Kusvika Kwakaoma Kuna Mwari
“NDINI nzira, nezvokwadi, noupenyu; hapana munhu unouya kuna Baba, asi nokwandiri,” akadaro Jesu Kristu. Iye akawedzera, kuti: “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Zvose zvamunenge muchakumbira kuna Baba, vachakupai izvo muzita rangu.”—Johane 14:6; 16:23.
Kwamazana amakore, zvisinei, marudzidziso echiKristudhomu, zvikurukuru Chechi yeRoma Katurike, nedzidziso dzayo dzehero yomwoto, purigatori, uye Utatu, akaramba “nzira.” Jesu akafananidzirwa, kwete somurevereri anodisa nokuda kwavanhu vanotadza, asi sorushiye ruri mumaoko kana kuti somutongi anotyisa, anoda kushurikidza zvikuru uye kuranga vatadzi kupfuura kuvaponesa. Ipapoka, mutadzi angagona sei kusvika kuna Mwari?
Bhuku rinonzi The Glories of Mary (1750) rinotsanangura. Achienzanisa Jesu nezuva rinopisa reruramisiro, papa Innocent III womuzana ramakore rechi 13 akazivisa, kuti: “Munhu upi noupi ari muusiku hwechivi, ngaakandire maziso ake pamwedzi, ngaakumbire kuna Maria.” Muna Maria, amai vaJesu, mumwe murevereri akavambwa. Zvichida kupfurikidza nepesvedzero yake inofungidzirwa youmai, nyasha dzingawanwa kuna Jesu uye kuna Mwari. Nokudaro, mumashoko aLaurence Justinian, mufundisi womuzana ramakore rechi 15, Maria akava “manera okuenda kuparadhiso, suo rokudenga, murevererikadzi wechokwadi zvikurusa pakati paMwari nomunhu.”
Norukudzo rwose runopiwa kwaari, pashure penguva yakati akanga asingachatongorangarirwi chete se“Mhandara Maria” asi akava “Mambokadzi Mutsvene, Amai Vengoni,” anoratidzirwa saasina mhaka kwazvo uye anokudzwa zvokuti akanga ariwo mutsvene zvikuru zvokusagona kusvikwa zvakananga. Mumwezve murevereri aigona kuwanikwa here? Zvakadiniko naamai vake?
Sezvo Bhaibheri rakanyarara panhau yacho, mhinduro yakatsvakwa kumwewo. Bhuku reApocrypha rinonzi “Protevangelium of James” rinotaura nhau yaAnne (kana kuti Anna), mudzimai waJoakimi, uyo akanga asina mwana pashure pamakore mazhinji eroorano. Pakupedzisira, ngirozi yakaoneka kwaari ndokuzivisa kuti aizozvara mwana. Munguva yakafanira, iye akava amai ve“Mhandara Maria,” kwakataurwa kudaro.
Nokudaro kwakamuka sekete yaAnne “Musande.” Nzvimbo tsvene nechechi zvakavakwa mukukudzwa kwake. Kuremekedzwa kwa“Musande” Anne kwakava kwakapararira muEurope muzana ramakore rechi 14.
“Rudzidziso rwakanga rwava rwakaoma sei!” rinodaro bhuku rinonzi The Story of the Reformation. “Vanhu vakanyengetera kuna Anna uyo akareverera kuna Maria uyo akareverera kuMwanakomana wake uyo akareverera kuna Mwari nokuda kwavanhu vanotadza. Kwakanga kuchishamisa, asi irworwo rwakanga rwuri rudzi rwechitendero chokutenda mashura apo paidyiswa mweya yavanhu.” Hechino, ipapoka, chimwe chinoitika uko mashoko aJesu anoshanda nenzira yakakodzera, anoti: “Muchitorera shoko raMwari simba netsika dzenyu dzamakachengeta.”—Marko 7:13.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 21]
The Metropolitan Museum of Art, Bequest of Benjamin Altman, 1913. (14.40.633)