RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 2/15 p. 7
  • Neiko Jehovha Akazivisa Zita Rake?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Jehovha Akazivisa Zita Rake?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Tichifanira Kuziva Zita raMwari
    Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
  • Kudza Zita Guru raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Zita raMwari
    Mukai!—2017
  • Zita raMwari Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 2/15 p. 7

Neiko Jehovha Akazivisa Zita Rake?

Tsinhiro dzinotsanangura “Testamende Yekare” dzakabudiswa muPoland muna 1964 dzakapindura uyu mubvunzo nenzira inonyandura mufungo zvikuru. Pasi petendero yeChechi yeRoma Katurike, Dr. Stanisław Łach, purofesa weLublin Yunivhesiti, akati:

“Vanhu vakadzikinurwa vane mutoro wezita raMwari pamberi porudzi rwomunhu.” Wakanga uri mutoro wavaIsraeri kuita nhamburiko “kuti Vamarudzi varumbidze zita raJahwe [Jehovha] uye kuti vasazvidze” iro. “Jahwe ane revo . . . Nyika ichatongwa kuchitsamira pakuita kwaavo vanobvuma zita iroro.” Purofesa akazivisa kuti “zita rokuti Jahwe richava guru pakati pamarudzi . . . Iro richapararira pamusoro penyika yose. Wakadaro wakanga uri mugumo . . . wezita iroro kuna Mosesi.”

Hungu, Maraki 1:11, (NW) inoporofita, ichiti: “‘Zita rangu richava guru pakati pamarudzi,’ Jehovha wehondo akadaro.” Uye ndivanaani nhasi vari kuzivisa zita iroro munyika yose kuitira kuti “munhu ari wose anodana pazita raJehovha achaponeswa”? Zvapupu zvaJehovha! Kuita kwavanhu kuava “vanhu vezita rake,” hungu, “ava vanobvuma zita iroro,” inhau youpenyu norufu kwavari. Chii chiri kuita kwako kuna Jehovha neZvapupu zvake?—Mabasa 2:21; 15:14; enzanisa naMaraki 3:16-18.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe