RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 9/1 p. 32
  • Kukohwa kwoMuevhangeri Wechokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukohwa kwoMuevhangeri Wechokwadi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 9/1 p. 32

Kukohwa kwoMuevhangeri Wechokwadi

WILLIAM R. BROWN akatanga kuenda kuAfrica muna 1923. Nomudzimai wake nomwana, iye ‘akaita basa romuevhangeri’ muThe Gambia, Ghana, Liberia, Nigeria, uye Sierra Leone. (2 Timotio 4:5) Chibereko chebasa rake ndechechienzi.

Uyu mugari akaberekerwamo weWest Indies akanga asiri mutezo weimwe yechechi dzechiKristudhomu uye zvamazvirokwazvo haana kubatanidzwa mune zvamatongerwe enyika. Panzvimbo pezvo, iye akatevedzera Jesu navaapostora kupfurikidza nokuzivisa zita nouchangamire zvaJehovha, achisimbisa ukoshi hworudzikinuro, uye kuparidzira mashoko akanaka oUmambo. (Mateo 9:35; 20:28; Johane 17:4-6) William R. Brown aishandisa Bhaibheri nguva dzose, achinongedzera kwariri sechiremera chokupedzisira munhau dzedzidziso nokutenda. (2 Timotio 3:16) Iye akanga akaomerera kwazvo pana ikoku zvokuti iye akazivikanwa saBhaibheri Brown.

Nechikomborero chaJehovha, mbeu dzakadyarwa naBhaibheri Brown dzakamera ndokukura. Nhasi, munyika umo iye akatungamirira nzira, vanodokuva vaAfrica 200 000 vakatsaurira upenyu hwavo kuMusiki wavo uyewo, vanoparidzira mashoko akanaka oUmambo kuvamwe. (Mateo 24:14; 1 VaKorinte 3:6-9) Aya maKristu anoshingaira anozivikanwa zvikuru nokuda kwokutendeseka kwawo nokuvimbika. Vanodada nokuva Zvapupu zvaJehovha navadzorwi vaKristu, Mambo anotonga.

Kukohwa kwakadaro muuyo wouevhangeri hwechokwadi hwechiKristu. Kukohwa kwakafanana kuri kuchekwa kupota nyika panyika inogarwa iri yose. Munyika dzinopfuura 200, varume navakadzi vanyoro vanopfuura mamirioni mana vaka“kohwiwa” uye vari kudzokorora kuvamwe mashoko engirozi inoparidza evhangeri: “Ityai Mwari mumupe mbiri, nemhaka yokuti nguva yorutongeso rwunoitwa naye yasvika.” (Zvakazarurwa 14:7, NW) Chaizvoizvo, nzira bedzi yokuwana nayo tariro muzera redu ratambudzika kutendeukira kuna Mwari ndokuzviisa pasi pokutonga kwoUmambo hwake hunotonga.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe