Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Kufukidza Ndima Iri Yoga muParaguay Kunobereka Chibereko
BAZU reParaguay reWatch Tower Society rinoziva zvizere dikanwo yokuparidzira mashoko akanaka oUmambo mundima yaro yose. (Mabasa 1:8) Iyi inguva yokuti vose vadzidze pamusoro poUmambo uye kubatira Jehovha asati aunza mugumo kutsika ino yakaipa mu“dambudziko guru” riri kuuya. (Mateo 24:21, 22, NW) Zvinoitika zvinotevera zvinoratidza zviri kuitwa kubetsera vanhu mundima dzisina kugoverwa. Bazu rinoshuma, kuti:
Gadziriro dzakaitwa dzokufukidza ndima yose isina kugoverwa kupfurikidza namapiona chaiwo echinguvana. Mukati memwedzi yaNovember kusvikira kuna January yegore rebasa ra 1990, hama nehanzvadzi 39 dzakafukidza hwerengedzo yamaguta zana namataundi maduku uko kusati kwava navaparidzi voUmambo. Vakakwanisa kugovera mabhuku 6 119, mabhukwana 4 262, uye magazini 5 144. Somuuyo wouyu mubato, mapoka matsva avaparidzi ari kuumbwa.
◻ Mumwe mukadzi akagamuchira kuhanzvadzi iri piona yaishanda mundima isina kugoverwa bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. Piona akazvipira kuitisa fundo yeBhaibheri naye, uye iye akabvuma nomufaro. Apo piona akadzokera, akanga akamumirira akanga asati ari mukadzi wacho bedzi asiwo murume wake navana vavo gumi. Pashanyo yakatevera, mhuri yacho pamwe chete neshamwari dzavo navavakidzani vakanga vagadzirira nokuda kwefundo yeBhaibheri! Mukadzi wacho akanga avakoka, achitaura kuti fundo yacho yakanga yakanaka zvikuru uye kuti tariro nezvikomborero izvo Jehovha anopa zvaishamisa. Ichochi chakanga chiri chimwe chinhu chisina mumwe munhu akanga ambomutaurira kare, naizvozvo iye akanzwa kuti vavakidzani vake neshamwari vaifanirawo kunzwa aya mashoko akanaka.
Nguva iri yose piona aiitisa fundo, pakanga pane vakawanda kwazvo vaivapo zvokuti yakaoneka kuva ungano duku. Ava vanhu vanofarira vakabvunza mibvunzo yakawanda uye vakagoverana mufundo. Apo piona akatsanangura kuti apo bedzi ndima inoshandwa, aizofanira kutama navabiyake kunharaunda itsva, mukadzi nokunetseka akabvunza kuti ivo vaizoita sei. Gadziriro dzakaitwa nehama dzomuungano yapedyosa kuti vapfuudzire fundo yacho. Zvino mapiona chaiwo akagoverwa kubetsera ava vanhu vanofarira, vakafanana namakwai.
◻ Ichienda paimba neimba muimwe ndima isina kugoverwa, hanzvadzi piona yakawana murume uyo makore gumi akapfuura akanga awana bhuku raZvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi. Chibviro chenguva iyoyo akanga arasa onano yose neZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, akaziva kuti Jehovha, uyo akadana kuti Jehovha wehondo, ndiye bedzi Mwari wechokwadi uye kuti Iye oga anofanira kunamatwa. Oga zvake, iye akanga ave achitaura nezvaJehovha kumunhu ari wose waaiziva. Kutaura idi, vhiki riri rose aifamba makiromita matatu kushanyira vaviri vanofarira kuzotaura kwavari pamusoro paMwari nemhaka yokuti, sokutaura kwaanoita, ‘Kana ndikarega kuvashanyira, vachakanganwa nezvaJehovha.’ Mukuwedzera kuava vaviri vakaroorana, kwakanga kune vamwe vanenge gumi vaida fundo yeBhaibheri—zvose nemhaka yokuti uyu munhu anofarira akanga avaparidzira.
Nenzira inoshamisa, mazuva mashomanene chete piona asati amushanyira, murume mumwe cheteyu haana kutendera muprista womunzvimbomo neboka rake kupinda mumba nomufananidzo wemhandara, achitsanangura kuti akanga asingadaviri mifananidzo. Muprista akatsamwa. Usiku ihwohwo murume wacho akanyengetera kuna Jehovha nokuda kwebetsero. Naizvozvo fungidzira kuti akava namanyemwe uye akafara sei apo piona akashanya! Gadziriro dzakaitwa nokukurumidza nokuda kwefundo yeBhaibheri ine nhevedzano, uye murume wacho anopfuurira kufambira mberi mukusonganirana nesangano roubati ushe hwaMwari.
Zvirokwazvo, Jehovha ari kukomborera basa rokuunganidza muParaguay sezvo hama dzinoedza kupa uchapupu hwakakwana muidzi ndima dzisina kugoverwa.—Mateo 24:14.