Rambai Makasimba Mukutenda!
Mapfundo Makuru Anobva Muna Tito
UNGANO dzechiKristu pachitsuva cheMediterranean cheKrete dzaida ngwariro yomudzimu. Ndiani aigona kudzibetsera? Chokwadi, mushandi biyake womuapostora Pauro Tito! Iye akanga ane ushingi, akakwaniriswa kudzidzisa, achishingairira mabasa akaisvonaka, uye akasimba mukutenda.
Pauro akashanyira Krete pakati pokuiswa kwake mutorongo kwokutanga nokwechipiri muRoma. Iye akasiya Tito pachitsuwa chacho kuti aruramise zvimwe zvinhu uye kugadza vakuru veungano. Tito aizodikanirwawo kuti atsiure vadzidzisi venhema nokugadza muenzaniso wakaisvonaka. Zvose izvozvi zvinoratidzwa mutsamba yaPauro kuna Tito, sezvinobvira yakatumirwa kubva Makedhonia pakati pa 61 na 64 N.V. Kushandisa zano romuapostora kunogona kubetsera vatariri vomuzuva rino uye vatendi biyavo kuti vave noushingi, vanoshingaira, uye vakasimba mumudzimu.
Chii Chinodikanwa Kuvatariri?
Kwakanga kuri madikanwa kugadza vatariri ndokutarisira zvinetso zvakakomba. (1:1-16) Nokuda kwokugadzwa somutariri, murume aifanira kusava nepomero, womuenzaniso somunhu oga uye muupenyu hwake hwemhuri, ane mutsa, akadzikama, uye anozvidzora. Iye aifanira kudzidzisa chiri chechokwadi uye kuraira nokutsiura avo vaitaura mirangariro inopokanidza. Ushingi hwaidikanwa nemhaka yokuti varume vasingadzoreki muungano vaifanira kunyaradzwa. Zvikurukuru ikoku kwakanga kwakadaro nezvaavo vaiomerera kudzingiso, nokuti vakanga vaparadza dzimba dzose. Tsiuro yakakomba yaizova iri madikanwa kana ungano dzaizoramba dzakasimba mumudzimu. Nhasi, vatariri vechiKristu vanodawo ushingi hwokupa tsiuro uye zano, nomurangariro wokuvaka ungano.
Shandisa Kudzidzisa Kwakanaka
Tito aifanira kupa dzidziso yakanaka mumudzimu. (2:1-15) Varume vakura vaifanira kuva vomuenzaniso mukuva nomwero, kukoshesa zvinhu, ndangariro yakanaka, kutenda, rudo, uye tsungiriro. Vakadzi vakura vaifanira kuva “nomufambiro wakafanira vatsvene.” Sa“vadzidzisi vezvakanaka,” vaigona kubetsera vakadzi vaduku kuti vave nomurangariro wakarurama wamabasa avo samadzimai uye vanaamai. Varume vaduku vaifanira kuva nendangariro yakanaka, uye varanda vaifanira kuzviisa pasi pavatenzi vavo mumutoo waizoshongedza dzidziso yaMwari. MaKristu ose aifanira kuramba kusava noumwari ndokurarama nendangariro yakanaka mutsika ino yezvinhu paakanga achimirira ratidziro ine mbiri yaMwari uye yaJesu Kristu, “wakazvipa nokuda kwedu, kuti atidzikinure pazvisakarurama zvose, kuti azvinatsire vanhu vave vake chaivo, vanhu vanoshingairira mabasa akanaka.” Kupfurikidza nokushandisa zano rakanaka rakadaro, isuwo ngati‘shongedze dzidziso yaMwari.’
Zano rokupfiga raPauro rinosimudzira kusimba kwomudzimu. (3:1-15) Kuri madikanwa kuratidza kuzviisa pasi kwakafanira pavatongi uye kusakurira kuva nomufungo. MaKristu ane tariro youpenyu husingaperi, uye mashoko aPauro aifanira kusimbiswa kuti avakurudzire kuchengeta ndangariro dzavo dziri pamabasa akaisvonaka. Mibvunzo youpenzi uye kurwa pamusoro poMutemo zvaifanira kudziviswa, uye musimudziri wesekete aifanira kurambwa pashure pokunge atsiurwa kaviri. Sezvo vakuru vachishandisa zano rakadaro nhasi, ivo navatendi biyavo vachagara vakasimba mukutenda.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]
Vasiri Varanda Kuwaini: Kunyange zvazvo vakadzi vasingafaniri kudzidzisa varume muungano, hanzvadzi dzakura dzinogona kuraidza vakadzi vaduku vari voga. Asi kuti vabudirire muna ikoku, vakadzi vakura vanofanira kuteerera mashoko aPauro, anoti: “Vakadzi vakuru ngavave nomufambiro wakafanira vatsvene, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi vave vadzidzisi vezvakanaka.” (Tito 2:1-5; 1 Timotio 2:11-14) Nemhaka yeitiro hanya pamusoro pemiuyo yokunwa, vatariri, vabatiri vanoshumira, uye vakadzi vakura vanofanira kuva nomwero, vasinganwisi waini. (1 Timotio 3:2, 3, 8, 11) MaKristu ose anofanira kudzivisa udhakwa uye anodikanirwa kurega kunwa zvinwiwa zvinodhaka pavanenge vachiita “basa dzvene” rokuparidzira mashoko akanaka.—VaRoma 15:16; Zvirevo 23:20, 21.