RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 4/1 pp. 20-24
  • Upenyu Hwakapfuma, Hunotusa Mubasa raJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Hwakapfuma, Hunotusa Mubasa raJehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Madekwana Akachinja Upenyu Hwangu
  • Ushumiri Hwedu Mumakore Apakuvamba
  • Chinjo Inoedza Kutenda Kwedu
  • Kupukunyuka Napaburi Retsono
  • Kubetsera Pakutongwa
  • Hondo Inoguma—Basa Redu Rinopfuurira
  • Nzira yaJehovha Ndiyo Nzira Yakanakisisa Yokurarama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Takatsunga Kushumira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Kubatira Pasi Poruoko rwaJehovha Rune Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Anopfuura Makore 50 Oku‘Yambuka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 4/1 pp. 20-24

Upenyu Hwakapfuma, Hunotusa Mubasa raJehovha

YAKATAURWA NALEO KALLIO

Rakanga riri gore ra 1914, uye zuva rokupera kwezhezha rakaisvonaka rakanga richiguma musabhabhu redu reTurku, rimwe guta muFinland. Kamwe kamwe, runyararo rwakaparadzwa nenhau dzehondo huru yakanga yatanga. Nokukurumidza migwagwa yakazadzwa naavo vakanga vachirangarira revo yezvinoitika. Zviso zvinofunganya zvavakuru zvakaita kuti isu vana tishamisike kuti chii chaizoitika. Ndakanga ndine makore mapfumbamwe okukura, uye ndinoyeuka kuti kutamba kune rugare kwavana kwakachinjira kumitambo yehondo.

KUNYANGE zvazvo Finland yakagara iri kunze kweHondo yeNyika I (1914-18), nyika yacho yakaparadzanywa nehondo yavagari vemo muna 1918. Hama dzokunyama nedzaichimbova shamwari vakatanga kurwisana nezvombo nemhaka yemirangariro yezvamatongerwe enyika inosiana. Mhuri yedu yavanomwe yakatambura ruvengo irworwu. Baba vangu, avo vakanga vachinanga mukutaura mirangariro yavo, vakasungwa ndokutongerwa makore manomwe mutorongo. Gare gare vakawanwa vasina mhaka, asi pakasvika nguva iyeyo utano hwavo hwakanga hwaparadzwa.

Mhuri yedu yakatambura nenzara nechirwere mukati meiyi nhambo inotyisa. Vatatu vehanzvadzi dzangu duku vakafa. Mukoma wababa vangu, uyo aigara muguta reTampere, akanzwa nezvenhamo yedu ndokukoka baba vangu naamai nesu vana vaviri vakasara kuti tigare naye.

Makore akati gare gare, tichiri kugara muTampere, ndakasangana nomusikana akaisvonaka ainzi Sylvi. Iye akanga ane mugariro wekare wakafanana nowangu. Baba vake vakaurawa muhondo yavagari vemo, uye pashure pacho shamwari yapedyo yemhuri yake, Kaarlo (Kalle) Vesanto wokutaundi rePori, akamutora, mukoma wake, uye amai vake ndokuvapinza mumusha wake. Iye akaita gadziriro dzokuti amai vaSylvi vawane basa uye kuti vasikana vaende kuchikoro. Pashure penguva yakati Sylvi akatamira kuTampere kundowana basa, uye ikoko ndiko kwatakasangana.

Madekwana Akachinja Upenyu Hwangu

Muna 1928, Sylvi akava musikana wangu wandakavimbisa kuroora, uye rimwe zuva takaenda kuPori kunoshanyira Kalle Vesanto nemhuri yake. Hakuna chimwe chinoitika chakatapura zvakasimba kwazvo upenyu hwangu. Kalle akanga ave ari mwene nomumhanyisi wamabhiza anomhanya asi akanga arega basa iroro. Iye nomudzimai wake vakanga vava vaparidzi vanoshingaira vamashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Ya 1990 Yearbook of Jehovah’s Witnesses inorondedzera kuti iye akapinza sei varume basa rokunyora mashoko okuti “Mamirioni Anorarama Zvino Haasati Achizotongofa” parusvingo rwokunze rweimba yake youriri huviri. Rugwaro rwacho rwakanga rwakakura zvakakwana kuti ruraviwe nyore nyore uri muzvitima zvaipfuura nokukurumidza.

Usiku ihwohwo Kalle neni takataura kusvikira mumaawa amangwanani-ngwanani. “Neiko? Neiko? Neiko?” ndakabvunza kudaro, uye Kalle akatsanangura. Ndakadzidza chaizvoizvo zvokwadi huru dzeBhaibheri muusiku humwe. Ndakanyora magwaro aitsanangura dzidziso dzakasiana-siana. Gare gare, apo ndakadzokera kumusha, ndakatora bhuku rezvinonyorwa ndokunyora magwaro ose iwayo shoko neshoko. Nemhaka yokuti ndakanga ndichigere kurovedzana neBhaibheri, ndakashandisa iri bhuku rezvinozvinyorwa kupupurira kuavo vaiva panzvimbo yokuvaka pandaishanda. Sezvo ndaifumura dzidziso dzorudzidziso rwenhema, ndaiwanzozviwana ndimene ndichidzokorora mashoko aKalle, okuti: “Makanyengedzwa chaizvoizvo, vakomana!”

Kalle akandipa kero yomusha muduku waiva muTampere uko Vadzidzi veBhaibheri 30 vakanga vachiva nemisangano yavo. Ikoko ndaichonjomara mukona pedyo nesuo raiva pedyo naHama Andersson, mwene weimba duku. Kupinda kwangu kwaiti ivei kusiri kwenguva dzose, asi munyengetero wakabvumikisa kuva unobetsera. Pakuva nechinetso chakakomba kubasa, ndakambonyengetera, kuti: “Ndapota, Mwari, kana mukandibetsera kukurira izvi zvitambudzo, ndinovimbisa kupinda musangano uri wose.” Asi zvinhu zvakangoipa zvikuru chete. Ipapo ndakaziva kuti ndakanga ndichiita kuti kubatira kwangu Jehovha kutsamire pamigariro, naizvozvo ndakachinja munyengetero wangu kuva: “Chipi kana chipi chinoitika, ndinovimbisa kupinda musangano uri wose.” Panguva iyoyo nhamo dzangu dzakaderera, uye ndakava mupindi wemisangano wenguva dzose.—1 Johane 5:14.

Ushumiri Hwedu Mumakore Apakuvamba

Muna 1929, Sylvi neni takaroorana, uye muna 1934 tose tiri vaviri takaratidzira tsauriro yedu kuna Jehovha norubhapatidzo rwomumvura. Mumazuva iwayo ushumiri hwedu hwaibatanidza kuenda negiramufomu nemarekodhi kumisha yavanhu nokukumbira nomutsa kana tingapa hurukuro yeBhaibheri pasina mutengo. Vanhu vaiwanzotipinza nokudisa, uye pashure pokunge vateerera hurukuro yakarekodhwa, vaigoverana mukurukurirano ndokugamuchira mamwe amabhuku edu.

Nemvumo yezviremera, tairidza hurukuro dzimwe chete idzodzi dzeBhaibheri namagudzanzwi mumapaka. Uye mumasabhabhu taibatanidza gudzanzwi nedenga kana kuti pamusoro pechimbini. Pane dzimwe nguva taiaridza pamhenderekedzo dzenyanza apo vanhu vomutaundi vaiungana mumapoka makuru. Taingopinza zvedu magudzanzwi muigwa ndokukwasva zvishoma nezvishoma mumhenderekedzo yegungwa. PamaSvondo taienda kunhimbe yomumaruwa nebhazi, takashongedzerwa namagudzanzwi edu anokosha namabhuku akawanda.

Chinjo Inoedza Kutenda Kwedu

Muna 1938, ndakapinda muushumiri hwenguva yakazara sapiona, asi ndakapfuurirawo kushanda somuvaki. Chirimo chakatevera chacho ndakagamuchira kokero yakabva kuhofisi yebazu yeSosaiti yokuva mutariri anofambira, zvino anonzi mutariri wedunhu. Chisarudzo chokugamuchira chakanga chisiri nyore nemhaka yokuti ndaifarikanya kushanda neungano yedu muTampere. Kunze kwezvo, taiva nomusha wedu timene; taiva nomwanakomana ane makore matanhatu okukura, Arto, uyo aizokurumidza kutanga chikoro; uye Sylvi aifarikanya basa rake somubetseri womutengesi womuchitoro. Bva, pashure pokurangarira pamwe chete, ndakagamuchira iyi imwe ropafadzo yebasa roUmambo.—Mateo 6:33.

Ipapo imwe nhambo yakaoma yakavamba. Hondo yakatanga pana November 30, 1939, apo mauto eSoviet akapinda muFinland. Hondo, yakanzi Hondo yeNguva yeChando, yakagara kutozosvikira muna March 1940, apo Finland yaitofanira kubvuma chibvumirano chorugare. Kwakaratidzika sokunge kunyange zvinhu zvomusikirwo zvakarwa hondo, nokuti iyoyo yakanga iri nguva yechando inotonhora zvikurusa yandinogona kuyeuka. Ndaifamba nebhasikoro kubva paungano imwe kuenda kune imwe sezvo thermometer yakadzika kumadhigirii anopfuura 30 pasi pazero °C!

Muna 1940 basa reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa muFinland. Pashure paikoko Zvapupu zvakawanda zviduku zveFinland zvakapinzwa mutorongo ndokumanikidzirwa kuramba zvirimo mumigariro youtsinye. Nokuonga, ndakakwanisa kubatira ungano muhondo yenyika yechipiri mose, kuvambira muna 1939 kusvikira kuna 1945. Ikoku kwaiwanzoda kuti ndive ndisina Sylvi naArto kwemwedzi yakati panguva. Kupfuurirazve, kwakanga kune tyisidziro yenguva dzose yokusungwa nokuda kwokupfuurirazve nebasa risiri rapamutemo.

Ndinofanira kuva ndaiva chiono chechienzi, kutasva bhasikoro rakaremerwa nesutukesi, bhegi ramabhuku, uye giramufomu namarekodhi. Chikonzero chimwe ndaitakura marekodhi egiramufomu chaiva chokubvumikisa, kana ndikasungwa, kuti ndakanga ndisati ndiri anofamba neparachuti anoongorora aisorera vaRussia. Unoona, ndaigona kuita nharo kuti kudai ndaiva anofamba neparachuti, marekodhi angadai akapunzika mukati mokusvetuka.

Kunyanguvezvo, pane imwe nguva ndichishanyira nharaunda yakanga yanyeverwa pamusoro pomusori, imwe mhuri yeZvapupu yakakanganisa ichiti ndini iye. Ndakagogodza pasuo ravo pane humwe usiku hwakasviba hwenguva yechando, uye ivo vaitya zvikuru zvokusazarura. Naizvozvo ndakapedza usiku ihwohwo ndiri mubhani, ndakafuka uswa kuti ndiedze kuramba ndichidziirwa. Mangwanani akatevera acho zivikanwo yakakanganiswa yakapedzwa, uye ndinofanira kusimbisa kuti, mukati meyakasara yeshanyo yangu, mitezo yemhuri yacho yakandiratidza mutsa chaiwo wokuwedzera zvikuru!

Mukati mamakore ehondo, Hama Johannes Koskinen bedzi neni takabatira ungano pakati nokuchamhembe kweFinland. Mumwe nomumwe wedu aiva nenharaunda huru dzokutarisira, dzakareba makiromita 600. Taiva neungano dzakawanda kwazvo dzokushanyira zvokuti taikwanisa kugara kwamazuva maviri kana kuti matatu bedzi neungano imwe neimwe. Zvitima zvaisawanzochengeta nguva, uye mabhazi akanga ari mashoma uye aizara kwazvo zvokuti chakanga chiri chishamiso kuti taisvika nzvimbo dzedu.

Kupukunyuka Napaburi Retsono

Pane imwe nguva, pakuvamba muHondo yeNguva yeChando, ndakaenda kuhofisi yebazu muHelsinki ndokutora makatoni mana anorema amabhuku akarambidzwa kuti ndiende nawo nechitima kuti ndiendese kuungano. Ndiri pachiteshi cheraruwe cheRiihimäki, nyevero yokudenha kwendege yakarira. Varwi vaiva muchitima vakapfeka nguvo dzavo dzesinou, uye vakwiri vakaudzwa kubva muchitima nokukurumidza ndokunanga kumunda usina chinhu waiva pakanangana nechiteshi.

Ndakakumbira varwi kutakura makatoni angu, ndichivaudza nezvoukoshi hwawo. Vana vavo mumwe nomumwe akatakura katoni, uye takatiza mamita 200 mumunda wakafukidzwa nesinou. Takazvikanda timene pasi, uye mumwe munhu akashevedzera kwandiri, achiti: “Heyi, asiri murwi, usambosuduruka! Kana vadonhedzi vamambomba vakaona kufamba kupi nokupi, vachatibhomba.” Ndaida kuziva zvakakwana zvokutendeudza chiso changu nokungwarira kuti nditarire kudenga, uko ndakaverenga ndege 28!

Kamwe kamwe pasi pakazununguswa namabhomba anoputika. Kunyange zvazvo chiteshi chisina kubhombwa, chitima chatakasvika nacho chakabhombwa. Chitima chakaparadzwa nenjanji dzakadzvongamiswa zvakaita chiono chechienzi zvakadini! Mangwanani akatevera acho ndakakwanisa kupfuudzira rwendo rwangu namakatoni, uye varwi vakapfuurira nechimwe chitima. Mumwe wavo akava Chapupu pashure pehondo, uye akandiudza kuti varwi vakanga vataura pashure pezvo pamusoro paasiri murwi wechienzi aiva namakatoni ake.

Nguva yakati gare gare Hama Koskinen, vachifamba kundobatira ungano duku muRovaniemi kuchamhembe kweFinland, vakasungwa vasati vaburuka muchitima. Vakaendeswa kujeri, uko vakabatwa zvisina kufanira zvakashata. Apo yakasvika nguva yokuti ini ndibatire ungano imwe chete iyoyo, ndakaita gadziriro dzokuburuka chitima pachiteshi chiduku cheKoivu. Ipapo hanzvadzi Helmi Pallari vakagadzirira kuti ndipfuudzire yakasara yenzira ndiri mungoro yomukaka. Shanyo yangu kuUngano yeRovaniemi yakabudirira. Pakupedzisira, pakusimuka ndakapinda muchinetso.

Tichienda kuchiteshi cheraruwe, shamwari yangu neni takasangana navashandi vaviri vehondo avo vakanga vachinzvera mapepa avapfuuri vose. “Usavatarira. Chengeta meso ako akatarira mberi,” ndakadaro. Takafamba pakati pavo sokunge vakanga vasitongoripo. Ipapo vakavamba kutitandanisa. Zvisinei, pachiteshi cheraruwe, ndakakwanisa kuvadzivisa muboka ndokusvetukira muchitima chaifamba. Mumazuva iwayo kwakanga kusina kushaikwa kwomufaro mubasa rokufambira!

Pane imwe nguva ndakasungwa ndokuendeswa kuboka rinonyora vanhu vehondo. Donzo rakanga riri rokunditumira kunorwiwa. Asi runhare rwakarira, uye mukuru mukuru wehondo uyo akanga odokundibvunzurudza akapindura. Ndaigona kunzwa inzwi kuno rumwe rutivi richidanidzira, kuti: “Neiko iwe uchiramba uchitumira ava varume vanorwara, vasina maturo? Chose chatinogona kuita kuvadzorera. Tinoda varume vakakodzera basa!” Nokuonga, ndaiva norugwaro rwavanachiremba rwaitaura nezvechinetso choutano chandaiva nacho. Apo ndakapa ichochi, ndakabvumirwa kuenda uye naizvozvo ndakapfuudzira ndisingadzongonyedzwi basa rangu pakati peungano!

Kubetsera Pakutongwa

Upengo hwehondo hwakapfuurira, uye shamwari yangu Ahti Laeste akasungwa. Mudzimai wake akandidana. Apo ndakaenda kumusha kwavo, ndakawana pakati pamapepa ake rugwaro rwakabva kumapurisa omunzvimbomo rwaipa Ahti mvumo yokupa hurukuro dzakarekodhwa mumapaka avose eguta. Takasvika kudare norugwaro rwacho. Pashure pokunge vapedza kurava pomero, ndakapa rugwaro rwacho kuna Hama Laeste. Mutongi akaita kuti mumwe murwi apinze giramufomu nedzinoverengeka dzemharidzo dzeBhaibheri dzakarekodhwa kuti dare riteerere. Pashure pokuteerera mharidzo imwe neimwe, mutongi akataura kuti aisagona kuona chinhu chipi nechipi chisakafanira muchakataurwa.

Ipapo Ahti, mudzimai wake, uye ini takapinzwa mumukoto kuti timirire chisarudzo chedare. Takamira imomo tisina chatinoziva. Pakupedzisira takanzwa inzwi richiti: “Vapomerwi, tapota pindai mukamuri redare.” Hama Laeste vakawanwa vasina mhaka! Mwoyo yedu yakazara zvirokwazvo nokuonga kuna Jehovha sezvo takapfuurira nebasa redu, Hama naHanzvadzi Laeste neravo muungano yomunzvimbomo, uye ini nerangu mubasa rokushanyira.

Hondo Inoguma—Basa Redu Rinopfuurira

Chirambidzo pabasa redu rokuparidzira chakabviswa apo hondo yakaguma, uye hama dzakasunungurwa mutorongo. Mukati mamakore angu akawanda ebasa, ndakaororwa zvikuru nebasa iro hanzvadzi dzechiKristu dzakaita mubasa roUmambo uye mukutsigira varume vadzo. Zvikurukuru ndave ndichionga kurega zvimwe zvinhu netsigiro zvaSylvi. Somuuyo, ndakakwanisa kupfuurira ndiri mubasa rokufambira kwamakore 33 ndisingadzongonyedzwi uye pashure pacho kubatira sapiona chaiye.

Tose tiri vaviri Sylvi neni takakurudzira Arto kuvamba kupayona apo akapedza chikoro, kudzidza chiNgezi, uye kupinda Watchtower Bible School of Gilead muUnited States. Iye akapedza kufunda muGilead muna 1953. Pashure pacho iye akaroora Eeva, uye pamwe chete vakagoverana muzvimiro zvakasiana-siana zvebasa renguva yakazara, kubatanidza basa redunhu, basa rapaBheteri, uye kuita upiona chaihwo. Muna 1988 vakatamira kuTampere, guta redu ratinogara, kuzobetsera kutarisira Sylvi neni apo vanopfuurira kubatira samapiona chaiwo.

Sylvi neni takafarikanya upenyu hwakapfuma nohwakakomborerwa hune zvokuyeuka zvakawanda zvokutikurudzira, kunyange zvazvo simba redu zvino raderera zvikuru. Kunotusa zvikurusa kufunga nezvokukura kwatakaona. Apo ndakatanga kushanyira ungano muna 1939, muFinland maiva navaparidzi voUmambo 865, asi zvino mune vanopfuura 18 000!

Ndakanga ndisingazivi apo ndakavamba ushumiri hwenguva yakazara shure muna 1938 kuti makore 55 gare gare ndaizova ndichiri kufarikanya goverano mahuri. Pasinei zvapo nokukwegura, tinopfuurira musimba raJehovha, tichitarira mberi kutuso yedu yakapikirwa. Tinovimba namashoko owezvamapisarema, anoti: “Jehovha wakanaka; ngoni dzake dziripo nokusingaperi; nokutendeka kwake kumarudzi namarudzi.”—Pisarema 100:5.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Leo naSylvi Kallio vakaratidzira tsauriro yavo kuna Jehovha muna 1934

[Mufananidzo uri papeji 23]

Pikicha yemisi ichangobva kupfuura yaLeo naSylvi sezvo vanosvika makore 60 ebasa rokuzvitsaurira

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe