Upenyu hwaJesu Noushumiri
Muenzanisiro Wamatarenda
JESU anopfuuridzira kurukurirano navaapostora vake vari paGomo reMiorivhi kupfurikidza nokuvaudza mumwe muenzanisiro, wechipiri munhevedzano yemitatu. Mazuva mashomanene pamberi pezvi, apo iye akanga ari Jericho, akataura muenzanisiro wepondo kuratidza kuti Umambo hwakanga huchiri kure munguva yemberi. Muenzanisiro waanorondedzera zvino, nepo une chiverengero chakati chamativi akafanana, unorondedzera muzadziko yawo mibato mukati mokuvapo kwaKristu musimba roUmambo. Iwo unoenzanisira kuti vadzidzi vake vanofanira kushanda vachiri pasi pano kuti vawedzere “pfuma yake.”
Jesu anovamba: “Nokuti [ndiko kuti, migariro yakabatanidzwa noUmambo] zvakafanana nomunhu akaenda kune imwe nyika, akadana varanda vake, akavapa pfuma yake.” Jesu ndiye munhu uyo, asati aenda kudenga, anopa kuvaranda vake—vadzidzi vari mumutsara woUmambo hwokudenga—pfuma yake. Iyi pfuma haisi zvinhu zvokunyama asi inomirira munda wakarimwa umo akavaka bviro yokubudisa vadzidzi vazhinji.
Jesu anoronzesa pfuma yake kuvaranda vake nokukurumidza asati akwira kudenga. Seiko? Kupfurikidza nokuvaraidza kuramba vachishanda mumunda wakarimwa kupfurikidza nokuparidzira shoko roUmambo kusvikira kumativi ari kure zvikurusa apasi. Jesu anoti: “Akapa mumwe matarenda mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake; akaenda kune imwe nyika.”
Matarenda masere—pfuma yaKristu—nokudaro anoparadzirwa mukuwirirana namano, kana kuti kubvira kwomudzimu, kwavaranda. Varanda vanomirira mapoka avadzidzi. Muzana rokutanga ramakore, boka rakagamuchira matarenda mashanu sezviri pachena rakabatanidza vaapostora. Jesu anopfuurira kurondedzera kuti varanda vakagamuchira matarenda mashanu namaviri vose vari vaviri vakaapeta ruviri kupfurikidza nokuparidzira kwavo Umambo nokuitwa kwavadzidzi. Zvisinei, muranda akagamuchira tarenda rimwe akarivanza muvhu.
“Nguva huru yakati yapfuura,” Jesu anopfuurira, “ishe wavaranda ivavo akasvika, akagadzira mashoko navo.” Pakanga pasati pari kutozosvikira muzana ramakore rechi 20, makore 1 900 gare gare, apo Kristu akadzokera kuzogadzira zvinhu, naizvozvo, zvamazvirokwazvo, pakanga “pari nguva huru.” Ipapo Jesu anotsanangura achiti:
“Akanga apiwa matarenda mashanu akauya namamwe matarenda, akati: ‘Ishe, makandipa matarenda mashanu, tarirai, ndawana mamwe matarenda mashanu.’ Ishe wake akati kwaari: ‘Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma ndichakuisa pamusoro pezvinhu zvizhinji; pinda pamufaro washe wako.’” Muranda akagamuchira matarenda maviri nenzira yakafanana akapeta ruviri matarenda ake, uye akagamuchira rumbidzo imwe cheteyo netuso.
Kunyanguvezvo, ava varanda vakatendeka vanopinda sei mumufaro waShe wavo? Eya, mufaro waShe wavo, Jesu Kristu, wakanga uri uya wokugamuchira umwene hwoUmambo apo akaenda kure kuna Baba vake mudenga. Kana vari varanda vakatendeka munguva dzazvino uno, ivo vane mufaro mukuru mukuronzeswa mimwe mitoro yoUmambo, uye sezvavanopedza nzira yavo yapasi, ivo vachava nomufaro mukuru wokumutsirwa kuUmambo hwokudenga. Asi zvakadiniko nomuranda wechitatu?
“Ishe, ndakanga ndichikuzivai imi, kuti muri munhu une hasha,” uyu muranda anonyunyuta kudaro. “Zvino ndakatya, ndikandoviga tarenda renyu pasi; hecho, chinhu chenyu!” Muranda wacho akaramba namaune kushanda mumunda wakarimwa kupfurikidza nokuparidzira nokuita vadzidzi. Naizvozvo ishe anomudana kuti “muranda wakaipa, uno usimbe” uye anozivisa rutongeso: “Mutorerei tarenda rake . . . budisai muranda pasina, murima rokunze; ipapo pachava nokuchema nokugedageda kwameno.” Avo veiri boka romuranda wakaipa, vachikandirwa kunze, vanonyimwa mufaro upi noupi womudzimu.
Ikoku kunoonesa chifundo chakakomba nokuda kwavose vanotaura kuva vateveri vaKristu. Ivo vanofanira kushandira wedzero yepfuma yaShe wavo wokudenga kupfurikidza nokuva negoverano yakazara mubasa rokuparidzira kana vachizofarikanya rumbidzo yake netuso uye kana vachizodzivisa kukandirwa murima riri kunze noruparadziko rwokupedzisira. Ko iwe unoshingaira here kushandisa mano ako muna ikoku? Mateo 25:14-30.
◆ Chifundoi icho uyu muenzanisiro unotevera unodzidzisa?
◆ Ndivanaani vari varanda, uye chii chiri pfuma yavanoronzeswa?
◆ Ishe anouya rini kuzogadzira mashoko, uye chii chaanowana?
◆ Chii chiri mufaro unopinda varanda vakatendeka, uye chii chinoitika kumuranda akaipa?