Rudo Rwouhama Runoshingaira
Mapfundo Makuru Anobva Muna Firemoni
JESU KRISTU akapa vateveri vake “murairo mutsva” wokuti vadane sezvo iye akavada. (Johane 13:34, 35) Nemhaka yorudo irworwo, vaizotofirana. Hungu, rudo rwouhama rwakasimba uye runoshingaira zvakadaro.
Muapostora Pauro akanga ane chokwadi chokuti rudo rwouhama rwaizosunda Firemoni, muKristu akabatanidzwa neungano paKorose, guta raiva muAsia Minor. Rudo rwakanga rwatosunda Firemoni kuti azarure imba yake nokuda kwokushandiswa senzvimbo yemisangano yechiKristu. Muranda waFiremoni Onesimo akanga atiza, sezvinobvira achiba mari yokuripira rwendo rwokuenda kuRoma, uko gare gare akasangana naPauro ndokugamuchira chiKristu.
Paaiva mutorongo paRoma munenge muna 60-61 N.V., Pauro akanyora tsamba zvikurukuru kuna Firemoni. Iyo yakakumbira Firemoni kuti agamuchire Onesimo anodzokera mumudzimu worudo rwouhama. Rava iyi tsamba, uye uchaona kuti iyo muenzaniso wakaisvonaka wechidakadaka nokungwarira pakutaura—uyo vanhu vaJehovha vanogona kusanotevedzera.
Rumbidzo Nokuda Kworudo Nokutenda
Achinyorera Firemoni uye vamwe, Pauro akatanga kupa rumbidzo. (Ndima 1-7) Muapostora airamba achinzwa pamusoro porudo rwaiva naFiremoni nokuda kwaKristu navatsvene vose uye pamusoro pokutenda kwake. Ikoku kwakasunda Pauro kutenda Jehovha uye kwakamuunzira mufaro mukuru nenyaradzo. Somunhu oga tinorumbidza vatendi biyedu vari vomuenzaniso murudo nokutenda here? Tinofanira kuita saizvozvo.
Zano pahwaro hworudo rinoshuviwa nguva dzose mukubata namaKristu biyedu, sokuratidza kunoita mashoko aPauro. (Ndima 8-14) Pashure pokusvika kwake kwokungwarira pakutaura, muapostora akataura kuti kunyange zvazvo aikwanisa kuraira Firemoni “kuita zvakafanira,” panzvimbo pezvo iye akasarudza kumuraira. Kuitei? Chokwadi, kuti agamuchirezve muranda Onesimo nenzira yomutsa! Pauro angadai akada kuchengeta mabasa anobetsera aOnesimo asi aisazoita ikoku pasina kubvumira kwaFiremoni.
Zvinoitika zvinoratidzika kuva zvakaipa zvinowanzobvumikisa kuva zvinobetsera, sezvo Pauro akatevera kuratidzira. (Ndima 15-21) Zvomenemene, zvakanaka zvakavapo apo Onesimo akanga atiza. Neiko? Nemhaka yokuti Firemoni aigona zvino kuvazve naye sehama yechiKristu inodisa, yakatendeseka, kwete somuranda asingadisi, sezvinobvira asina kutendeseka. Pauro akakumbira Firemoni kuti agamuchirezve Onesimo kunyange sokugamuchirwa kungaitwa Pauro. Kana Onesimo akanga atadzira Firemoni munzira ipi neipi, muapostora aizoripira. Kuita kuti Firemoni adisisezve zvikuru kubvuma, Pauro akamuyeuchidza kuti iye amene akanga ane mungava kuno muapostora nokuda kwokuva muKristu. Nokudaro, Pauro akanga ane chokwadi chokuti Firemoni aizoita kunyange zvinopfuura zvaakanga akumbirwa kuita. Chikumbiro chokungwarira pakutaura, chorudo chakadini! Zvirokwazvo, iyi ndiyo nzira yatinofanira kubata nayo namaKristu biyedu.
Pauro akapedzisa tsamba yake netariro, kwaziso, uye zvishuvo zvakanaka. (Ndima 22-25) Iye aikarira kuti kupfurikidza neminyengetero yavamwe nokuda kwake, aizokurumidza kusunungurwa mutorongo. (Sokuratidza kunoita tsamba yechipiri yaPauro kuna Timotio, minyengetero iyoyo yakapindurwa.) Achipedzisa tsamba yake, Pauro akatumira kwaziso ndokutaura chishuvo chokuti mutsa usina kufanirwa waJesu Kristu uve nomudzimu wairatidzwa naFiremoni navanamati biyake vaJehovha.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 23]
Anopfuura Muranda: Nezvokudzokera kwomuranda akatiza waFiremoni Onesimo, Pauro akati: “Zvimwe . . . wakaparadzaniswa newe chinguva kuti ugozova naye nokusingaperi; arege kuzova muranda, asi munhu anopfuura muranda, ave hama inodikanwa, munyama nomunaShe, zvikuru kwandiri, asi zvikuru kwazvo kwauri.” (Firemoni 15, 16) MuUmambo hweRoma, uranda hwaigombedzerwa nehurumende youmambo, uye Pauro akaziva “zviremera zvikuru” zvakadaro. (VaRoma 13:1-7, NW) Iye haana kutsigira kumukira kwavaranda asi akabetsera vanhu vakadaro kuti vawane rusununguko rwomudzimu samaKristu. Mutsinhirano nezano rake amene rokuti varanda vazviise pasi pavatenzi vavo, Pauro akadzokesa Onesimo kuna Firemoni. (VaKorose 3:22-24; Tito 2:9, 10) Onesimo zvino akanga apfuura muranda wenyika. Akanga ava mutendi biyake anodiwa uyo aizozviisa nenzira yakafanira pasi paFiremoni somuranda ari nani, uyo anodzorwa nenheyo dzoumwari uye achiratidzira rudo rwouhama.