RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 3/1 pp. 10-17
  • Upenyu Hwangu Musangano Rinotungamirirwa Nomudzimu raJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Hwangu Musangano Rinotungamirirwa Nomudzimu raJehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuonga Mbuya
  • Kurangarira Pamusoro Pamazuva Echikoro
  • Basa reBheteri yeBrooklyn
  • Chiedza Chitsva Chinofadza
  • Mugove Mutsva
  • Kugamuchirwa muEngland
  • Hama Rutherford Anoshanya
  • Makore Ehondo Yenyika II
  • Munhu Asingadikanwi
  • Nhambo Yorugare Inodeya Kutaurwa Nenzira Inoshamisa
  • Watchtower Bible School of Gilead
  • Kugoverana Muupenyu Hwokuroora
  • Chikoro Chavakuru
  • Rimwe Basa Roumambo
  • Zivisai Mambo Noumambo! (1919-1941)
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kuzivisa Mashoko Akanaka Zvisingaregi (1942-1975)
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Upenyu Hwakapfuma Mubasa raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kwandasvitswa Nebasa Renguva Yakazara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 3/1 pp. 10-17

Upenyu Hwangu Musangano Rinotungamirirwa Nomudzimu raJehovha

Yakataurwa naAlbert D. Schroeder

SVONDO rokutanga muna June 1934, Alex Jones neni takanga tichiparidzira pasuo nesuo muJersey City, New Jersey. Kamwe kamwe, mapurisa akamhanyira mufurati matakanga tiri, akatisunga, akatisaidzirira noutsinye mumotokari, uye akatiendesa kujeri!

Mazuva matatu gare gare, rutongeso rwakatizivisa kuti tine mhaka yokutengesa tisina raisenzi ndokutitongera kumazuva gumi mujeri. Takaendeswa kuHudson County Prison, takadikanirwa kukumura, kushamba nemvura ine mushonga wokuuraya utachiona, uye kupfeka zvipfeko zvetorongo. Ipapo takaendeswa kusero.

Muno ndaiva nenguva yokurangarira. Ndakanga ndichingova namakore 23 bedzi uye ndakanga ndichifara noupenyu hwangu somushumiri wenguva yakazara paBheteri yeBrooklyn. Regai ndipe mimwe yemirangariro iyoyo.

Kuonga Mbuya

Zvikurukuru ndaiva neyeuko dzoushamwari dzambuya vangu kuna mai, Elizabeth Darger. Vabereki vavo vakaunza mhuri kuMichigan ichibva Germany pane imwe nguva pamberi pa 1870. Ivo vakadzidzisa chiGerman nechiNgezi muzvikoro zvehurumende uye vaigara nesu mumusha wavabereki vangu weLutheran muSaginaw, Michigan, guta mandakaberekerwa. Mukati meHondo yeNyika I, ivo navakoma vavo vadzidzisi vechikoro vakasonganirana neInternational Bible Students, zvino vozivikanwa seZvapupu zvaJehovha.

Kunyange zvazvo vabereki vangu vaida kuti ndipinde Sandisikuru yeLutheran, Mbuya vakabvumidzwa kutaura kwandiri pamusoro pezvitendero zvavo zvinofadza zveBhaibheri. Ivo vakanga vachikwanisa kurava Bhaibheri muchiRatini nechiGiriki, uye ivo vakaroverera mandiri chishuvo chokufunda Bhaibheri mumitauro yaro yapakuvamba. Norudo, ndakayeuka kurukurirano dzeBhaibheri dzinofadza navanamaiguru vangu idzo dzakanga dzakanangidzirwa pahurumende yoUmambo yaMwari ichakurumidza kudzora pasi muwirirano naDhanieri 2:44.

Muna 1923 Mbuya vakavamba kufunda neni, vachishandisa bhuku reWatch Tower Society The Harp of God, uye ndaipindawo misangano yeUngano yeSaginaw navo. Zvino, ndiri musero mangu, ndakarangarira misangano iyoyo, kuteerera purogiramu dzokutepfenyura dzeWatchtower muWBBR dzaibva kuBrooklyn, New York, uye zvimwe zvinoitika zvakaumba upenyu hwangu.

Somuenzaniso, ndakayeuka ndichinzwa munhepfenyuro Judge Joseph F. Rutherford, purezidhendi weWatch Tower Society, achitaura pakokorodzano yeBible Students muToronto, Canada, muna 1927. MuDetroit, Michigan, muna 1928, ndakapinda kokorodzano yangu yokutanga. Ipapo ndakanzwa Hama Rutherford vachitaura ivo pachavo. Pakokorodzano iyoyo, ndakafara kudanidzira kuti “Hungu” kuchisarudzo chokuti “Ziviso Yokurwisana naSatani Uye yaJehovha.” Bhuku idzva Government rakabudiswa iro rakaratidza Umambo hwaMwari kuva hurumende youbati ushe hwoumwari, kwete yokusarudzwa navanhu.

Kurangarira Pamusoro Pamazuva Echikoro

Ndakarangarirawo pamusoro pamazuva angu echikoro. Pakurudziro dzavabereki vangu, avo vakanga vasingadi kuti ndive mushumiri wenguva yakazara, ndakagamuchira mari yokundodzidza kukoreji. Nokudaro, muna September 1929, ndakapinda muUniversity of Michigan paAnn Arbor kundofunda mutauro, economics, uye huinjinia.

Mai Judson, muridzi wechivako mandaigara, aisonganirana neUngano yeAnn Arbor yeBible Students. Pakudzokera kwangu kuchikoro mukupera kwa 1930, ivo vakandiudza kuti jaya rakaisvonaka rakabva Alabama rakanga richangobva kutamira mukamuri riri pamhiri perangu uye kuti ivo vaifunga kuti raizogamuchira “shoko redu reBhaibheri.” Zvamazvirokwazvo akadaro! William Addison Elrod neni takakurumidza kuva shamwari huru sezvaakagamuchira zvokwadi dzeBhaibheri; uye tinopfuurira kuva shamwari kusvikira kuzuva rino.

Bill Elrod neni takatora kosi yokupangura nyika mukati mezhezha ra 1931, naizvozvo hatina kukwanisa kupinda isu pachedu kokorodzano ya 1931 muColumbus, Ohio. Zvisinei, paSvondo, July 26, takateerera hurukuro yavose munhepfenyuro uye takanga tiri pakati pavateereri vasingaoneki vane mbavarira avo vakagamuchira zita idzva rakaisvonaka rokuti “Zvapupu zvaJehovha.”

Mumazuva iwayo zvimiro zveSosharisiti, Fasisiti, uye zveKomonisiti zvehurumende zvakanga zvichikurukurwa zvikuru payunivhesiti. Muna October 1931 Winston Churchill akataura kuvane 3 000 vedu vadzidzi, achitsigira hurumende yokusarudza kwavanhu seichisiri chimiro chakanakisisa chehurumende. Gare gare, muna December 1931, Lord Bertrand Russell, shasha yenhamba nomuzivi weBritain akakurumbira, akataura pamusoro porugare. Gare gare zvakare, Dr. Hjalmar Schacht, purezidhendi weReichsbank muBerlin, Germany, akakurukura kudikanwa kwokudzora pfuma kworudzi; namamwe mashoko, akatsigira chisosharizimu chorudzi, kana kuti chiNazi. Makore maviri gare gare iye akanga ava muhurumende yaHitler segurukota reeconomic affairs.

Zvandakanga ndanzwa zvikumbiro zveidzi nyanzvi dzezvehurumende dzenyika; ndakanga ndapwiswa zvikuru kupfuura nakare kwose kuti umambo hwaMesia hwoga hunogona kuva hurumende yenyika inogutsa. Naizvozvo Bill Elrod neni takaronga kupedza chikoro pana June 15, 1932, uye ipapo kuvamba savakutsirani mubasa rokuparidzira renguva yakazara, zvino rinozivikanwa sokupayona.

Takavamba basa redu roupiona tisati tabhapatidzwa nemhaka yokuti panguva iyoyo kwakanga kusinganzwisiswi zvakajeka kana avo vane tariro yapasi vaidikanirwa kubhapatidzwa kana kuti kwete. Zvisinei, pashure pokunge ndabhapatidzwa muVandercook Lake, Michigan, July 24, 1932, kwakava pachena kuti tariro yangu yakachinjira kuiyo yaakazodzwa, iyo yakasimbiswa no‘uchapupu hwomudzimu.’—VaRoma 8:16.

Basa reBheteri yeBrooklyn

Pana September 9, patakanga tichipayona muHowell, Michigan, Bill akabuda mupositi hofisi achimhanya achivheyesa teregiramu yeyero. Tichiizarura, takarava kokero yakabva kuna Hama Rutherford yokushuma nokuda kwebasa reBheteri nokukurumidza sezvakakodzera. Kwakangotitorera maawa 72 bedzi kugumisa zvinhu zvedu zvoupiona uye ipapo kuchaira mamaira 700 (1 100 km) kuenda kuBrooklyn tiri mumotokari yedu yeModel T. Ford. Pakupedzisira takayambuka Brooklyn Bridge ndokusvika paBheteri pana September 13, 1932. Panguva yacho, kwakanga kune mitezo inenge 200 yemhuri yeBheteri, vazhinjisa vavo vehama dzakazodzwa dzaMambo.

Pashure pokubatira mumugove wefekitari kwamavhiki mashomanene, ndakagamuchira chinjo yebasa kuenda kuBato reBasa. Hama ine ushamwari yechiIrish, Thomas J. Sullivan, yakanga iri mutariri. Iyo nguva dzose yaitiyeuchidza isu vaduku kuti, ‘Apo zvinetso zvinopiwa, ivai nechokwadi chokuwana maidi ose musati makarakadza mhinduro.’ (Zvirevo 18:13) Nokutoira mumeso ake, iye aiwedzera, kuti: “Chimbichimbi yenyu ndeyei? Ipai Jehovha banza. Onai zvinoita mudzimu wake pamusoro pacho.”

Ndichirangarira izvi zvinoitika zvekare ndiri mutorongo, ndakafarira ropafadzo yokutambura nokuda kwokururama, kunyange sezvakaita Jesu Kristu navaapostora. (Johane 15:20; 1 Petro 4:16) Sezvandinotarira shure, ndinoziva kuti zvinoitika zvakadaro zvakanga zvichindigadzirira nokuda kwamaropafadzo omunguva yemberi.

Chiedza Chitsva Chinofadza

Pakuvamba muna 1935, mwedzi mitanhatu pashure pokusunungurwa kwangu mutorongo nokudzokera kuBheteri, ndinoyeuka chiverengero chakati chekurukurirano patafura yeBheteri pamusoro pokuzivikanwa kwe“chita chikuru.” (Zvakazarurwa 7:9, 13, King James Version) Vamwe vakataura kutsigirwa kwomurangariro wokuti iri rakanga riri boka rechipiri rokudenga, kunyange seizvo purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, Hama Russell, akanga adzidzisa. Vamwe, zvisinei, vakataura kuti “chita chikuru” chaiumbwa naavo vane tariro yapasi. Mukati meidzi kurukurirano, Hama Rutherford haana kuzvibatanidza.

Tose zvedu paBheteri takafadzwa sezvatakafamba nechitima chaicho kuenda kuWashington, D.C., nokuda kwekokorodzano yaizoitwa kuvambira pana May 30 kusvikira kuna June 3, 1935. Pazuva rechipiri rekokorodzano, Hama Rutherford akapa mashoko anofadza okuti “chita chikuru” zvamazvirokwazvo iboka rapasi. Panguva yomugumo, iye akabvunza, kuti: “Avo vose vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano vangasimuka here tapota?” Inenge hafu ye 20 000 vaivapo yakamira. Ipapo Hama Rutherford akazivisa, kuti: “Tarirai! Chita chikuru!” Kwaiva nokunyarara kupfupi. Ipapo isu tose takagoverana mudanidziro inofadza, uye kupururudza kwakanga kuri kukuru nokurefu. Zuva rakatevera racho vane 840 vakabhapatidzwa, zvikurukuru veboka rapasi.

Ichi chiedza chitsva cha 1935 pa“chita chikuru” chakatungamirira kunhanho dzokuronga patsva muna 1936 kugadzirira nokuda kwedirano yaikarirwa yemitezo yeiri boka. Somuenzaniso, kutozosvikira panguva iyeyo, kwaingova chete neungano imwe huru yechiNgezi muNew York City mose, asi zvino ungano itsva dzakaumbwa isu vakazodzwa vaduku tichigoverwa savatariri. Nhasi, kune ungano 336 muNew York City!

Mugove Mutsva

China, November 11, 1937, chakabvumikisa kuva zuva rinokosha nokuda kwangu. Ndakanga ndagamuchira ziviso yokuuya kuhofisi yaHama Rutherford masikati iwayo pa 3:00 p.m. Ndichisvika panguva, ndakaitira hanya kuti ndingatsiurwa. Asi pashure pekurukurirano shomanene dzoushamwari, Hama Rutherford vakabvunza kana ndingava anodisa kugamuchira mumwe mugove.

“Ndinodisa kubatira kupi kana kupi kunodikanwa,” ndakapindura kudaro.

Ipapo, achindishamisa chose chose, Hama Rutherford akabvunza, kuti: “Ungada sei kubatira kuBheteri yeLondon somubatiri webazu?”

“Maiwe, iwoyo mugove mukuru!” ndakatsinhira kudaro.

“Kupfuurirazve, uku kunoreva tikiti rokuenda chete, kubvuma kugarako kutozosvikira pashure peArmagedhoni. Naizvozvo ndichakupa mazuva matatu okusarudza,” iye akapfuurira kudaro.

“Eya, Hama Rutherford, handidi mazuva matatu. Kana kuri kuda kwaJehovha kuti ndiende, mhinduro yangu ndihungu!”

“Ndakafunga kuti ndiyo yaizova mhinduro yako,” iye akapindura. “Hama Knorr anotova netikiti rako rokukwira Queen Mary uyo anoenda England Chitatu chinotevera.”

Musoro wangu wakavamba kutenderera. “Uchagamuchira rovedzo mukati mamazuva mashomanene anotevera,” Hama Rutherford akagumisa kudaro.

Pandakadzokera kuBato reBasa, raiva mufekitari, Hama Knorr akavamba kuseka kushamiswa kwangu kukuru. Iye aiziva chakanga chichangobva kuitika. Nathan Knorr akanga ari mutariri wefekitari uye pamberi pezvi akanga aenda kuEngland naHama Rutherford. Nokukurumidza iye akavamba kundipa rovedzo pamusoro pokutarisira kushanda kwebazu. Mazuva mashomanene gare gare, ndakadzokera kuna Hama Rutherford nokuda kweimwe gadziriro.

Zano raHama Rutherford, rakavakirwa pana Mika 6:8, raiva iri ‘kuita nenzira yakarurama, kumira zvakatsiga nokuda kwemiitiro yesangano, kutsigira mipimo yeBhaibheri, kupa teerero yokukurumidza, uye kusanonoka kuita zvinhu. Iva nomutsa mukubata nehama, goverana nguva dzose mubasa romumunda, uye zvininipise mukufamba naMwari.’ Iye akataura kuti munda weBritain wakanga waterama nemhaka yokuti vatariri vebazu vekare vaisatsigira zvizere ushumiri hwomumunda. Naizvozvo iye akagumisa nesimba kwazvo, kuti: “Kurudzira basa romumunda rakawedzerwa. Britain iko zvino inoda mapiona 1 000, kwete chete 200 saavo inavo panguva ino.”

Kugamuchirwa muEngland

Apo Queen Mary yakasvika paSouthampton, ndakakwira chitima chokuLondon uye ipapo ndakaenda netekisi kuhofisi yebazu yeSosaiti, iyo kwamakore 26 yaiva pa 34 Craven Terrace, Lancaster Gate. Mutevedzeri wapurezidhedhi weInternational Bible Students Association akandigamuchira noushamwari. Ndakapa kwaari tsamba yaHama Rutherford iyo yakamubvumidza kudzinga mubatiri webazu nokuzivisa mhuri yeBheteri kuti ndaizomutsiva. Uku kwakaitwa pazvokudya zvamasikati, uye mitezo yeBheteri 30 yakandigamuchira noushamwari.

Pashure penguva yakati ndakarovedzana navazhinji vavatariri vebazu navamiriri muEurope. Ivava vakanga vari vakazodzwa avo vaitungamirira nenzira yokusabvumirana pane zvisina kufanira mubasa rokuparidzira pasinei zvapo nemhinganidzo dzenguva yaHitler, varume vakadai saMartin Harbeck weSwitzerland, Charles Knecht weFrance, Fritz Hartstang weNetherlands, Johan Eneroth weSweden, William Dey weDenmark, uye Robert Winkler ane ushingi wesangano repasi pevhu reGermany reSosaiti. Kupfurikidza nomutoo uri wose wapaMagwaro, ava varume vasingatyi vokutenda vakakurira zvitambudzo zvehasha zveNazi.

Hama Rutherford Anoshanya

Muna 1938, gore rapamberi pokutanga kweHondo yeNyika II, vaBritish vakanga vakudziridza transmission yenhepfenyuro norunhare inoyambuka makungwa. Mainjinia avo akabvuma kubatanidza nyika ina nokuda kwekokorodzano chaiyo yaiva muLondon, September 9 kusvikira ku 11. Royal Albert Hall, nzvimbo hurusa yakakodzera muLondon, yakahayiwa nokuda kwekokorodzano. Boka raHama Rutherford, kubatanidza Nathan Knorr, vakasvika mavhiki matatu pamberi kuti vayamure negadziriro.

Kuzivisa hurukuro yavose, kufora nezviratidzo pamberi nokugotsi kwakarongwa. Kufora kwokutanga kwokupa mashoko kusati kwaitika, Hama Rutherford akakumbira kundiona. Patakanga tichikurukura zvinhu zvekokorodzano, iye akanga achinyora-nyora nepeni yake, uko pane dzimwe nguva aiita pakutaura nomumwe munhu. Iye akabvarura papedhi zvaakanga anyora ndokupa kwandiri. “Unofungei nezvaizvozvo?” iye akabvunza.

“RUDZIDZISO MUSUNGO NENYENGEDZO,” rakarava kudaro.

“Unoratidzika kuva unopisa zvikuru,” ndakapindura kudaro.

“Ndaida kuti usimbe,” iye akadaro. Iye ipapo akaraidza kuti zvikwangwani zvine aya mashoko zviitwe munguva nokuda kwokufora kwedu kwokupa mashoko kwokutanga kwekokorodzano Chitatu madekwana. Usiku hwakatevera Nathan Knorr neni takatungamirira kufora kwehama dzinenge dzine chiuru chimwe kwamamaira matanhatu (10 km) napakati peLondon.

Hama Rutherford akandidana kuhofisi yake mangwanani akatevera acho ndokukumbira mushumo. “Vazhinji vakatidana kuti makomonisiti navasingatendi kuvapo kwaMwari ndokutaura zvimwe zvoutsinye,” ndakadaro. Naizvozvo iye akafunga kwamaminitsi mashomanene uye pakupedzisira akabvarura pepa rine kutaura kwakakarakadzwa kwokuti “BATIRA MWARI NAKRISTU MAMBO.” Iye akafunga kuti zviratidzo zvinosianiswa naaya mashoko zvingapfavisa kuvirima, kwakwakaita. Iyi kokorodzano ya 1938 yakaitika zvakanaka. Marusando makuru paChitanhatu neSvondo, nehurukuro yayo huru “Tarisana Namaidi,” zvakaendeswa nenzira inobudirira kukokorodzano dzakaitwa panguva imwe cheteyo 49 munyika yose inotaura chiNgezi.

Pashure pekokorodzano, rusando rwerovedzo rwakaitwa navabatiri vebazu venyika dzeEurope. Mukati morusando, Hama Rutherford akanditsiura zvakakomba nokuda kwokushaikwa kwokurovedzwa kwavarindiri. Chirango chacho chakaunza misodzi kumeso angu. Gare gare, William Dey weDenmark akandinyaradza pachivande, achitaura kuti Hama Rutherford akanga achindishandisa kuvadzidzisa vose nenzira isina kunanga. Uye ndozvakwakanga kwakaita! Zuva rakatevera racho Hama Rutherford, uyo aida kupfeka apuroni ndokubika, akatikoka tose kuzvokudya chaizvo zvaakanga agadzirira. Vose vakafarikanya ruwadzano runofadza.

Makore Ehondo Yenyika II

Pana September 1, 1939, Hitler akavhozhokera Poland. PaSvondo, September 3, Britain yakazivisa hondo neGermany. Zviuru zvedu muBritain taiva mubasa romumunda mangwanani iwayo, tichigovera nenzira yakafanira bhuku idzva Salvation. Pasuo rimwe nerimwe vanhu vakazununguswa; vamwe vakadzi vakanga vachichema. Tose zvedu takapererwa namabhuku eBhaibheri sezvataipa nyaradzo yapaMagwaro kuvanhu.

Mwedzi wakatevera wacho, takagamuchira kopi inotumirwa pachine nguva mberi yenyaya yeNharireyomurindi yaNovember 1, 1939, yaiva nomusoro unoti “Kusatora Rutivi.” Panguva chaipo iyo yakaonesa chimiro chapaMagwaro chamaKristu echokwadi mukati merwisano dzenyika. (Johane 17:16) Nokukurumidza kusungwa nokuiswa mutorongo kwamazana ehama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu dzeBritain zvakatanga kuitika.

Mugariro wehondo paBritain, wakanzi Battle of Britain, wakakomba mukupera kwa 1940 ndokupfuurira kupinda muna 1941. Isu muLondon takatsungirira usiku hunotevedzana 57 hwokubhomba kwakareba maawa 14. Mweya wakanga wakazara nemheremhere. Mwoto waipisa zvinotyisa munzvimbo iri yose. Mabhomba ane makumi maviri namapfumbamwe akawira mumayadhi 500 eBheteri. Horo yoUmambo yedu huru yaiva pedyo neBheteri yakatungidzwa mwoto namabhomba okupisa dzimba, asi wakakurumidza kudzorwa nehama dzedu dzeBheteri dzakarovedzwa.

Kwaiva neganhuriro dzenguva yehondo dzamarudzi akawanda, kubatanidza kugoverwa kwezvokudya zvakati neganhuriro pakufamba. Bva, takapfuurira uye kunyange kuwedzera kuparidzira kwedu kwapaimba neimba. Muna 1937 Britain yaiva navaparidzi 4 375, asi pakasvika 1942 chiverengero chakanga chawedzera kusvika kuvane 12 436. Mapiona akanga awedzera kubva pa 201 pandakasvika muEngland muna 1937 kusvikira ku 1 488 muna 1942! Zvirokwazvo, Jehovha akakomborera zvikuru uku kudyarwa kwapakuvamba kwakaitwa navaparidzi vomumunda. Zvino, makore anopfuura 50 gare gare, muBritain mune vaparidzi voUmambo vanopfuura 109 000, kubatanidza mapiona enguva dzose anopfuura 6 000.

Tichiyamurwa nomudzimu waJehovha, kuvambira pana September 3 kusvikira ku 7, 1941, takaita icho vakuru vakuru vehurumende vakadana kuti “chisingabviri.” Takava nekokorodzano hurusa yeBritain yeZvapupu zvaJehovha kusvikira pamusi iwoyo. Vanopfuura 12 000 vakasangana kuLeicester’s De Monfort Hall nenhandare yayo yakapoteredza pakati chaipo pehondo. Iyi yakanga iri horo imwe cheteyo yakashandiswa apo musangano wesangano wegore negore weSociety wa 1983 wakaitwa muLeicester. Vanopfuura zviuru zvitatu vedu panguva iyoyo takayeuka pamusoro pezvakaitika zvekokorodzano zvomunguva yehondo ya 1941.

Hofisi yeLondon yakava nzvimbo yavapoteri mukati mehondo. Runhare rwayo rwakanga rwuchirira nguva dzose. Mari yokubetsera yakaitwa kuti iwanike, kugonesa hama dzakabhombwa kuti dziwane yamuro yokukurumidza. Uyewo, hama dzakanga dziri vapoteri dzakabva Poland, Germany, Norway, France, Belgium, Holland, uye dzimwe nzvimbo dzakauya kuLondon uko dzakapiwa betsero. Vazhinji vaidzodzi vakatanga basa roupiona muBritain.

Munhu Asingadikanwi

Nokukurumidza apo United States yakapinda muhondo pana December 8, 1941, ndakarasikirwa nokuhesvurwa kwangu somugari wemo weU.S. muboka rehondo reBritain. Nemhaka yokusatora rutivi kwangu kwechiKristu, ndaisagona kuwirirana nemirairo yakasiana-siana yakapiwa nehurumende yeBritain yamabasa ehondo. Pakupedzisira, pana May 6, 1942, hurumende yeBritain yakandizivisa kuti ndakanga ndiri munhu asingadikanwi uye naizvozvo ndakarairwa kudzokera kuUnited States. Pana August 1, Daily Herald yeLondon yaiva nomufananidzo wangu papeji yayo yapamberi pamwe chete nenyaya yaiti “Ivo Vakamuudza Kuti ‘Enda Kumusha.’”

Pamangwanani oMuvhuro, August 24, 1942, madhikitivha maviri eScotland Yard akandisunga nokuda kwokubudiswa munyika. Ivo vakandiendesa nechitima kuGlasgow, Scotland, uko ndakachengetwa usiku Mutorongo romuMiddle Ages Barlinni. Zuva rakatevera racho ndakaperekedzwa mungarava yeBritain S.S. Hilary, umo ndakapfuurira ndiri muusungwa. Kwakatorera mazuva 13 konivhoyi yedu yengarava 52 kuyambuka Atlantic nomutoo wokupoterera-poterera kudzivisa ngarava dzinofamba napasi pegungwa dzeGermany. Tichinzvenga mabara avo, takasvika zvakakotsekana kuHalifax, Canada! Zvino ndasunungurwa, zuva rakatevera racho ndakaenda nechitima kuNew York, ndichisvika pana September 10.

Nhambo Yorugare Inodeya Kutaurwa Nenzira Inoshamisa

Ndakawana mufaro mukuru mukudzokera kuhama dzino ushamwari dzakawanda paBheteri yeBrooklyn. Ndakanga ndauya munguva kuti ndipinde kokorodzano inokosha muCleveland, Ohio, September 18-20, 1942. Ipapo, Hama N.H. Knorr, purezidhendi mutsva weSosaiti, akapa hurukuro inoti “Rugare—Runogona Kugarisa Here?” Iyoyi yakaunza chiedza chitsva pana Zvakazarurwa 17:8. Kwakaziviswa kuti masimba eAllied aizokunda uye kuti “chikara chorugare” chitsva chamarudzi ose chaizomuka. Ikoku kwakaitika apo, pashure pokunge hondo yaguma muna 1945, Chibatanwa chaMarudzi chakarongwa!

Watchtower Bible School of Gilead

Pashure pomusangano wegore negore wesangano reWatch Tower Society pana October 1, 1942, Hama Knorr sapurezidhendi akadana, Maxwell G. Friend, Eduardo F. Keller, uye ini kuhofisi yake. Iye akatiudza kuti chisarudzo chakanga chaitwa mangwanani iwayo chokutanga chikoro cheBhaibheri chavafundisi paKingdom Farm, South Lansing, New York. Iye akataura kuti ini ndaizova muchengeti wezvinyorwa zvechikoro chacho uye ndaifanira kubatira sasachigaro wedare rokuita kuti chikoro chacho chirongwe. Takashanda naHama F. W. Franz mukuronga kosi dzeBhaibheri dzakaisvonaka. Ikoku kwakavamba nhambo refu yebatira pamwe inofadza naye mukufambisira mberi dzidzo yeBhaibheri.

Muvhuro mangwanani, February 1, 1943, wakanga uri kutsaurirwa kwapamutemo kwakaitwa naHama Knorr kweinozivikanwa zvino seWatch Tower Bible School of Gilead, yaiva paKingdom Farm pedyo neSouth Lansing, New York. Pashure pepurogiramu yetsauriro, marusando echikoro akavamba mumakirasi mana, imwe neimwe ichiva navadzidzi 25. Kosi yedzidzo yakakwirira yechiKristu yakafukidza mavhiki 20, Bhaibheri richiva bhuku guru raishandiswa.

Mwedzi inofadza, ipapo makore anofadza, efundo huru muBhaibheri zvakabvumikisa kuva mugariro wangu wakakomborerwa. Pamwe chete navamwe varaidzi vakazvipira, ndakaonga kuna Jehovha nokuda kweiyi ropafadzo yokudzidzisa nokusunda mwoyo yavadzidzi vakazvitsaurira vakadaro vaida Jehovha nebasa rake! Kusvikira kuna 1960, vadzidzi 3 700 vakabva kunyika 70 kuzopfumisa kirasi dzedu dzechikoro.

Kugoverana Muupenyu Hwokuroora

Ndichipinda kokorodzano dzo“Umambo Hunokurira” muEurope muna 1955, ndakamutsidzira kuzivana kwangu naCharlotte Bowin anodiwa, uyo akanga ava mumwe wavadzidzi vangu mukirasi yokutanga yeGilead muna 1943. Iye akabatira kwamakore 12 somufundisi akatendeka mundima yeSpain, kubatanidza Mexico neEl Salvador. Zvino, pamwe chete nomukutsirani wake Julia Clogston, iye akanga achipinda idzi kokorodzano dzeEurope. Sezvineiwo, vabereki vaCharlotte vakanga vave vari mitezo yemhuri yeBheteri yeBrooklyn apo vose vari vaviri vakanga vasina kuroora, shure munguva yaHama Russell. Ipapo, apo vakaroorana, Martin Bowin akava mutariri anofambira kutozosvikira Charlotte aberekwa muna 1920.

Muna January 1956 Charlotte akapinda mubasa reBheteri uye akachinjirwa kuKingdom Farm. Muna August 1956 takaroorana. Apo Charlotte akava napamuviri, takaora mwoyo, tichidavira kuti ikoku kwaizogumisa basa redu renguva yakazara. Zvisinei, Hama Franz akatikurudzira, achiti: “Hamuna kutadza mukuita kuti dumbu ribereke. Shingai! Kungava kuti Jehovha achakurongerai nenzira yakati kuti mupfuurire muri mubasa renguva yakazara.”

Kwakadaro. Ndakakwanisa kupfuurira ndiri panzvimbo yeChikoro cheGilead. Kutanga takagara mufurati duku yairendwa, uye ipapo muna 1962 takatamira muimba yakanga ichangobva kuvakwa yaiva inenge maira imwe kubva pachikoro. Ari ipapo muSouth Lansing, New York, mwanakomana wedu, Judah Ben, uyo akaberekwa muna February 1958, akapedzera makore ake apakuvamba.

Takava nemifaro mikuru mukukura kwaJudah Ben, sezvo nguva dzose taiedza kushandisa nheyo dzeBhaibheri. (VaEfeso 6:1-4) Iye akakurudzirwa kutevera Mika 6:8, kunyange sezvandakatsvaka kushandisa rugwaro irworwo muupenyu hwangu. Gare gare, Judah akava mutezo weBheteri wechizvarwa chechitatu uye akabatira paBheteri kwamakore 12. Iye akaroora hanzvadzi piona yakaisvonaka, Amber Baker, muna June 1986. Ivo zvino vanopayona muMichigan.

Chikoro Chavakuru

Pakokorodzano yeYankee Stadium ya 1958, Hama Knorr akazivisa kuzarurwa kwechikoro chitsva chavakuru, chaizozivikanwa seChikoro Choushumiri Hwoumambo. Pana March 9, 1959, kirasi yokutanga yavadzidzi 25 yakatanga kosi yayo yamavhiki mana paKingdom Farm, apo Gilead School yakanga ichishandawo. Apo Gilead School yakatamisirwa kuBrooklyn muna September 1960, Chikoro Choushumiri Hwoumambo chakaramba chiri paKingdom Farm, patakakwanisa kurovedza mazana avakuru mwedzi nomwedzi. Ndakawana kuti kuva Baba kwakabvumikisa kuva betsero mukudzidzisa misoro yemhuri yaipinda chikoro chitsva.

Muna 1967 ichi chikoro chakachinjirwa kuBheteri muBrooklyn. Gare gare, muna 1968, chakaendeswazve kuPittsburgh, uko, kutozosvikira 1974, zviuru zvavakuru vakaisvonaka zvakagamuchira rovedzo. Kuvambira muna 1974, zvichienda mberi, chikoro chacho chakaitirwa muHoro dzoUmambo dzakasiana-siana munyika mose. Mudzimai wangu nomwanakomana vaindiperekedza sezvandaifamba ndichienda kuidzi nzvimbo dzakasiana-siana. Ivo vaibatira samapiona pandaidzidzisa chikoro.

Rimwe Basa Roumambo

Muna November 1974, ndakanga ndichidzidzisa Chikoro Choushumiri Hwoumambo mutaundi romumusha wangu reSaginaw, Michigan, apo ndakagamuchira tsamba isingakanganwiki yakabva kuMutumbi Unodzora. Iyo yakandikoka kuva mutezo womutumbi iwoyo uyewo yakakoka mudzimai wangu nomwana kubatira semitezo yemhuri yeBheteri yeBrooklyn. Naizvozvo pana December 18, 1974, takapinda muBheteri, uye ndakatanga maropafadzo angu matsva ebasa.

Mutumbi Unodzora unoshanda zvakanaka pamwe chete mukutungamirira mibato yenyika yose yeZvapupu zvaJehovha, mukubudisa zvokudya zvomudzimu zvevhenekero yedu inofambira mberi, uye mukuita zvisarudzo zvokutonga. Mutumbi Unodzora unosangana Chitatu chiri chose, uchitanga musangano nomunyengetero wokukumbira nhungamiro yomudzimu waJehovha. Nhamburiko chaiyoiyo inoitwa yokuona kuti nhau iri yose inotarisirwa uye chisarudzo chiri chose chinoitwa chiri mutsinhirano neShoko raMwari Bhaibheri.

Somutezo woMutumbi Unodzora, ndakatumwa kundoshanyira mapazu akasiana-siana somutariri wedzinyika. Kwave kuchindifadza kuwana zvakananga chinzwano chavanhu vaJehovha munyika dzakawanda kwazvo. Mufaro womunhu ogawo kusangana zvakare navafundisi veGilead vazhinji vachiri vakatendeka mumigove yavo yokumwe. Zvamazvirokwazvo, munyika iri yose, vanhu vaJehovha ndivo vakanakisisa navanofara zvikurusa!

Jehovha ari kudyisa panguva imwe cheteyo vanhu vake mumudzimu kupfurikidza neNharireyomurindi nezvimwe zvinyorwa zveBhaibheri. Kwose ikoku hufakazi hwokuti Kristu Jesu ave ari Mambo wedu anotonga chibviro cha 1914 uye kuti iye achatitungamirira nenzira inobudirira mu“dambudziko guru” riri pamberi apa. Pakupedzisira, imi mose muri vaduku mumakore, nokuchenjera vakai mabasa ebasa rinoyera renguva yakazara zvino! Imiwo muchava namaropafadzo anofadza akakumirirai. (Mika 7:7) Ndinofarira tarisiro youmwari yaJehovha mumakumi amakore apfuura. Zvikomborero zvake zvakandipfumisa zvirokwazvo. (Zvirevo 10:22) Ndinoonga kuna Jehovha zuva riri rose nokuda kwamaropafadzo andinawo mukumubatira musangano rake rinotungamirirwa nomudzimu.—Zvakazarurwa 7:14.

[Mufananidzo uri papeji 12]

Nomukutsirani Wangu Bill Elrod

[Mufananidzo uri papeji 15]

Ndichiendeswa nechitima kuTorongo reBarlinni

[Mufananidzo uri papeji 17]

Nomudzimai wangu, Charlotte

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe