RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 132
  • Chii Chinonzi Paseka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinonzi Paseka?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • ‘Ichi Chichava Chiyeuchidzo Kwamuri’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kubva paSeder Kuenda Kuruponeso
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kufanana Uye Kusiyana Kwakaita Paseka neChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 132
Mhuri yevaIsraeri iri kudya Paseka

Chii Chinonzi Paseka?

Mhinduro yeBhaibheri

Paseka mutambo wevaJudha wekuyeuka kusunungurwa kwakaitwa vaIsraeri naMwari kubva kuIjipiti kwavainge vari varanda. Vakasunungurwa muna 1513 B.C.E. Mwari akaudza vaIsraeri kuti vaite mutambo unokosha iwoyo gore rega rega musi wa14 wemwedzi wechiJudha unonzi Abhibhi uyo wakazonzi Nisani.​—Eksodho 12:42; Revhitiko 23:5.

Nei uchinzi Paseka?

Shoko rekuti Paseka rakabva pashoko rinoreva kuti “kupfuura.” Shoko iri rinotsanangura zvakaitwa naMwari pakuchengetedza vaIsraeri pakaurayiwa matangwe ese muIjipiti. (Eksodho 12:27; 13:15) Mwari asati aunza dambudziko iri, akaudza vaIsraeri kuti vauraye mbudzi kana gwayana vosasa ropa racho pamadhoo avo. (Eksodho 12:21, 22) Mwari aizoona chiratidzo ichi obva ‘apfuura’ dzimba dzavo orega kuuraya matangwe avo.​—Eksodho 12:7, 13.

Paseka yaichengetwa sei nevaIsraeri?

Mwari akaudza vaIsraeri zvavaifanira kuita pakuchengeta Paseka yekutanga.a Zvinhu zvinotevera zvaiitwa pamitambo yePaseka inotaurwa muBhaibheri.

  • Chibayiro: Mhuri imwe neimwe yaizosarudza gwayana raiva negore rimwe chete (kana mbudzana) pazuva rechi10 remwedzi waAbhibhi (Nisani), uye vaizoriuraya musi wa14. PaPaseka yekutanga, vaIsraeri vakasasa rimwe ropa remhuka yacho pamagwatidziro uye nechekumusoro kwemadhoo edzimba dzavo, uye vakagocha mhuka yacho yese yakadaro, vakabva vaidya.​—Eksodho 12:3-9.

  • Zvekudya: PaPaseka vaIsraeri vaidyawo chingwa chisina mbiriso uye miriwo inovava.​—Eksodho 12:8.

  • Mutambo: VaIsraeri vaiita Mutambo Wechingwa Chisina Mbiriso kwemazuva 7 pashure pekunge vaita Paseka, uye mumazuva 7 iwayo vaisadya chingwa chine mbiriso.​—Eksodho 12:17-20; 2 Makoronike 30:21.

  • Kudzidzisa: Vabereki vaidzidzisa vana vavo panguva yaiitwa Paseka.​—Eksodho 12:25-27.

  • Kufamba: Nekufamba kwenguva, vaIsraeri vakanga vava kunoitira Paseka kuJerusarema.​—Dheuteronomio 16:5-7; Ruka 2:41.

  • Dzimwe tsika: Jesu paaiva pasi pano, vanhu vainwa waini uye vaiimba paiitwa mutambo wePaseka.​—Mateu 26:19, 30; Ruka 22:15-18.

Nhema dzinotaurwa nevanhu nezvePaseka

Nhema: VaIsraeri vaidya Paseka musi waNisani 15.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Mwari akaudza vaIsraeri kuti vaifanira kuuraya gwayana zuva richangonyura musi waNisani 14, uye vaifanira kuridya usiku ihwohwo. (Eksodho 12:6, 8) VaIsraeri vaiverenga zuva ravo kubva pakuvira kwezuva kusvika pakuvira kwaro mangwana acho. (Revhitiko 23:32) Saka vaIsraeri vaiuraya gwayana vodya Paseka paitanga musi waNisani 14.

Nhema: VaKristu vanofanira kuchengeta Paseka.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Jesu paakapedza kuchengeta Paseka musi waNisani 14, 33 C.E., akatanga chiitiko chinofanira kuchengetwa chinonzi Kudya kwaShe kweManheru. (Ruka 22:19, 20; 1 VaKorinde 11:20) Kudya uku kwakatsiva Paseka, sezvo kuchitiyeuchidza nezvechibayiro ‘chaKristu,’ gwayana rePaseka. (1 VaKorinde 5:7) Chibayiro chaJesu chine simba kupfuura chibayiro chePaseka pakuti chinobvisa chivi nerufu.​—Mateu 20:28; VaHebheru 9:15.

a Asi nekufamba kwenguva, zvimwe zvaiitwa paPaseka zvaifanira kuchinjwa. Semuenzaniso,vaIsraeri vakachengeta Paseka yekutanga ‘vachichimbidza’ nekuti vaifanira kugadzirira kubuda muIjipiti. (Eksodho 12:11) Asi pavakangosvika muNyika yakapikirwa, vaIsraeri vainge vasisafanire havo kuchengeta Paseka vachimhanya-mhanya.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe