RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 12/1 pp. 3-5
  • Rudzii Rwavanhu Rwaunoda?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudzii Rwavanhu Rwaunoda?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mipimo Yavose Youkoshi
  • Ko Iyi Mipimo Yakanaka Here?
  • Ndiani Anodiwa naMwari?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kuita Zvisarudzo Zvakanaka Panyaya Yekuwedzera Dzidzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Dzidzo Uye Mari Zvinoita Kuti Uve Neramangwana Rakanaka Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Dzidzo—Ishandise Kurumbidza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 12/1 pp. 3-5

Rudzii Rwavanhu Rwaunoda?

“MWENGA UNODIKANWA. Unofanira kuva mutsvuku nomutete, une dhigirii kana kuti zvikurukuru akafunda pashure pokuwana dhigirii. Unofanira kubva mumhuri yakanaka ine zvinhu. Rudzi rumwe cheterwo runodikanwa.”

CHINORAVA kudaro chiziviso chaicho cheroorano chaungaona mupepanhau muIndia. Sezvingabvira, ungagona kuona chimwe chinhu chakafanana mumamwe mativi akawanda enyika. MuIndia chiziviso chacho chinowanzopiwa navabereki vechikomba chinokarirwa. Mhinduro dzingabatanidza pikicha yomusikana akapfeka sari tsvuku uye akapfeka zvinhu zvakawanda zvakagadzirwa nendarama. Kana mhuri yomukomana ikatendera, kurukurirano nomurangariro weroorano dzingavamba.

Mipimo Yavose Youkoshi

MuIndia zvikumbiro zvomwenga mutsvuku zvinozivikanwa navose zvikuru. Ikoku kuri nemhaka yechitendero chakasimba chokuti marudzi anonzi akaderera zvikuru echaunga cheHindu akasviba. Misi ichangobva kupfuura iyi, imwe purogiramu muterevhizheni yeIndia yakataura nhau yavasikana vaviri, mumwe mutsvuku uye mumwe wacho mutema. Musikana mutsvuku aiva noutsinye uye aiva netsika dzakaipa; musikana mutema aiva nomutsa uye aiva munyoro. Chinjo yechienzi yakaitika, uye musikana mutsvuku akava mutema sechirango, nepo musikana mutema akaitwa mutsvuku. Chidzidzo chenhau yacho sezvinooneka chaiva chokuti nepo runako pakupedzisira ruchikurira, ganda dzvuku ituso inodikanwa.

Mirangariro yakadaro yedzinza inowanzova yakasimba zvikuru kwazvo kupfuura zvingaziva munhu. Somuenzaniso, muAsia angashanyira nyika yokuMadokero ndokunyunyuta kuti akabatwa zvisakafanira nemhaka yoruvara rweganda rake kana kuti kutsveyama kwameso ake. Zviito zvakadaro zvinomuvhiringidza, uye iye anonzwa achisarudzwa. Asi apo iye anodzokera kunyika yake yaakaberekerwa, iye angabata vanhu veboka redzinza rakasiana nenzira imwe cheteyo zvikuru. Kunyange nhasi ruvara rweganda nedzinza zvinoita rutivi rukuru mukuyera kwavanhu vazhinji faniro yomumwe munhu.

“Zvose zvingawanikwa nemari,” akanyora kudaro Mambo Soromoni wenguva dzakare. (Muparidzi 10:19) Ikoko ndokwechokwadi sei! Pfuma inotapurawo kurangarirwa kwavanhu. Manyuko epfuma haawanzopanikirwa. Ko munhu akapfuma nemhaka yebasa rakaoma kana kuti tarisirwo yokungwarira kana kuti kusatendeseka here? Ikoko hakutongokoshi. Pfuma, yakawanwa zvakaipa kana kuti kwete, inotungamirira vanhu vazhinji kupfumba mwene.

Dzidzo yakakwirirawo inokosheswa zvikuru munyika ino yamakwikwi. Nokukurumidza apo mwana anoberekwa, vabereki vanokurudzirwa kutanga kutsaura zvitsama zvikuru zvemari yedzidzo. Panosvika nguva apo iye anenge ava namakore maviri kana kuti matatu okukura, vanonetseka pamusoro pokumupinza muchikoro chavana vaduku chakarurama senhano yokutanga parwendo rurefu rwokudhigirii reyunivhesiti. Vamwe vanhu vanoratidzika kuva vanofunga kuti dhipiroma rakakurumbira rine maruramiro okudiwa noruremekedzo zvinobva kuvamwe.

Hungu, ruvara rweganda, dzidzo, mari, dzinza—izvozvi zvazova mipimo vanhu vazhinji vanorangarira nayo kana kuti, panzvimbo pezvo, kudeya kurangarira nayo mumwe munhu. Izvozvi ndizvo zvinhu zvinosarudza kuti vanoratidza kuda kuna vanaani uye vanokunyima vanaani. Zvakadiniko newe? Ndiani waunoda? Ko unorangarira mumwe munhu ane mari, mutsvuku, kana kuti ane dzidzo yakakwirira kuva akafanirwa zvikuru nokudiwa noruremekedzo here? Kana zvakadaro, unofanira kurangarira zvakakomba hwaro hwemirangariro yako.

Ko Iyi Mipimo Yakanaka Here?

Bhuku rinonzi Hindu World rinoti: “Munhu upi noupi wamarudzi akaderera zvikuru anouraya akakwirira aigona kutambudzwa kusvikira kurufu uye zvinhu zvake zvaipambwa, uye mweya wake waitukwa nokusingagumi. Akakwirira akauraya munhu upi noupi aigona bedzi kubvisiswa faindi uye aisatongorangwa norufu.” Kunyange zvazvo bhuku racho riri kutaura nezvenguva dzakare, zvakadiniko nhasi? Fungira mano yedzinza nenyanduko yomunzanga zvakaparira nzizi dzeropa kuyerera kunyange muzana ramakore rechi 20. Uye ikoku hakuna kuganhurirwa kuIndia. Ruvengo namasimba masimba zvakapfuuridzirwa norusaruraganda muSouth Africa, fungira mano yakaipa yorudzi muUnited States, fungira mano yakaipa yedzinza mumaBaltic—ndaza yacho inopfuurira—zvose zvinoparirwa nemirangariro youkuru hwomuzvarirwo. Zvamazvirokwazvo, kudiwa kwakadaro kwomunhu mumwe kupfuura mumwe nemhaka yedzinza kana kuti rudzi hakuna kubereka zvibereko zvakanaka, zvine rugare.

Zvakadiniko nepfuma? Pasina panikiro, vazhinji vanova vakapfuma kupfurikidza nebasa rokutendeseka, rakaoma. Zvisinei, pfuma huru yakaunganidzwa namatsotsi akarongeka, vatengesi vanopunza mitemo, vatengesi vemirimo, vatengesi vezvombo vasiri vapamutemo, uye vamwe. Chokwadi, vamwe vaivava vanopa mipiro kumasangano anobatsira vanhu kana kuti vanotsigira gadziriro dzokubetsera varombo. Kunyanguvezvo, mabasa avo outsotsi akaunza kutambura kusingatauriki nenhamo kuvanyajambwa vavo. Kunyange vashandisi venguva duku zvikuru, zvakadai saavo vanotora pfumbamuromo kana kuti vanogoverana mumiitiro yebhizimisi yokusatendeseka, vakaparira kangaidziko, kuvadziko, uye rufu apo zvinhu zvavo kana kuti mabasa zvinokundikana uye zvinoshanda zvisakafanira. Zvamazvirokwazvo, kuva nepfuma makuri kumene hakusati kuri hwaro hwokurangarira kwakanaka.

Zvakadiniko, ipapoka, nezvedzidzo? Ko ndaza refu yamadhigirii namazita oruremekedzo pashure pezita romunhu zvinovimbisa kuti iye akatendeseka uye akarurama here? Kunoreva here kuti iye anofanira kudiwa? Sezvinobvumwa, dzidzo inogona kukudza pfungwa dzomunhu, uye vazhinji vakashandisa dzidzo yavo kubetsera vamwe vanofanirwa norukudzo noruremekedzo. Asi nhau yakazara nemienzaniso yokushandisa zvisakafanira nokudzvinyirirwa kwavanhu zvinoitwa neboka rakadzidza. Uye rangarira chiri kuitika panzvimbo yekoreji kana kuti yunivhesiti nhasi. Nzvimbo dzapayunivhesiti kana kuti dzapakoreji dzinotambudzwa nezvinetso zvokushandiswa kusakafanira kwemirimo nehosha dzinopfuudzwa muvatano, uye vadzidzi vazhinji vanonyoresa zvikurukuru mukurondwa kwemari, simba, uye mukurumbira. Dzidzo yomunhu yoga haisati ichitongova chiratidzo chakavimbika chohunhu hwake hwechokwadi.

Aiwa, ruvara rweganda, dzidzo, mari, dzinza, kana kuti zvimwe zvinhu zvakadaro hazvisati zviri hwaro hwakanaka hwokurangarira nahwo faniro yomumwe munhu. MaKristu haafaniri kubatikaniswa neizvi zvinhu munhamburiko yokuwana kudiwa navamwe. Chii, ipapoka, munhu anofanira kuva anoitira hanya? Mipimoi inofanira kutevera munhu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe