“Zera Ramakaro”
KANA munhu ane chinetso mukuparadza dzihwa, chiiko chiri banza rake rokuparadza hosha yakaoma zvikuru yamakaro?
Kunoratidzika kuti makaro noudyire hazvimbofanira kudzidzwa—izvo sezviri pachena zviripo kuvambira pauduku. Unogona kutarira vaduku vaviri vachitamba nezvitambiso zvavo ndokuona ikoko.
Makaro omunhu mumwe nomumwe anozivikanwa zvakakwana uye akashata zvakakwana, asi pakunouya kumakaro orudzi kana kuti apakati pamarudzi, mamirioni anotapurwa kusvikira kukukuvadzika kwavo. Rangarira, somuenzaniso, kutengeswa kwemishonga pakati pamarudzi. Imwe magazini yomutauro weSpain inotaura kuti irori ibhizimisi gurusa renyika—mamirioni ane zviuru $300 pagore. Mamirioni oupenyu ari kuparadzwa, uye nzufu dzokukurumidza dzisingaverengeki dziri kuparirwa nokushandiswa kusakafanira kwemishonga. Chii chiri chisakiso chikuru chewedzero inokatyamadza yokutengeswa kwemishonga? Pasina panikiro, ndiwo makaro.
World Press Review inosimbisa iyi vavariro yamakaro. Iyo inonokora mashoko magazini yenhau yeMadrid Cambio 16, iyo inotaura kuti “10 muzana kusvikira ku 20 chete chete yemhindu dzose dzinobva mukutengeswa kwemishonga inoenda kunyika dzinogadzira. Imwe 10 muzana inodzorerwa mugadziriro yokutengesa kupfurikidza nokuisazve mari mumarabhoratori, motokari, uye zvombo. . . . Yasara inogumira munyika dzinoshandisa nomudzimba dzemitero dzesangano rokubhanga renyika.”
Ikoku kunoramba murangariro wokuti kushaiwa ndiko chikonzero chamakaro, kuti makaro rinongova bedzi vara ravarombo kana kuti vakaropafadzwa zvishoma. Sezvinooneka, makaro ikundikano yavanhu yakapararira zvikuru iyo inobatanidza chaunga chose, kubatanidza avo vasingashaiwi chaizvoizvo. Rimwe ramavara echienzi amakaro nderokuti anonyengera kwazvo—kunyange vanhu vanowanzogutswa nomugariro wavo muupenyu vacharatidzira makaro kana vakapiwa banza nenzira isingakarirwi.
Munyori wenhau Meg Greenfield anochema, achiti: “Unozarura pepa rako pazuva ripi neripi uye unorava pamusoro pamapoka makuru avatongi uye varovereri chaivo vemhaka nokudaidza kunopanikirwa, chimbichimbi namaminimini nokunyengedza, uye kunoodza mwoyo chose. Kunyange kugamuchira kuti dzimwe dzepomero dzinounzwa hadzina hwaro uye dzimwe dzinokatutsirwa, kuri pachena kwandiri kuti nguva nenguva vanhu vakaita zvinhu uye vakabvumirwa kuita zvinhu vasingarangwi izvo vanofanira kuva vasina kutongobvumirwa. . . . Apa ndipo patasvika: kunyange rwakawanda rwoudyire hwedu kuzvikudza, makaro.”
Akapararira Sei?
Makaro haasi chimwe chinhu chitsva pakati porudzi rwomunhu, kunyange zvazvo iwo pasina panikiro akawedzera nemhaka yedzvinyiriro dzokurarama kwezana ramakore rechi 20. Makaro azova akapararira kwazvo zvokuti chikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau muThe Christian Century chinogovera kumakore gumi ama 1980 zita iro icho chinorangarira kuti rinowirirana namazita akadai se“Zera Refunganyo” rama 1950 kana kuti “Makore Gumi Aini” ama 1970. Icho chinoratidzira ma 1980 se“Zera Ramakaro”!
Nhasi, makaro anogona kuonwa munharaunda iri yose umo vanhu vanoungana pamwe chete—kunzvimbo dzamabasa, kuzvikoro, uye munzanga dzose. Iwo akapinza pesvedzero yawo inoshatisa mukutengeserana, mumatongerwe enyika, uye kunyange mumarudzidziso makuru enyika.
Kazhinji kazhinji, makaro anokura kuva ushati husiri hwapamutemo kana kuti ubhinya. The Canberra Times, somuenzaniso, inogovera kuAustralia rukudzo runopanikirwa rwokutungamirira nyika muinishuwarenzi yokubhinywa kwemotokari. Law Society Journal yeAustralia inoratidzika kuva inotsigira ikoku, ichiti: “Zvikumbiro/masitatimendi zvokunyengera zvinoitwa navanhu vane inishuwarenzi zvinodyira makambani inishuwarenzi, uye nenzira isina kunanga vanhu vane inishuwarenzi mamirioni amadhora gore rimwe nerimwe.” Magazini yacho inowedzera kuti “chinetso chakakomba nenzira inowedzera, zvikurukuru munharaunda dzeinishuwarenzi yokupisirwa zvinhu, yokupambwa kwezvinhu panokwidzirwa nokuburutsirwa zvinhu mungarava, yemotokari uye yezvinhu zvomumusha.”
Naizvozvo kuri nyore kunzwisisa chikonzero nei vanhu vazhinji vachiseka pfungwa yokuti makaro achazomboparadzwa. Chokwadi, ivo vanorangarira kuti makaro achava nesu nguva dzose uye kuti nyika isina makaro inongova zvayo chiroto chisingabviri.
Makaro Achaparadzwa
Kutaura kunonzwika kuva kusingabviri kuri pamusoro apa kunogona kuitwa pahwaroi? Kwakavakirwa paidi rokuti kurarama kusina makaro kwava kutoitwa. Nepo uku kuita kusina kukwana, kunoratidza chinogona kuitwa nedzidzo yakafanira nesundo. Nyaya inotevera icharatidza kuti kunogona sei chaizvo kuva nenyika yose isina makaro.