RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 11/1 pp. 28-30
  • Unongoona Bedzi Chitarisiko Chokunze Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unongoona Bedzi Chitarisiko Chokunze Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Akagadza Muenzaniso
  • Ko Iwe Uno“tonga Norutongeso Rwakarurama” Here?
  • Usakarira Zvakawanda Kupfuura Zvinoita Mwari
  • Miuyo Yakanaka Inobva Mukutarira Kupfuura Zvitarisiko Zvokunze
  • Vanhu Vose Vachaponeswa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Usatonga Nezvinooneka Kunze
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Unoona Chitarisiko Chokunze Chete Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Unofanira Kuvimba Nezvaunoona Pakutanga Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 11/1 pp. 28-30

Unongoona Bedzi Chitarisiko Chokunze Here?

HEINZ, wechiduku achisundwa noruvengo, akaronga kuuraya baba vake kuna amai. Nomufaro, iye akashaiwa ushingi hwokukuita. Makore anoverengeka gare gare iye akasarudza kuzviuraya asi haasati aigona kukuitawo. Iye akabatanidzwa mukuba nokutengesa mirimo, zvaakapinzirwa mutorongo. Ipapo roorano yake yakakundikana.

Nhasi Heinz haasati achakapindwa muropa nemirimo. Iye ari kuita kururama kwokutendeseka. Iye ane roorano inofara uye ukama hwakaisvonaka nababa vake kuna amai. Chiiko chakaita musiano wacho? Iye akavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Pashoma napashoma, murangariro wake paupenyu wakavamba kuchinja.

Pasina panikiro, vazhinji vaiziva Heinz wekare vakamufuratira somunhu asina maturo. Nenzira yokuonga nokuda kwavanhu vazhinji vakafanana naye, Mwari haana kumurega somunhu asingagoni kununurwa. Neiko? Chikonzero chacho ndeichi: “Jehovha haaoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.”—1 Samueri 16:7.

Iwoyo musiano mumwe mukuru pakati pomunhu naMwari. Tinokombamira kutonga nezvitarisiko zvokunze. Tinototaura kuti “mirangariro yokutanga ndiyo mirangariro isingagumi.” Namamwe mashoko, tinokombamira kuronga vanhu mumapoka kuchivakirwa nokuita kwokutanga. Asi Mwari, nemhaka yokuti iye anogona kuziva mwoyo, akarurama uye haasaruri. Uye ichocho ndicho chikonzero nei iye akatumira Mwanakomana wake, Jesu Kristu, kupasi kuitira kuti “marudzi ose avanhu anofanira kuponeswa ndokusvika pazivo yakarurama yezvokwadi.” (1 Timotio 2:4, NW) Muna ikoku, maKristu akazvitsaurira ane ropafadzo yokuva “vashandi biyake vaMwari” kupfurikidza nokuparidzira nokushingaira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kurudzi rwose rwomunhu. (1 VaKorinte 3:9, NW) Bva, maKristu ane ganhuriro dzawo—haagoni kuziva mwoyo yavanhu. Naizvozvo anofanira kuva asina rusaruro ndokudzivisa kufungiswa mano akaipa nezvitarisiko zvokunze.

Munun’una kuna amai waJesu Jakobho aiziva nezveiyi ngozi muungano yechiKristu yapakuvamba. Iye akati: “Hama dzangu, sezvamunodavira munaShe wedu Jesu Kristu, uyo anotonga mumbiri, hamusati muchitongofanira kuratidza ruremekedzo rukuru nokuda kwavapfumi navakuru. Somuenzaniso, vashanyi vaviri vangapinda munzvimbo yenyu yokunamatira, mumwe murume akapfeka zvakanaka ane mhete dzendarama, uye mumwe murombo akapfeka nguvo dzakaipa. Ngatitii munopa ngwariro chaiyo kumunhu akapfeka zvakanaka . . . Hamuoni here kuti munotsaura ndokutonga nemipimo yenhema?” Pahwaro ihwohwu, ko isu pane dzimwe nguva tinotonga vanhu zvisakafanira avo vanouya kuHoro yoUmambo kwenguva yokutanga here?—Jakobho 2:1-4, The New English Bible.

Jesu Akagadza Muenzaniso

Jesu akaona vanhu, kwete savatadzi vasingagoni kudzikinurwa, asi sezvinobvira savanhu vapachokwadi vanodisa kuchinja kana vakapiwa betsero iri madikanwa nevavariro yakafanira. Ndokusaka iye “akazvipa amene sorudzikinuro runowirirana nokuda kwavose.” (1 Timotio 2:6, NW) Mumubato wake wokuparidzira, iye haana kurangarira munhu ane mwoyo wakanaka saasingabatwi, asakafanirwa nengwariro. Murangariro wake wavanhu hauna kuzivisa mirangariro yokudada yokuzviruramisa.—Ruka 5:12, 13.

Akanga asakafanana sei navaFarise, nezvavo tinorava, kuti: “Zvino vanyori navaFarise vakati vachimuona achidya navatadzi navateresi, vakati kuvadzidzi vake: ‘Mudzidzisi unodyireiko navateresi navatadzi?’ Jesu akati achizvinzwa, akati kwavari: ‘Vasingarwari havatsvaki n’anga, asi vanorwara; handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.’”—Marko 2:16, 17.

Ikoku hakurevi, chokwadika, kuti Jesu aifuratira miitiro isakatendeseka neyakaipa zvaiitwa naava vatadzi navateresi. Asi iye aiziva kuti vanhu vanogona kubatwa munzira yakaipa youpenyu, zvichida kunyange vasingazivi kana kuti nemhaka yemigariro yakaoma kudzora. Iye naizvozvo akaratidza nzwisiso, achiva “anosundwa netsitsi nokuda kwavo, nemhaka yokuti vakanga vari makwai asina mufudzi.” (Marko 6:34, NW) Iye nenzira yorudo akaita musiano pakati pamabasa avo akaipa nemwoyo yavo yakanaka sezvinobvira.

Mukubata navateveri vake, Jesu akatarirawo kupfuura zvitarisiko zvokunze. Ivo vakanga vari vatadzi avo kazhinji kazhinji vaiita zvikanganiso, asi Jesu akanga asiri anoda kukwana asina mufungo, nguva dzose achivatsiura nokuda kwechikanganiso chiduku chiri chose. Iye aiziva kuti vavariro dzavo dzakanga dzakanaka kana kuti, sezvatingataura nhasi, kuti mwoyo wavo wakanga uri munzvimbo yakarurama. Chavaida chakanga chiri betsero nekurudziro; mukupa iyoyi, Jesu akanga asingatongoomeri. Pasina panikiro pamusoro pako, iye akaona vanhu nenzira iyo Mwari anovaona nayo. Tinoedza here kutevedzera muenzaniso wake unoshamisa?

Ko Iwe Uno“tonga Norutongeso Rwakarurama” Here?

Pane imwe nguva Jesu akatarisana neboka ravanyunyuti vanozviruramisa avo vakashatiriswa nemhaka yokuti iye akanga aita chiito chokuporesa paSabata. Iye akavaraidza, kuti: “Regai kutonga nechitarisiko chokunze, asi tongai norutongeso rwakarurama.” Neiko ivo vasina kufara pakuona muna Jesu muiti wamanenji uyo akanga aita “munhu akanaka chose chose muutano” panzvimbo pokuva “vanotsamwa nenzira yamasimba masimba” nokuona maari mupunzi womutemo weSabata? Kupfurikidza nokutonga nechitarisiko chokunze, ivo vakaratidzira vavariro dzavo dzakashata. Ivo vakazivisa rutongeso rwavo kuva rwokuzviruramisa norusakarurama panguva imwe cheteyo.—Johane 7:23, 24, NW.

Isu tingagona sei zvichida kuita chikanganiso chimwe chetecho? Kupfurikidza nokukundikana kufara apo munhu anopfidza anodzokera kuungano kana kuti apo munhu wenyika zvikuru anodzidza zvokwadi uye anovamba kubetserwa nokuporesa kwomudzimu. Pane dzimwe nguva tingatonga vanhu kupfurikidza nomupfekero wavo usakafanira kana kuti kutsvinda ndokuvaramba savasingatongovi Zvapupu. Bva, vaichimbova vasingazvibati vazhinji navamwe vane mitoo youpenyu isakafanira pakupedzisira vakava Zvapupu zvechiKristu zvaJehovha. Nepo vakadaro vari kuita gadziridzo, hatidi kubvumira “kutonga nechitarisiko chokunze” kutipofumadzira kumugariro wakanaka womwoyo wavo.

Kuri nani zvikuru sei, uye mutsinhirano nomuenzaniso wakaisvonaka waJesu, kuvanyengeterera ndokuvapa betsero inoshanda mukusvika ukuru mumudzimu hwechiKristu! Kuona mavari chisakiso chokufara kungaratidzika kuva kwakaoma. Asi kana Jehovha achivakwevera kwaari amene kupfurikidza naKristu, ndisu vanaani kuvaramba pahwaro hwomupimo wedu timene? (Johane 6:44) Kutonga mumwe munhu nenzira yokuzviruramisa, apo tinenge tisingazivi mwoyo kana kuti migariro, kungagona kutiisa munzira yorutongeso rwakaipa.—Enzanisa naMateo 7:1-5.

Panzvimbo pokutonga nenzira yakakomba vatsva vakadaro, tinofanira kuvabetsera, kuvakurudzira, uye kuvaraira kupfurikidza nomuenzaniso. Zvisinei, patinenge tichiratidza mutsa, zvamazvirokwazvo hatifaniri kunamata vatsva avo zvichida vanosanozivikanwa munyika. Ikoko kwaizova chimiro chorusaruro. Kwaizovawo chiratidzo chokusakura mumudzimu kwatiri. Kana ari munhu wacho amene, kunyanyomurumbidza kwedu kwaizomubetsera here kuva anozvininipisa? Kana kuti, panzvimbo pezvo, kwaizomukwenudza here?—Revhitiko 19:15.

Usakarira Zvakawanda Kupfuura Zvinoita Mwari

Murangariro wedu wavamwe wakaganhurirwa zvikuru ukaenzaniswa nowaJehovha, uyo anoziva mwoyo. (1 Makoronike 28:9) Kunzwisisa ikoku kuchatidzivisa pakuva vaFarise vomuzuva razvino uno, vanozviruramisa, tichiedza kupinza vanhu muchimiro chedu chimene chakaitwa nomunhu chokururama kuti vagokodzera mumurangariro wedu wechiri chakarurama. Kana tikaedza kuona vanhu sokuvaona kunoita Mwari, hatisati tichizoda zvakawanda kwavari kupfuura zvaanoita. Hatisati tichi“zopfuura zvinhu zvakanyorwa.” (1 VaKorinte 4:6, NW) Ikoku kunokosha zvikuru kuti vakuru vechiKristu vafungisise.—1 Petro 5:2, 3.

Tinogona kuenzanisira ikoku munhau yomupfekero. Chinodikanwa cheBhaibheri—chinodikanwa chaMwari—ndechokuti zvipfeko zvomuKristu zvinofanira kuva zvakatsvinda uye zvakachena, zvakasanorongwa uye zvisingaratidziri kushaikwa kwokuva no“mwero nendangariro yakanaka.” (1 Timotio 2:9; 3:2, NW) Sezvinooneka, ipapoka, vakuru vomuimwe ungano vaka“pfuura zvinhu zvakanyorwa” makore mashomanene apfuura kupfurikidza nokuda kuti mukurukuri wehurukuro yavose ari wose aiva muungano yavo apfeke hembe chena, kunyange zvazvo mavara akajeka aiwanzogamuchirika munyika iyoyo. Vakurukuri vanoshanyira vaiiuya nehembe ina mavara mavara vaikumbirwa kupfeka imwe yehembe chena dzinoverengeka dzaichengetwa muHoro yoUmambo nokuda kwemigariro yakakomba yakadaro chaizvo. Tinofanira kuva vanongwarira sei kuti tisaise chido chedu chomunhu oga pavamwe! Uye rakafanira sei zano raPauro: “Kuva nomufungo kwenyu ngakuzivikanwe kuvanhu vose”!—VaFiripi 4:5, NW.

Miuyo Yakanaka Inobva Mukutarira Kupfuura Zvitarisiko Zvokunze

Kunzwisisa kuti hatigoni kuziva mwoyo yavanhu kuchatibetsera kuchengeta ukama huri nani naavo vakatipoteredza, mose muri muviri mukati nokunze kweungano yechiKristu. Kuchatibetsera kufunga zvakananga pamusoro pavamwe, kwete kupanikira vavariro dzavo, “nokuti kunyange isu taichimbova vasina mufungo, vasingateereri, tichitsauswa, tichiva varanda kuzvishuvo zvakasiana-siana nemifarwa.” (Tito 3:3, NW) Tichiziva ikoku, tichava vanodisa kuparidzira kumunhu ari wose, kunyange kuavo, muzvitarisiko zvokunze, vangaratidzika kuva vasakafanira. Pashure pokurangarira zvose, chisarudzo chokugamuchira kana kuti kuramba zvokwadi ndechavo. Mutoro wokuiparidzira kumunhu ari wose ndowedu.

Vazhinji veZvapupu zvaJehovha, kufanana naHeinz, vanofara kuti vakagamuchirwa muungano yechiKristu nehama nehanzvadzi apo vakatarira kupfuura zvitarisiko zvokunze uye vasina kutonga nemirangariro yokutanga.

Rangarira Frank, uyo akasvika rimwe Svondo paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha muGermany yokumaodzanyemba. Chii icho avo vaivapo vakaona? Murume muduku asina kukama vhudzi ane ndebvu uye ane vhudzi rinosvika pamapfudzi, akapfeka nguvo dzine tsvina, anosanozivikanwa somuendi wenguva dzose kumabhawa omunzvimbomo nomusvuti mukuru—munhu uyo akanga aregeredza musikana wake namanyambiri avo. Kunyanguvezvo, iye akagamuchirwa noushamwari pamusangano. Iye akaororwa kwazvo zvokuti akadzokera vhiki rimwe gare gare. Chii chavakaona panguva iyeyo? Murume muduku akatsvinda zvakanaka akapfeka nguvo dzakachena. Vhiki rechitatu ivo vakaona murume muduku akanga asati achasvuta, nguva ino achiperekedzwa nomusikana wake navana vavo vaviri. PaSvondo rechina, ivo vakaona murume muduku nomukadzi muduku vakanga vachangobva kuwana raisenzi yeroorano kuti vaite kuti ukama hwavo huve hwapamutemo. PaSvondo rechishanu, ivo vakaona murume muduku akanga agura batano dzose norudzidziso rwenhema. Nhasi, makore mana gare gare, ivo vanoona, seizvo mumwe weZvapupu zvaJehovha anoshuma kuti, “mhuri inoorora zvakaisvonaka kwazvo zvokuti ungafunga kuti ivo vakanga vave vari hama dzedu kwamakore akawanda.”

Kunaka kwebhuku hakusati hako kuchiratidzirwa mubutiro raro kana kuti uko kweimba muchitarisiko chayo chokunze. Nenzira yakafanana, kunaka kwechokwadi kwomunhu hakuratidzirwi hako muzvitarisiko zvokunze. MaKristu anoedza kuona vanhu sezvinoita Mwari haasati achizotonga nezvitarisiko zvokutanga. Mwari anopa ngwariro ku“munhu akavanzika womwoyo,” uye tinogona kuva vanoonga nokuda kwaikoko.—1 Petro 3:3, 4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe