Tinoda Chaizvoizvo Apakuvamba Here?
MAKORE 3 500 apfuura, mumwe mutana muMiddle East akaronga nhau yenyika kusvikira panguva yake. Basa iroro, iro rakasvika pakuumba mabhuku marefu mashanu, rinofanira kuva raiva nhamburiko huru. Murume wacho akanga ava namakore anopfuura 80 okukura apo akavamba nhauro yake. Iye kana kuti rudzi rwake vakanga vasina musha wakagadzikana asi vaidzungaira kunzvimbo nenzvimbo muRenje reSinai. Pakupedzisira, zvisinei, izvo mutana iyeyo akanyora zvakava rutivi rwokuitwa kwamabhuku kunokosha zvikurusa nyika isati yamboziva.
Murume iyeyo akanga ari Mosesi, uyo akaropafadzwa naMwari kutungamirira rudzi rwakare rwaIsraeri kubuda muusungwa munyika yeEgipita. Mabhuku mashanu ayo iye akanyora anozivikanwa nhasi sePentateuch, rutivi rwokutanga rweBhaibheri Dzvene. Mosesi akatungamirirwa nomudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobate basa. Nokudaro, kunyange nhasi tinogona kurava manyoro ake nebetsero huru yomunhu oga. Asi pane dzimwe nguva vanhu vanobvunza, kuti: ‘Tinogona chaizvoizvo here kuva nechivimbo mumashoko aMosesi navamwe vanyori veBhaibheri? Tine here manyoro avo apakuvamba? Kana tisina, chii chakaitika kwaari? Uye tinogona sei kuva nechokwadi chokuti chiri muBhaibheri ndicho chaizvoizvo vanyori vacho vakanyora pakuvamba?’
Zvinhu Zvacho
Pane zvikonzero zvakawanda zvokuva nechivimbo chokuti Bhaibheri harina kuchinja mumashoko chibviro chaapo rakatanga kunyorwa. Chokwadi, hatina manyoro apakuvamba avanyori veBhaibheri. Asi hatifaniri kukarira chaizvoizvo kuva namanyoro iwayo. Neiko? Imhaka yezvinhu paakanyorerwa, tsika yakati yechiJudha yakare uye nhau yenguva chifo chokunyora.
Kutanga, tapota rangarira zvinhu zvacho. Zvimwe zvinhu zvichiripo izvo zvakanyorwa apo Bhaibheri rakanga richiumbwa. Asi zvizhinjisa zvaizvozvi zvakanyorwa pabwe kana kuti dongo, izvo zvinogona kugara kwenhambo refu. Zvisinei, kunoratidzika kuti Bhaibheri pakuvamba rakanyorwa pachimwe chinhu chinoparadzika zvikuru. Somuenzaniso, mamwe manyoro omunyori weBhaibheri Jeremia akapiswa naMambo Jehoiakimu. (Jeremia 36:21-31) Mahwendefa amabwe kana kuti edongo angadai asina kuparadzwa nyore nyore nenzira iyoyo.
Naizvozvo, zvinhui zvokunyorera zvakashandiswa navanyori veBhaibheri? Eya, “Mosesi akaraidzwa muuchenjeri hwose hwavaEgipita,” uye zvinhu zvokunyorera zvaizivikanwa zvikurusa muEgipita yakanga iri nhokwe. (Mabasa 7:22, NW) Sezvinobvira, naizvozvo, Mosesi akanyorera paizvi zvinhu zvinoparadzika. Chimwe chinhu chokunyorera chaizivikanwa navose muMiddle East rakanga riri ganda remhuka—chikumba kana kuti ganda. Zvichida Jeremia akanyorera pachikumba. Zvimwe chikumba kana kuti nhokwe zvingava zvakatsva apo Mambo Jehoiakimi akakandira mupumburu wamanyoro waJeremia mumwoto.
Chokwadi, mumugariro wokunze unopisa, wakaoma weEgipita, manyoro enhokwe akawanda akagara kwezviuru zvamakore. Asi ikoko ndokwechienzi. Kazhinji kazhinji, zvose zviri zviviri nhokwe nechikumba hazvitani kushata. Nyanzvi Oscar Paret inoti: “Zvose zviri zviviri zveizvi zvokunyorera mumwero mumwe chetewo wakasimba zvinopinzwa mungozi nokutota, nechakuvhe, uye makonye akasiana-siana. Tinoziva kubva muruzivo rwezuva nezuva kuti pepa, uye kunyange chikumba chakasimba, hachitani kushata pachena kana kuti mukamuri nyoro.”
Muna Israeri wekare, umo mazhinjisa amabhuku eBhaibheri akaitwa, mumugariro wokunze wakanga usina kunaka kuchengeta manyoro. Nokudaro, mazhinjisa amanyoro apakuvamba eBhaibheri zvimwe akaora kare kare. Kunyange kana asina, pane tsika yakare yechiJudha inokuita kuti kuve kusingabviri kuti angave akagara kusvikira kuzuva redu. Chii chiri tsika iyoyo?
