Potera muna Jehovha
“Jehovha, ndinovimba nemi.”—PISAREMA 31:1.
1. Pisarema 31 rinotaura sei chivimbo mumano aJehovha okugovera utiziro?
INZWI rinonakidza rinoimba nezvomurume uyo, kunyange zvazvo aneta mundangariro nomuviri, anozvikandira amene pana Jehovha. Kutenda kunokunda, anodaro mashoko orwiyo irworwo runoyera. Mumaoko akamirira oWamasimba ose, uyu murume anowana utiziro pavatambudzi vanoronda. “Jehovha, ndinovimba nemi,” rinodaro pisarema rake. “Ngandirege kutongonyadziswa; ndirwirei pakururama kwenyu.”—Pisarema 31:1.
2. (a) Tinogona kuisa chivimbo muna Jehovha senhare yedu yakavakirwa pambirui mbiri? (b) Jehovha ndiMwari werudzii?
2 Wezvamapisarema ane utiziro humwe—hwakanakisisa! Zvimwe zvinhu ngazvipanikirwe, bva iri idi rinoramba riripo: Jehovha ndiyo nhare yake, shongwe yake. Chivimbo chake chiri pambiru mbiri dzine chokwadi. Yokutanga, kutenda kwake, uko Jehovha asati achizonyadzisa, uye yechipiri, kururama kwaJehovha, uko kunoreva kuti Iye haasati achizotongosiya mubatiri Wake zvechigarire. Jehovha haasati ari Mwari anonyadzisa vabatiri vake vakatendeka; haasati ari muputsi wemhiko. Panzvimbo pezvo, ndiMwari wazvokwadi nomutusi waavo vanoisa chivimbo maari zvapachokwadi. Pakupedzisira, kutenda kuchatuswa! Kupukunyuka kuchauya!—Pisarema 31:5, 6.
3. Wezvemapisarema anokudza sei Jehovha?
3 Achironga nziyo dzake nomuimbiro unosiana-siana uyo unokwira kubva pamanzwi anosuruvarisa anoratidzira nhamo nenjodzi kusvikira pakakwirira pokuratidzira chivimbo, wezvamapisarema anowana simba romukati. Anokudza Jehovha nokuda kwerudo Rwake rwokuvimbika. “Jehovha ngaaongwe,” anoimba kudaro, “nokuti wakandiratidza unyoro hwake hunoshamisa paguta rakasimba.”—Pisarema 31:21.
Kwaya Huru Yavazivisi voUmambo
4, 5. (a) Ikwayai huru iri kurumbidza Jehovha nhasi, uye yakaita sei kudaro mukati meiri gore rebasa rakapfuura? (Ona chati iri pamapeji 12-15.) (b) Chiverengero chavakapinda Chirangaridzo chinoratidzira munzirai kuti kune vanhu vakawanda vanodisa kukumbanira kwaya yavazivisi voUmambo? (Ona chati.) (c) Iboka ripi muungano yenyu ringave riri munzvimbo yokukumbanira kwaya?
4 Nhasi, mashoko episarema iroro akavazve nerevo yakawedzerwa. Nziyo dzerumbidzo kuna Jehovha hadzigoni kudzvinyirirwa nomushori upi noupi akaipa, nengwavaira ipi neipi yomusikirwo, kana kuti nenjodzi ipi neipi yezvemari; zvirokwazvo, tsitsi dzorudo dzaJehovha dzazova dzinoshamisa kuvanhu vake. Kupota nyika gore rebasa rakapera, kwaya huru, inosvika pachiverengero chapamusoro che 4 709 889 munyika 231, yakaimba shoko roUmambo hwaMwari. Hurumende yokudenga yaJehovha inodzorwa naKristu Jesu hutiziro husati huchizovaodza mwoyo. Gore rakapera, ava vazivisi voUmambo vakabva muungano 73 070 vakapedzera hwerengedzo yamaawa 1 057 341 972 mubasa rokuparidza vhangeri. Ikoku kwakaguma nevanhu 296 004 vanoratidzira tsauriro yavo kuna Mwari norubhapatidzo rwomumvura. Uye chishamiso chinokatyamadza zvakadini chakafarikanywa navapindi vose paKudzidzisa Kwoumwari Kokorodzano yaMarudzi Ose yakaitwa muKiev, Ukraine, August uyu apera. Vakaona chinoitika chinokosha zvikurusa munhau, vachipupurira kubhapatidzwa kwakanyorwa kwavazhinjisa vamaKristu echokwadi kwati kwamboitwa! Sezvakaporofitwa pana Isaya 54:2, 3, vanhu vaMwari vari kuwedzera muzviverengero zvisina kumbonzwika.
5 Zvisinei, vadzorwi vanodisa vokuwedzera voUmambo hwaMwari vakamirira kukumbanira kwaya. Gore rakapera, Chirangaridzo chorufu rwaJesu chakapindwa nehwerengedzo inokatyamadza yavanhu 11 865 765. Netariro, vazhinji vaivava vachakwanirisa kuimba rwiyo rwoUmambo pasuo nesuo mukati megore rino rebasa. Kariro iyoyo inofanira kuzadza sei muvengi wezvokwadi, Satani Dhiabhorosi, nehasha!—Zvakazarurwa 12:12, 17.
6, 7. Tsanangura kuti mumwe murume anofarira akakurira sei kutambudzwa namadhemoni nebetsero yaJehovha.
6 Satani achaedza kudzivisa vamwe kuwedzera manzwi avo kukwaya iyoyo huru. Somuenzaniso, vaparidzi muThailand vanowana chiverengero chinowedzera chavanhu chinonetswa nokunetsa kwamadhemoni. Vazhinji vapachokwadi, zvisinei, vakasunungurwa nebetsero yaJehovha. Pashure pokushanyira muroyi nechishuvo chokuda kuziva, mumwe murume akanga achidzorwa namadhemoni kwamakore gumi. Akaedza kusununguka musimba rawo nebetsero yomufundisi, asi haana kuwana vandudziko chaiyoiyo. Mumwe mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha akatanga fundo yeBhaibheri nomurume wacho ndokumudzidzisa muBhaibheri nzira bedzi yokusununguka nayo musimba ramadhemoni—pinza zivo yakarurama yezvokwadi, isa kutenda muna Jehovha Mwari, uye muteterere mumunyengetero.—1 VaKorinte 2:5; VaFiripi 4:6, 7; 1 Timotio 2:3, 4.
7 Usiku hwapashure peiyi kurukurirano, murume wacho akava nechiroto umo baba vake vakafa vakamutyisidzira kana akasadzokera kukuva svikiro. Mhuri yake yakavamba kutambura. Asingadi kuzununguswa, murume wacho akapfuuridzira zvidzidzo zvake zveBhaibheri uye akavamba kupinda misangano. Mukati meimwe yefundo idzodzo, piona akatsanangura kuti pane dzimwe nguva zvinhu zvinoshandiswa mumiitiro yemidzimu zvinogona kupa madhemoni mukana wokutambudza nawo vanhu vari kuedza kusununguka musimba rawo. Murume wacho akayeuka kuti akanga ane mafuta ayo akanga ashandisa sezango. Akaziva zvino kuti aifanira kuarasa. Chifo chokuarasa, haana kunetswa zvakare nemidzimu yakaipa. (Enzanisa naVaEfeso 6:13; Jakobho 4:7, 8.) Iye nomudzimai wake vari kufambira mberi zvakanaka nefundo yavo uye vanopinda misangano nguva dzose nokuda kwomurairidzo weBhaibheri.
8, 9. Ndedzipi dzimwe mhinganidzo idzo vamwe vazivisi voUmambo vakakurira?
8 Dzimwe mhinganidzo dzingadzvinyirira kunzwika kwamashoko akanaka. Nemhaka yomugariro wezvemari unodzvinyirira zvikuru muGhana, vashandi vakabudiswa mabasa. Mutengo wezvinhu zvokurarama nazvo wakakwira zvikuru, kunokuita chinetso chaichoicho kuwana zvinodikanwa zvishomanene zvikuru zvoupenyu. Vanhu vaJehovha vave vachirarama sei? Kupfurikidza nokuvimba, kwete naivo vamene, asi naJehovha. Somuenzaniso, rimwe zuva mumwe murume akasiya emvuropo yakanamwa pachibhariro chekamuri rokusvikira rehofisi yebazu. Muemvuropo macho makanga mune $1 320,00, kana kuti mubairo wakaderera wemwedzi mitatu. Emvuropo yacho yakabva kumupi wechipo asingazivikanwi, asi pabutiro pakanga pane urwu runyoro: “Ndakarasikirwa nebasa rangu, asi Jehovha akandigovera rimwe. Ndinoonga kwaari noMwanakomana wake, Kristu Jesu. Kuti ndibatsire mukuparadzirwa kwamashoko akanaka oUmambo mugumo usati wasvika, ndiri kupfigira mupiro muduku.”—Enzanisa na 2 VaKorinte 9:11.
9 Kupinda misangano kunobetsera kurovedza avo vanokumbanira mukwaya huru yokurumbidza Jehovha. (Enzanisa nePisarema 22:22.) Nokudaro, murutivi rwokumaodzanyemba rweHonduras, mune ungano inonzi El Jordán. Chii chiri chaicho pamusoro peiri boka duku? Kupinda kwavo misangano kwokutendeka. Pavaparidzi 19, 12 vanofanira kuyambuka rwizi rwakafara kuti vapinde misangano vhiki rimwe nerimwe. Ichi hachisati chiri chinetso chikuru mumwaka wakaoma, sezvo vachigona kuyambuka rwizi rwacho kupfurikidza nokushandisa mabwe samatanho. Zvisinei, mukati memwaka wemvura, migariro inochinja. Yaichimbova mvura isingatyisi runova rwizi rwunoyeredza chinhu chiri chose chiri munzira yarwo. Kukurira iyi mhinganidzo, hama nehanzvadzi vanofanira kuva vashambiri vakanaka. Dzisati dzayambuka, dzinoisa mbatya dzadzo dzokumisangano mutina (bhokisi resimbi) uye ipapo dzinofukidza nehomwe yepurasitiki. Mushambiri akasimba zvikurusa anoshandisa tina sechinoyangaruka uye anotungamirira boka kuyambuka. Vakotsekana kuimwe mhiri, vanozviomesa vamene, vanopfeka, uye vanosvika paHoro yoUmambo vachifara uye vakachena zvikuru!—Pisarema 40:9.
Shongwe Kwatingagare
10. Nei tichigona kutendeukira kuna Jehovha mukati menguva dzedzvinyiriro?
10 Kana uchidenhwa chose chose zvakananga namadhemoni kana kuti uchinzwa dzvinyiriro inobva kumamwe manyuko, Jehovha anogona kuva nhare yako. Dana kwaari mumunyengetero. Anosanoteerera kunyange kuchema kwakaderera zvikurusa kwavanhu vake. Wezvamapisarema akawana ikoko kuva kwechokwadi ndokunyora, kuti: “Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; kurumidzai kundirwira; ivai dombo rangu rakasimba, neimba yenhare yokundiponesa. Nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu; naizvozvo nditungamirirei mundifambise nokuda kwezita renyu. Ndibvutei pamumbure wavakandidzikira pakavanda; nokuti ndimi nhare yangu.”—Pisarema 31:2-4.
11. Tsanangura chikonzero nei shongwe yaJehovha isati iri nzvimbo yechinguvana.
11 Jehovha anogovera kwete chete utiziro hwechinguvana asi shongwe isingadenhwi umo tingagara muchengeteko. Utungamiriri hwake nenhungamiro hazvina kukundikanisa vanhu vake. Simba roumwari richashaisa basa mabasa ose amanomano aSatani neboka rake. (VaEfeso 6:10, 11) Sezvo tinovimba nomwoyo wose naJehovha, achatibvisa mumisungo yaSatani. (2 Petro 2:9) Mukati memakore mana apfuura, basa rokuparidzira reZvapupu zvaJehovha rakazaruka munyika 35. Uyewo, munharaunda dzenyika umo migariro yenzanga, yezvemari, kana kuti yezvamatongerwe enyika inodzivisa kuparidzirwa kwamashoko akanaka, vamwe vanhu vakafanana namakwai vakatamira uko vanogona kusvikwa nenzira yakasununguka zvikuru. Japan ndiimwe nzvimbo yakadaro.
12. Mumwe piona muJapan akaita sei Jehovha nhare yake?
12 MuJapan mave mune kupinda kwavashandi vechinguvana vanobva mhiri kwamakungwa, uye ungano dzemitauro yokumwe dzakawanda dzakatangwa. Chinoitika cheimwe hama iri muungano yechiJapan chinoenzanisira kuti uyu munda wemitauro yokumwe unobereka zvakadini. Yakanga ichida kuenda kunobatira kwaiva nokushaiwa kukuru zvikuru. Zvisinei, yakanga ichitoitisa fundo dzeBhaibheri gumi kwayakanga iri. Imwe yeshamwari dzayo nejee yakati: “Kana ukaenda kune kushaiwa kukuru, uchatofanira kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha 20 ikoko!” Yakagamuchira mugove ndokuenda kuHiroshima. Pashure pemwedzi mina, zvisinei, yaingova nefundo imwe chete yeBhaibheri. Rimwe zuva yakashanyira mumwe murume akabva Brazil aingotaura chiPutukezi bedzi. Sezvo hama yacho yaisagona kukurukura nomurume wacho, yakatenga bhuku rokudzidza chiPutukezi. Pashure pokudzidza kutaura kwakapfava kwekurukurirano, yakashanyirazve murume wacho. Apo hama yakamukwazisa mumutauro wechiPutukezi, murume wacho akashamiswa uye, nenyemwerero huru, akazarura suo rose ndokuikoka kupinda. Fundo yeBhaibheri yakatangwa. Nokukurumidza hama yakanga yava kuitisa hwerengedzo yefundo 22, 14 muchiPutukezi, 6 muchiSpania, uye 2 muchiJapan!
Kuparidzira Nechivimbo
13. Nei pasina munhu anofanira kuedza kutinyadzisa kupinda mukubatira Jehovha?
13 Vanhu vaJehovha vanoimba nechivimbo rwiyo rwoUmambo nokutenda kwakazara kuti Jehovha ndiye utiziro hwavo. (Pisarema 31:14) Havasati vachizonyadziswa—Jehovha haasati achizovaderedza, nokuti achazadzika shoko rake. (Pisarema 31:17) Dhiabhorosi namapoka ake oudhemoni vachanyadziswa. Sezvo vanhu vaJehovha vakatumwa kuparidzira shoko risina nyadzi, havanyadziswi navamwe vanhu kuti vapinde mukuparidzira. Iyoyo haisati iri nzira Jehovha, kana kuti Mwanakomana wake, anonyandura nayo vanhu kuti vaMunamate. Apo mwoyo yavanhu inenge yakazara nokutenda nokuonga runako rwaJehovha nomutsa worudo, ndiwo mugariro wakanaka womwoyo yavo unosunda miromo yavo kutaura. (Ruka 6:45) Nokudaro, nguva ipi kana ipi tinopedzera mubasa mwedzi mumwe nomumwe, zvikurukuru kana nguva iyoyo ichimirira zvakanakisisa zvatinogona kuita, yakanaka, hainyadzisi. Mari duku yechirikadzi haina kuongwa zvizere naJesu naBaba vake here?—Ruka 21:1-4.
14. Unogona kuita tsinhiroi pamusoro pebasa roupiona? (Onawo chati.)
14 Nokuda kwechiverengero chinokura chavaparidzi, kuva vomweya wose mukunamata kwavo kunobatanidza kubatira samapiona enguva dzose—890 231 chiverengero chapamusoro gore rakapera! Kana fambiro mberi yegore rakapfuura ikachengetwa, iyi nhamba sezvingabvira ichapfuura 1 000 000. Chinoitika chinotevera chinoratidza kuti imwe hanzvadzi muNigeria yakapinda sei muupiona. Inonyora, kuti: “Apo ndakanga ndoda kupedza sekondari, ndakaenda kunobetsera kubikira avo vakanga vachipinda chikoro chamapiona cheZvapupu zvaJehovha. Ndakasangana nehanzvadzi mbiri ikoko dzakanga dzakura zvikuru kupfuura ambuya vangu. Apo ndakawana kuti dzakanga dziri mapiona ari kupinda chikoro, ndakafunga ini ndimene kuti, ‘Kana vaviri ivavo vachigona kupayona, neiko ndisingagoni?’ Naizvozvo pashure pokunge ndapedza chikoro, iniwo ndakava piona wenguva dzose.”
15. Kupupurira kwamasanga kunogona kuita kuti kubvirire vamwe kupotera muna Jehovha munzirai?
15 Havasati vari vose vanogona kupayona, asi vanogona kupupurira. MuBelgium imwe hanzvadzi ina makore 82 okukura yakaenda kunotenga nyama. Yakacherechedza kuti mudzimai womuridzi webhucha akanga akavhiringidzwa zvikuru nokusagadzikana kwezvamatongerwe enyika kwemisi yakanga ichangobva kupfuura. Naizvozvo hanzvadzi yakaisa turakiti raKo Zvapupu zvaJehovha Zvinodavirei? nemari payakabhadhara mari yayo. Apo hanzvadzi yakadzokera kushopo yacho, mudzimai womuridzi webhucha, pasina kuzengurira kupi nokupi, akabvunza icho Bhaibheri rinotaura pamusoro pehondo yenyika yechitatu inobvira. Hanzvadzi yakamuunzira bhuku raRugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei? Mazuva mashomanene gare gare, sezvo hanzvadzi yakwegura yakapinda mubhucha, mudzimai womuridzi webhucha akanga ane mimwe mibvunzo yayo. Hanzvadzi yakanzwira tsitsi mukadzi uyu; yaitofanira zvayo kumukarakadzira fundo yeBhaibheri, uye iyoyi yakagamuchirwa. Zvino, mudzimai womuridzi webhucha anoda kubhapatidzwa. Zvakadiniko nomuridzi webhucha? Akarava turakiti uye zvino ari kufundawo Bhaibheri.
‘Pfuma Yorunako’
16. Jehovha akatsaura sei pfuma yorunako nokuda kwavanhu vake?
16 Mukati meaya mazuva okupedzisira anotambudza, Jehovha haana here ku“ratidza unyoro hwake hunoshamisa” kuna avo vakapotera maari? Kufanana nababa vano rudo, vanodzivirira, Jehovha akatsaura pfuma yorunako nokuda kwavana vake vapasi. Ave achidurura mufarwa pavari pamberi pavaoni vose, kungofanana neizvo wezvamapisarema anotaura, kuti: “Zvakanaka zvenyu zvamakachengetera vanokutyai zvakakura sei, zvamakaitira vanovimba nemi, pamberi pavanakomana vavanhu!”—Pisarema 31:19, 21.
17-19. MuGhana, ndichakanakai chakabva mukunyoresa pamutemo kwomumwe murume akwegura roorano yake?
17 Naizvozvo, vanhu venyika vanova zvapupu zvinoona kutendeseka kwaavo vanonamata Jehovha, uye vanoshamiswa. Somuenzaniso, muGhana mumwe murume ana makore 96 okukura akaenda kuhofisi yomuchatisi ndokukumbira kuti roorano yake isiri yapamutemo yamakore 70 zvino inyoreswe. Muchatisi akakatyamadzwa ndokubvunza, kuti: “Mune chokwadi kuti ndozvamuri kuda kuita here? Pazera renyu?”
18 Murume wacho akatsanangura, kuti: “Ndinoda kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha ndokukumbanira mubasa rinokosha zvikurusa mugumo wenyika usati wasvika—basa rokuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Iri basa rinotungamirira kuupenyu husingaperi. Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera mutemo wehurumende wavagari vemo, kubatanidza mutemo pakunyoreswa kweroorano. Naizvozvo ndapota ndinyorerei.” Muchatisi akashaya chokutaura. Akapfuurira nokunyora, uye mukweguru akaenda achifara kuti zvino akanga ava neroorano yapamutemo.—Enzanisa naVaRoma 12:2.
19 Pashure paikoko, muchatisi akafungisisa zvinhu zvaakanga anzwa. “Zvapupu zvaJehovha . . . basa rinokosha zvikurusa . . . mugumo wenyika . . . Umambo hwaMwari . . . upenyu husingaperi.” Akatyamadzwa nokuti kwose ikoku kwairevei muupenyu hwomurume ane makore 96 okukura, akasarudza kutsvaka Zvapupu kuti anzvere nhau yacho. Akabvuma fundo yeBhaibheri yapamusha uye akaita fambiro mberi yokukurumidza. Nhasi, uyu muchatisi Chapupu chakabhapatidzwa. Nokudaro, apo tinoteerera Jehovha kunyange muizvo vamwe vangarangarira kuva zvinhu zviduku, kungaguma nezvakanaka zvisingatauriki nokuda kwedu uye nokuda kwaavo vari zvapupu zvinoona mufambiro wedu.—Enzanisa na 1 Petro 2:12.
20. MuMyanmar, kutendeseka kweimwe hanzvadzi duku kwakatungamirira sei kuuchapupu hwakanaka?
20 Vanhu vakuru vakarega zvokwadi ichivaumba kuva vanhu vakatendeseka vakagadzira muenzaniso wakanaka vaduku munyika ino isina kutendeseka. MuMyanmar munogara hanzvadzi duku yakadaro. Inobva mumhuri ine urombo neinoshaiwa yavana gumi. Baba vacho, vari pamudyandigere, ndipiona wenguva dzose. Rimwe zuva muchikoro, hanzvadzi yakawana mhete yedhaimani, iyo yakakurumidza kuendesa kumudzidzisi wake. Sezvo kirasi yakaungana zuva rakatevera, mudzidzisi akaudza kirasi kuti mhete yakawanikwa sei ndokuunzwa kuti idzorerwe kumuridzi. Ipapo akakumbira hanzvadzi duku kuti imire pamberi pekirasi yose ndokutsanangura chikonzero nei yakanga yaita ikoku, ichiziva kuti vamwe vana vangadai vakasarudza kuichengeta. Hanzvadzi yakatsanangura kuti yakanga iri Chapupu chaJehovha uye kuti Mwari wayo haadi kuba kana kuti rudzi rupi norupi rwokusatendeseka. Chikoro chose chakanzwa pamusoro pako, kuchipa hanzvadzi yedu duku banza rakanaka rokupupura kuvadzidzisi navadzidzi zvakafanana.
21. Sezvo vanhu vaduku vanovimba naJehovha, mufambiro wavo unoratidzira sei paari?
21 MuBelgium mumwe mudzidzisi akaita tsinhiro inofadza mukirasi pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Akanga acherechedza mufambiro womumwe wavadzidzi vake, uyo akanga ariwo hanzvadzi duku, uye akati: “Zvino ndine mumwe mufungo weZvapupu zvaJehovha. Kufungira mano akaipa kwakanga kwanditungamirira kufunga kuti vaizova vanhu vanoshivirira zvidukusa. Zvakabvumikisa kuva vanhu vanoshivirira zvikurusa, nepo zvisingabvumiranisi pane zvisina kufanira nheyo dzazvo.” Gore rimwe nerimwe mubairo unopiwa navadzidzisi kuvadzidzi vavo vakanakisisa. Pakati pemimwe pane mubairo wekosi mutsika. Kwamakore matatu akatevedzana, mibairo yamagiredhi matatu apamusoro yakapiwa nouyu mudzidzisi kuvana veZvapupu zvaJehovha. Naizvozvo kunowanzoitika naavo vane chivimbo chokuvimbika chiri muna Jehovha.—Pisarema 31:23.
22. Chii chiri mhedziso yorukundo kuPisarema 31, uye ikoko kunotibetsera sei mukati memazuva okupedzisira etsika ino yezvinhu?
22 Pisarema 31 rinoguma nemhedziso yorukundo, inoti: “Ivai nesimba, uye mwoyo yenyu itsunge, imi mose munorindira Jehovha.” (Pisarema 31:24) Naizvozvo, sezvatinotarisana namazuva okupedzisira etsika yakaipa yaSatani, asingatongotisiyi, Jehovha achaswedera pedyo zvikuru nesu ndokuisa simba rake amene matiri. Jehovha akatendeka uye haakundikani. Ndiye utiziro hwedu; ndiye shongwe yedu.—Zvirevo 18:10.
Unoyeuka Here?
◻ Nei tichigona kuita nechivimbo Jehovha utiziro hwedu?
◻ Hufakazii huripo hwokuti kwaya huru iri kuimba rumbidzo yoUmambo noushingi?
◻ Nei tichigona kuva nechivimbo kuti mumbure waSatani hausati uchizobata vanhu vaJehovha?
◻ Jehovha akatsaura pfumai nokuda kwaavo vanopotera maari?
[Chati iri papeji 12-15]
MUSHUMO WEGORE REBASA RA 1993 WEZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUNYIKA YOSE
(Ona bhaundi vhoriyamu)
[Mifananidzo iri papeji 16, 17]
Avo vanopotera muna Jehovha vanoita kwaya huru yavazivisi voUmambo—4 709 889!
1. Senegal
2. Brazil
3. Chile
4. Bolivia