Vimba Nesimba Rinopiwa naMwari
Mapfundo Makuru Anobva Muna Timotio Wechipiri
JEHOVHA anopa vabatiri vake simba rokutsungirira miedzo nechitambudzo. Uye Timotio namamwe maKristu vaida sei simba rinopiwa naMwari! Mwoto wakaparadza Roma muna 64 N.V., uye runyerekupe rwaiti Mambo Nero akanga ane mutoro. Kuti azvidzivirire amene, iye akashora maKristu, uye ikoku sezvinooneka kwakanyandura fungu rechitambudzo. Sezvingabvira panguva iyoyo (munenge muna 65 N.V.), muapostora Pauro akaiswazve mutorongo muRoma. Kunyange zvazvo akatarisana norufu, ipapo iye akanyora tsamba yake yechipiri kuna Timotio.
Tsamba yaPauro yakagadzirira Timotio kuti adzivise vawi pakutenda ndokumira akasimba mukutarisana nechitambudzo. Yakamukurudzira kuti arambe achiita fambiro mberi yomudzimu uye yakataura pamusoro pemigariro yaPauro ari mutorongo. Tsamba yacho inobetserawo varavi kuti vavimbe nesimba rinopiwa naMwari.
Tambura Zvakaipa Uye Dzidzisa Nounyoro
Mwari anopa simba rokuti titsungirire chitambudzo savazivisi vamashoko akanaka. (2Ti 1:1-18) Pauro haana kutongokanganwa Timotio muminyengetero yake, uye iye akayeuka kutenda kwake kusinganyengeri. Mwari akapa Timotio ‘kwete mudzimu woumbwende, asi uyo wesimba, rudo, uye ndangariro yakanaka.’ Naizvozvo ngaarege kunyadziswa mukupupurira uye kutambura zvakaipa nokuda kwamashoko akanaka. Iye akakurudzirwawo ku“batisisa mashoko akanaka” akanzwiwa kuna Pauro, kunyange sezvatinofanira kusanonamatira kuzvokwadi yechokwadi yechiKristu kunyange vamwe vachibva kwairi.
Zvinhu zvakadzidziswa naPauro zvaifanira kupiwa kuvarume vakatendeka avo vaizodzidzisa vamwe. (2:1-26) Timotio akakurudzirwa kuti ave murwi akaisvonaka waKristu, akatendeka pakutambura zvakaipa. Pauro amene akatambura muzvisungo zvomutorongo nokuda kwokuparidzira mashoko akanaka. Iye akakurudzira Timotio kuti aite hunane hwake kuti azvipe amene somushandi anotenderwa waMwari, achidzivisa kutaura kusina maturo kunoshatisa chiri chitsvene. Uye iye akaudzwa kuti muranda waShe anofanira kuraidza vamwe nounyoro.
Paridza Shoko!
Simba rinopiwa naMwari raizodikanwa kuti titarisane namazuva okupedzisira ndokutsigira zvokwadi yapaMagwaro. (3:1-17) Kubva pavanhu vasina umwari paizomuka varume ‘vanodzidza nguva dzose asi vasingatongokwanisi kusvika pazivo yakarurama yezvokwadi.’ ‘Varume vakaipa navanyengeri [vakadaro] vaizofambira mberi kubva pakushata kusvikira pakushata zvikuru, vachitsausa nokutsauswa.’ Zvisinei, Timotio aifanira ku‘pfuurira muzvinhu zvaakanga adzidza.’ Tinofanira kudarowo, tichiziva kuti ‘Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera nokuda kwokudzidzisa, kutsiura, kururamisa zvinhu, uye kuranga mukururama, kuti munhu waMwari akwaniriswe zvizere, agadzirirwe kwazvo nokuda kwebasa riri rose rakanaka.’
Timotio aifanira kudzivisa vawi pakutenda ndokupedza ushumiri hwake. (4:1-22) Aigona kuita saizvozvo kupfurikidza noku‘paridza shoko’ uye kunamatira kwariri. Ikoku kwakanga kuchikosha, sezvo ungano yakatarisana ne“nguva inotambudza” nemhaka yokuti vamwe vakanga vachidzidzisa dzidziso yenhema. Zvapupu zvaJehovha zvinonamatirawo kuShoko raMwari zvino, zvichiriparidzira nekurumidziro muungano uye kuvanhu vari kunze, kunyange mumigariro isina kunaka. Pauro a“kachengeta kutenda,” kunyange zvazvo akasiiwa navamwe. Asi ‘Ishe akaisa simba maari, kuti kupfurikidza naye kuparidzira kugopedzwa zvizere.’ Isuwo ngativimbe nesimba rinopiwa naMwari ndokuramba tichiparidzira mashoko akanaka.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 31]
Murwi Akaisvonaka: Pauro akakurudzira Timotio, kuti: “Utambudzike pamwe chete neni, somurwi wakanaka waKristu Jesu. Hakuno munhu unorwa papfumo unozvipinganidza namabasa oupenyu huno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo.” (2 Timotio 2:3, 4) Murwi anofamba netsoka weRoma ‘aitambura zvakaipa’ pakutakura zvombo zvinorema, demo, dengu, migove yezvokudya zvamazuva matatu, uye zvimwe zvinhu. (Wars of the Jews raJosephus, Bhuku 3, ganhuro 5) Iye aisaronda fariro dzezvokutengeserana, nokuti ikoko kwaisazofadza mukuru wake, uye ndyiko dzake dzaifukidzwa. Nenzira yakafanana, muKristu anotambura miedzo yakabatanidzwa nokuva “murwi wakanaka waKristu.” Kunyange zvazvo angashanda basa rokunyika kuti aite mitoro yapaMagwaro, anofanira kusarega kubatanidzwa kusina kufanira nezvinhu zvokunyama kuchimuita kuti arege kurwa hondo yomudzimu. (1 VaTesaronika 2:9) Achipupurira paimba neimba, iye anoshandisa “munondo wo[mudzimu, NW], iro shoko raMwari,” uye achibetsera kusunungura vanhu muchikanganiso chorudzidziso. (VaEfeso 6:11-17; Johane 8:31, 32) Sezvo upenyu huri mungozi, varwi vose vechiKristu ngavapfuurire kufadza Jesu Kristu naJehovha Mwari muiyi nzira.