RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 12/1 pp. 5-6
  • Ndiani Anodiwa naMwari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Anodiwa naMwari?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mipimo Yakakwirira Zvikuru yaMwari
  • Tinogona Kudiwa naMwari
  • Rudzii Rwavanhu Rwaunoda?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Waka“pfuma Kuna Mwari” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • VaKristu Vanofanira Kuva Varombo Here?
    Mukai!—2003
  • Chii Chinokosha Zvechokwadi?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 12/1 pp. 5-6

Ndiani Anodiwa naMwari?

TOSE zvedu tinoda kudikanwa navasonganiri vedu. KumuKristu chishuvo chakasimba zvikuru kudiwa naMwari. NezvaJehovha Mwari, kunonzi paPisarema 84:11: “Jehovha uchapa nyasha nokukudzwa; hapane chinhu chakanaka chaanganyima vanofamba nokururama.” Pakuberekwa kwaJesu, danidziro yokufara yengirozi dzokudenga yakapikira “rugare pasi pano nokuda kwavanhu vaanoda!”—Ruka 2:14, Moffatt.

Asi Mwari anoda ani? Ko mipimo yaMwari ndiimwe cheteyo neyomunhu here? Nenzira inonzwisisika, haisati, sezvaratidzirwa neizvo takurukura munyaya yapfuura. Kutaura idi, sezvo maKristu achipangirwa kuti “ivai vatevedzeri vaMwari,” mumwe nomumwe angasanobvunza kuti, Ndinoda vanhu avo Mwari anoda here, kana kuti ndakakombamira kutevera mipimo yenyika mukurangarira kwangu vanhu? (VaEfeso 5:1, NW) Kuti tidiwe nokutenderwa naJehovha, isu tinofanira kungwarira kuona zvinhu nomurangariro wake.

Mipimo Yakakwirira Zvikuru yaMwari

“Mwari haazi mutsauri wavanhu,” akadaro muapostora Petro, “asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.” Uyezve, muapostora Pauro akapupurira kuti Mwari “akaita marudzi ose avanhu, achibva kuno mumwe chete.” (Mabasa 10:34, 35; 17:26) Kunongova bedzi kuno mufungo kugumisa, naizvozvo, kuti vanhu vose vakaenzana mukuona kwaMwari pasinei zvapo nezvamavara avo omuviri. Ikoko zvakwakadaro, hakusati kwaizokodzera muKristu kuda mumwe munhu zvisakafanira nemhaka bedzi bedzi yokuti munhu iyeyo anobva munharaunda yakati kana kuti ndoweruvara rwakati rweganda kana kuti ndowerimwe dzinza. Panzvimbo pezvo, aizoita zvakanaka kutevera Muenzaniso wake, Jesu Kristu, nezvake kunyange vavengi vakabvuma kuti haana kuratidza rusaruro.—Mateo 22:16.

Kutaura kwokuti “kudzama seganda” padzimwe nguva kunoshandiswa kurondedzera chimwe chinhu chisina kudzika kana kuti chisingakoshi. Ruvara rweganda rwakadaro chaizvo; rwakangodzama seganda. Ruvara rweganda romunhu harusati ruchitongoratidzira hunhu hwake kana kuti mavara omukati. Apo kunouya kukusarudza vanhu vokusonganirana navo, vokudya navo, kana kuti vokubata maoko, tinofanira zvamazvirokwazvo kusatarisa zvikurukuru ruvara rweganda. Yeuka, mukadzi akaparira mamwe amadetembedzo akaisvonaka zvikuru neenyengano ati ambonyorwa akati nezvake amene: “Ndakasviba, asi ndakanaka hangu, . . . zvandakasviba, nokuti zuva rakandipisa.” (Rwiyo rwaSoromoni 1:5, 6) Dzinza kana kuti ruvara hazviumbi hwaro hwakafanira hwokuratidza kuda. Chinokosha zvikuru ndechokuti munhu anotya Mwari uye anoita kururama.

Mwari anonzwa sei pamusoro pokuva nepfuma yokunyama? Pavanhu vose avo Mwari anoda nokunzwira nyasha, Mwanakomana wake, Jesu Kristu, ndiye mukurusa. Bva, apo aiva pasi pano, Jesu akanga asina “paangatsamidza musoro wake.” (Mateo 8:20) Iye akanga asina nzvimbo, dzimba, minda, miti yemichero, kana kuti mhuka. Zvisinei, Jehovha akamukudza ndokumukwidza kunzvimbo iri pamusoro pomunhu ari wose zvake muchisiko chapose pose kunze kwaMwari amene.—VaFiripi 2:9.

Jesu Kristu akadiwa naMwari nemhaka yokuti akanga akapfuma kwete muzvinhu zvokunyama asi mumabasa akaisvonaka. (Enzanisa na 1 Timotio 6:17, 18.) Iye akapangira vateveri vake, kuti: “Regai kuzviunganidzira pfuma panyika, pane zvipfunho nengura zvinopedza, napane mbavha dzinopaza dzichiba. Asi muzviunganidzire pfuma kudenga, pasine zvipfunho nengura zvinopedza, pasine mbavha dzinopaza dzichiba.” (Mateo 6:19, 20) Nokudaro, panzvimbo pokuda bedzi avo vakapfuma muzvinhu zvenyika ino, maKristu haasati achizoita mitsaukano pahwaro hwezvinhu zvenyika. Achatsvaka avo vakapfuma kuna Mwari pasinei zvapo nokuti vakapfuma kana varombo mune zvokunyama. Usatongokanganwa kuti “Mwari akasarudza varombo pamusoro penyika kuti vave vakapfuma mukutenda navadyi venhaka voUmambo.” (Jakobho 2:5, NW) Kana iwe ukachengeta murangariro waMwari, hausati uchizotongova nyajambwa womuitiro wavose wokuda kana kuti wokuwana kudiwa navakapfuma mune zvokunyama.

Kana iri dzidzo, Bhaibheri rinoratidza nenzira yakajeka kuti Mwari anotikudzira kutsvaka zivo nouchenjeri uye kuti Jesu Kristu akanga ari mudzidzisi mukurusa ati ambofamba papasi. (Zvirevo 4:7; Mateo 7:29; Johane 7:46) Asi hahusati huri huchenjeri hwenyika kana kuti dzidzo zvinodiwa naMwari. Mukupesana, Pauro anotiudza kuti “havasati vari vakachenjera vakawanda munyama vakadanwa, . . . asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika, kuti agonyadzisa vakachenjera.”—1 VaKorinte 1:26, 27, NW.

Mwari anoda avo vakasanodzidza, kwete muzvidzidzo zvenyika zvinodzidziswa mumasangano edzidzo yakakwirira, asi mu“mutauro wakachena” wezvokwadi seinowanwa muShoko rake, Bhaibheri. (Zefania 3:9, NW) Kutaura idi, Jehovha amene anodzidzisa vanhu vake nhasi kupfurikidza negadziriro yedzidzo iyo inotambanukira kumakona ari kure apasi. Sezvakadeya kutaurwa nomuporofita Isaya, vanhu vamarudzi ose vari kugamuchira kupfurikidza nokuti: “Ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake.” Naizvozvo, panzvimbo pokurumbidza dzidzo yenyika, maKristu achatsvaka avo vanobvumikisa kupfurikidza namashoko avo nezviito kuti ivo chaizvoizvo “vanhu vanodzidziswa naJehovha.” Kupfurikidza nokuita saizvozvo, vachafarikanya ‘rugare rukuru’ urwo Mwari anopa.—Isaya 2:3; 54:13, NW.

Tinogona Kudiwa naMwari

Hungu, mipimo yaMwari yokuisa kuda pavamwe yakasiana zvikuru neyomunhu. Kunyanguvezvo, tinofanira kuedza kutungamirirwa nenzira dzake kana tichida kudiwa mumeso ake. Ikoko kunoreva kuti tinofanira kudzidza kuona vamwe mumurangariro waMwari ndizvo kwete kupfurikidza nemipimo yavanhu, sezvaingapesvedzerwa noudyire nokufungira mano akaipa. Tinogona sei kuita ikoko?

Jehovha Mwari anonzvera mwoyo womunhu uye anoda avo vanoratidzira mavara akadai sorudo, runako, mutsa, uye mwoyo murefu. Tinofanira kuita zvakafanana. (1 Samueri 16:7; VaGaratia 5:22, 23) Tinofanira kutarira munhu womukati, kusvikira patambanuko iyo isu savanhu tinogona, uye kwete ruvara rwake rweganda kana kuti dzinza. Panzvimbo pokutsvaka avo vakapfuma mune zvokunyama, tinoita zvakanaka kurangarira murangariro waMwari wepfuma ndokuvavarira “kuva vakapfuma mumabasa akanaka, kuva vane rupo, kuva vakagadzirira kugoverana.” (1 Timotio 6:18, NW) Kuti tidiwe naMwari, tinofanira kupfuurira kutsvaka zivo yakarurama yaMwari neyoMwanakomana wake, Jesu Kristu, tichiva vakasanodzidziswa mutauro wechokwadi wakachena. (Johane 17:3, 17) Mukuita saizvozvo, isuwo tichava pakati paavo Mwari anoda.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe