Mutsa weMerita Unounza Zvikomborero
MERITA yakagovera nyika inofadza nokuda kwomuapostora Pauro apo akapunzikirwa nechikepe muzana rokutanga ramakore N.V. Vagari vechiwi chacho vakamugamuchira navafambi biyake vomungarava “nenzira inobetsera.” Kutaura idi, vaMerita vakaratidza vafambi “mutsa wohunhu wechienzi.”—Mabasa 28:1, 2, NW.
Gare gare, murume mukuru wechiwi chacho, Pubrio, akagamuchira Pauro neshamwari dzake nomutsa uye ‘akavatandadza nenzira yomutsa kwamazuva matatu.’ Apo mashoko akapararira okuti muapostora akanga arapa baba vaPubrio fivhiri nokubudisa ropa, “vasara vavanhu vapachiwi vaiva nezvirwere vakavamba kuuyawo kwaari ndokurapwa.” (Mabasa 28:7-9, NW) Asi Pauro akaita zvakawanda. Iye akadyara mbeu dzezvokwadi mumwoyo yavanhu, uye ikoku kwakaguma nezvikomborero zvakawanda nokuda kwaava vagari vapachiwi vane mutsa. Nhasi, chinhu chimwe chetecho chiri kuitika paMerita. Uya uone kuti sei.
Vashanyi Vanounza Mashoko Akanaka
Ichionwa mumhepo, Merita inovhenekerwa nezuva inopenya kufanana nebwe rinokosha riri muMediterranean yebhuruu. Pakusvika Luqa Airport, mushanyi anoona nyika yakazadzwa nezuva ine miti inoratidzika kuva miduku. Apo anenge amhara, iye anoziva kuti ichi chiwi chamakiromita gumi neimwe kusvikira kugumi namatanhatu musha wavagari vanofungidzirwa kuva 347 000. Misikiti namatenga marefu zvechechi dzakawanda dzeMerita namacathedral zvinozivisa mugariro wayo worudzidziso. Asi muzana rino ramakore rechi 20, vanhu veMerita vakabetserwa sei neshanyo dzeZvapupu zvaJehovha?
Mumwe mutariri anofambira anonzi David akashanyira musha waJuliana ndokuwana gamuchiro yokudisa kushoko roUmambo. “Ndakanga ndava akaodzwa mwoyo zvikuru nokubatanidzwa kwechechi mumatongerwe enyika,” anodaro Juliana, “uye ini naizvozvo ndakaedza kuwana muBhaibheri zvokwadi pamusoro pehurumende yaMwari. Asi sezvandakarirava, makanga mune zvinhu zvandaisagona kunzwisisa nyore nyore. Fungidzira kuti ndakafara sei apo uyu mushanyi pasuo rangu akabvunza kana ndaiziva chakanga chiri Umambo hwaMwari! Kamwe kamwe, ndakamukumbira kundiratidza mhinduro muBhaibheri rangu reKaturike. Akadaro. Zuva iroro rimene ndakaziva kuti ndakanga ndawana zvokwadi.”
Chimwe Chapupu chomunzvimbomo chakaronga kufunda Bhaibheri naJuliana. Apo David akadzokera kuMerita mwedzi mitanhatu gare gare, ishamisiko inofadza zvakadini kuva naJuliana anomugamuchira kupinda muHoro yoUmambo! Nokukurumidza akanga akagadzirira kuva muparidzi wamashoko akanaka oUmambo.
Murume waJuliana, Francis, akanga akavhiringidzwawo nedzidziso dzechechi. Achimushanyira pane imwe nhambo apo akanga ari muchipatara, akamuwana achiteerera tepi yakarekodhwa hurukuro dzavose dzeBhaibheri dzakakurukurwa paHoro yoUmambo. Pakunzwa hurukuro pamusoro penhau yemhuri, Francis akacherechedza kuti zano reBhaibheri rakanga rakanaka sei, uye somuuyo, iye akasarudza kuvamba kupinda misangano yechiKristu. Nokukurumidza akava anoziva nezvechinetso chaifanira kupedzwa. Chakanga chiri chii?
Kwamakore 20, Francis akanga ashanda somugamuchiri wemari nomubhadhari pahoro yemitambo. Iye zvino akaziva kuti basa raibatanidza kubhejera rakanga risingawirirani nenheyo dzechiKristu idzo dzinoshurikidza makaro noruchiva. (VaRoma 13:9, 10; 1 VaKorinte 6:9, 10) “Kunyange zvazvo pakutanga ndakanga ndisina kutenda kwaidikanwa kuchinja basa,” anobvuma Francis, “ndakanyengetera nokuda kwebetsero yaJehovha. Pakupedzisira, ndakawana rimwe basa rinondigonesa kutarisira mudzimai wangu nomwanakomana, Sandro.” Nhasi, Francis anobatira somukuru muungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha.
Nyaradzo Inobva muMagwaro
Rose akanga ave akaroorwa nomufaro naGeorge kwamakore matanhatu apo iye akaurawa nenzira ine ngwavaira mutsaona. Iye haana kutongowana nyaradzo mukakavadzano yomuprista yokuti Mwari akanga atora George nemhaka yokuva neshanje yorudo rwaaiva narwo nokuda kwomurume wake. Rose akaora mwoyo kwazvo zvokuti akarangarira kutora upenyu hwavana vake vatatu uye ipapo kuzviuraya.
Asi ichinjo yakadini yakauya pana Rose apo Chapupu chapedyo chinonzi Helen chakatanga kumuitisa fundo yeBhaibheri! Rose akakurumidza kunyaradzwa nedzidziso yapaMagwaro yorumuko. (Johane 5:28, 29) Panguva imwe cheteyo, kurudziro yakabva kuna Peter, mumwe mutariri anoshanyira. Iye akabetserwa zvikuru nehurukuro dzake pamusoro porumuko. Akurudzirwa neiyi tariro, Rose akakumbanira Helen mukupupurira pachena, uye vose vari vaviri zvino vanobatira samapiona enguva dzose, kana kuti vaparidzi voUmambo venguva yakazara.
Kurudziro Yokushingaira
Joe anobva mumhuri huru, nokuti iye ane vakoma 12 nehanzvadzi. Akurudzirwa nomutariri anofambira, iye akapupurira nokushingaira kuhama dzake dzokunyama dzakawanda. “Pakuvamba,” iye anodaro, “mhuri yangu yakaziva kuti zvandakavatsanangurira zvichibva muBhaibheri zvaiva nomufungo. Asi apo ivo vakaona kuti fariro yangu mukuva Chapupu yakakura, vakachinja ndangariro yavo, uye vose vakanga vachirwisana neni—zvikurukuru baba vangu.” Ko chimiro chavo chakapedza shingairo yaJoe here?
Nyangwe! Somuenzaniso, apo mwana weimwe yehanzvadzi dzake akanga achirwara uye odokufa, Joe akapupurira kwaari, achitaura kwaari pamusoro petariro yorumuko. Zvino iyi hanzvadzi Chapupu chakabhapatidzwa chaJehovha. Tevere, mumwe wavakoma vaJoe nemhuri yake vakaratidza fariro muzvokwadi. Ipapo mukoma mukurusa nemhuri yake vakatsigira Umambo hwaMwari. Munguvayo, baba waJoe akanga achiva anotsamwa zvikuru. Apo hanzvadzi dukusa yaJoe yakatangawo kufunda Bhaibheri, baba akabudisa Joe mumusha wemhuri. Asingadziviswi, Joe akashandisa banza riri rose kushanyira hama dzake dzokunyama ndokutaura pamusoro peShoko reBhaibheri. Zvisinei, baba wake akaita nokushatirwa ndokuti: “Neiko usingatauri kumuprista? Iye anoziva Bhaibheri zvakanakisisa!” Joe akapindura kuti aizoita saizvozvo nomufaro kana baba wake akamuperekedza. Shanyo yavo yakaita sei?
“Takaronga zuva nenguva,” Joe anorondedzera kudaro, “asi muprista aida kuziva nhau yokugadzirira, achitsanangura kuti sezvo akanga abva kuchikoro chavafundisi makore manomwe pamberi pezvi, zvino aizoda kuita nzvero yakati. . . . Asi pashure pevhiki, mwedzi, uye kunyange mwedzi miviri, muprista akanga asina kuchengeta rangano ipi neipi. Apo baba wangu akacherechedza ikoku, akachinja ndangariro yake pamusoro pechechi uye pashoma napashoma akaziva kuti izvo ndakanga ndadzidza muBhaibheri zvakanga zviri zvechokwadi.” Baba waJoe pakupedzisira agamuchira zvokwadi, kuchisvitsa ku 29 chiverengero chemitezo yemhuri yake yakabatikana mubasa raJehovha.
Zano Rinobetsera Rinounza Zvikomborero
Achitaura nenzira ine mbavarira nezvomumwezve mutariri anoshanyira, mushumiri piona akaroora anonzi Ignatio anotsanangura, kuti: “Paul nomudzimai wake vakauya kuzogara nesu. Ivo vakabetsera tose tiri vaviri muukama hwedu hweroorano pamwe chete nomuushumiri hwomumunda. Iye nguva dzose akasimbisa ukoshi hwokuparidzira.”
Ignatio anoyeuka chakaitika apo Paul akasangana navakuru veungano navabatiri vanoshumira mukati meshanyo yake yapfuura. “Apo ndakataura kuti ndaifanira kutora nguva mubasa rokuparidzira mangwanani iwayo kuti ndigadzirire rutivi rwangu papurogiramu pamusangano,” anodaro Ignatio, “Paul akataura kuti aizopinda mubasa romumunda sezvakarongwa kunyange kana ndaisagona kumuperekedza. Pana ikoko, ndakasarudza kuendawo. Jehovha akakomborera sei chisarudzo changu! Mangwanani iwayo ndakatanga fundo yeBhaibheri, uye kubva mairi, zvino mune vanhu vatanhatu vari muzvokwadi.”—Enzanisa na 3 Johane 4.
Tsinhano Yekurudziro
Nguva imwe neimwe mukuru anofambira anoshanyira Zvapupu biyake paMerita, vanomugamuchira nomutsa uye vanodisa kubetserwa nekurudziro yake nezano. (Enzanisa na 3 Johane 5-8.) Somuuyo, vanhu vazhinji veMerita vari kutsigira Jehovha Mwari noUmambo hwake. Pakasvika mugumo wegore rebasa ra 1989, 389 vaava vagari vapachiwi vane mutsa vakanga vaita saizvozvo. Zvino varongwa kuva ungano shanu dzinobudirira (ina paMerita uye imwe pachiwi chiri pedyo cheGozo), ivo vanozivisa mashoko akanaka noushingi.
Vatariri vose vanofambira vakagoverwa kushanyira Merita mumakore achangobva kupfuura vakanzwa sezvakaita muapostora Pauro, uyo akaudza maKristu eRoma, kuti: “Ndinoshuva kukuonai, kuti ndigopa chipo chomudzimu kwamuri kuti imi mungosimbiswa.” Shanyo dzavo zvirokwazvo dzakaguma ne“tsinhano [inozorodza] yekurudziro.” (VaRoma 1:11, 12, NW) Uyezve, mibato yokuparidzira Umambo yeZvapupu zvaJehovha iri kuunza zvikomborero zvakapfuma zvomudzimu kuvanhu vane mutsa veMerita.
[Mepu/Mifananidzo iri papeji 24, 25]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
GOZO
COMINO
MERITA
Valletta
Mediterranean Sea
8 km
5 mi