Mashoko Emuzasi
a Vose vari vaviri Jesu naJakobho vanotaura kuti hakuna kunaya munyika yacho kwa“makore matatu nemwedzi mitanhatu.” Bva, Eria anotaurwa kuva anooneka pamberi paAhabhi kuti agumise kusanaya kwemvura “mugore rechitatu”—pasina panikiro achiverenga kubva pazuva raakazivisa kusanaya kwemvura. Nokudaro, kunofanira kuva kwakanga kuri pashure pomwaka wakaoma wakareba, usina mvura apo iye akatanga kumira pamberi paAhabhi.—Ruka 4:25; Jakobho 5:17; 1 Madzimambo 18:1.