Kuvigwa Kwamanyoro
Muna 1896 imwe nyanzvi yainzvera kamuri inochengeterwa zvinhu muCairo yakawana manyoro akare 90 000 ayo akachinja kufundwa kwenhau yeMiddle East. Chiiko chiri kamuri inochengeterwa zvinhu? Uye irori rinei chokuita namanyoro apakuvamba eBhaibheri?
Kamuri inochengeterwa zvinhu ikamuri umo vaJudha vomunguva dzapakuvamba vaiisa manyoro akasakara nokushandiswa. Nyanzvi Paul E. Kahle inonyora kuti: “VaJudha vaisiisa marudzi ose amashoko akanyorwa naakatsikirirwa mukamuri dzakadaro idzo dzaigoverwa mumasinagoge avo kana kuti pedyo nawo; iwo aisarangarirwa kuchengetwa somunochengeterwa zvinyorwa zvakare, asi zvaifanira kugaramo zvisingavhiringidzwi kwenguva yakati. VaJudha vaitya kutyira kuti manyoro akadaro ayo angava nezita raMwari angashatiswa neshandiso isakarurama. Naizvozvo mashoko akadaro akanyorwa—uye munguva dzapashure akatsikirirwawo—aiendeswa panguva nenguva kunzvimbo yakayereswa ndokuvigwa; nokudaro aiparara. Kwaingova kupfurikidza netsaona kuti Cairo Geniza yakakanganwiwa uye zviri mukati mayo zvakapukunyuka naizvozvo jambwa ramamwe maGeniza.”—The Cairo Geniza, peji 4.
Zvakadiniko kudai manyoro apakuvamba eBhaibheri akanga apukunyuka kusvikira nguva apo iyi tsika yakatanga? Pasina panikiro, manyoro acho akadai akasakara nokushandiswa uye angadai akavigwa.
Zvinoitika Zvenhau
Mukurangarira chingave chakaitika kumanyoro apakuvamba eBhaibheri, chinhu chokupedzisira chinofanira kuyeukwa inhau yakanyongana yenyika dzeBhaibheri. Somuenzaniso, rangarira chakaitika kumabhuku aye akanyorwa nomurume anokwegura Mosesi. Tinoudzwa, kuti: “Zvino Mosesi akati apedza kunyora mashoko omurairo uyu mubhuku, kusvikira apera, Mosesi akaraira vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, anoti: ‘Torai bhuku iyi yomurairo, muiise parutivi rweareka yesungano yaJehovha Mwari wenyu.’”—Dheutoronomio 31:24-26.
Areka yesungano yakanga iri bhokisi rinoyera raifananidzira kuvapo kwaMwari pakati pavaIsraeri. Yakatakurirwa muNyika Yakapikirwa (pamwe chete namanyoro aMosesi), umo iyo yakachengetwa panzvimbo dzakasiana-siana. Kwenguva yakati, yakatapwa navaFiristia. Gare gare, mambo waIsraeri Dhavhidhi akapinza Areka muJerusarema, uye pakupedzisira yakaiswa mutembere iyo Mambo Soromoni akavakapo. Asi Mambo Ahazi akavaka atari yechihedheni mutembere uye pakupedzisira akaipfiga. Mambo Manase akaizadza nokunamata kwechihedheni.
Munguvayo, chii chakaitika kuareka yesungano namanyoro aMosesi? Hatizivi, asi akati kuti awo akarasika. Munguva yaMambo Josia, vashandi vetembere nenzira isingakarirwi vakawana “bhuku rimene romutemo,” zvichida chinyorwa chaichoicho chakanyorwa naMosesi. (2 Madzimambo 22:8, NW) Zvakawanda zvezvaiva mukati macho zvakanga zvisingazivikanwi kare kuna mambo, uye kuraviwa kwawo kwakanyandura mutsidziro yomudzimu huru.—2 Madzimambo 22:11–23:3.
Pashure porufu rwaJosia, vanhu vaJudha vakava vasina kutendeka zvakare uye pakupedzisira vakaendeswa kuBhabhironi. Tembere yakaparadzwa, uye chinhu chiri chose choukoshi chaiva mairi chakaendeswa kuBhabhironi. Hakuna chinyorwa chechakaitika panguva iyeyo kuAreka kana kuti chinyorwa chinokosha chakawanwa munguva yaJosia. Makore gare gare, zvisinei, apo vaJudha vazhinji vakanga vadzokera kunyika yokumusha kwavo vakanga vachikurudzirwa kuvakazve Jerusarema ndokudzorera kunamata kwechokwadi, muprista Ezra navamwe vakavaravira pachena kubva mu“bhuku romutemo waMosesi.” (Nehemia 8:1-8) Nokudaro, kwakanga kune makopi amanyoro apakuvamba. Iwo akabvepi?
Kunyora Shoko raMwari
Mosesi akadeya kutaura nguva apo Israeri aizotongwa namambo ndokunyora uyu murairo chaiwo: “Zvino kana iye ogara pachigaro chake choushe, unofanira kunyora murairo uyu mubhuku yake, achitora mashoko ari pavaprista vavaRevhi.” (Dheutoronomio 17:18) Nokudaro, makopi akati aMagwaro aifanira kuitwa.
