RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 11/15 p. 7
  • ‘Nhenda Munzvimbo Nenzvimbo’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Nhenda Munzvimbo Nenzvimbo’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Kupararira Kwezvirwere—Zvii Zvaungaita?
    Dzimwe Nyaya
  • Vhairasi Inouraya Inorovanya Zaire
    Mukai!—1996
  • Chii Chiri Mhinduro Yacho?
    Mukai!—1996
  • Kubetsera Avo Vane AIDS
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 11/15 p. 7

‘Nhenda Munzvimbo Nenzvimbo’

NHENDA dzemwero isingaenzaniswi dzaiva rutivi rwakadeya kutaurwa rwe“chiratidzo chokuvapo [kwaJesu Kristu] nechemhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 24:3, NW) Munyori weEvhangeri Ruka anowedzera udzame ihwohwu husingadudzwi munhauro dzaMateo naMarko. (Mateo, ganhuro 24 ne 25; Marko, ganhuro 13) Kutanga kwemirakatira nehosha dzinoparadza kwaizoitika “munzvimbo nenzvimbo” mumazuva okupedzisira. (Ruka 1:3; 21:11, NW) Hosha dzakadaro dzingabva kupi?

“Masayendisiti vanoziva nezveutachiona hunoverengeka huri munzvimbo dzinopisa dzapasi uhwo—nebetsero shomanene inobva muchisiko—hungaparira kurasikirwa kukuru zvikuru noupenyu kupfuura sezvingabvira kuchabva mudenda reAIDS,” inodaro magazini inonzi Science News. “Kunyange kana chinyorwa chenyika choutachiona chikaramba chakadzikama, vanzveri vanotaura kuti, nzvimbo dzinopisa dzapasi dzinotochengeta ‘simba repfuti’ rakakwana routachiona rokuparadza zvikamu zvikuru zvavagari vaPasi.”

Chinoita kuti yedu ive nhambo yokusadzivirirwa kwakawedzerwa ndivo vagari vapasi vari kuwedzera nezvinodikanwa zvikuru zvenyika yakatsvikinyidziranwa. “Nhau inoratidza kuti kutanga kwoutachiona hunotyisidzira upenyu kwakawanzotevera apo vanhu vakatamira munzvimbo isina kunzverwa kana kuti apo migariro yokugara yomuguta yakaipa munzira dzakakoka utachiona hutsva huzhinji,” inodaro Science News. Sezvo vanhu vanopinda munzvimbo dzakazadzwa noutachiona dzaisasvikika kare, mirakatira mitsva youtachiona inowanzotevera. Chinhu chimwe chetecho chinoitika sezvo zvipembenene zvinowedzera huwandu hwazvo apo mitoo yomwaka wenyika inochinja. “Mukuwedzera,” inodaro magazini yacho, “unyanzvi hwezvokurapa hwazvino uno hwakadai sokuisira nokudzimika mitezo zvakagovera utachiona chokufambisa chitsva pakati pavanhu vazhinji. Ndizvo zvakaitawo mhatsa yechinjo dzenzanga nedzokuzvibata, kuvambira pakufamba munyika yose pakati pavakapfuma navakakurumbira kusvikira kukugoverana tsono dzejekiseni pakati pavakapindwa muropa nemirimo.”

“Nhau yemisi ichangobva kupfuura iyi inogovera mienzaniso yakajeka yokutapura kwoutachiona munzvimbo dziri dzoga uko kungadeya kufananidzira kupararira kukuru zvikuru munguva yemberi,” nyaya yacho inowedzera kudaro. Mienzaniso ndeiyi: Utachiona hweMarburg hwaisazivikanwa kare, utachiona hwomunzvimbo dzinopisa dzapasi hunouraya uhwo hwakatambudza vakawanda vamasayendisiti muWest Germany mukupera kwama 1960; utachiona hunoparira fivhiri yomuRift Valley iyo yakatapura mamirioni ndokuuraya zviuru muEgypt muna 1977; utachiona hwomunzvimbo dzinopisa dzapasi hweEbola uhwo hwakatapura vanhu vanopfuura chiuru muZaire neSudan muna 1976 ndokuuraya vanenge 500, vazhinji vavo vanachiremba navanamukoti vairapa vanyajambwa vahwo.

Kudenha kunouraya kwoutachiona hakuwanzodeya kutaurwa pachine nguva mberi. “Muna 1918, somuenzaniso, kutapura kunochinja nokugara nhaka kunouraya kwefuruwenza kwakapararira kupota nyika yose, kuchiuraya vanhu vanofungidzirwa kuva vane mamirioni 20,” inodaro Science News. “Misi ichangobva kupfuura iyi zvikuru, kutanga muvanhu kwoutachiona uhwo zvimwe hwakambogara mutsoko dzomuAfrica bedzi kwabvurira munyika zvakare. Utachiona hweAIDS zvino hwakatapura vanhu vane mamirioni 5 kusvikira ku 10 munyika 149, mukuwirirana nokufungidzira kweWorld Health Organization. Asi pasinei zvapo nengwariro yose yakatorwa neiri denda remisi ichangobva kupfuura iyi zvikurusa, zvinhu zvinotyisidzira zvakawanda zvikuru zvakatimirira, vanonzvera utachiona vakawanda vanotyira kudaro.”

Nhenda zvadzinotambudza kudaro, rutivi rwechiratidzo chakaumbwa nezvizhinji chokuvapo kwaJesu mumbiri yoUmambo, pamwe chete namativi akadai sehondo, nzara, uye kudengenyeka kwapasi kukuru. (Marko 13:8; Ruka 21:10, 11) Mativi acho chikonzerowo chokufara, nokuti Ruka anowedzera mashoko aJesu, anoti: “Asi kana izvozvi zvichitanga kuitika, tarirai kumusoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera.”—Ruka 21:28.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe