Nzira yaJehovha Ndiyo Nzira Yakanakisisa Yokurarama
YAKATAURWA NAERKKI KANKAANPÄÄ
KUVAMBIRA panguva yandakanga ndiri mwana, nharidzano yangu yakanga iri yokubatira mubazu reFinland reZvapupu zvaJehovha, kana kuti Bheteri sezvarinodanwa. Naizvozvo apo mumwe mutariri anofambira akandibvunza muzhezha ra 1941, “Irongedzeroi dzaunadzo nokuda kwenguva yemberi?” Ndakapindura, kuti: “Nguva dzose ndakada kuenda kuBheteri.”
“Unofanira kurega zviroto izvozvo; hausati uchizotongokokwa,” iye akadaro. Pakutanga ndakaodzwa mwoyo zvikuru, asi ipapo ndakasarudza kungosiira zvangu nhau yacho mumaoko aJehovha. Mwedzi mishomanene gare gare, ndagamuchira kokero yokubatira paBheteri.
Ndakanga ndiri mukomana anonyara, ane makore 17 okukura womunyika apo ndakaridza bhero rapasuo pahofisi yebazu muHelsinki pazuva rinotonhora zvikuru, rakajeka raNovember muna 1941. Nokukurumidza ndakanga ndochingamidzwa naKaarlo Harteva, mutariri webazu. Panguva iyoyo bazu raitarisira Zvapupu 1 135 muFinland.
Nhaka yechiKristu
Muna 1914 baba vangu vakanga vawana kopi yechinyorwa cheWatch Tower The Divine Plan of the Ages. Zvisinei, hondo yenyika yokutanga yakatanga nokukurumidza pashure paikoko, uye ivo havana kuchirava.
Parapatiko yeFinland yokuzvimirira kworudzi yakaparira zvinetso. Mapoka maviri ane simba—maWhite namaRed—akaumbwa. MaWhite akamirira vapfumi neboka rapakati, nepo maRed akamirira vashandi. Baba vangu vakaedza kuva vasingatori rutivi, vachiramba vari kure chose chose namapoka ose ari maviri. Bva, ose ari maviri akavaronga savanonyumwirwa.
Sokuitika kwakwakaita, Baba vakashurikidzirwa kurufu kaviri, kutanga namaWhite uye ipapo namaRed. Pane imwe nguva apo mumwe murume akapondwa uye mupondi wacho aisagona kusungwa, varume vaduku gumi, kubatanidza Baba vangu, vakatongerwa kurufu. Mumwe wavadzidzisi vababa vangu, uyo akanga ari mutezo wavatongi, akarumbidza kuhesvurwa kwavo, uye kwakabvumwa. Dzimwe pwere pfumbamwe dzakaurawa.
Pane imwe nhambo Baba vakahesvurwazve mutongero yorufu. Pashure paikoko vakasarudza kuenda pasi pevhu, chaizvoizvo! Ivo nomukoma wavo vakachera gomba, umo ivo vakagara kusvikira hondo yapera. Kuti avachengete vari vapenyu, munun’una wavo aivagovera zvokudya nezvokunwa.
Pashure pokunge hondo yaguma muna 1918, Baba vakaroora ndokuvaka musha pedyo negomba iroro. Ini gare gare ndakava akasanorovedzana naro, sezvo iro rakabatira senhandare nokuda kwangu. Baba vakandiudza kuti ivo vakanga vaita kunyengetera kwakawanda vakahwanda imomo pasi pevhu. Vakapikira Mwari kuti kana vakangodzidza nzira yokuMubatira nayo, vaizokuita.
Nokukurumidza pashure pokuroora, Baba vakasarudza kuenda nechimwe chinhu chokurava parwendo rwebhizimisi. Mukamuri riri pasi pedenga, ivo vakawana The Divine Plan of the Ages iro vakanga vatenga makore akawanda kare. Ivo vakarizarura kuganhuro rinoti “The Day of Jehovah” ndokurirava. Ivo vakaramba vachitaura kwavari vamene kuti: ‘Iyi ndiyo zvokwadi, iyi ndiyo zvokwadi.’ Vachiburuka mukamuri riri pasi pedenga, vakaudza amai vangu, kuti: “Ndawana rudzidziso rwechokwadi.”
Panodokuva pakare pakarepo Baba vakatanga kuparidzira kuvamwe pamusoro pezvinhu zvavakanga vachidzidza, kutanga vachitaura kuhama dzavo dzokunyama navavakidzani. Ipapo vakatanga kukurukura hurukuro dzavose. Nokukurumidza vamwe vomunharaunda vakavakumbanira. Pashure pokuonana naVadzidzi veBhaibheri, sezvo Zvapupu zvaJehovha zvaidanwa panguva iyoyo, Baba vakabhapatidzwa muna 1923. Apo isu vana takaberekwa—pakupedzisira takava vana vana—Baba havana kuregeredza kutidzidzisa. Kutaura idi, pashure pokunge ungano yaumbwa, taidikanirwa kupinda musangano uri wose.
Zvokuyeuka Zvapakuvamba
Yeuko yangu yapakuvamba ndeyegungano rakarongwa muungano yomumusha medu muna 1929, apo ndakanga ndava namakore mashanu okukura. Vanhu vazhinji vakaungana vachibva muungano dzapedyo, uye mumiriri akabva kuhofisi yebazu akanga aripowo. Mumazuva iwayo wakanga uri muitiro, ndoti zvangu muFinland, kukomborera vana pamagungano. Naizvozvo hama yakabva kuBheteri yakakomborera vana, sezvo chaizvo Jesu akaita mukati moushumiri hwake. Handina kutongokanganwa ikoko.—Marko 10:16.
Imwe yeuko yapakuvamba kugamuchirwa kwezita rokuti Zvapupu zvaJehovha muna 1931. Baba vangu, vachiziva revo yenhambo yacho, vakarava zvakakomba kuungano chiziviso pamusoro pezita redu idzva.
Kuvambira kunenge shure kure sezvandinogona kuyeuka, ndaikumbanira Baba vangu mubasa rokuparidzira. Pakutanga, ndaingovateerera zvangu, asi pakupedzisira ndakanga ndichiita basa racho ndiri ndoga. Muna 1935, apo mumwe mutariri anofambira akatishanyira, ndakaenda kuvavakidzani vedu vose ndokuvakoka kupinda musangano. Ndakavagoverawo mabhukwana, uye vamwe vanhu vakagamuchira iwaya.
Chikoro Nechisarudzo Chinokosha
Isu vana vana ndisu bedzi muchikoro taiva navabereki vari Zvapupu, uye taiwanzonyombwa nemhaka yokusakumbanira dzimwe pwere mumufambiro usiri wechiKristu. Kunyange zvazvo vokuchikoro biyangu vakaedza kundinyengedza kusvuta, handina kutongodaro. Tainziwo nenzira yokunyomba vaRussell (Russell akanga ari purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society) kana kuti vaHarteva (Harteva panguva iyoyo achiva mutariri webazu reFinland). Ndinofara kutaura kuti dzimwe pwere dzaimbotinyomba pakupedzisira dzakava Zvapupu.
Mudzidzisi wangu akandikurudzira kupfuudzira mberi dzidzo yangu, uye pane imwe nguva ndakarangarira kuva injiniya. Asi ipapo kwakanga kune kokorodzano yeZvapupu zvaJehovha muPori muchirimo cha 1939, iyo yakabvumikisa kuva nguva inokosha muupenyu hwangu. Tose tiri vaviri munun’una wangu, Tuomo uye ini takazvitsaurira timene kuna Jehovha ndokuratidzira ikoku norubhapatidzo rwomumvura pakokorodzano iyoyo, pana May 28 1939. Ipapo, mukati mokuvamba kwaSeptember, Hondo yeNyika II yakatanga.
Migariro muEurope yakachinja zvikuru kwazvo. Mugariro pakati peFinland neSoviet Union wakava wakakomba. Baba vangu vakasimbisa kuti Armagedhoni yakanga ichisvika pedyo zvikuru ndokutikurudzira kupayona. Naizvozvo, muna December 1940, mukoma wangu neni takavamba kupayona muFinland yokuchamhembe.
Kupayona Nebasa reBheteri
Ndichipayona, takagara zhinjisa yenguva naYrjö Kallio. Iye akanga ari hama iyo, anenge makore 30 pamberi pezvi, yakanga yava Mudzidzi weBhaibheri muPennsylvania muUnited States. Yrjö aiva nomutsa zvikuru, iye akaita unani hwake kugovera mhoteredzo inofadza nokuda kwedu. Hama yake yokunyama, Kyösti Kallio, akabatira sapurezidhendi weFinland kuvambira muna 1937 kusvikira kuna 1940. Yrjö akatiudza kuti akanga apa hama yake uchapupu hwakakwana, achitsanangura kwairi kuti Umambo hwaMwari ndihwo tariro bedzi yehurumende yakanaka uye yorugare rusingagumi, rwenyika yose.
Sezvo nguva yakapfuura, chishuvo changu chokuva mutezo wemhuri yeBheteri chakakura. Nomufaro, pasinei zvapo nenyevero yomutariri anofambira yokurwisana nokukwidza tariro dzangu, kumbiriso yangu yokubatira paBheteri yakagamuchirwa. Basa rangu rokutanga ikoko rakanga riri riya romukomana wokutumwa. Nokukurumidza, zvisinei, ndakava neropafadzo yokushanda mufekitari. Imomo ndakashanda mumabato akawanda, kubatanidza kamuri redu duku rokutsikirira neBato Rokutumira Zvinhu.
Kuchengeta Kusatora Rutivi
Muna 1942, pazera ramakore 18, ndakadanwa nokuda kwebasa rehondo. Sezvo ndakaramba kunyoreswa, ndakapinzwa mumarusando marefu ebvunzurudzo, panhambo mbiri pfuti yakanongedzerwa kwandiri. Padzimwe nguva masimba masimba omuviri akashandiswa. Uyewo, mukati menhambo yebvunzurudzo, ndaichengetwa ndiri muchitokisi chetorongo maisadziya umo makanga muchitonhora zvikuru.
Pakupedzisira, muna January 1943, nguva yakasvika yokuti ini nezvimwe Zvapupu titongerwe. Mukuru wehondo uyo akanga atibvunzurudza akaraira kuti kuiswa kwedu mutorongo kuve kusiri pasi pamakore gumi. Muprista wehondo aida tongerwo inotova yakakomba zvikuru, achiraira mutsamba ‘tongero yorufu kana kuti kupinza ava vatengesi muRussia savashandisi veparachuti vanoongorora [runodokuva rufu rwechokwadi], uko kwaizovabatira zvakarurama.’
Kutonga kwokunyepedzera kwakarongwa. Ndakadanwa pamberi pedare ndokupiwa tongero yorufu. Zvisinei, iyoyi yakava imwe nhamburiko yetyisidziro, sezvo gare gare zuva iroro ndakadanwa pamberi pedare ndokutongerwa kumakore matatu nehafu mutorongo. Ndakakwirira tongero yacho, uye yakaderedzwa kumakore maviri.
Mutorongo, zvokudya zvaiva zvishoma, uye makanga mune tyisidziro dzakaipa dzakabva kuvamwe vasungwa. Kaviri ndakadenhwa nevane mitezo mimwe cheteyo yevatano vanovatana, asi sezvineiwo ndakakwanisa kupukunyuka. Mumwe wavo akatyisidzira kundiuraya kana ndaisazobvuma zvido zvake. Asi sezvandakaita mumiedzo yangu yose, ndakadana pana Jehovha, uye iye akandibetsera. Zvomenemene, tyisidziro yomusungwa yakanga isiri chinhu chenhando, nokuti iye akanga auraya kare. Pashure pokusunungurwa kwake, murume wacho akaita kumwe kuponda uye akadzorerwa kutorongo.
Pasina panikiro imhaka yokuti Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa kuva zvakavimbika zvokuti nokukurumidza ndakarumbidzwa kuva anovimbwa. Basa rangu rakanga riri kupa migove yezvokudya kuvamwe vasungwa, uye ndakabvumirwa kufamba-famba ndakasununguka munzvimbo dzetorongo. Naizvozvo, handina kungova bedzi nezvokudya zvakakwana nokuda kwangu ndimene asi ndakakwanisawo kuva nechokwadi chokuti hama dzangu dzechiKristu dzaisanotarisirwa. Imwe hama yakatowedzera makirogiramu anoverengeka iri mutorongo, chinhu chechienzi zvikuru ndichirangarira perevedzo yezvokudya!
Ndakasunungurwa mutorongo muna September 1944, zuva rimwe chetero iro Hama Harteva vakasunungurwa. Kusunungurwa kwangu kwakareva kudzokera kubasa reBheteri. Ndakafunga kwandiri ndimene, kuti ‘Kushanda zvakaoma maawa 16 pazuva paBheteri kunofanira kudiwa zvikuru kupfuura upenyu hwomutorongo.’ Handina kutongodzivisa basa chifo chenguva iyoyo!
Maropafadzo Ebasa Akasiana-siana
Gare gare muna 1944, ndakasangana naMargit, piona muduku akaisvonaka, uyo akagamuchira fariro yangu maari, uye takaroorana pana February 9, 1946. Mukati megore redu rokutanga savaroorani, ndakabatira paBheteri apo Margit aishanda muHelsinki sapiona. Ipapo muna January 1947 takagoverwa kubasa redunhu.
Mubasa rokufambira, taiwanzogara nemhuri ndokugoverana kamuri rimwe nadzo. Taiziva kuti dzaitigovera zvakanakisisa zvadzaifanira kupa, uye hatina kutongonyunyuta. Matunhu akanga ari maduku mumazuva iwayo, uye dzimwe ungano dzakanga dzisitongorina Zvapupu zvakabhapatidzwa!
Muna 1948 takakokwa kudzokera kubasa reBheteri. Makore maviri gare gare Wallace Endres akauya kuFinland achibva kuUnited States, uye nokukurumidza pashure pacho akagadzwa somutariri webazu. Iye akatikurudzira noushamwari kupfuurira kufunda chiNgezi, uko takaita. Nokudaro, takakokwa kupinda kirasi yavafundisi yechi 19 yeWatchtower Bible School of Gilead, iyo yakavamba muSouth Lansing, New York, muna February 1952.
Pashure pokupedza kufunda takagoverwa kudzokera kuFinland. Zvisinei, tisati tabva muUnited States, ndakarovedzwa mukushanda nemichina yokutsikirira padzimbahwe ramarudzi ose reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York.
Pakudzokera kuFinland, takagoverwa kubasa rokufambira, asi ipapo muna 1955 takakokwa kudzokera kuhofisi yebazu yeFinland. Gore iroro ndakava mutariri wefekitari, uye makore maviri gare gare, muna 1957, ndakagadzwa kuva mutariri webazu. Chifo cha 1976, ndakabatira somutsinhiranisi weDare reBazu reFinland.
Nomufaro, vose vari vaviri baba vangu naamai vakaramba vakatendeka kuna Jehovha kutozosvikira parufu rwavo. Pashure penguva yakati, vanopfuura zana vehama dzaBaba dzokunyama vakava Zvapupu. Uye kusvikira kuzuva rino, mukoma wangu nehanzvadzi nemhuri dzavo vose vanobatira Jehovha, imwe yehanzvadzi dzangu ichiva piona.
Upenyu Hwakapfuma, Hunotusa
Makore akaumbwa nebasa nebasa rakawanda, asi basa racho, nemhaka yokuti ibasa raMwari, rave rakapfuma nerinotusa zvamazvirokwazvo. (1 VaKorinte 3:6-9) Upenyu hwangu hahuna kutongova hwose hwakanaka nohunofadza. Kwave kune nhamo nezvinetsowo. Pakuvamba zvikuru muupenyu, ndakaziva kuti unofanira kudzidza kuzviranga umene. Haugoni nguva dzose kuita chaizvoizvo sezvaunoda. Ndaiwanzoruramiswa, uye pashoma napashoma ndakadzidza nzira yakarurama yokurarama.
Somuenzaniso, miedzo neperevedzo zvakatamburwa mukati mehondo zvakandidzidzisa kurarama pasina zvoumbozha. Ndakadzidza kunzwisisa kana chinhu chakanga chiri madikanwa chaizvoizvo kana kuti kwete. Ndichiri netsika yokuzvibvunza ndimene kana ndichida ichi kana kuti icho. Uye ipapo kana ndikaziva kuti hachikoshi chaizvoizvo pashure pokurangarira zvose, handichitengi.
Nhungamiro yakagoverwa naJehovha kupfurikidza nesangano rake yave iri pachena. Ndakava nomufaro wokuona chiverengero cheZvapupu zvaJehovha chichikura mukati mamakore angu mubazu reFinland kuvambira pa 1 135 kusvikira kuvanopfuura 18 000! Zvirokwazvo, ndinogona kuona kuti basa rangu rakakomborerwa, asi ndinoziva kuti rakakomborerwa nemhaka yokuti basa racho nderaJehovha, kwete redu. (1 VaKorinte 3:6, 7) Pakuvamba muupenyu ndakasarudza nzira yaJehovha, uye yakabvumikisa zvirokwazvo kuva nzira yakanakisisa yokurarama.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Erkki Kankaanpää nhasi, nomudzimai wake Margit