Gadziriro Dzokubetsera Dzinoratidzira Rudo rwechiKristu
“IDAI hama dzose,” muapostora Petro akakurudzira maKristu biyake kudaro. (1 Petro 2:17) Rudo rwakadaro rwaifanira kuyambuka miganhu yedzinza, yenzanga, uye yorudzi, ruchikwevera vanhu pamwe chete muuhama hwapachokwadi. Apo kushaiwa mune zvokunyama kwakamuka pakati pamaKristu apakuvamba, rudo rwakasunda akawanda kupa mipiro kuvaapostora nokuda kwokuparadzira kuavo vaishaiwa. Chinyorwa chacho chinotaura, kuti “zvinhu zvose ndezvavose.”—Mabasa 2:41-45; 4:32.
Rudo rwakadaro rwaiva pachena apo Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha, pamugumo wa 1991, wakakumbira mapazu anoverengeka eWatch Tower Society muWestern Europe kugovera zvokudya nezvokupfeka nokuda kwehama dzavo dzinoshaiwa muEastern Europe, kubatanidza mativi eyaichimbova Soviet Union. Pano tinopa nhevedzano yemishumo yakabva kumamwe amapazu akabatanidzwa.
Sweden
Pana December 5, 1991, tsamba inotsanangura kushaiwa yakapositwa kuungano dzose 348 muSweden. Mhinduro yakakurumidza. Mukati mamazuva mashomanene, rori yokutanga yakanga yoenda kuSt. Petersburg, Russia, yakazara namatani 15 oupfu, mafuta okubikisa, nyama yomumatini, mukaka wakaomeswa, uye zvakafanana. Zvapupu zvaJehovha zvomunzvimbomo zvakaburutsa zvaiva murori yacho ndokuparadzira nokukurumidza mapakiti 750 kuavo vaishaiwa. Gare gare, mamwe maturera maviri akaendesa zvokudya kuRussia. Pamwe chete, matani anopfuura 51,5 akaendeswa achibva Sweden.
Kudisa kupa zvipfeko neshangu kwakapfuura kariro dzose. Mirwi yehomwe dzezvipfeko yakaungana nokukurumidza muHoro dzoUmambo. MaKristu akawanda akapa zvipfeko zvawo amene. Mamwe akatenga zvinhu zvitsva. Imwe hama yakatenga sutu shanu. Apo mutengesi womuchitoro ashamiswa akaziva nezvedonzo racho, akapa dzimwe sutu shanu. Imwe hama yakatenga bhokisi ramasokisi, magirovhisi, uye sikavha. Apo yakatsanangura donzo, muridzi akamupa sutu itsva 30 nokuda kwomutengo wembiri. Mutengesi womuchitoro chezvipfeko zvemitambo akapa mapeya 100 eshangu itsva nebhutsu.
Zvinhu zvose izvozvi ipapo zvakaunzwa kubazu nokuda kwokupandanisa, kurongedzazve, uye kukwidza. Zvipfeko—zvakaenzana neizvo marori 40 aizotakura—zvakazadza nharaunda huru pabazu! Hama nehanzvadzi vakashanda kwamavhiki vachizvipandanisa kuva mirwi yezvavarume, vakadzi, uye vana nokuzvipaka mumakatoni. Marori gumi namashanu akasiana-siana akashandiswa kuendesa zvipfeko zvakakotsekana kuRussia, Ukraine, uye Estonia.
Imwe hama yakachaira imwe yerori dzeSosaiti kasere kuenda kuyaichimbova Soviet Union yakati: “Kugamuchira uko hama dzedu dzakatiita pataisvika yaiva tuso huru. Idzo dzakatimbundira ndokutitsvoda, uye pasinei zvapo nezvinhu zvadzo zvishomanene, dzakatipa chifundo chakaisvonaka murupo rwechiKristu.”
Finland
Pasinei zvapo nokuderera kwakakomba mune zvokutengeserana kweFinland, kushaya basa kwakapararira, uye zvinetso zvemari, kudisa pakati pehama dzeFinland dzinodokusvika 18 000 kubetsera hama dzadzo muyaichimbova Soviet Union kwave kuri kukuru. Idzo dzakatumira matani anopfuura 58 ezvokudya mumakatoni 4 850 kuSt. Petersburg, Estonia, Latvia, Lithuania, uye Kaliningrad. Idzo dzakazadzawo nzvimbo isina chinhu mumarori namamita ane makubiti 12 ezvipfeko. Motokari namavhani zvakashandiswa 25 zvakapiwawo nokuda kwokushandisa mubasa roUmambo.
Mamwe amabhokisi ezvokudya akasvika ungano yavaparidzi 14 muSlanti munharaunda yeSt. Petersburg. Idzo dzakataura kuonga kukuru mutsamba. “Isu tine hanzvadzi gumi dzakwegura muungano yedu. Vakawanda vedu tinorwara zvakakomba uye hatigoni kumira mumitsetse kwamaawa kuti tiwane zvokudya. Baba vedu vokudenga, zvisinei, havasati vachitipa chikonzero chokuodzwa mwoyo muidzi nguva dzakaoma asi vanozadza mwoyo yedu nomufaro. Tinoitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha 43.” Apo imwe hanzvadzi muSt. Petersburg yakawana pasuro yayo yokubetsera, yakasundwa kwazvo zvokuti yakachema kwamaawa maviri isati yaivhura.
Denmark
Muiyi nyika duku iri pasuo reGungwa reBaltic, Zvapupu zvaJehovha 16 000 zvakaungana pamwe chete ndokutumira kuUkraine marori 19 aiva namatani 64 ezvokudya mumabhokisi 4 200; mabhokisi 4 600 ezvipfeko zvakaisvonaka; uye mapeya 2 269 eshangu itsva. Imwe hama muGermany yakarega bazu richishandisa marori mashanu, ayo ipapo yakapa kuhama muUkraine. Pakudzokera kumusha, mumwe wavachairi akati: “Takawana kuti takadzorera zvakawanda kupfuura zvatakanga taendesa. Rudo nomudzimu wokuzvibaira zvakaratidzwa nehama dzeUkraine zvakasimbisa zvikuru kutenda kwedu.”
Vachairi vaifanira kungwarira makororo mumigwagwa muyaichimbova Soviet Union. Mazuva mashomanene imwe yerori dzeDenmark isati yapfuura, ugororo hwakanga hwaitika munzira iyoyo. Marori mashanu aiva nezvokudya zvakabva kurimwe sangano rinobetsera akanga amiswa namakororo aishandisa herikoputa nezvigwagwagwa. Iwo akatora marori ose ari mashanu, achisiya vachairi vari parutivi rwomugwagwa. Pasinei zvapo nengozi yakadaro, migove yose yakabva kubazu reDenmark yakasvika hama zvakakotsekana. Uyewo, dzakaita kuti muchairi aendese kumusha tsamba inotevera, yakanyorwa nechitambudzo chikuru muchiNgezi: “Hama nehanzvadzi dzinodiwa dzeDenmark: Tagamuchira yamuro yenyu. Jehovha achakutusai.”
Netherlands
Bazu reNetherlands rakatumira matani 52 ezvokudya mumapasuro 2 600. Zvakaendeswa kuUkraine mumitsetse miviri yakasiana-siana yamarori. Nguva imwe neimwe marori matanhatu akasiiwa shure, sezvo akapiwa nehama dzomuGermany nokuda kwebasa roUmambo muMabvazuva. Hama dzeUkraine dzakaendesa zvakawanda zvezvokudya kuMoscow, Siberia, uye dzimwe nzvimbo uko kwaiva nokushaiwa kukuru. Uyezve, mamita ane makubiti 736 ezvipfeko neshangu akapiwa nehama dzeNetherlands. Zvakaunzwa kuLviv muUkraine, mumutsetse wamarori 11 aiperekedzwa nemotokari dzavanhu.
Pashure pokufamba kwenguva refu nomuGermany nePoland, marori akapfuura zvakanaka napanopinda nokubuda napo zvinhu peUkraine, uye akasvika kunze kweLviv pa 3:00 a.m. Vachairi vanoshuma, kuti: “Munguva pfupi, boka rehama 140 rakanga riripo kuzoburutsa zviri mumarori. Dzisati dzatanga basa racho, idzi hama dzinozvininipisa dzakaratidza rutsamiro rwadzo pana Jehovha, dzichipa munyengetero wakabatana. Apo basa racho rakapedzwa, dzakatiunganidza nokuda kwomunyengetero wokuonga kuna Jehovha. Pashure pokufarikanya mutsa wehama dzomunzvimbomo, idzo dzakapa zvakawanda zvezvishomanene zvadzaiva nazvo, takaperekedzwa kumugwagwa mukuru, uko dzakapa munyengetero murutivi momugwagwa dzisati dzatisiya.
“Mukati mokufamba kurefu tichienda kumusha, kwakanga kune zvakawanda zvokufunga pamusoro pazvo—mutsa wehama muGermany nePoland, uye uyo wehama dzedu muLviv; kutenda kwadzo kwakasimba nechimiro chendangariro chokunyengetera; mutsa wadzo mukugovera pokugara nezvokudya padzaiva mumigariro yokushaiwa idzo dzimene; kuratidzira kwadzo chinzwano nokuva pedyo; uye kuonga kwadzo. Takafungawo nezvehama dzedu nehanzvadzi shure kumusha, idzo dzakanga dzapa norupo kwazvo.”
Switzerland
Bazu reSwitzerland rinotanga mushumo waro kupfurikidza nokunokora mashoko muna Jakobho 2:15, 16: “Kana kune hama, murume kana mukadzi, asina zvokufuka, unoshaiwa zvokudya zuva rimwe nerimwe, mumwe wenyu akati kwavari: ‘Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute, musingavapi izvo zvinodikanwa nomuviri, zvinogobatsirei?’” Ipapo mushumo wacho unopfuurira, kuti: “Rugwaro urwu rwakayeukwa apo Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha wakatikumbira kugovera betsero yokunyama kuhama dzedu dzinoshaiwa.
“Nokukurumidza munhu ari ose akabatikana! Mumazuva maviri chete, matani 12 ezvokudya mumapasuro 600 akatumirwa kuUkraine namarori matatu akabva Germany, ayo aifanira kuzopiwa kubasa ikoko. Mashoko okuti zvose zvakanga zvasvika zvakakotsekana akaparira mufaro mukuru pakati pehama dzedu muno. Munguva iyoyo, ungano dzakaunganidza zvipfeko, uye nokukurumidza bazu redu rakanga razadzwa namakatoni, masutukesi, uye masaga! Izvo zvaiva nezvipfeko zvavana zvakabatanidza zvokutambisa zvakabva kuvana veSwitzerland nokuda kweshamwari dzisingazivikanwi dzokure kuChamhembe. Machokoreti akawanda akaiswa pakati pezvipfekowo.”
Izvozvi zvose zvaizofanira kuendeswa sei? Mushumo wacho unoti: “Bazu romuFrance rakatiyamura kupfurikidza nokutipa marori maviri navachairi vana kuti tishandise. Mukuwedzera, rori imwe yakabva kubazu redu nedzimwe ina dzehama dzomunzvimbomo dzaidikanwa nokuda kwokuendesa matani 72 kuUkraine.” Mudungwe wamarori, wakareba mamita 150, wasvika zvakakotsekana panzvimbo yokuchengetera zvinhu muLviv, uko dzinenge hama dzine zana rimwe dzomunzvimbomo dzakanga dzakamirira kuburutsa zvinhu mumarori. Vachairi vakashuma kuti mukaha womutauro wakanga usiri mhinganidzo nemhaka yokuti zviso zvadzo zvakaratidzira kuonga kukuru.
