Unoona Chitarisiko Chokunze Chete Here?
1 Sezvatinoita ushumiri hwedu hwepachena, zvatinotanga kufunga nezvevamwe vanhu zvingatiita kuti titye kuvataurira mashoko akanaka. Somuenzaniso, waizoita sei kudai mumwe murume anoratidzika seane hasha aigara achikutarisa nokunyumwira pawaishanyira muvakidzani wake akanga aratidza kufarira chokwadi? Imwe hanzvadzi iri piyona yakasangana neizvi yakasarudza kuenda kune murume wacho ndokutaura naye. Akaipindura nehasha. Asi, zvinoshamisa ndezvokuti, akateerera mashoko eBhaibheri uye nomufaro wakati akabvuma kudzidza. Nemhosva yokuti hanzvadzi yacho haina kufungira zviri munhu nechitarisiko chokunze, murume uyu nomudzimai wake vakazarurirwa nzira yokudzidza chokwadi.
2 Imwe hanzvadzi pakutanga yaivhundutswa nechitarisiko chokunze cherimwe jaya raiva nebvudzi refu asi yakaramba ichipupurira kwariri zvishoma pose paraiuya mushopu mayaishanda. Zvayaiita zvakaguma zvakanaka, uye jaya racho izvozvi rava Chapupu chakabhabhatidzwa. Chii chingatidzivisa kukurumidza kutaura kuti vakadaro vacharamba kunzwa?
3 Kutevedzera Muenzaniso waJesu: Jesu aiziva kuti aizopa munhu wose upenyu hwake. Saka, haana kudziviswa nechitarisiko chokunze chevamwe. Akaziva kuti nyange vaya vane mukurumbira wakashata vangada kuchinja kana vakabatsirwa uye vakakurudzirwa zvakakodzera. (Mat. 9:9-13) Akaedza kubatsira vose vakapfuma nevarombo. (Mat. 11:5; Marko 10:17-22) Ngatiregei kufungira vanhu vatinosangana navo nechitarisiko chavo chokunze, tichizvitadzisa kuona ungava mugariro wakanaka wemwoyo. (Mat. 7:1; Joh. 7:24) Chii chingatibatsira kuti titevedzere muenzaniso waJesu wakasiyana nemimwe?
4 Takasvika pakuziva kuti Shoko raMwari rine simba rokuchinja mafungiro omunhu, mafambire, neunhu, nokudzidza kwedu Bhaibheri. (VaEf. 4:22-24; VaH. 4:12) Saka, tichiratidza kungwarira kwakafanira, tinofanira kuramba tine tariro ndokusiyira zvimwe zvose mumaoko aJehovha, Iye anoziva zviri pamwoyo yevanhu.—1 Sam. 16:7; Mabasa 10:34, 35.
5 Kutaurira kwedu vanhu vemarudzi ose mashoko akanaka tisingasaruri, pasinei nechitarisiko chavo chokunze, ngakuitewo chimwe chinhu kubasa guru rokukohwa mumazuva ano okupedzisira.—1 Tim. 2:3, 4.