RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 9/1 pp. 30-31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingapembereri Mazuva Okuberekwa?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Zuva Rokuberekwa
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mapati Ose Anofadza Mwari Here?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 9/1 pp. 30-31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Ko Zvapupu zvaJehovha zvinodzivisa kuchengeta mazuva okuberekwa nemhaka yokuti muitiro wacho waiva nerevo yorudzidziso here munguva dzakare?

Kuchengeta mazuva okuberekwa kune mavambo okutenda mashura norudzidziso rwenhema, asi ichocho hachisati chiri chikonzero bedzi kana kuti chikuru nei Zvapupu zvaJehovha zvichidzivisa muitiro wacho.

Dzimwe tsika idzo dzaichimbova dzorudzidziso murudzi hadzisati dzichiri munzvimbo dzakawanda. Somuenzaniso, mhete yomuchato pane imwe nguva yaiva nerevo yorudzidziso, asi munzvimbo zhinjisa nhasi, haichisina. Nokudaro, maKristu echokwadi akawanda anogamuchira tsika yomunzvimbomo yokupfeka mhete yomuchato kupa ufakazi hwokuti mumwe munhu akaroora kana kuti akaroorwa. Muzvinhu zvakadaro, chinowanzova chinopesvedzera ndikana muitiro wacho zvino wakabatanidzwa norudzidziso rwenhema.—Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” muNharireyomurindi yaJuly 15, 1972, uye October 15, 1991.

Hapana kuramba, kunyanguvezvo, kuti mabhuku enongedzero akawanda anozivisa mienzaniso yokutenda mashura neyorudzidziso yokuchengeta mazuva okuberekwa. The Encyclopedia Americana (chinyorwa cha 1991) inoti: “Nyika yakare yeEgipita, Girisi, Roma, uye Persia yaichengeta mazuva okuberekwa kwavamwari, madzimambo, uye vanokudzwa.” Inotaura kuti vaRoma vaichengeta kuberekwa kwaArtemis nezuva raApollo. Mukupesana, “kunyange zvazvo vaIsraeri vakare vaichengeta zvinyorwa zvamazera zvavagari vemo vavo vechirume, hapana ufakazi hwokuti ivo vaiva nemitambo ipi neipi pazuva regore negore romusi wokuberekwa.”

Mamwe mabhuku enongedzero anopinda muudzame hwakati pamusoro pamavambo okuchengetwa kwamazuva okuberekwa: ‘Mapati ezuva rokuberekwa akavamba makore apfuura muEurope. Vanhu vaidavira mumidzimu yakanaka neyakaipa, pane dzimwe nguva vainzi vanhu vekare vakanaka navakaipa. Munhu ari wose aitya iyi midzimu, kuti yaizoparira kuvadziko kumuchengeti wezuva rokuberekwa, uye naizvozvo aikomberedzwa neshamwari nehama dzokunyama vaiva nezvishuvo zvakanaka, uye kuvapo kumene, kwaimudzivirira pangozi dzisingazivikanwi dzaiva nezuva rokuberekwa. Kupa zvipo kwaiunza dziviriro inotova huru zvikuru. Kudyira pamwe chete kwaigovera imwe taviridziro ndokubetsera kuunza zvikomborero zvemidzimu yakanaka. Naizvozvo pati yezuva rokuberekwa pakuvamba yakarongwa kuita kuti munhu akotsekane pazvakaipa nokuvimbisa gore rakanaka.’—Birthday Parties Around the World, 1967.

Bhuku racho rinotsanangurawo mavambo etsika dzakawanda dzezuva rokuberekwa. Somuenzaniso: “Chikonzero [chokushandisa makenduru] chinodzokera shure kusvikira kuvaGiriki navaRoma vapakuvamba avo vaifunga kuti makenduru aiva namavara amashiripiti. Ivo vaipa minyengetero ndokuita zvishuvo zvaifanira kukwidzwa kuvamwari namarimi amakenduru. Vamwari ipapo vaiburutsa zvikomborero zvavo uye zvichida kupindura minyengetero.” Mamwe mashoko ekare akadaro akaunganidzwa pamapeji 426 ne 427 aKurangarira muMagwaro, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

Sezvadudzwa, zvisinei, zvakawanda zvinobatanidzwa muuyu mubvunzo kupfuura kana kuchengeta mazuva okuberekwa kwakanga kana kuti kuchiri kworudzidziso. Bhaibheri rinomutsa nhau yamazuva okuberekwa, uye maKristu akakura mumudzimu nenzira yokuchenjera anongwarira ratidziro dzipi nedzipi dzarinopa.

Vabatiri vaMwari vekare vaicherechedza apo vanhu vaiberekwa, uko kwaivabvumira kuverenga mazera. Tinorava, kuti: “Noa wakanga ana makore ane mazana mashanu; Noa akabereka Shemi, naHami, naJafeti.” “Mugore ramazana matanhatu aNoa, . . . matsime ose apakadzikadzika akadziurwa, mahwindi edenga akazarurwa.”—Genesi 5:32; 7:11; 11:10-26.

Sezvo kunyange Jesu akadudza, pakati pavanhu vaMwari kubereka vana kwakanga kuri chinoitika chakakomborerwa, chinofadza. (Ruka 1:57, 58; 2:9-14; Johane 16:21) Bva, vanhu vaJehovha havana kudzidza nomusoro musi wokuberekwa; ivo vaichengeta mimwe misi yegore negore asi kwete mazuva okuberekwa. (Johane 10:22, 23) Encyclopaedia Judaica inoti: “Kuchengetwa kwamazuva okuberekwa hakuzivikanwi mumuitiro wegamuchidzanwa wechiJudha.” Customs and Traditions of Israel inoti: “Kuchengetwa kwamazuva okuberekwa kwakatorwa mumiitiro yamamwe marudzi, sezvo pasina kududza kunoitwa kweiyi tsika pakati pavaJudha muBhaibheri, Talmud, kana kuti zvimwe manyoro aVachenjeri vapashure. Kutaura idi, wakanga uri muitiro weEgipita wakare.”

Batano iyeyo yeEgipita yakajeka kubva mukuchengetwa kwezuva rokuberekwa kunorondedzerwa muBhaibheri, uko vanamati vechokwadi vakanga vasingachengeti. Akanga ari madyo ezuva rokuberekwa raFarao uyo akatonga apo Josefa akanga ari mutorongo reEgipita. Vamwe vavahedheni ivavo vangave vakafara pamadyo acho, bva musi wacho wokuberekwa wakabatanidzwa nokugurwa musoro kwomukuru wavabiki vaFarao.—Genesi 40:1-22.

Chiedza chisina kunaka chakafanana chinopenyerwa pakumwe kuchengetwa kwezuva rokuberekwa kunorondedzerwa muMagwaro—uko kwaHerodhe Antipasi, mwanakomana waHerodhe Mukuru. Uku kuchengetwa kwezuva rokuberekwa hakutongopiwi muBhaibheri somutambowo zvawo usina mhaka. Panzvimbo pezvo, wakaparira kugurwa musoro kwaJohane Mubhapatidzi. Ipapo, “vadzidzi vake vakauya vakatora mutumbi, vakamuviga ndokuenda kundoudza Jesu,” uyo ‘akabvako ndokupinda munzvimbo iri yoga nokuda kwokuparadzana.’ (Mateo 14:6-13) Unofungidzira here kuti vadzidzi ivavo kana kuti Jesu Kristu vakanzwa vachikweverwa kumuitiro wokuchengeta zuva rokuberekwa?

Nemhaka yamavambo anozivikanwa okuchengeta mazuva okuberekwa, uye zvinokosha zvikuru, chiedza chisina kunaka umo zvinopiwa muBhaibheri, Zvapupu zvaJehovha zvine chikonzero chikuru chokurega muitiro wacho. Izvo hazvifaniri kutevera iyi tsika yenyika, nokuti izvo zvinogona uye zvine zvokudya zvinofadza panguva ipi neipi mukati megore. Kupa kwazvo zvipo hakusati kuchisungirwa kana kuti kuva mudzvinyiriro yepati; kugoveranwa kwomuzvarirwo kwezvipo panguva ipi neipi nokuda kworupo nechidakadaka chechokwadi.—Zvirevo 17:8; Muparidzi 2:24; Ruka 6:38; Mabasa 9:36, 39; 1 VaKorinte 16:2, 3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe