RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 4/1 pp. 16-19
  • Une Kutenda Kwakafanana nokwaEria Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Une Kutenda Kwakafanana nokwaEria Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Umambo Hwakashata Hwendudzi Gumi
  • Eria Anozivisa Kusanaya Kwemvura
  • Kutenda Kunoratidzirwa Kupfurikidza Nokutevera Nhungamiro
  • Jehovha Anogovera Zvokudya Noupenyu
  • “Mwari Wangu ndiJehovha”
  • Akamirira, Uye Akarinda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Akabvuma Kunyaradzwa naMwari Wake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Akarinda, Uye Akamirira
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akanyaradzwa naMwari Wake
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 4/1 pp. 16-19

Une Kutenda Kwakafanana nokwaEria Here?

NZANGA yavanhu nhasi inosekesa kutenda. Vakangwara vanonyomba kuvapo kwaMwari. Vanyengeri vorudzidziso vanoseka Mwari. Uye nyika inoita nenzira inowedzera sokunge Mwari haakoshi hake. Kana izvi zvimiro zvichityisidzira munhu, kana kuti kumuodza mwoyo, kana kuti kumuita kuti asakendenga, muchinoitika chipi nechipi muuyo wacho mumwe chete: Kutenda kwake kunokukurwa. Hakushamisi kuti muapostora Pauro akadana kushaikwa kwokutenda kuti “chivi chinotinamatira nenzira iri nyore”!—VaHebheru 12:1, NW.

Zvichida ndicho chikonzero nei Pauro akaita nhamburiko chaiyo yokurereudzira ngwariro yedu kuupenyu hwavarume navakadzi vokutenda kwakasimba. (VaHebheru, ganhuro 11) Mienzaniso yakadaro inogona kutinyandura ndokusimbisa kutenda kwedu. Somuenzaniso, ngatirangarire muporofita Eria, tichinangidzira ngwariro parutivi rwapakuvamba chete rwebasa rake roupenyu rakareba nerakazara rouporofita. Iye akararama mukati mokutonga kwaMambo Ahabhi nomudzimai wake wechihedheni, Mambokadzi Izebheri, panguva apo, sazvino, kutenda muna Mwari wechokwadi kwakanga kwakaderera.

Umambo Hwakashata Hwendudzi Gumi

Vakaita mubatanidzwa wakadini! Ahabhi akanga ari mambo wechinomwe woUmambo hwendudzi gumi hwaIsraeri. Kunyange zvazvo vakamutangira vatanhatu vake vakanga vakaipa, Ahabhi akanga akaipa zvikuru. Haana kupfuudzira bedzi kunamata mhuru kwakaipa kwenyika yacho asi iye akaroora muchindakadzi wokumwe Izebheri, nomutoo iwoyo achitanga chimiro chakasimba zvikuru chokunamatwa kwamwari wenhema Bhaari kupfuura uko nyika yacho yakanga yamboziva.—1 Madzimambo 16:30-33.

Izebheri akanga anyudzwa mukunamatwa kwaBhaari kubvira paucheche. Baba vake, Etibhaari, muprista waAshtoreti (mudzimai waBhaari), vakanga vauraya vamwe kuti vave mambo weSidhoni, umambo hwaiva kuchamhembe chaiko kweIsraeri. Izebheri akapesvedzera murume wake akaneta mutsika kuti atange kunamatwa kwaBhaari muna Israeri. Pasati papera nguva refu, kwakanga kwava navaporofita 450 vamwari wenhema iyeyo uye vaporofita 400 vamwarikadzi Ashera munyika yacho, vose vachidyira patafura youmambo. Chakanga chichinyangadza sei chimiro chavo chokunamata mumeso aMwari wechokwadi, Jehovha! Zviratidziro zvemitezo yokubereka nayo yavarume, tsika dzoruzvaro, pfambi dzapatemberi (dzose dziri mbiri dzechirume nedzechikadzi), kunyange kubairwa kwavana—zvakadaro zvakanga zviri zvinotsauranisa urwu rudzidziso runomukira. Nechikomborero chaAhabhi, rwakapararira rusingadziviswi muumambo hwose.

Mamirioni avaIsraeri akakanganwa Jehovha, Musiki wapasi nokutenderera kwaro kwemvura. Kwavari akanga ari Bhaari aikomborera nyika nemvura pamugumo womwaka wakaoma. Gore riri rose vaitarira nekariro kuuyu ‘Mutasvi Wamakore,’ uyu anonzi mwari woruzvaro nomwaka unonaya, kuti agumise mwaka wakaoma. Gore negore, mvura yaiuya. Gore negore, Bhaari aiwana rumbidzo yacho.

Eria Anozivisa Kusanaya Kwemvura

Pakanga pari zvimwe pamugumo womwaka wezhezha wakareba, usina mvura—apo chaipo vanhu vakanga vava kuvamba kukarira Bhaari kuunza mvura inopa upenyu—apo Eria akaoneka muchinoitika chacho.a Iye anooneka kamwe kamwe muchinyorwa cheBhaibheri nokukurumidza sokutinhira. Tinoudzwa zvishomanene nezvenhau yake yekare, hapana chinhu nezvavabereki vake. Asi mukusafanana nokutinhira, Eria akanga asati ari muzivisi wedutu. Iye akazivisa kuna Ahabhi, kuti: “NaJehovha mupenyu, Mwari waIsraeri, iye wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini!”—1 Madzimambo 17:1.

Isa muchiono uyu murume, akapfeka nguvo yake yenhando yemvere. Iye mugari womuzvikomo zvakaipa zveGiriadhi, sezvingabvira akarerwa pakati pavafudzi vanozvininipisa vamakwai. Iye anomira pamberi pamambo ane simba Ahabhi, zvichida muimba yake yamambo chaimo, neimba yayo yakakurumbira yakagadzirwa nenyanga dzenzou, shongedzero dzayo dzakapfuma nedzechienzi uye zvidhori zvinoorora. Imomo, muguta rine ruzha rakasimbiswa reSamaria, umo kunamatwa kwaJehovha kwodokuva kwakanganwika zvikuru, iye anoudza Ahabhi kuti uyu mwari wake, Bhaari iyeyu, haana simba, haana maturo. Kwegore rino uye kwamakore anouya, Eria anozivisa kuti, hakusati kuchizova nemvura kana kuti dova!

Iye akawana kupi kutenda kwakadaro? Haana kunzwa achityiswa, kumira ipapo pamberi pouyu mambo anozvitutumadza, akawa pakutenda here? Zvichida. Anopfuura makore ane chiuru gare gare, munun’una kuna amai waJesu Jakobho anotivimbisa kuti Eria akanga ari “murume ane mirangariro yakafanana neyedu.” (Jakobho 5:17, NW) Asi cherekedza mashoko aEria, anoti: “NaJehovha mupenyu, Mwari waIsraeri, iye wandimire pamberi pake.” Eria akarangarira kuti somubatiri waJehovha, iye akanga akamira pamberi pechigaro choumambo chakakwirira zvikuru kupfuura chaAhabhi—chigaro choumambo chaChangamire Ishe wechisiko chapose pose! Iye akanga ari mumiriri, nhume, yechigaro choumambo ichocho. Nouyu murangariro, chii chaaifanira kutya kuna Ahabhi, mambo wohunhu muduku uyo akanga arasikirwa nechikomborero chaJehovha?

Yakanga isati iri tsaona kuti Jehovha akanga ari chaiyeiye kwazvo kuna Eria. Muporofita zvirokwazvo akanga afunda chinyorwa chokubata kwaMwari navanhu Vake. Jehovha akanga anyevera vaJudha kuti iye aizovaranga nokusanaya kwemvura nenzara kana vakatendeukira kukunamatwa kwavamwari venhema. (Dheuteronomio 11:16, 17) Ane chivimbo chokuti Jehovha nguva dzose anozadzika shoko rake, Eria “akanyengetera kuti kusanaye.”—Jakobho 5:17, NW.

Kutenda Kunoratidzirwa Kupfurikidza Nokutevera Nhungamiro

Pari zvino, kunyanguvezvo, ziviso yaEria inomuisa mungozi inouraya. Yakanga iri nguva apo rumwe rutivi rwokutenda kwake rwakanga ruchidikanwa. Kuti arambe ari mupenyu, aifanira kuva akatendeka mukutevera mirairidzo yaJehovha: “Chibva pano, uende kurutivi rwamabvazuva, undovanda parukova Keriti rwuri pamberi paJoridhani. Unofanira kunwa mvura yorukova, uye ndakaraira makunguvu kukupa zvokudya ipapo.”—1 Madzimambo 17:3, 4.

Eria akateerera pakarepo. Kana akanga achida kupukunyuka kusanaya kwemvura nenzara zvakawira nyika yake, iye akanga achifanira kuvimba negadziriro dzipi kana dzipi Jehovha akamuitira. Ikoku kwakanga kusati kutongori nyore. Kwaireva kuzvivanza amene, kugara ari oga chose chose kwemwedzi yakawanda. Kwakareva kudya nyama nechingwa zvaiunzwa kwaari namakunguo—shiri dzinodya nyama yakaora dzairangarirwa kuva dzisina kuchena muMutemo waMosesi—uye kuvimba naJehovha kuti nyama yakadaro yakanga isina kuora asi nyama yakanga yakabudiswa ropa zvakafanira mukuwirirana nomutemo. Iri nenji rakarebeswa rinoratidzika kuva risingabviri kwazvo kuvatsinhiri veBhaibheri vakati zvokuti vanokarakadza kuti shoko rapakuvamba pano rinofanira kuva rakareva “vaArabhu” uye asati atongori “makunguvu.” Asi makunguo akanga ari chisarudzo chakakodzera. Hapana munhu aizofungidzira kuti idzi shiri dzakaderera, dzisina kuchena dziri kubhururuka dzichipinda murenje nezvimedu zvadzo zvezvokudya chaizvoizvo dzakanga dzichidyisa Eria, uyo Ahabhi naIzebheri vakanga vachitsvaka muumambo hwose hwakapoteredza!—1 Madzimambo 18:3, 4, 10.

Sezvo kusanaya kwemvura kwakapfuurira, Eria angave akasanoitira hanya pamusoro pomugove wake wemvura mumupata weKeriti. Zhinjisa dzenzizi dzaIsraeri dzinooma munguva dzokusanaya kwemvura, uye “pakupera kwamazuva akati,” urwu rwakadarowo. Unogona kufungidzira here kunzwa kwaEria sezvo mvura yakaderera zvishoma nezvishoma kusvikira pakuyerera zvishomanene uye madziva akaderera zuva nezuva? Zvirokwazvo iye anofanira kuva akashamisika kuti chii chaizoitika apo mvura inenge yapera. Kunyanguvezvo, Eria akaramba aripo nenzira yokutendeka. Kwakanga kusati kuri kutozosvikira rukova rwaoma apo Jehovha akamupa ndaza yake inotevera yemirairidzo. Enda kuZarefati, muporofita wacho akaudzwa kudaro. Ikoko aizowana zvokudya pamusha wechirikadzi.—1 Madzimambo 17:7-9.

Zarefati! Taundi iroro raiva reguta reSidhoni, uko Izebheri akanga abva uye uko baba vake vamene vakanga vatonga samambo! Kwaizova kwakakotsekana here? Eria angave akashamisika kudaro. Asi “iye akasimuka ndokuenda.”—1 Madzimambo 17:10, NW.

Jehovha Anogovera Zvokudya Noupenyu

Kuteerera kwake kwakatuswa nokukurumidza. Iye akasangana nechirikadzi sezvakadeya kutaurwa, uye iye akawana mairi rudzi chairwo rwokutenda urwo rwakanga rusiko kwazvo pakati pavanhu vomunyika yake. Iyi chirikadzi murombo yakanga ine upfu namafuta zvakakwana bedzi kugadzira kudya kumwe kwokupedzisira nokuda kwayo imene nomwanakomana wayo muduku. Bva, kunyange mukushaiwa kwayo kukuru, iyo yakanga ichidisa kugadzira chingwa nokuda kwaEria kutanga, ichivimba nechipikirwa chake chokuti Jehovha aizochengeta dende rayo ramafuta nedende rayo roupfu zvichigoverwa chero bedzi pakanga pane kudikanwa. Hakushamisi kuti Jesu Kristu akayeuka muenzaniso wokutendeka wechirikadzi iyoyi pakuzvidza vaIsraeri vasina kutenda muzuva rake amene!—1 Madzimambo 17:13-16; Ruka 4:25, 26.

Pasinei zvapo nenenji irori, kunyanguvezvo, kwose kuri kuviri kutenda kwechirikadzi nokwaEria kwakanga kwodokutarisana nomuedzo wakakomba. Mwanakomana wayo akafa kamwe kamwe. Yanetseka, chirikadzi yaigona bedzi kufunga kuti jambwa irori rine ngwavaira rakanga rine chimwe chinhu chokuita naEria, “munhu waMwari wechokwadi.” (NW) Iyo yakashamisika kana yakanga iri kurangwa nokuda kwechivi chomunguva yakapfuura. Asi Eria akatora mwanakomana wayo asina upenyu mumaoko ayo ndokuenda naye kukamuri rokumusoro. Iye aiziva kuti Jehovha aigona kugovera zvinopfuura zvokudya. Jehovha manyuko oupenyu humene! Naizvozvo Eria akanyengetera zvapachokwadi uye achidzokorora kuti upenyu hwomwana hudzokere.

Eria akanga asati ari wokutanga kuva nokutenda kwakadaro murumuko, asi muchinyorwa cheBhaibheri, iye akanga ari wokutanga akashandiswa kuruita. Mukomana “akava mupenyu”! Mufaro wamai vake unofanira kuva wakava waiva chiono chokutarira sezvo Eria akaunza mwanakomana wayo kwairi namashoko akapfava: “Ona! Mwanakomana wako mupenyu.” Pasina panikiro nemisodzi, ivo vakati: “Zvino, zvamazvirokwazvo, ndinoziva kuti muri munhu waMwari uye kuti shoko raJehovha riri mumuromo menyu nderechokwadi.”—1 Madzimambo 17:17-24, NW.

“Mwari Wangu ndiJehovha”

Kunoorora sei, uye kwakakodzera sei, kuti zita raEria rinoreva kuti “Mwari Wangu ndiJehovha”! Munguva yokusanaya kwemvura nenzara, Jehovha akamupa zvokudya nezvokunwa; munguva yokuvhiringidzika kwetsika, Jehovha akamupa nhungamiro yakanaka; munguva yorufu, Jehovha akamushandisa kudzorera upenyu. Uye kunoratidzika kuti nguva imwe neimwe iyo Eria akakumbirwa kushandisa kutenda kwake muna Mwari wake—kupfurikidza nokuvimba Naye kuti agovere, kupfurikidza nokutevera nhungamiro Dzake, kupfurikidza nokuvimba Naye kuti atsvenese zita Rake—iye akatuswa nezvimwezve zvikonzero zvokuisa kutenda muna Jehovha. Uyu mutoo wakava wechokwadi sezvaakapfuurira kugamuchira migove yakaoma neinototyisidzira kubva kuna Mwari wake, Jehovha; kutaura idi, mamwe amanenji ake akatanhamara zvikurusa akanga achiri mberi kwake.—Ona 1 Madzimambo, ganhuro 18.

Ndizvimwe chetezvo zvikuru nokuda kwavabatiri vaJehovha nhasi. Tingasadyiswa nenzira yenenji kana kuti kushandiswa kuita rumuko; iyi haisati iri nguva yamanenji akadaro. Zvisinei, Jehovha amene haana kuchinja napaduku zvapo chibviro chezuva raEria.—1 VaKorinte 13:8; Jakobho 1:17.

Isuwo tingagamuchira migove inoodza mwoyo, ndima dzakaoma nedzinotyisa dzokusvika neshoko redu rakapiwa naMwari. Tingasanonangana nechitambudzo. Tingatova nenzara. Asi kuvanhu vakatendeka nokusangano rake rose zvaro, Jehovha akabvumikisa abvumikisazve kuti achiri kutungamirira uye anodzivirira vabatiri vake. Achiri kuvapa simba rokuita mabasa api naapi aakavagovera. Uye achiri kuvabetsera kutsungirira miedzo ipi neipi ingava pavari munyika ino yanetseka.—Pisarema 55:22.

[Mashoko Omuzasi]

a Vose vari vaviri Jesu naJakobho vanotaura kuti hakuna kunaya munyika yacho kwa“makore matatu nemwedzi mitanhatu.” Bva, Eria anotaurwa kuva anooneka pamberi paAhabhi kuti agumise kusanaya kwemvura “mugore rechitatu”—pasina panikiro achiverenga kubva pazuva raakazivisa kusanaya kwemvura. Nokudaro, kunofanira kuva kwakanga kuri pashure pomwaka wakaoma wakareba, usina mvura apo iye akatanga kumira pamberi paAhabhi.—Ruka 4:25; Jakobho 5:17; 1 Madzimambo 18:1.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Iwe, kufanana naEria, une kutenda kwokuti Jehovha achatarisira zvinodikanwa zvavabatiri vake here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe