Kuzvidzora—Neiko Kuchikosha Kwazvo?
“Zvino nemhaka iyi muchishingaira kwazvo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziva; napakuziva, kuzvidzora.”—2 PETRO 1:5, 6.
1. Iratidzirwoi inoshamisa yokuzvidzora mumuviri yakaitika muzana ramakore rechi 19?
PASINA panikiro, imwe yeratidzirwo dzinoshamisa zvikurusa yokuzvidzora mumuviri yakapiwa naCharles Blondin muhafu yokupedzisira yezana ramakore rechi 19. Mukuwirirana nomumwe mushumo, iye akayambuka Niagara Falls kwechiverengero chakati chenguva, kutanga muna 1859, patambo yakadhonzwa zvakasimba yakareba mamita 340 uye mamita 50 pamusoro pemvura. Pashure paikoko, iye aiita kudaro nguva imwe neimwe neratidzirwo yakasiana yamano ake: akavhara maziso, ari musaga, achisaidzira bhara, ari pamadhananga, uye akabereka munhu. Mune mumwe mugariro, iye aiita chamupidigori ari pamadhananga patambo yakatambanudzwa mamita 52 pamusoro pevhu. Kuchengeta dzikamo yakadaro kwaida kuzvidzora kukuru zvikuru mumuviri. Nokuda kwomuripo wake, Blondin akatuswa nezvose zviri zviviri mukurumbira nebudiriro.
2. Zvimwe zvimiroi zvomubato zviripo izvo zvinoraira kuzvidzora mumuviri?
2 Nepo vashomanene vangagona kunyange kusvika pedyo nokutevedzera ratidziro idzodzo, ukoshi hwokuzvidzora mumuviri mukushandiswa kwounyanzvi hwebasa kana kuti mumitambo huri pachena kwatiri tose. Somuenzaniso, mukurondedzera unyanzvi hwomushakabvu akakurumbira muridzi wepiyano Vladimir Horowitz, mumwe muimbi akati: “Kwandiri chinhu chinokwezva chakanga chiri pfungwa yokuzvidzora kwakazara . . . , pfungwa yesimba risingadaviriki riri kudzorwa.” Mumwe mushumo pamusoro paHorowitz wakataura nezva“makumi masere amakore eminwe inobhururuka mukudzora kwakakwana.”
3. (a) Chii chiri chimiro chinoraira zvikurusa chokuzvidzora, uye chinorondedzerwa sei? (b) Chii chiri revo yeshoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kuzvidzora” muBhaibheri?
3 Kunoda nhamburiko huru kukudziridza unyanzvi hwakadaro. Zvisinei, hunotokosha zvikuru nokudenha kuzvidzora. Kwakarondedzerwa so“kudzora kunoshandiswa pamasimba omunhu amene, mirangariro, kana kuti zvishuvo.” MuMagwaro echiKristu echiGiriki, shoko rinoshandurwa kuti “kuzvidzora” pana 2 Petro 1:6 nomune dzimwe nzvimbo, rakarondedzerwa so“runako rwouyo anodzora zvishuvo zvake nezvido, zvikurukuru zvishuvo zvake zvomuviri.” Kuzvidzora kwomunhu kwakatodanwa kuti “kukwana kwechiitwa chavanhu.”
Chikonzero Nei Kuzvidzora Kuchikosha Kwazvo
4. Kushaikwa kwokuzvidzora kwakawana chiberekoi chakaipa?
4 Muuyo wakadini uyo kushaikwa kwokuzvidzora kwave kuchikohwa! Zvinetso zvizhinji munyika nhasi zviri zvikurukuru nemhaka yokushaikwa kwokuzvidzora. Zvirokwazvo, tiri mu“mazuva okupedzisira,” apo ‘nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo dziripo.’ Vanhu “havana kuzvidzora” kazhinji kazhinji nemhaka yamakaro, chimwe chimiro chawo chiri kuva “vadi vemifarwa panzvimbo pavadi vaMwari.” (2 Timotio 3:1-5, NW) Iyi zvokwadi yakakomba yakatijekeserwa nenzira yakasimba nokudzingwa kwavanhu vanotadza vanopfuura 40 000 muruwadzano neungano yechiKristu mukati megore rebasa rapfuura, zvikurukuru nemhaka yomufambiro usina kururama zvakakomba. Kuna ivava kunofanira kuwedzerwa vazhinji vakapiwa tsiuro, zvikurukuru nokuda kwoutere hwevatano asi vose nemhaka yokukundikana kushandisa kuzvidzora. Rakakombawo iidi rokuti vamwe vakuru vakabatira kwenguva refu vakarasikirwa namaropafadzo avo ose savatariri nokuda kwechikonzero chimwe chetecho.
5. Ukoshi hwokuzvidzora hungaenzanisirwa sei?
5 Ukoshi hwokuzvidzora hungaenzanisirwa nemotokari. Ine mavhiri mana ayo anoigonesa kufamba, injini ine simba iyo inogona kutenderedza mavhiri iwayo nokukurumidza zvikuru, uye mabhureki ayo anogona kuamisa. Zvisinei, ngwavaira inogona kuvapo kutoti pane mumwe munhu ari pachigaro chomuchairi wokusarudza kunoenda mavhiri iwayo, kuti anotenderera nokukurumidza sei, uye apo anomira, kupfurikidza nokuita kushandiswa kunodzorwa kwechidhiraivho, ekiserereta, uye mabhureki.
6. (a) Mupimoi pamusoro porudo ungasanoshandiswa kukuzvidzora? (b) Ndirimwe zanoi ratinofanira kurangarira?
6 Kwaizova kwakaoma kusimbisa zvinopfuurezvi ukoshi hwokuzvidzora. Icho muapostora Pauro akataura pana 1 VaKorinte 13:1-3 pamusoro poukoshi hworudo chingasanotaurwa nezvokuzvidzora. Pasinei hapo nokuti tingava vanotaura zvakanaka sei savakurukuri vapachena, pasinei hapo nokuti tingave takawana zivo yakawanda sei nokutenda kupfurikidza nemiitiro yakanaka yefundo, pasinei hapo nokuti mabasai atingave tichiita kubetsera vamwe, kutoti tichishandisa kuzvidzora, kose ikoko kuri pasina. Tinofanira kurangarira mashoko aPauro, anoti: “Hamuzivi here kuti vamhanyi munhangemutange vanomhanya vose, asi mumwe bedzi anogamuchira mubairo? Mhanyai nenzira yakadaro kuti mugowana. Uyezve, munhu ari wose anotora rutivi mukukwikwidzana anoshandisa kuzvidzora muzvinhu zvose.” (1 VaKorinte 9:24, 25, NW) Inotibetsera kushandisa kuzvidzora muzvinhu zvose inyevero yaPauro iri pana 1 VaKorinte 10:12, inoti: “Unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege kuwa.”
Mienzaniso Inonyevera
7. (a) Kushaikwa kwokuzvidzora kwakatanga sei rudzi rwomunhu panzira yarwo yokudzika? (b) Ndimimwe mienzanisoi yapakuvamba yokushaikwa kwokuzvidzora iyo Magwaro anotipa?
7 Kupfurikidza nokubvumira murangariro panzvimbo pokurangarira kuti kudzore zviito zvake, Adhama akakundikana kushandisa kuzvidzora. Somuuyo, “chivi chakapinda munyika uye rufu kupfurikidza nechivi.” (VaRoma 5:12, NW) Kuuraya kwokutanga kwakanga kuriwo nemhaka yokushaikwa kwokuzvidzora, nokuti Jehovha Mwari akanga anyevera Kaini, kuti: ‘Neiko wakatsamwa zvikuru uye neiko chitarisiko chako chakasuruvara? Chivi chiri kukuvandira pasuo, uye uchachidzora here?’ Nemhaka yokuti Kaini haana kudzora chivi, akauraya munun’una wake Abheri. (Genesi 4:6-12) Mudzimai waRoti akakundikanawo kushandisa kuzvidzora. Iye aisambogona bedzi kudzivisa muedzo wokutarira shure. Kushaya kwake kuzvidzora kwakarevei nokuda kwake? Chokwadi, upenyu hwake humene!—Genesi 19:17, 26.
8. Ndizvinoitika zvavarumei vatatu vekare zvinogovera nyevero nokuda kwedu pamusoro pokudikanwa kwokuzvidzora?
8 Mwanakomana wedangwe waJakobho, Rubheni, akarasikirwa namaruramiro oudangwe nemhaka yokushaiwa kwake kuzvidzora. Iye akashatisa imba yokutandarira yababa vake kupfurikidza nokuva nevatano nomumwe wavarongo vaJakobho. (Genesi 35:22; 49:3, 4; 1 Makoronike 5:1) Nemhaka yokuti Mosesi akarasikirwa nokuzvidzora kwake pamusoro penzira iyo vaIsraeri vakamuedza nayo nokun’un’una kwavo, kunyunyuta, uye rupandukiro, akanyimwa ropafadzo yaishuviwa zvikuru yokupinda muNyika Yakapikirwa. (Numeri 20:1-13; Dheuteronomio 32:50-52) Kunyange Mambo akatendeka Dhavhidhi, ‘munhu anofadza mwoyo waMwari amene,’ akapinda muchinetso chikuru nemhaka yokushaiwa kwake kuzvidzora pane chimwe chinoitika. (1 Samueri 13:14; 2 Samueri 12:7-14) Mienzaniso yose yakadaro inotigovera nyevero dzakanaka dzokuti tinofanira kushandisa kuzvidzora.
Chatinofanira Kudzora
9. Ndaapi ari mamwe magwaro anosimbisa ukoshi hwokuzvidzora?
9 Kutanga kwezvose, kuzvidzora kunobatanidza mifungo yedu nemirangariro. Izvozvi kazhinji kazhinji zvinonongedzerwa kwazviri muMagwaro nokushandiswa kwokufananidzira kwamashoko akadai so“mwoyo” ne“itsvo.” Chatinobvumira ndangariro dzedu kugara pachiri chinotibetsera kana kuti zvimwe kutidzivisa munhamburiko yedu yokufadza Jehovha. Kuzvidzora kunodikanwa kana tichizoteerera zano rapaMagwaro rinowanwa pana VaFiripi 4:8, rokuramba tichirangarira zvinhu zviri zvechokwadi, zvakachena, uye zvakanaka. Wezvamapisarema Dhavhidhi akataura mirangariro yakafanana mumunyengetero, achiti: “Mashoko . . . nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha, dombo rangu, nomudzikinuri wangu.” (Pisarema 19:14) Murairo wechigumi—kusashuva chinhu chipi nechipi chomunhu biyako—waida kudzora mifungo yomunhu. (Eksodho 20:17) Jesu akasimbisa ukombi hwokudzora mifungo yedu nemirangariro paakati: “Mumwe nomumwe anotarira mukadzi achimuchiva, watoita upombwe naye mumwoyo make.”—Mateo 5:28.
10. Magwaroi eBhaibheri anosimbisa ukoshi hwokudzora kutaura kwedu?
10 Kuzvidzora kunobatanidzawo mashoko edu, kutaura kwedu. Mazhinji zvamazvirokwazvo magwaro anotipa zano rokushandisa kudzora ndimi dzedu. Somuenzaniso: “Mwari wechokwadi ari mumatenga asi imi muri pasi pano. Ndicho chikonzero nei mashoko enyu achifanira kubvumikisa kuva mashomanene.” (Muparidzi 5:2, NW) “Kudarika hakungakoni pamunhu una mashoko mazhinji; asi unodzora miromo yake, uno uchenjeri.” (Zvirevo 10:19) “Mumuromo menyu murege kubuda shoko rakaora, asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira, . . . Kupopota kwose . . . nokutuka nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri.” Uye Pauro anopfuurira kupa zano rokubvisa patiri kutaura kwoufuza nokuita majee akashata.—VaEfeso 4:29, 31; 5:3, 4.
11. Jakobho anobata sei nechinetso chokudzora rurimi?
11 Jakobho, munun’una kuna mai waJesu, anoshurikidza kutaura kusingadzorwi uye anoratidza kuti kwakaoma sei kudzora rurimi. Iye anoti: “Rurimi mutezo muduku, runozvirumbidza zvikuru. Tarirai, mwoto muduku unotungidza huni zhinji sei! Rurimi mwoto, rwakaita senyika izere nezvisakarurama; ndizvo zvakaita rurimi pakati pemitezo yedu, runosvibisa muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu, runotungidzwa irwo neGehena. Nokuti marudzi ose emhuka, neeshiri, neezvinokambaira, neezviri mugungwa angapingudzwa, uye akambopingudzwa navanhu; asi hakuna munhu ungapingudza rurimi; ndicho chinhu chakaipa chinoshanduka-shanduka, chizere nomuti unouraya. Narwo tinorumbidza [Jehovha, NW] Baba; narwo tinotuka vanhu, vakaitwa no‘mufananidzo waMwari;’ mumuromo mumwe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hatifaniri kudaro.”—Jakobho 3:5-10.
12, 13. Ndaapi ari mamwe magwaro anoratidza ukoshi hwokudzora zviito zvedu nomufambiro?
12 Chokwadika, kuzvidzora kunobatanidza zviito zvedu. Nzvimbo imwe umo kuzvidzora kukuru kunodiwa ine chokuita noukama hwedu naavo vane mitezo yakasiana yokubereka nayo. MaKristu anorairwa, kuti: “Tizai utere hwevatano.” (1 VaKorinte 6:18, New International Version) Varume vanopangirwa kuganhurira fariro yavo yevatano kuvadzimai vavo vamene, vachiudzwa murutivi, kuti: “Inwa mvura padziva rako chairo, nemvura inoyerera patsime rako chairo.” (Zvirevo 5:15-20) Tinoudzwa nenzira yakajeka kuti “Mwari uchatongesa mhombwe navanofeva.” (VaHebheru 13:4) Kuzvidzora kunodikanwa zvikurukuru naavo vaizosakurira chipo chokusaroora.—Mateo 19:11, 12; 1 VaKorinte 7:37.
13 Jesu akapeta nhau yacho yose pamusoro pezviito zvedu kuna vanhu biyedu paakapa kunonzi kazhinji kazhinji “Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe,” achiti: “Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo, nokuti ndiwo murairo navaporofita.” (Mateo 7:12) Zvirokwazvo, kunoda kuzvidzora kusabvumira kombamiro dzedu dzoudyire kana kuti dzvinyiriro dzokunze kana kuti miedzo kutiparira kubata vamwe zvakasiana nenzira yatingada kuti vatibate.
14. Izanoi iro Shoko raMwari rinopa pamusoro pezvokudya nezvokunwa?
14 Ipapo pane nhau yokuzvidzora pamusoro pezvokudya nezvokunwa. Shoko raMwari rinopa zano nokuchenjera, richiti: “Usava pakati pavanokarira waini, pakati pavanokarira nyama.” (Zvirevo 23:20) Zvikurukuru pamusoro pezuva redu, Jesu akanyevera, kuti: “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokubatwa, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvoupenyu huno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva.” (Ruka 21:34, 35) Hungu, kuzvidzora kunobatanidza mifungo yedu nokunzwa kwedu, pamwe chete namashoko edu nezviito zvedu.
Chikonzero Nei Kuzvidzora Kuri Denho Yakadaro
15. Magwaro anoratidza sei zvomene yechishoro chaSatani kukushandiswa kwokuzvidzora kunoitwa namaKristu?
15 Kuzvidzora hakuuyi nyore nyore nemhaka yokuti, sokuziva kunoita maKristu ose, tine masimba matatu ane simba anorwisana nokushandisa kwedu kuzvidzora. Kutanga, kuna Satani namadhemoni ake. Magwaro haasiyi panikiro pamusoro pokuvapo kwavo. Nokudaro, tinorava kuti “Satani akapinda” muna Judhasi chinguvana asati abuda kuzoshambadza Jesu. (Johane 13:27) Muapostora Petro akabvunza Ananiasi, kuti: “Satani wazadzireiko mwoyo wako, kuti ureve nhema ku[mudzimu mutsvene, NW]?” (Mabasa 5:3) Nenzira yakakodzera zvikurusa, Petro akanyeverawo, kuti: “Chengetai pfungwa dzenyu, ngwarirai. Muvengi wenyu, Dhiabhorosi, anofamba-famba seshumba inodzvova, iri kutsvaka kuparadza mumwe munhu.”—1 Petro 5:8, NW.
16. Neiko maKristu achifanira kushandisa kuzvidzora pamusoro penyika ino?
16 Munhamburiko dzawo dzokuratidzira kuzvidzora, maKristu anofanirawo kurwisana nenyika ino iyo iri “musimba rowakaipa,” Satani Dhiabhorosi. Pamusoro payo, muapostora Johane akanyora, kuti: “Musada nyika kunyange nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kwoupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi panyika. Nyika inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.” Kutoti tikashandisa kuzvidzora ndokudzivisa zvakasimba kombamiro ipi neipi yokuda nyika, tichatera kupesvedzero yayo, sezvakaita aichimbova mumwe mushandi biyake waPauro Dhemasi.—1 Johane 2:15-17; 5:19; 2 Timotio 4:10.
17. Takaberekwa nechinetsoi pamusoro pokuzvidzora?
17 SamaKristu, tinodawo kuzvidzora kana tichizorwisana nenzira inobudirira noutera hwedu timene hwenyama hwakagarwa nhaka nezvikanganiso. Hatigoni kunzvenga idi rokuti “kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku.” (Genesi 8:21) Kufanana naMambo Dhavhidhi, ‘takaberekwa namarwadzo nechikanganiso, uye vanamai vedu vakatinamba muchivi.’ (Pisarema 51:5) Mwana achangobva kuberekwa haazivi chinhu pamusoro pokuzvidzora. Paanoda chimwe chinhu, anongoramba achichema kusvikira achiwana. Mumwe mushumo pakurovedza mwana unoti: ‘Vana vanorangarira nenzira yakasiana chose chose neyavakuru. Vana vane udyire uye vasingapinduri zvakanaka kazhinji kazhinji havadavidzi kunyengetedzo ine mufungo zvikurusa nemhaka yokuti havagoni “kuzviisa vamene munzvimbo yomumwe munhu.”’ Zvirokwazvo, “upenzi hunonamatira mumwoyo womwana.” Zvisinei, nokushandiswa kwe“shamhu yokurairira,” iye zvishoma nezvishoma anodzidza kuti pane mitemo yaanofanira kuteerera uye kuti udyire hunofanira kudziviswa.—Zvirevo 22:15.
18. (a) Mukuwirirana naJesu, ikombamiroi dzinogara mumwoyo wokufananidzira? (b) Mashokoi aPauro anoratidza kuziva kwake chinetso chokushandisa kuzvidzora?
18 Hungu, kombamiro dzedu dzoudyire dzatakaberekwa nadzo dzinopa denho nokuda kwedu pakunouya kukushandisa kuzvidzora. Kombamiro idzodzo dzinogara mumwoyo wokufananidzira, pamusoro pawo Jesu akati: “Mumwoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuuraya, noufeve, noupombwe, nokuba, nokupupura nhema, nokumhura Mwari.” (Mateo 15:19) Ndicho chikonzero nei Pauro akanyora, kuti: “Nokuti zvakanaka, zvandinoda, handizviiti; asi zvakaipa, zvandisingadi, ndizvo zvandinoita. Zvino kana ndichiita zvandisingadi, handichini ndinozviita, asi zvivi zvinogara mandiri.” (VaRoma 7:19, 20) Zvisinei, iyi yakanga isati iri hondo yokurasikirwa, nokuti Pauro akanyora, kuti: “Ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva wakarashwa ndimene.” Kurwadzisa muviri wake kwaida kushandisa kuzvidzora.—1 VaKorinte 9:27.
19. Neiko Pauro aigona kusanotaura kuti akarwadzisa muviri wake?
19 Pauro aigona kusanotaura kuti akarwadzisa muviri wake, nokuti kushandisa kuzvidzora kunoomeswa nezvinhu zvizhinji zvomuviri, zvakadai sesimba reropa rakakwira, kusaterama, kushaya hope, kutema kwomusoro, kufufutirwa, uye zvichingodaro. Munyaya inotevera, ticharangarira mavara neyamuro izvo zvichatibetsera kushandisa kuzvidzora.
Unoyeuka Here?
◻ Neiko kuzvidzora kuchikosha?
◻ Ndeipi iri mimwe mienzaniso yaavo vakatambura kurasikirwa nemhaka yokushaiwa kuzvidzora?
◻ Tinofanira kushandisa kuzvidzora munzvimboi?
◻ Vavengii vatatu vanokuita kuti kuve kwakatiomera kushandisa kuzvidzora?
[Mufananidzo uri papeji 10]
MaKristu anofanira kushandisa kuzvidzora pamusoro pezvokudya nezvokunwa
[Mufananidzo uri papeji 11]
Kuzvidzora kuchatibetsera kudzivisa guhwa
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]
Historical Pictures Service