Apo Rufu Rwunotora Mudiwa
“MUNA 1981 amai vangu vakafa nekenza. Ivo vakanga vari amai vangu vokurera. Rufu rwavo rwakanga rwakaoma zvikuru pandiri nehanzvadzi yangu yokurerwa. Ndakanga ndine makore 17, uye hanzvadzi yangu yakanga ine makore 11. Ndakarasikirwa naamai vangu zvikuru kwazvo. Ndakarerwa ndiri muKaturike, uye zvandakanga ndadzidziswa kuti vakanga vari mudenga, eya, ndakada kuparadza upenyu hwangu ndimene kuti ndive navo. Ivo vakanga vari shamwari yangu yakanakisisa.”—Roberta ane makore 25 okukura.
Iwe wati wava nechinoitika chakafanana here? Kana zvakadaro, unoziva zvakananga marwadzo anoperekedza kurasikirwa nomudiwa. Kunoratidzika kuva kusakarurama kwazvo kuti rufu runofanira kuva nesimba rokutora mumwe munhu waunoda. Uye apo kunoitika, mufungo wokusisazotongokwanisazve kutaura kwaari, kuseka naye, kana kuti kubata mudiwa wako unogona kuva wakaoma zvikurusa kutsungirira. Uye sezvinoratidzira mashoko aRoberta, marwadzo iwayo haabviswi nokuudzwa kuti mudiwa wako ari kumusoro mudenga.
Kunyanguvezvo, waizonzwa sei kana ukaziva kuti kunobvira kubatanidzwazve nomudiwa wako munguva yemberi iri pedyo, aiwa, kwete kumusoro mudenga asi pano chaipo pasi pano mumigariro ino rugare, yakarurama? Uye zvakadiniko kana ukazivawo kuti panguva iyoyo vanhu vachava nekariro yokufarikanya utano hwakakwana uye kuti havasati vachizotongofanira kufa? ‘Zvirokwazvo kufunga kwokushuva!’ ungadaro.
Bva, shure muzana rokutanga ramakore N.V., Jesu Kristu akataura noushingi, kuti: “Ndini rumuko noupenyu. Iye anoshandisa kutenda mandiri, kunyange kana akafa, achava mupenyu.” (Johane 11:25, NW) Ichocho chakanga chiri chipikirwa chokuti vakafa vachararamazve—kariro inofadza zvamazvirokwazvo!
Zvichida, kunyanguvezvo, uri kushamisika: ‘Pane hwaro hwakanaka here hwokudavira chipikirwa chakadaro? Ndinogona sei kuva nechokwadi chokuti hakusati kuchingova zvako kufunga kwokushuva? Uye kana pane hwaro hwokuchidavira, zadziko yechipikirwa ichi ingarevei nokuda kwangu navadiwa vangu?’ Nyaya inotevera ichakurukura iyoyi nemimwe mibvunzo.