Rudzidziso Neiko Pane Kushaikwa Kwefariro?
“MUNHU asina rudzidziso akafanana neimba isina mawindo.” Ikoko ndiko kutaura kwakaita mumwe murume weJapan kudikanwa kwevhenekero yorudzidziso kumwanakomana wake, Mitsuo. Zvisinei, Mitsuo haana kurangarira mashoko ababa vake zvakakomba. Uye chiverengero chinokura chavanhu muJapan, sokudzimwe nzvimbo, chinoratidzika kuva chinonzwa nenzira imwe cheteyo. Ivo vanogutswa nokuva ‘dzimba dzisina mawindo’ nefariro shomanene mukurega chiedza chorudzidziso chichipenya muupenyu hwavo.
Nokudaro, apo Japan yakaita National Character Study, 69 muzana yavagari vemo vayo vakataura kuti vakanga vasingazvirangariri vamene kuva vorudzidziso. Pakati pavanhu vaduku, reshiyo yacho yakanga yakatokwira zvikuru. Nenzira yakafanana, muyaichimbova nyika tsvene yechiBuddha yeThailand, 75 muzana yaavo vanogara munharaunda dzemanisiparati havachaendizve kutembere dzechiBuddha. MuEngland chinodokusvika chikamu chimwe chezvisere chechechi dzeAnglican chakapfigwa mumakore 30 apfuura nemhaka yokusashandiswa.
MuJapan, kunyanguvezvo, zvishongo zvorudzidziso zvichiri kuoneka zvikuru kwazvo. Asi kufanana nendiro dzinodhura, izvo zvinongobudiswa bedzi panguva shomanene—zvakadai semichato namariro. Rudzidziso runokosheswa zvikuru nokuda kworutivi rwarwo mukuchengeta hunhu hwomunzvimbomo nenhaka yemhuri kupfuura nokuda kwevhenekero yomudzimu. Vazhinji vanorangarira rudzidziso sechinonyaradzawo zvacho chavakaneta navanotambudzika; vanokundikana kuona betsero imwe ipi neipi inooneka inowanwa marwuri. ‘Rudzidziso rwakarurama kana une nguva yarwo kana kuti uchinzwa kudikanwa kwarwo,’ vamwe vanodaro, ‘asi unofanira kuzvivimba umene kuwana mari yokurarama nayo ndokubhadhara zvikwereti.’
Chiiko chiri seri kwouku kusakendenga? Chiverengero chakati chezvikonzero chingagona kupiwa. Kutanga, kune mhoteredzo yenzanga. Pwere zhinji dzakagamuchira rovedzo duku yorudzidziso kana kuti kusagamuchira. Hakushamisi, ipapoka, kuti vazhinji vaavo vanogara munzanga inoisa ukoshi hukuru pakuronda zvokunyama vanokura kuva vakuru vanodisa zvenyika.
Munyika dzakati mufambiro unokatyamadza wavaevhangeri vane makaro navane utere veTV navamwe vatungamiriri vorudzidziso vakatanhamara wakabvisawo vanhu kurudzidziso, sezvakaita kubatanidzwa kworudzidziso muzvinhu zvamatongerwe enyika nenhamburiko dzehondo. Ikoku kunoratidzirwa nechakaitika pamusoro porudzidziso rweShinto muJapan. “Nehondo [Hondo yeNyika II] inoguma nokukundwa muna August 1945, atari dzeShinto dzakatarisana nenjodzi yakakomba,” inodaro Encyclopædia of the Japanese Religions. Shinto, iyo yakakuchidzira shingairo yehondo ndokupikira rukundo, yakaodza mwoyo vanhu. Uzivi hwokuti hakuna Mwari kana kuti Buddha hwakakurumidza kupararira.
Zvisinei, tinofanira here kugutswa chaizvoizvo nemirangariro youdyire, mipfupi—yazvino? Vanhu vazhinjisa vane ndangariro inobvunza. Ivo vangada kuziva kwavakabva, kwavari kuenda, chikonzero nei vari kurarama, uye nzira yokurarama nayo. Ivo vanogona kubudirira patariro. Kusaidzira parutivi mibvunzo pamusoro poupenyu, kana kuti kuidzvinyirira nepfungwa yokuti “izvi zvinhu hazvizivikanwi,” hakugutsi. Kunyange asingatendi kuvapo kwaMwari Bertrand Russell akataura pamusoro pokuva na“marwadzo oupengo echienzi—kutsvakwa kwechimwe chinhu chinopfuura icho nyika inacho.” Rudzidziso rwechokwadi rungagona kugumisa kutsvaka ikoko. Asi seiko? Chitendisoi chiripo chokuti rudzidziso rupi norupi runofanirwa nokurangarirwa zvakakomba kwakadaro?