Iwe Unoyeuka Here?
Wakapa mufungo wokungwarira here kuzvinyorwa zvemisi ichangobva kupfuura zveNharireyomurindi? Kana zvakadaro, zvimwe uchakwanisa kuyeuka zvinotevera:
◻ Ko mamwe maKristu akazodzwa achapukunyuka “dambudziko guru” ndokupfuurira kurarama pasi pano kwenguva yakati asati aendeswa kudenga here?—Zvakazarurwa 7:14.
Bhaibheri harina kujeka pana ikoku. Dzimwe nhauro dzeBhaibheri dzinoratidzika kuva dzinokarakadza kuti vakasarira vangapfuurira kurarama ndokupinda munyika itsva. Zvisinei, mamirioni aavo vanokarira kurarama nokusingaperi pasi pano vakagamuchira rovedzo inodikanwa kutanga nyika itsva. Nokudaro, vakasarira vashoma vangasadikanwa nokuda kweiri basa, uye Mwari angasarudza kuvaendesa kudenga nokuda kwe“roorano yeGwaiana” pashure pokuurawa kwemhombwe yorudzidziso, “Bhabhironi Guru.” (Zvakazarurwa 18:2, 10; 19:2, 7, 8)—8/15, peji 31.
◻ Murume anofanira kuisa mwoyo wake pakuva mutariri wechiKristu nevavariroi? (1 Timotiohy 3:1)
Murume anofanira kusvasvavirira nzvimbo yomutariri, achiita saizvozvo nenzira yokuzvininipisa nemhaka yokuti iye anoda kubatira vamwe. Apo iye anonzarwozvo kusundwa nevavariro dzakarurama, ichi chiito kwaari chinogona kuguma nezvikomborero zvomudzimu kuavo vose vanobatanidzwa.—9/1, peji 18.
◻ Neiko muapostora Pauro asina kuodzwa mwoyo pasinei zvapo nezvose zvaaifanira kutsungirira?
Pauro anotsanangura, kuti: “Ndingaita zvose naiye unondipa simba.” (VaFiripi 4:13) Pauro haana kutongoedza kutakura mitoro yake ari oga. Panzvimbo pezvo, iye aitarira kuna Jehovha kuti amutsigire. (Pisarema 55:22)—9/1, peji 30.
◻ Chii chinorehwa nokutaura kwaPauro kuri pana VaEfeso 4:26: “Tsamwai, musingatadzi”?
Aya mashoko anobvuma kuti munhu angatsamwa nenzira yakarurama, asi apo ikoku kunoitika, munhu wacho haafaniri kuchengeta ‘mugariro wokutsamwa kutozosvikira zuva ravira.’ (VaEfeso 4:26) Neiko? Nemhaka yokuti ikoku kwaizopa Dhiabhorosi banza rokushandisa munhu iyeyo, sezvinobvira kumunyengera kuita chimwe chinhu chakaipa, zvokuti angawana kusatendera kwaMwari. (Pisarema 37:8, 9)—9/15, peji 21.
◻ Musianoi mukuru uripo pakati penzira iyo Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa nayo nenzira yavakuru vorudzidziso vechiKristudhomu?
Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa nesimba reShoko raMwari, nepo vakuru vechiKristudhomu vachitsamidza kudzidzisa kwavo pagamuchidzanwa rorudzidziso rechihedheni rakagamuchidzwa richibva kuBhabhironi neEgipita.—10/1, peji 25.
◻ Mwanakomana waMwari akauya kupasi nokuda kwechikonzeroi chinokosha zvikurusa?
Jesu akauya kupasi nokuda kwedonzo rokupedza nhau yakamutswa naSatani pamusoro pouchangamire hwaJehovha.—10/15, peji 13.
◻ Mukudana zviremera zvenyika kuti “zvikuru,” tinobvisa here munzira ipi neipi rukudzo rwakafanira Jehovha? (VaRoma 13:1)
Aiwa, sezvo Jehovha ari mukuru zvikuru kupfuura “zvikuru” zvazvo. Iye ndiye “Changamire Ishe,” “Mukurusa.” (Pisarema 73:28; Dhanieri 7:18, 22) Zviremera zvenyika zvikuru pamusoro pavamwe vanhu uye munzvimbo yazvo zvimene yebasa. Zvine mutoro wokutonga nokudzivirira nzanga.—11/1, peji 12.
◻ Neiko rudo ruri chikurusa chezvibereko zvipfumbamwe zvomudzimu waMwari zvinodudzwa pana VaGaratia 5:22, 23?
Zvimwe zvibereko zvisere zvomudzimu waMwari iratidzirwo, kana kuti mativi akasiana-siana, orudo, runodudzwa pakutanga. Zvimwe zvibereko zvose izvozvi zvomudzimu mavara ari madikanwa, asi haasati achizotibetsera kana tisina rudo. (1 VaKorinte 13:3)—11/15, peji 14.
◻ Ndedzipi dziri betsero dzokunyengeterera vatendi biyedu?
Apo tinoita garikano yomudzimu yavamwe itiro hanya yedu mumunyengetero, tinoswededzwa pedyo zvikuru navo murudo rwouhama. Tinovawo vanovanzwira tsitsi, tichigoverana fariro dzavo nenhamo. Nokudaro, kukasharara kupi nokupi kunodzurwa, kuchibvumira nzvimbo yemifungo inovaka inotiita vane rudo navanofara.—11/15, peji 21-2.
◻ Ndezvipi zviri zvikonzero zvinosunda zvokunamata Jehovha Mwari?
Tinofanira kunamata Jehovha nemhaka yokuti iye ndiye Musiki uye mavara ake anotiswededza pedyo naye. (Dheuteronomio 32:3, 4; 1 Johane 4:8; Zvakazarurwa 10:6) Bhaibheri rinoti: “Kuzvipira kwoumwari kunobetsera nokuda kwezvinhu zvose, sezvo kune chipikirwa choupenyu zvino nouhwo huchauya.” (1 Timotio 4:8, NW) Hakuna mwari kunze kwaJehovha anogona kupikira muuyo wakadaro uye ipapo kuzadzika chipikirwa chake.—12/1, peji 6-7.