kusvikwa. Munharaunda yeCarioco, kurukurirano yakatangwazve nehama nehanzvadzi 375 dzakanga dzarasikirwa neonano ipi neipi nesangano kwamakore manomwe akapfuura. Gungano chairo rezuva rimwe rakaitwa muMilange, dzimbahwe roruwa rwaichimbozivikanwa senzvimbo yomusasa wechibharo uye musimboti wo“kudzidzisazve” weZvapupu zvaJehovha, vakawanda vazvo vakanga vari vapoteri vakabva kuMalawi. Hwerengedzo inoshamisa yavanhu 2 915 yakapinda, kubatanidza mutarisiri wetaundi, uyo akagamuchira Zvapupu zvaJehovha. Naizvozvo waichimbova musimboti wo“kudzidzisazve” wakava musimboti wokudzidzisa kwoumwari nokuda kwezuva racho.
Mumwe mufundisi anonyora, kuti: “Pamusoro pehama dzedu dzakazviwana dzimene dziri mumisasa yavapoteri muRuwa rweTete, kutaura kunofadza kwakaitwa nomumiriri weUNHCR (United Nations High Commissioner for Refugees.) Iye akataura kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvaronga misasa yazvo zvimene, yakaparadzana namamwe mapoka. ‘Musasa wazvo,’ iye akadaro, ‘ndiwo bedzi wakanga uchitarisirwa zvakafanira,’ achiwedzera kuti, ‘Zvapupu zvaJehovha zvakachena, zvakarongeka, uye zvakadzidza.’ Iye ipapo akazvipira kunditora nendege tichiyambuka sango kuzozvionera ndimene. Tiri mumhepo, muchairi wendege akaratidza misasa miviri. Mumwe wakanga wakashata uye une tsvina, dzimba dzamadhaka dzakavakwa dziri pedyo neimwe neimwe pasina kuronga kupi nokupi. Mumwe wakanga wakasanorongwa, dzimba dzakaparadzaniswa kuva mitsetse nemigwagwa. Dzimba dzacho dzaiva nechitarisiko chakatsvinda, nevazhe dzakatsvairwa. Dzimwe dzakanga dzakatopendwa nependi inogadzirwa pamusha. ‘Fembera kuti ndoupi uri wenyu imi vanhu?’ muchairi wendege akadaro. Wakanga uri mufaro mukuru kuti ini ndisangane nehama dziri muuyu musasa. Zvino kune ungano sere dziri muuyu musha weZvapupu.”
Mu“Nyika yeChapungu”
Aiwa, ichi hachisati chiri chapungu cheUnited States! Pakati paMabvazuva naMadokero pane nyika yeEurope, Albania, zita rayo mumutauro wehurumende, Shqipëria, rinoreva “Nyika yeChapungu.” Misi ichangobva kupfuura iyi, chirambidzo choutsinye chamakore 50 paZvapupu zvaJehovha muiyi nyika chakabviswa, uye zvinokwanisa kubatana nehama dzazvo dzinobva kuMabvazuva uye dzinobva kuMadokero mukufarikanya kwazvo rusununguko rwokunamata. Izvo zvirokwazvo zviri “kutenga nguva yakafanira.” (VaEfeso 5:16, NW) Gungano rokutanga munhau yeAlbania, gungano rezuva rimwe, rakaitwa paNational Theater, mudzimbahwe, Tiranë, paSvondo, March 21. PaChitanhatu masikati boka ravazvipiri Zvapupu 75 rakanga rashandura nzvimbo yokusangana yakaparadzwa kuva horo yegungano yakajeka, yakachena. Vatarisiri vakasiiwa vasina shoko. Uye kunofanira kucherechedzwa kuti pavazvipiri 75, vanenge 20 bedzi vakanga vabhapatidzwa!
Mugariro wokunze waisagona kuva uri nani kupfuura iwoyo. Sezvo nhume dzemhiri kwamakungwa dzakasvika, kukwazisana—zvikurukuru namajangariko nokumbundirana—zvakaita kuti zuva chairo iroro regungano rive chairo zvikuru. Nezvanza zvakarinzwa kudenga, Hama Nasho Dori vakapa munyengetero wokuzarura. Ivo vakabhapatidzwa muna 1930 uye zvino vodokuva bofu. Purogiramu yakapiwa muchiAlbania, rutivi rukuru zvikuru namapiona chaiwo okumwe. Vane 585 vaivapo vakaimba rwiyo runonzi “Tsauriro yechiKristu”—rumwe rwenhanhatu dzakanga dzashandurirwa muchiAlbania nokuda kwenhambo yacho—sezvo hama nehanzvadzi itsva 41 dzakafamba dzichibuda dzakananga kudziva iro hama dzechiGiriki dzinoshanyira dzakanga dzagadzira nomutsa muHoro yoUmambo yomunzvimbomo. Ichinjo yakadini! Kare, kuva neBhaibheri kwaireva kuenda kumisasa yechibharo, uye misangano yaiganhurirwa kumapoka avanhu vaviri kana kuti vatatu.
Zuva rapashure pegungano, hofisi yeWatch Tower yakagamuchira runhare rwaibva kumutungamiriri wenhandare. Kazhinji kazhinji anofarira zvishomanene anoshandisa nhandare. Iroro ibasa romubatsiri womutungamiriri. Asi iye akati: “Ndaitofanira chaizvo kuridza kuti ndikuongei. Handisati ndakatongoona nzvimbo ino yakachena kudaro. Kudai ndaifanira kukurondedzera, ndaizotaura kuti mhepo yakabva kudenga yakaburuka panhandare yedu nezuro. Nguva ipi neipi mungada kushandisa nzvimbo yedu, ndapota dzokerai, uye tichakuisai pakutanga mumutsetse. Munoziva, chaizvoizvo tinofanira kuita kuti muuye mwedzi mitatu iri yose pasina rendi.”
Zvapupu zvakadzokera kumataundi azvo zvasimbiswa uye zvichionga ndokuvamba kugadzirira Chirangaridzo chorufu rwaJesu. Mazuva 15 chete gare gare, paChipiri April 6, Chirangaridzo chokutanga chapachena chakaitwa munzvimbo nomwe.
Mutaundi reBerat, vanopinda misangano vakawedzera kusvika kuvanenge 170, uye muprista womunzvimbomo akatsamwa. Pavaparidzi voUmambo 33 muBerat, 21 vakabhapatidzwa pagungano. Berat yakashuma vane 472 vakapinda Chirangaridzo. Vamwe vakapinda Chirangaridzo vakanga vakatanhamarawo, zvikurukuru somuuyo wenhungamiro yakaisvonaka yakapiwa namapiona chaiwo.
Mutaundi reKaturike zvikurusa reAlbania, Shkodër, umo mune horo huru, chechi yakavamba kutsikirira pepanhau romwedzi nomwedzi, uye chinyorwa chimwe nechimwe chakabata ne“Nzira Yokudzivisa Nayo Zvapupu zvaJehovha.” Chinyorwa chokupedzisira chakati: “Zvapupu zvaJehovha zvatora Shkodër”! Hondo huru yeZvapupu zviviri imomo yakaunganidza vanhu 74 vanosanozvibata uye vanofunga zvakakomba kuChirangaridzo. Pashure pokunzwa hurukuro yeChirangaridzo, mhuri 15 dzakakumbira fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Mune rimwe taundi, Durres, umo mune hondo yeZvapupu zvina, vakapinda vakanga vari 79 vakaisvonaka.
Nemhaka yechishoro chakaitwa nepwere dzeKaturike, idzo dzakatyisidzira kutandanisa Zvapupu nematombo, musangano weChirangaridzo mumusha womugomo weKalmeti i Vogel wakaendeswa kumusha wehama yomunzvimbomo, uko vane 22 vakapinda norugare. Kune vaparidzi vashanu vari muiri boka, vatatu vavo vakabhapatidzwa pagunganoro racho muTiranë.
MuVlorë varume vaduku vaviri vakagamuchira kopi yeNharireyomurindi, vakairava, uye vakanyorera Sosaiti, vachiti: “Isu zvino tinozvidana timene kuti Zvapupu zvaJehovha nemhaka yezvokwadi yatakadzidza muNharireyomundi. Tapota titumirei betsero.” Mapiona chaiwo maviri akagoverwa ikoko, uye mumwe waava varume vaduku akakurumidza kukwaniriswa somuparidzi. Iye akafara kuva pakati pavane 64 vakapinda Chirangaridzo muVlorë.
Imwe hama yeAlbania yakadzidza zvokwadi muUnited States yakadzokera muma 1950 kutaundi rayo mayakaberekerwa reGjirokastër, umo yakabatira kusvikira kutambanuko inobvira kutozosvikira parufu rwayo. Yakadyara mbeu yezvokwadi mumwoyo womwanakomana wayo. Apo chirambidzo chakabviswa, uyu mwanakomana akakumbira betsero kuWatch Tower Society. Mumwe munhu anofarira anogara mumusha kuchamhembe akanga anyorerawo betsero, naizvozvo mapiona chaiwo mana akatumwa ikoko. PaChitatu mangwanani pashure peChirangaridzo, mumwe wavo akaridzira runhare hofisi yeTiranë yeSosaiti, achiti: “Handaigona kurega kukuudzai kuti mudzimu waJehovha wakaita zvakawanda sei. Tinofara kwazvo. Chirangaridzo chakabudirira.” Vakapinda vakanga vari 106, kubatanidza boka ravo ravaparidzi voUmambo vanomwe.
Zvakadiniko nezvehwerengedzo yavakapinda Chirangaridzo? Muna 1992, apo kwaingova navaparidzi voUmambo 30 chete, vakapinda vakanga vari 325. Muna 1993, vaparidzi 131 vakanga vaunganidza vapindi 1 318. Mumakore ose ari maviri, vakapinda vave vari vanopfuura nekagumi chiverengero chavaparidzi. Kunofadza sei kuona “muduku achiva . . . chiuru” munhambo pfupi yakadaro yenguva!—Isaya 60:22, NW.
“Urebese Mabote Ako”
Sezvo basa rokuparidzira reZvapupu zvaJehovha rinokura richipinda mumakona ose apasi, danidzo inobuda, inoti: “Kurisa nzvimbo yetente rako, ngavatatanure micheka yohugaro hwako; usarega, asi urebese mabote ako, usimbise mbambo dzako. Nokuti uchapararira kuruoko rworudyi nokuruboshwe.” (Isaya 54:2, 3) Uku kubuda mu“hugaro” hwaMwari—hunomirirwa muungano yenyika yose yavanamati vake—zvamazvirokwazvo kwave kuri pachena muEastern Europe, zvikurukuru munyika dzeyaichimbova Soviet Union. Pashure pokutsigira vabatiri vake mukati mamakumi amakore edzvinyiriro, Jehovha zvino ari kugovera Zvapupu zvake simba guru rinodikanwa kukudza ndokusimbisa sangano.
MuMoscow, Russia, paLocomotive Stadium, pana July 22-25, chiverengero chapamusoro chavane 23 743 chakapinda kokorodzano yamarudzi ose inoshamisa yenhevedzano yegore rakapera yo“Kudzidzisa Kwoumwari.” Ndiani angadai akafunga ikoku kuva kunobvira, kunyange makore maviri apfuura? Asi hezvo! Vanopfuura 1 000 vakabva Japan neKorea, vanodokusvika 4 000 vakabva kuUnited States neCanada, uye zvimwe zviuru zvakabva kunyika dzinopfuura 30 muSouth Pacific, Africa, Europe, uye dzimwe nharaunda—zvirokwazvo kusangana kwaMabvazuva naMadokero. Kunokurudzira sei kuti vose ivava vavhengane norusununguko navanopfuura 15 000 vehama nehanzvadzi dzavo dzechiRussia! Mufaro wakapfachuka.
Hwerengedzo inoshamisa yeZvapupu zvitsva 1 489 yakabhapatidzwa. Rubhapatidzo rwakaziviswa zvikuru nezvinobudisa nhau kupota nyika, kubatanidza mufananidzo wakaisvonaka papeji rapamberi reThe New York Times. Kunyange zvazvo kwaiva nokurova maoko kukuru mukati morubhapatidzo, kwakapfuurwa mukati mehurukuro yokupedzisira apo, mukurukuri akaonga vazvipiri navakuru vakuru 4 752 vakanga vabetsera kuita kuti kokorodzano ibudirire, iye akati: “Kupfuura vose, tinoonga Jehovha!” Hungu, mudzimu waJehovha wakanga wadzivisa chishoro chakasimba chakabva kuvorudzidziso veOrthodox ndokugovera simba rinokosha rakaita kuti kokorodzano ive chinhu chaichoicho chinofadza.
Zvakawanda zvazoiuya, zvisinei, muguta reUkraine reKiev, August 5-8. Zvakare, vazvipiri vanodisa vakachenesa chose chose nhandare yacho, uye iyi Horo yoUmambo hombe yakakwana 64 714 sechiverengero chakapinda chapamusoro. Zvakare, Zvapupu zvakabva kuMabvazuva nokuMadokero uye nzvimbo dzose dziri pakati. Hurukuro huru dzakaturikirwa mumitauro 12. Nhume 53 000, idzo dzakasvika nendege, zvitima, kana kuti mabhazi, dzaifanira kusanganwa nadzo kuzviteshi nepanomhara ndege ndokuendeswa kunzvimbo dzadzo dzokugara muhotera, zvikoro, uye misha yavanhu, pamwe chete nomungarava. Kwose ikoku kwakaitwa pandyiko duku nokushanda zvakanaka nokuita zvakanaka kwokuronga uko kwakaunza kutaura kwokushamisika nerumbidzo zvakabva kumapurisa eguta.
Pfundo guru repurogiramu yekokorodzano inofadza rwaiva rubhapatidzo, urwo rwakazadza maawa ose maviri nehafu. Hwerengedzo yehama nehanzvadzi itsva 7 402 vakaratidzira tsauriro yavo kuna Jehovha, apo kurova maoko kwakaungira ndokuungirazve munhandare hombe. Iyoyi yakapfuura chiverengero chekare chenguva yose chorubhapatidzo chavane 7 136 chakanyorwa apo vakokorodzani 253 922 vakaungana muNew York City muna 1958.
Sezvo iyi nhambo yorutongeso zvino inopfuurira yakananga kumugumo wayo, vanhu vakafanana namakwai vanobva kuMabvazuva, Madokero, uye kunyange ku“rutivi rwuri kure zvikurusa rwapasi” vari kuunganidzwa muchinzwano chisina muenzaniso munhau yose yavanhu. Zvamazvirokwazvo, “boka guru . . . rinobva mumarudzi ose namadzinza navanhu nendimi” vari kukumbanira Israeri womudzimu mukuzivisa kutenda kwavo muchibairo chorudzikinuro chinokosha chaJesu, hwaro hwezvose zviri kuitwa murevererwo yokutonga kukuru kwaJehovha.—Mabasa 1:8; Zvakazarurwa 7:4, 9, 10, NW.
[Mifananidzo iri papeji 8, 9]
Mabvazuva anosangana naMadokero muMoscow neKiev