RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 3/8 pp. 28-29
  • Chii Chiri Mhinduro Yacho?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chiri Mhinduro Yacho?
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro
  • Vhairasi Inouraya Inorovanya Zaire
    Mukai!—1996
  • Kutsiva Kweutachiona
    Mukai!—1996
  • Nhenda Muzana Remakore Rechi20
    Mukai!—1997
  • Kubudirira uye Kukundikana Kurwisa Zvirwere
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 3/8 pp. 28-29

Chii Chiri Mhinduro Yacho?

“KUNE chitendero chiri kukura chokuti garikano yorudzi rwomunhu, uye zvichida kunyange kurarama kwedu serudzi, kuchatsamira pakukwanisa kwedu kuziva hosha dziri kubuda. . . . Taizodai tiripi nhasi kudai HIV yaizova utachiona hunotakurwa nemhepo? Uye chii chatingataura kuti hosha yakaenzana haingadaro mune remangwana?” akadaro D.  A. Henderson—uyo akaita rutivi rukuru mukuparadzwa kwenhomba—kuboka revezvesayenzi muGeneva, Switzerland, muna 1993.

Hosha dziri kubuda dzingazivikanwa sei? Gadziriro yeyambiro yepakuvamba yemirakatira yehosha dzemunyika dzinopisa zvikurusa mubatanidzwa wapasi pose wemarabhoritari 35 anoshuma kuWorld Health Organization (WHO). Bva, nzvero yemarabhoritari aya yakaratidza kuti mashoma asingasviki hafu yawo akanga akashongedzerwa kuzivisa encephalitis yeJapan, hantaviruses, uye Rift Valley fever—dzose ihosha dzinouraya. Ane 56 muzana bedzi aigona kuona yellow fever, vhairasi inotakurwa neutunga inoparira kurutsa, kukundikana kwechiropa, uye kubuda ropa mukati. Muna 1992 vanhu vanenge 28 vakafa muKenya neyellow fever vanachiremba vasati vawana chinoparira. Kwemwedzi mitanhatu vakafunga kuti vakanga vachirwisa marariya.

Chimwe chinetso chezvirongwa zvokutarisira ndechokuti hazvigoni kuziva kubuda kwehosha dzevhairasi dzinoshanda zvishoma nezvishoma. HIV, somuenzaniso, inogona kuvanda mumunhu, kupararira ichienda kune vamwe, uye ipapo kuzviratidza imene seAIDS kusvikira kumakore gumi gare gare. Murakatira wazvino weAIDS wakabuda panenge panguva imwe chete mumakondinendi matatu ndokuvhozhokera nokukurumidza nyika 20 dzakasiyana-siyana. Nenzira yakajeka, pakanga pasina nyevero yapakuvamba nokuda kwaikoko!

Pasinei zvapo nezvinetso zvacho, vezvesayenzi vazhinji vachiri kutarisa kune remangwana nechivimbo, vachitaura netariro nezvekuwana kukuru uye kufambira mberi zvichauya zvirokwazvo mumakore ari mberi. International Herald Tribune inoshuma, kuti: “Tariro yakanakisisa yekufambira mberi kwechokwadi, vezvesayenzi vazhinji vanoti, ibiotechnology, kushandiswa kwezvinhu zvemavara okugara nhaka zviri mumasero mapenyu. Vezvesayenzi vari pamafemu ebiotech vanokarira kugadzira masero anobudisa mishonga inouraya utachiona, ndiko kuti, rudzi rutsva rwemishonga inogadzirwa nemavara okugara nhaka.”

Kune, zvisinei, zvisingafadzi kuna ikoku. Kugadzira mavara okugara nhaka kwakakuita kuti kubvire kuisa magene muvhairasi isingakuvadzi kuitira kuti vhairasi yacho igone kuendesa magene acho kuvanhu. Ruzivo urwu rwunogona kushandiswa nenzira inobetsera, zvichida ruchibvirisa chaizvoizvo kugadzirwa kweinonzi mishonga inogadzirwa nemavara okugara nhaka. Asi ruzivo rwokugadzira zvinhu urwu rungashandiswawo nokuda kwezvinangwa zvakaipa.

Somuenzaniso, sezvinobvira magene anobva muEbola angagona kuiswa netsaona kana kuti nemaune muvhairasi, yakadai sefuruwenza kana kuti gwirikwiti. Ipapo vhairasi iyoyo inouraya ingaparadzirwa nokukosora kana kuti kuhotsira. Dr. Karl Johnson, uyo akapedza upenyu hwose achinzvera mavhairasi akadai seMachupo neEbola, akataura kuti nguva ingakurumidza kuuya apo “fuza ripi neripi rine mudziyo unokosha zviuru zvishomanene zvemadhora uye dzidzo yezvinhu zvipenyu yokukoreji musimba raro ringagona kugadzira utachiona hungaita kuti Ebola iratidzike seisina ngozi.” Vamwe vadzidzi vezvipenyu vanogoverana kuitira hanya kwake.

Mhinduro

Kupedza zvinetso zvehosha inopomeranwa hakusati kuchingovawo zvako nhau yokutanga mirimo mitsva. Kunobatanidza kupedza zvinetso zvine chokuita nehosha zveurombo, hondo, vapoteri, kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo, kuzarisa kwavanhu mumaguta, miraramiro isina kunaka, kusvibisa, uye kuparadzwa kwemhoteredzo. Iva akatendeseka. Unofunga kuti vanhu sezvingabvira vangapedza izvi zvinetso zvakaoma here?

Shoko raMwari rinoyambira, kuti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira.” Ndiani, ipapoka, watinofanira kuvimba naye? Rugwaro rwacho runopfuurira, kuti: “Une mufaro munhu uyo kana Mwari waJokobho ari mubatsiri wake, unotarira kuna Jehovha Mwari wake. Iye, wakaita kudenga napasi.” Jehovha bedzi, Musiki worudzi rwomunhu, anogona kupedza zvinetso zvinotarisana norudzi rwomunhu.—Pisarema 146:3-6.

Shoko rakafuridzirwa raJehovha, Bhaibheri, mukunyora uporofita hukuru hwaJesu pamusoro pe“chiratidzo . . . chokuguma kwenyika,” rakafanotaura nezvenhamo dzezvokurapa dziri kutambudza chizvarwa chedu. Jesu akati: “Nokune dzimwe nzvimbo . . . nehosha.”—Mateo 24:3-8; Ruka 21:10, 11.

Zvisinei, Bhaibheri rinonongedzerawo kune imwe nguva yemberi pasi pano mukutonga kwoUmambo hwaMwari apo “[pasi]na ugeremo, uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24; Mateo 6:9, 10) Avo vanovimba naJehovha nokudaro vane chikonzero chakasimba chokudavira kuti rudzi rwomunhu runoteerera ruchakurumidza kugamuchira kusunungurwa kwechigarire kwete bedzi muhosha dzinouraya dzinotambudza vanhu asiwo zvinetso zvinoparira hosha. VaKristu vechokwadi vanoonga nhamburiko dzenzanga yezvokurapa muhondo yakaoma yokurwisana neutachiona hunouraya. Bva, vanoziva kuti mhinduro inogarisa kuhosha norufu zvinotsamira pana Mwari, uyo “unoporesa kurwara kwako kwose.”—Pisarema 103:1-3; Zvakazarurwa 21:1-5; 22:1, 2.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Bhaibheri rinopikira nguva apo pasina munhu achazoti, “ndinorwara”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe