RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 2/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • ‘Ichi Chichava Chiyeuchidzo Kwamuri’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Chii Chinonzi Paseka?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kubva paSeder Kuenda Kuruponeso
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 2/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Kana muKristu ari kurwara kana kuti ari kufamba uye nokudaro asingakwanisi kuva pakuchengetwa kweChirangaridzo, anofanira here kuchichengeta mwedzi mumwe gare gare?

Muna Israeri wakare Paseka yaiitwa gore negore pazuva rechi 14 romwedzi wokutanga, wainzi Nisani (kana kuti, Abib). Asi tinowana gadziriro chaiyo pana Numeri 9:10, 11: “Taura navana vaIsraeri, uti: ‘Kana mumwe wenyu, kana wavana venyu, achinge ava asina kunaka nokuda kwechitunha, kana zvimwe ari kurwendo ruri kure, kunyange zvakadaro unofanira kutamba paseka yaJehovha. Ivo vanofanira kuidya nomwedzi wechipiri [wainzi Iyyar, kana kuti Ziv], nezuva regumi namana, madekwana; vanofanira kuidya nechingwa chisina kuviriswa nemirivo inovava.’”

Cherechedza kuti ikoku hakuna kutanga misi miviri yakasiana nokuda kwePaseka (Nisani 14 kana kuti Ziv 14), nomuIsraeri upi noupi kana kuti mhuri yakasununguka kusarudza, kuchitsamira pakukodzera. Gadziriro yechidyo chePaseka mumwedzi wechipiri yakanga yakaganhurirwa. Kwakanga kuri kwechienzi nokuda kwomuIsraeri akanga asina kuchena mutsika pana Nisani 14 kana kuti akanga ari padaro guru kubva uko kuchengeta kwenguva dzose kwakaitwa.

Chinoitika bedzi chakanyorwa chokushandiswa zvakafara kwaikoku chakanga chiri panguva apo Mambo Hezekia akamutsidzira kuchengetwa kwoMutambo weZvingwa Zvisina Kuviriswa. Kwakanga kusina nguva yokugadzirira nokuda kwomwedzi wokutanga (vaprista vachiva vasina kugadzirira uyewo vanhu vasina kuungana), naizvozvo yakaitwa pazuva rechi 14 romwedzi wechipiri.—2 Makoronike 29:17; 30:1-5.

Kunze kwemigariro yakadaro yechienzi, vaJudha vaichengeta Paseka pamusi uyo Mwari akasarudza. (Eksodho 12:17-20, 41, 42; Revhitiko 23:5) Jesu navadzidzi vake vakachengeta seizvo Mutemo waida, kwete kurerutsa uyu musi. Ruka anoshuma, kuti: “Zvino zuva rezvingwa zvisina mbiriso rakati rasvika, rakafanira kubairwa paseka naro, akatuma [Jesu] Petro naJohane, achiti: ‘Endai mundotigadzirira paseka, kuti tidye.’”—Ruka 22:7, 8.

Panhambo iyoyo Jesu akatanga kuchengeta kwegore negore uko maKristu anoziva seChirairo chaShe. Ukoshi hwokupinda kwamaKristu hahugoni kusimbiswa zvinopfuurezvi. Ichi ndichinoitika chinokosha zvikurusa mugore nokuda kweZvapupu zvaJehovha. Mashoko aJesu anoratidza chikonzero nei; iye akati: “Itai izvi, mugondirangarira.” (Ruka 22:19) Nokudaro, mumwe nomumwe weZvapupu zvaJehovha anofanira kuronga mwedzi yakati pachine nguva mberi kuchengeta musi wokuchengetwa usina dzimwe rangano dzipi nedzipi. Chirairo chaShe chichachengetwa paChipiri, April 6, 1993, pashure pokuvira kwezuva munzvimbomo.

Muzvinoitika zvechienzi mugariro usingadeyi kuonwa, zvakadai sechirwere kana kuti zvinetso zvokufamba, zvingadzivisa muKristu kupinda sezvaakanga aronga. Chii chinofanira kuitwa mumugariro wakadaro?

Mukati mokuchengeta chingwa chisina kuviriswa newaini tsvuku zvinopfuudzwa, uye avo vakazodzwa nomudzimu mutsvene waMwari ndokusarudzwa nokuda kwoupenyu mudenga vanodya. (Mateo 26:26-29; Ruka 22:28-30) Kana munhu uyo gore rimwe nerimwe ave achidya gore rino akaganhurirwa kumubhedha wechirwere pamusha kana kuti muchipatara, vakuru vomuungano yomunzvimbomo vacharonga kuti mumwe wavo aendese chingwa newaini kune ari kurwara, kukurukura magwaro eBhaibheri akafanira pamusoro penhau yacho, uye kupa zviratidzo. Kana muKristu akazodzwa asiri muungano yokumusha kwake, anofanira kugadzirira kuenda kuungano iri munharaunda yaachava pamusi iwoyo.

Nemhaka yaikoku, kwaizova bedzi mumirangariro yechienzi zvikuru kuti muKristu akazodzwa anofanira kuchengeta Chirairo chaShe mazuva 30 gare gare (mwedzi mumwe womudenga), mutsinhirano nomurairo uri pana Numeri 9:10, 11 uye muenzaniso uri pana 2 Makoronike 30:1-3, 15.

Avo vari veboka ra“mamwe makwai” aJesu, vane tariro youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi, havana murairo wokudya chingwa newaini. (Johane 10:16) Kunokosha kupinda kuchengeta kwegore negore, asi havasati vachidya zviratidzo. Naizvozvo kana mumwe wavo ari kurwara kana kuti ari kufamba uye nokudaro asina ungano ipi neipi madekwana iwaya, iye angagona kurava magwaro akafanira somunhu oga (kubatanidza nhauro yokutanga kwaJesu kuchengeta kwacho) ndokunyengetera nokuda kwechikomborero chaJehovha pachinoitika chacho munyika yose. Asi muichi chinoitika hapana kudikanwa kwegadziriro yokuwedzera ipi neipi yomusangano kana kuti kurukurirano chaiyo yeBhaibheri mwedzi mumwe gare gare.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe