RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 11/1 p. 31
  • ‘Mushumo Wakanaka Unobva Kunyika Dziri Kure’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Mushumo Wakanaka Unobva Kunyika Dziri Kure’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mashoko Akafanana
  • Kuparadzwa Kwemasango Anogara Achinaya
    Mukai!—1998
  • Nzira Dzekuparidza Nadzo Mashoko Akanaka
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Goho Guru!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Zvinoshaisa Mufaro Pasango Rinogara Richinaya
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 11/1 p. 31

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

‘Mushumo Wakanaka Unobva Kunyika Dziri Kure’

◻ MUGREENLAND inotonhora vamwe vaparidzi vaiva pachikairo yokuparidzira vakasangana nomuNorway muduku uyo akagamuchira bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? Zvisinei, iye haana kuratidza fariro huru. Pashanyo yavo inotevera kunzvimbo iyi iri kure, iye akavaudza kuti akanga arava bhuku racho kanoverengeka uye aida mamwe mabhuku. Chiverengero chakati chamabhuku namabhurocha zvakasiiwa zvinaye. Iye akasuruvara kuziva kuti vaparidzi vaisagona kudzokera kwerimwe gore asi akawana kero yeZvapupu. Mwedzi mumwe gare gare, kukushamiswa kwavo, iye akagogodza pasuo ravo. Iye akarondedzera kuti akanga awira muchando nesikuta yake yechando achienda kuigwa rake, uye ipapo kwakanga kwamutorera maawa matanhatu kukwasva kuti asvike Zvapupu. Iye aida kuwana mamwe mabhuku nokukurukura zvokwadi. Iye akapinda musangano madekwana iwayo ndokuita rongedzero dzokupinda kamwe pamwedzi. Iye akauya nokuda kweshanyo yomutariri wedunhu uye akakurudzirwa zvikuru kwazvo. Iye akabuda muchechi uye zvino ari kuparidzira mashoko akanaka munharaunda make. Apo aizi munguva yechando inomudzivisa kusvika kumisangano neigwa, anotora herikoputa, uko kunomudyira $300 parwendo.

Vangani vedu vanofanira kuzvishandisa vamene kuiyi tambanuko nokuda kwokufambira mberi muushumiri hwedu?

◻ Vanhu vazhinji vari kugamuchira mashoko akanaka muMadagascar. Navaparidzi voUmambo vanopfuura 3 200 chete, 16 205 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Hama dziri kuita nhamburiko huru kusvika vose vari pachitsuwa.

Somuenzaniso, 17 vavaparidzi 30 veUngano yeIsaonjo vakasarudza kupupurira mundima iri kure makiromita akawanda. Ivo vakabva mumusha mavo hafu yeawa pashure papakati pousiku. Kwamaawa maviri ivo vakafamba munzira dzina mawere uye nomumadhaka. Ipapo ivo vakapinda musango romunzvimbo dzapasi dzinopisa pa 2:30 a.m. Nemhaka yokuti rima rakafukidza sango, dzimwe hama dzakawira mumakoronga. Vamwe vakagumburwa ndokupinda mumadziva emvura mumatombo ane mwena. Sango racho raiva nezvikwevaropa, uye zvipembenene zvakawanda zvakavaruma. Dzakawanda zvikurusa dzehanzvadzi dzakatambura neiyi nzira. Madhaka padzimwe nguva aisvika mumabvi. Vaparidzi vose 17 vakakuvadzwa munzira yakati, asi ivo pakupedzisira vakabuda musango pa 6:30 a.m!

Basa romumunda rakavamba pa 6:45 a.m. Vazhinjisa vavanhu vakagamuchira vaparidzi nomutsa. Uyo asina pakutanga akanga ari mudzimai womutungamiriri worudzidziso wePurotesitendi. Iye akati: “Ndine rudzidziso rwangu ndimene; rwakandikwanira. Ndinoziva zvose izvo Bhaibheri rinotaura.” Nokukurumidza apo muparidzi akabudisa magazini yeNharireyomurindi, mukadzi wacho akairamba nenzira yokuzvitutumadza, achiti: “Ndinotova nezvimwe zvinhu zvakawanda zvokurava.” Asi iye akavamba kubvunza mibvunzo: “Ndimi vanaani, uye munobvepi, uye ndiani akakutumai?” Pashure pokunge vapindura nounyoro uye kurondedzera nokupfupikisa nhamburiko yose yavakaita kuti vasvike musha wake, mukadzi wacho akagamuchira Nharireyomurindi, achiti: “Ndichaitenga. Ndiani anoziva kana makatumwa naMwari?”

Pa 1:30 p.m., vane 17 vakabva mundima vachienda kumusha, vachiita rwendo rwacho mumaawa ari pasi pamana nemhaka yokuti kwakanga kuchakajeka. Ivo vakaneta asi vakakotsekana, zviso zvavo zvakaratidzira mufaro. Ivo vakati: “Rakanga riri zuva risingakanganwiki nokuda kwavane 17 vedu vakabva kuUngano yeIsaonjo.”

Zvamazvirokwazvo, mudzimu waJehovha uri kusunda vabatiri vake vakazvitsaurira kuparidza mashoko akanaka oUmambo “kusvikira kurutivi rwuri kure zvikurusa rwapasi,” uye vazhinji vari kugamuchira nhamburiko dzakaisvonaka dzeZvapupu.—Mabasa 1:8, NW.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Panomira ngarava peUmanak, Greenland

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe