RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 1/1 pp. 3-4
  • Apo Mabvazuva Anosangana naMadokero

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Apo Mabvazuva Anosangana naMadokero
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Kubva kuMabvazuva uye Kubva kuMavirazuva’
  • Inguvai Yemberi Iripo Nokuda Kwamakwai Nembudzi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Boka Guru Ravanamati Vechokwadi—Vakabva Kupi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kristu Anotonga Makwai Nembudzi Ari Pachigaro
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Kukamuraniswa Kwavanhu Pamsoro Pechirevo choUmambo
    Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 1/1 pp. 3-4

Apo Mabvazuva Anosangana naMadokero

“HAIWA, Mabvazuva Mabvazuva, uye Madokero Madokero, uye zviviri zvacho hazvisati zvichizotongosangana.” Aya mashoko omudetembedzi weBritain Rudyard Kipling anotiyeuchidza nezvemisiano mikuru yetsika iyo inokamuranisa rudzi rwomunhu, iyo inoparira ruvengo rwoudzi, rwedzinza, uye rworudzi urwo rwuri kuwedzera nokukurumidza makatipota mose nhasi. Vazhinji vanobvunza kuti, Mwari haagoni here kuita chimwe chinhu pamusoro pouyu mugariro? Hungu, anogona! Uye iye kunyange zvino ari kuita chimwe chinhu! Mutsetse unotevera wedetembedzo raKipling wakanongedzera kuna ikoku. Mabvazuva naMadokero zvaizova zvakakamuraniswa kwenguva yakareba sei? Mudetembedzi akati: “Kusvikira Pasi neDenga zvamira nokukurumidza paChigaro choRutongeso chikuru chaMwari.”

Mwari akagovera mutoro wokutonga kuMwanakomana wake, Jesu Kristu. (Johane 5:22-24, 30) Asi nguva iyoyo yorutongeso inotanga rini? Ndivanaani vanotongwa, uye nomuuyoi? Akanga ari Jesu uyo akarondedzera muuporofita hondo dzenyika nenhamo dzinoperekedza izvo zvakavamba kutambudza rudzi rwomunhu mugore ra 1914. Iye akataura kuti izvozvi zvinoratidzira “chiratidzo” cho“kuvapo [kwake kusingaoneki] nechemhedziso yetsika yezvinhu.”—Mateo 24:3-8, NW.

Pamugumo wouhu uporofita hukuru, Jesu anozivisa nguva yedu yazvino seyorutongeso, achitaura nezvake amene, kuti: “Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, navatumwa vose vanaye, uchagara pachigaro chake choushe chinobwinya; namarudzi ose achaunganidzwa pamberi pake; uchavaraura somufudzi unoraura makwai nembudzi. Uchaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe.” Nenzira yokufananidzira, marudzi ose apasi zvino akaunganidzwa pamberi poMutongi uye anozvidavirira nokuda kwenzira yaanogamuchira nayo shoko rake roruponeso. Apo rutongeso runoitwa nokukurumidza padambudziko guru, vanhu vasingateereri vakafanana nembudzi “vachaenda kukurohwa kusingaperi; asi vakarurama [vanoteerera vakafanana namakwai] kuupenyu husingaperi.”—Mateo 25:31-33, 46; Zvakazarurwa 16:14-16.

‘Kubva kuMabvazuva uye Kubva kuMavirazuva’

Kutongwa kwenyika ino kwakatanga zvomenemene mukati mamakore amasimba masimba eHondo yeNyika I. Panguva iyoyo, vafundisi vechiKristudhomu vakapa tsigiro yomwoyo wose kumapoka airwa. Ikoku kwakavazivisa sorutivi rwenyika yakaipa yakafanirwa no“kutsamwa kwaMwari.” (Johane 3:36) Bva zvakadiniko nezvamaKristu anoda rugare akashandisa kutenda muna Mwari? Kutanga mugore ra 1919, iwaya akavamba kuunganidzirwa kurutivi rwaMambo, Kristu Jesu.

Vakauya vachibva kumativi ose apasi, kutanga vakasara vavakazodzwa vane 144 000, vakasarudzwa mumazana ose amakore enguva yechiKristu. Ivava vanofanira kuva “vadyi venhaka pamwe chete naKristu” muUmambo hwake hwokudenga. (VaRoma 8:17, NW) Kuna ivava muporofita waMwari anoti: “Usatya hako, nokuti ndinewe; ndichauyisa vana vako vabve kumabvazuva, nokukuunganidza ubve kumavirazuva; ndichati kurutivi rwokumusoro: ‘Varege;’ nokurutivi rwezasi: ‘Usavadzivisa; uyai navanakomana vangu vari kure, navakunda vangu vari kumigumo yenyika; mumwe nomumwe unodanwa nezita rangu, wandakasika kuti ndikudzwe, wandakaumba, zvirokwazvo, wandakaita.’”—Isaya 43:5-7.

Asi izvozvo handizvo zvoga! Zvikurukuru kuvambira muma 1930, boka guru, zvino rinosvika mumamirioni, rakavamba kuunganidzwa. Ivava ndivo “makwai” ayo Jesu akanongedzera kwaari pana Mateo 25:31-46. Kufanana navakasarira vakazodzwa vapamberi pavo, ivava vanosvika pa“kuva nokutenda” muUyo anozivisa, kuti: ‘Imi muri zvapupu zvangu, uye ini ndiri Mwari.’ (Isaya 43:10-12) Kuunganidzwa kweiri boka guru kuri kupfuurirawo ‘kubva kumabvazuva namavirazuva, kubva kuchamhembe namaodzanyemba, uye bva kumigumo yapasi.’

Aya makwai anoda rugare ari kubatanidzwa muuhama humwe hwapakati pamarudzi. Ivo vanotaura mitauro yakawanda yakasiana-siana yenyika 231 umo vanogara. Bva vakabatana mumudzimu mukudzidza “mutauro wakachena” weshoko roUmambo reBhaibheri, “kuti vose vadane pazita raJehovha, kuti vagomubatira pamwe chete.” (Zefania 3:9, NW) Chinzwano chavo chechitendero, donzo, uye chiito chinogovera chipupuriro chinoshamisa chokuti Mabvazuva akasangana zvamazvirokwazvo naMadokero, uye marudzi anobva mumamwe mativi ose, kuenda kubasa nokurumbidzwa kwaChangamire Ishe Jehovha.

Mudzimwe nyika uku kuunganidza kuri kuitika mumigariro inoshamisa zvikurusa, seizvo mishumo inotevera icharatidza.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe