“Bako Ramakororo” Razvino Uno
MUMAGAZINI inonzi Natural History, purofesa wesayenzi yamavambo orudzi rwomunhu Colin Turnbull akarondedzera zvinoitika zvake somushanyi muJerusarema. Iye akataura kuti “mudzimu weKrisimisi” uyo iye akanga avamba kukudziridza “wakaderedzwa nokukurumidza” apo akacherechedza zvitoro zveguta racho “zvakazara nezvinhu zvenhando zvaitengeswa pamitengo inosetsa kuvatengi veKrisimisi (vashanyi) avo vakaratidzika kuva vakapedzwa nesundo yokutenga.”
Turnbull akati nezvo“mudzimu [wake] weKrisimisi”: “[Iwo waka]dzingwazve munzvimbo imwe yandakafunga kuti zvimwe inga[umu]tsiridza—guva reHoly Sepulcher.” (Chiono chomukati chinoonwa pamusoro apa.) Imomo, mufambiro wavashanyi biyangu “avo vakaratidzika kuva vanoratidzira kushaiwa kukuru kworuremekedzo nokuda kwezvinoyera” wakamuodza mwoyo sezvo ivo “vakasaidzira nokusundidzira munzira isiri yechiKristu zvikuru, vachishandisa mapfudzi nemagokora kumanikidzira nzira yavo munzira nhete inoenda kuguva rimene. Panhambo nenhambo kurwa kuduku kwakatanga, kuchiperekedzwa nokutuka nokunjangarika izvo zvakanga zvisiri zvinoyera.”
Panzvimbo po“kudzorera mugariro woutsvene,” Turnbull akati, vakuru vorudzidziso vaitarisira “vakadzinga murangariro upi noupi woutsvene kupfurikidza naivo vamene vanogadza muenzaniso womufambiro woukono.” Iye akataura nezvo“munhu mumwe akapfeka zvishava, akasunga musoro zvikuru, akafanana naRasputin” uyo “akasaidzira nokuvirima vashanyiwo zvavo shure vachibva pasuo reguva nguva imwe neimwe apo boka ravashanyi vanobhadhara zvikuru, vakatakura makenduru (vanonzi vapilgrim) vakaoneka, vaitungamirirwa nomumwe muRasputin.” Muuyo, akadaro mudzidzisi, wakanga uri “utsinye pakati pavasina kutakura makenduri navakatakura makenduri, pamwe chete napakati pavafundisi vakasiana-siana, sezvo kwakaratidzika kuva kune nhevedzano isingagumi yamasekete anokwikwidzana nokuda kwenguva nenzvimbo.”
Shamwari yapurofesa Turnbull yakanga iri “kure namayadhi mashomanene shure kweguva, akabata pasi namaoko uye akapfugama, akavanzwa hafu mukati momwena womurusvingo.” Turnbull akarondedzera, kuti: “Sezvandakatarira, rudyi rwake rwakabuda ndokutsvangadzira noupofu nokuda kwemari muhomwe yake, asi rumwe ruoko rwake rwakaramba rwuri mukati, rwakatambanudzwa sokunge rwakabatwa. Apo bedzi akanga adzorera mari yacho mukati momwena, zvisinei, ruboshwe rwake rwakasunungurwa uye shamwari yangu yakamira . . . Muruboshwe rwake akanga akabata muchinjikwa muduku womuti, wakatota apo wakanga wasaswa nemvura inonzi inoyera nomumonk akanga ava nemvumo iyeyo uye akatonona akavanzwa mukati mebako duku, achimirira nyajambwa wake.”
Jesu Kristu akacherechedza mufambiro wakafanana wakaitwa navanhu vane pesvedzero patembere, uye akavaudza kuti vakanga vachiichinja kuva “bako ramakororo.” (Ruka 19:45, 46) Chokwadika, muzuva redu ‘mapako amakororo’ akadaro haana kutongoganhurirwa kuJerusarema.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.