Kunyora Magwaro pakupedzisira kwakava basa muna Israeri. Zvamazvirokwazvo, Pisarema 45:1 rinoti: “Rurimi rwangu ipeni yomunyori unokurumidza kunyora.” Vanyori vakadai saShafani naZadhoki vakadudzwa nezita. Asi munyori anosanozivikanwa womunguva dzakare akanga ari Ezra, uyo akagoverawo manyoro apakuvamba kuBhaibheri. (Ezra 7:6; Nehemia 13:13; Jeremia 36:10) Kunyange nepo zvikamu zvapashure zveBhaibheri zvakanga zvichinyorwa, mabhuku aya akanga atopedzwa akanga achinyorwa nokuparadzirwa.
Apo Jesu Kristu akanga ari pasi pano, makopi aMagwaro echiHebheru (Genesi kusvikira kuna Maraki) akanga achiwanika kwete bedzi muJerusarema asiwo sezviri pachena mumasinagoge eGarirea. (Ruka 4:16, 17) Chokwadi, kuBherea iri kure muMakedhonia, vaJudha vakanga vane ndangariro yakanaka vakakwanisa ku‘nzvera Magwaro zuva nezuva’! (Mabasa 17:11) Achiripo nhasi makopi amanyoro 1 700 amabhuku eBhaibheri akanyorwa pamberi pokuberekwa kwaJesu, pamwe chete naane 4 600 aayo akaunganidzwa navadzidzi vake (Mateo kusvikira kuna Zvakazarurwa).
Makopi acho akanga akarurama here? Hungu, zvikuru kwazvo saizvozvo. Vanyori nyanzvi vaMagwaro echiHebheru (vanonzi Sopherim) vaaitira hanya zvikuru pamusoro pokudzivisa zvikanganiso zvipi nezvipi. Kuti vanzvere basa ravo, vaiverenga mashoko uye kunyange mabhii amanyoro mamwe namamwe ainyorwa. Naizvozvo, Jesu, muapostora Pauro, uye vamwe vaiwanzonokora mashoko vanyori vekare veBhaibheri vakanga vasina panikiro pamusoro poururami hwamakopi avaishandisa.—Ruka 4:16-21; Mabasa 17:1-3.
Chokwadi, vanyori vechiJudha navanyori vechiKristu vapashure vakanga vasiri vasingakanganisi. Mhosho dzakapinda, asi makopi akawanda achiripo anotibetsera kuronda idzi mhosho. Seiko? Eya, vanyori vakasiana-siana vakaita mhosho dzakasiana-siana. Nokudaro, kupfurikidza nokuenzanisa basa ravanyori vakasiana-siana, tinogona kuziva zvakawanda zvezvikanganiso zvavo.
Chikonzero Nei Tichigona Kuva Nechivimbo
Muna 1947 makanga mune kuwanwa kusingakarirwi kwemipumburu yamanyoro yakare mumapoka pedyo neGungwa Rakafa. Iyi mipumburu yamanyoro yakaratidza kuti kunyorwa kwaMagwaro kwakanga kwave kwakarurama sei chaizvo. Pakati pemipumburu yamanyoro pakanga pane kopi yebhuku reBhaibheri raIsaya yakanga yagara anenge makore ane chiuru chimwe kupfuura manyoro api naapi aiwanika kare. Bva, kuenzanisa kwakaratidza kuti misiano bedzi pakati pamanyoro eGungwa Rakafa namakopi apashure yakanga iri muzvinhu zvakadai senhevedzano yamashoko negirama. Revo yorugwaro yakanga isina kuchinjwa pashure pamakore ane chiuru okunyora! Pamusoro porugwaro rwaMagwaro echiHebheru, nyanzvi William Henry Green yaigona naizvozvo kuti: “Kungataurwa zvakakotsekana kuti hakuna rimwe basa rekare rakapfuudzwa zvakarurama zvakadaro.” Tsinhiro dzakafanana dzakaitwa pamusoro poururami hwokuchinjwa kwaMagwaro echiGiriki echiKristu.
Chokwadi, kwaizova kunofadza kuwana rugwaro chairwoirwo urwo Mosesi kana kuti Isaya akanyora. Asi hatidi chaizvoizvo apakuvamba. Chinhu chinokosha harusi rugwaro asi zvinhu zviri mukati marwo. Uye nenzira yenenji, pasinei zvapo nokupfuura kwamazana amakore akawanda enyongano nokunyora kukuru nokunyorazve, tinogona kuva nechivimbo chokuti Bhaibheri richine mashoko anowanwa mumanyoro akare iwayo apakuvamba. Nokudaro, uku kutaura kwaMagwaro kwakabvumikisa kuva kwechokwadi: “Nokuti, nyama yose yakaita souswa, nokunaka kwose seruva rwouswa. Uswa hunosvava, neruva rinowira pasi; asi shoko ra[Jehovha, NW] rinogara nokusingaperi.”—1 Petro 1:24, 25.