Austria
Hama dzeAustria dzakatumira matani 48,5 ezvokudya, makatoni 5 114 ezvipfeko, uye mapeya 6 700 eshangu kuLviv neUzhgorod muUkraine. Idzo dzakatumirawo matani 7 ezvokudya, mabhokisi 1 418 ezvipfeko, uye mapeya 465 eshangu kuBelgrade, Mostar, Osijek, Sarajevo, uye Zagreb muyaichimbova Yugoslavia. Mushumo webazu unoti: “Taiva namarori akatakura 12, achifamba [makiromita 34 000]. Kuzhinjisa kwouku kutakura kwakaitwa nehama nomwanakomana wayo avo vane bhizimisi rokutakura zvinhu namarori.”
Pamusoro pezvipfeko zvakapiwa, mushumo wacho unopfuurira, kuti: “Takashandisa Horo yeGungano senzvimbo yapakati. Rori pashure perori dzakaramba dzichipinda, kutozosvikira pasisina nzvimbo. Somumazuva aMosesi, vanhu vaitofanira kudzorwa kuti vasasaunzezve zvimwe. (Eksodho 36:6) Kunyange vamwe vanhu vasiri Zvapupu zvaJehovha vakapa mari, ‘nemhaka yokuti,’ ivo vakadaro, ‘neiyi nzira tinoziva kuti vanhu vanoshaiwa vachazviwana.’ Takawanawo makatoni asina chinhu aidikanwa zvikuru kumafemu enyika pasina mutengo.” Hama nehanzvadzi idzo dzakapandanisa ndokupaka chinhu chiri chose dzaiva dzamakore anovambira pa 9 kusvikira 80 ezera. Idzo dzakatoedza kuwiriranisa tai yakafanira nehembe nesutu imwe neimwe.
Mushumo wacho unoti: “Zviremera muAustria napamiganhu zvave zvichibetsera zvikuru mukuita kuti kutakura zvakasiana-siana kubvire nomukupa mapepa ari madikanwa kuitira kuti zvinoendeswa zvose zvigogona kuitwa nechitambudzo chiduku.”
Italy
Kubva kuRoma matani akawanda se 188 ezvokudya akatumirwa mumitsetse miviri mikuru yamarori kuyambuka Austria, Czechoslovakia, uye Poland kuenda kuyaichimbova Soviet Union. Boka rimwe nerimwe romutsetse rakabatanidza vachairi vatanhatu, makanika, mugadziri wamagetsi emotokari, muturikiri, anotarisira kupinda kwezvinhu munyika, mubiki, chiremba, mutungamiriri womutsetse aiva mujipi, uye hama yaiva nezvokushandisa mumusasa.
Zvokudya zvakawanwa kuvagoveri vanomwe. Bazu rinoshuma, kuti: “Apo vagoveri vedu vakanzwa chikonzero chechiito chacho, vamwe vavo vakada kutora rutivi. [Makirogirami] ane mazana anoverengeka epasta nomupunga, pamwe chete namabhokisi okuisira, zvakapiwa navagoveri venyika. Vamwezve vakapa matai okufambisa musinou amarori kana kuti vakazvipira kupa mari.
“Hama dzomuItaly dzakaonga iri banza rokubetsera. Vana vakada kupawo. Mumwe mukomana ane makore mashanu okukura akatumira mupiro muduku uyo aikarira kuti waizotenga ‘tini rehove dzetuna guru zvikuru rehama dzomuRussia.’ Nokuda kwamagiredhi ake akanaka muchikoro, musikana muduku akagamuchira mari kuna vanasekuru vake yokutenga chipo nokuda kwavabereki vake. ‘Asi,’ akanyora kuti, ‘apo ndakaziva kuti dzakawanda dzehama dzangu hadzina zvinhu zvakanaka zvose zvokudya zvandinazvo, ndakafunga kuti chipo chakanakisisa chandaigona kutengera vabereki vangu kwaiva kubetsera hama idzodzo.’ Iye akaisa chitsama chakati chemari mubhokisi remipiro. ‘Ndinokarira kupfuurira kuwana magiredhi akanaka, kuitira kuti ndigokwanisa kutumira mari yakawanda,’ iye akadaro.” Mushumo webazu unoguma nokutaura kuti tsamba dzokuonga kwoushamwari dzakabva kuhama dzokuUkraine, mashoko akawanda okuonga ehama dzeItaly, uye zvinoitika zvakaisvonaka mukugadzirira nokuendesa migove zvaifadza, kukurudzira, uye zvinobatanidza.
Zvokudya Zvezviuru Zvenhume
Kokorodzano yokutanga yamarudzi ose yeZvapupu zvaJehovha muyaichimbova Soviet Union yakaitwa paKirov Stadium muSt. Petersburg muRussia, June 26-28, 1992. Iyi kokorodzano inokosha, ino musoro unoti “Vatakuri Vechiedza,” yakapindwa nenhume dzinopfuura 46 200 dzakabva kunyika 28. Yakapa rimwe banza rokuratidzira rudo rwechiKristu “nokuda kweboka rose rehama.”—1 Petro 2:17, NW.
Matani ezvokudya akabva Denmark, Finland, Sweden, uye dzimwe nyika muWestern Europe akapiwa pachena kuzviuru zvenhume dzekokorodzano dzakabva kuyaichimbova U.S.S.R., kuti adyiwe mukati mekokorodzano. Sezvo dzakabva pakokorodzano pashure porusando rwokupedzisira, dzakapiwawo pasuro yezvokudya nembuva yorwendo rwadzo rwokumusha.
Mishumo yadudzwa pano inoratidza kuti kupa kwave kusingaendi munzira imwe—kumabvazuva—bedzi. Kwave kune tsinhano yokupa. Zvokudya nezvokupfeka kumabvazuva, hungu, asi madokero kutaura kunofadza kusingaverengeki kworudo nezvinoitika zvinokurudzira kutenda zvinoratidzira tsungiriro nokutendeka zvezviuru zvavanamati vaJehovha mukati mamakumi amakore edzvinyiriro nenhamo. Nokudaro, mativi ose ari maviri akawana zvokwadi yamashoko aJesu, anoti: “Kupa kuno mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.
[Mufananidzo uri papeji 21]
1. Kubva Finland; St. Petersburg, Russia; Tallinn neTartu, Estonia; Riga, Latvia; Vilnius neKaunas, Lithuania; Kaliningrad, Russia; Petrozavodsk, Karelia
2. Kubva kuNetherlands: Lviv, Ukraine
3. Kubva kuSweden: St. Petersburg, Russia; Lviv, Ukraine; Nevinnomyssk, Russia
4. Kubva kuDenmark: St. Petersburg, Russia; Lviv, Ukraine
5. Kubva kuAustria: Lviv, Ukraine; Belgrade, Mostar, Osijek, Sarajevo, Zagreb (muyaichimbova Yugoslavia)
6. Kubva kuSwitzerland: Lviv, Ukraine
7. Kubva kuItaly: Lviv, Ukraine
[Mifananidzo iri papeji 23]
Makatoni ezvipfeko mubazu reSweden
Kukwidza zvokubetsera
Zvokudya mupasuro imwe
“Bacon” ne“ham” yakabva kuDenmark
Mutsetse wamarori 11 nemotokari 1
Mapasuro namasutukesi pabazu reAustria
Kuburutsa zvinhu murori paLviv, muUkraine