RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 2/1 p. 32
  • “Maruva Ebundo”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Maruva Ebundo”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 2/1 p. 32

“Maruva Ebundo”

KUSHAYA basa. Mitengo inokwira. Urombo. Kuderera kwemari. Aya mashoko anooneka nouzhinji hunowedzera munhau. Uye iwo anoratidzira zvitambudzo izvo mamirioni anotarisana nazvo sezvo anoedza kudyisa nokupfekedza mhuri dzawo ndokuva nepokugara.

Vatendi navasingatendi zvakafanana vanotapurwa. Asi vatendi havasati vachisiiwa vari voga mukunangana nezvinetso izvozvo. Jesu, achitaura kuvanhu vanozvininipisa vomuzana ramakore rokutanga, akati: “Tarirai shiri dzokudenga, hadzidyari, hadzicheki, hadziunganidziri mumatura; asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamudzipfuuri zvikuru here?”—Mateo 6:26.

Jesu akatiwo: “Fungai maruva ebundo, kumera kwawo; haabati, haaruki; asi ndinoti kwamuri, kuti kunyange naSoromoni pakubwinya kwake kwose, haana kushongedzwa serimwe rawo. Zvino kana Mwari achifukidza saizvozvo uswa hwebundo, . . . haangakufukidzii nokupfuurisa here?”—Mateo 6:28-30.

Ikoku kunoreva here kuti muKristu haafaniri kushandira chokurarama nacho? Nyangwe! MuKristu anoshanda zvakaoma sezviri madikanwa kuti abhadhare zvikwereti zvake. Muapostora Pauro akati: “Kana munhu achiramba kubate basa, ngaarege kudyawo.” (2 VaTesaronika 3:10) Kunyanguvezvo, muKristu anoziva tarisiro yorudo yaMwari uye ane kutenda kwokuti Baba vake vokudenga vanomutarisira. Nokudaro, iye haasati achibviswa padzikamo nefunganyo dzoupenyu. Kunyange munguva dzakaoma, iye anoisa zvinhu zvokutanga—zvinhu zvomudzimu—pakutanga. Iye anodavira mashoko aJesu, anoti: “Rambai, ipapoka, muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake uye zvinhu zvose izvozvi zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateo 6:33, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe