RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 7/1 p. 15
  • Mashoko Akanaka Oumambo Anobva Pasi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashoko Akanaka Oumambo Anobva Pasi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mupoteri weVietnam
  • Kuita kwomuAborigine Kuzvokwadi
  • Kuridza Runhare Kwetsaona
  • Kugamuchira Mashoko Akanaka muBelgium
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Mumiromo Yavacheche”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • “Rugwaro Rwuri Rwose Rwachakarava Rwakaorora Mwoyo Wangu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Jehovha Akasimba Kupfuura Vavengi Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 7/1 p. 15

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

Mashoko Akanaka Oumambo Anobva Pasi

SOMUDZIMWE nyika 211, mashoko akanaka oUmambo ari kuziviswa nokushingaira neZvapupu zvaJehovha pasi muAustralia. Zvapupu zvinopfuura 49 000 zviriko zviri kufarikanya zvikomborero zvakapfuma. Vanhu vazhinji vamarudzi akasiana-siana vakatamirako makore apfuura, zvokuti zvino ungano 58 dzamarudzi dzinoshuma basa romumunda. Zvinoitika zvinokurudzira zvinorondedzerwa nehofisi yebazu yeWatch Tower Society.

Mupoteri weVietnam

Mupoteri weVietnam, zvino ari kugara muAustralia, akakura nokunamatwa kwavakare, chiConfucius, uye chiBuddha, pamwe chete nouzivi hwokuMabvazuva nokuMadokera. Kutozosvikira muna 1975 iye akanga ari murwi muhondo yeSouth Vietnam. Muna 1979 iye aitofanira kuita kuti ruboshwe rwake rwugurwe nemhaka yebundu muchiningoningo chake. Achishuva rusununguko, iye akatiza Vietnam muna 1983, pamwe chete navamwe vane 24, muigwa duku. Pashure pokusangana kunotyisa nembavha, igwa ravo rakafamba zvisina donzo muSouth China Sea kwamazuva matanhatu asingafadzi, kutozosvikira ivo pakupedzisira vasvika Malaysia. Pashure pokupedza mwedzi mishanu vari mumusasa wavapoteri, akabvumidzwa kupinda muAustralia. Mwedzi mitatu gare gare akaonana nezvokwadi. Mashoko aJesu ari pana Johane 8:32, NW akapindura chishuvo chake chikuru chorusununguko: “Muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.” Hama dzakamuratidza rudo rukuru. Nhasi iye Chapupu chaJehovha uye anokosha mukubatsira vamwe vanhu vazhinji vanotaura chiVietnam kudzidza zvokwadi inosunungura munhu.

Kuita kwomuAborigine Kuzvokwadi

Kuchamhembe kwakadziva kumadokera kweAustralia imwe hama duku piona nomubiyayo vakashanyira mukadzi weAborigine munharaunda yorudzi inonzi woolshed. Pashure pokunzwa chikonzero nei vakanga vashanya, mukadzi wacho akatora kiyi muhuro make ndokukiinura bhokisi guru resimbi. Kukushamiswa kwavo kukuru, ivo vakaona mukati pakati pezvinhu zvishomanene zvake maviri amabhurocha eWatch Tower nekopi yekare yeBhaibheri. Vachigara pasi, ivo vakakwanisa kutanga fundo vachishandisa rimwe ramabhurocha. Kunyange zvazvo mukadzi wacho asingaravi kana kuti kunyora, iye akakoshesa zvirokwazvo mabhurocha ayo akanga akawana kare. Fundo yenguva dzose zvino iri kuitiswa, kumufaro wake.

Kuridza Runhare Kwetsaona

Muguta reSydney, rine vagari vane mamirioni matatu, mumwe musikana muduku ane makore matatu okukura akanga achitamba norunhare ndokungoridza zvake nhamba yakati. Nhamba yacho yaiva yechimwe Chapupu. Hanzvadzi yakapindura, uye pakutanga akafunga kuti muridzi akanga ari muzukuru wake. Ipapo akanzwa inzwi romukuru. Akanga ari amai vomusikana muduku, avo vakakumbira ruregerero nokuda kwomwanasikana wavo. Kurukururirano yakatevera, mukati mayo hanzvadzi yedu yakapa uchapupu. Mukadzi wacho akati: “Ndakanga ndichikarira kuti Zvapupu zvaizouya zvakare kusuo rangu. Ndinoda kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha!” Iye akapfuurira kutaura kuti mwedzi miviri chete pamberi pezvi, iye akanga ashanyira Peru uye akaororwa natete wake nemhuri avo zvino vari Zvapupu zvaJehovha. Iye akati: “Vana vehama dzangu dzokunyama vakanga vari vanadhiabhorosi vaduku, asi zvino ingirozi duku!” Gadziriro dzakaitwa dzefundo yeBhaibheri, uye mukadzi anofarira anopfuurira kuita fambiro mberi yakanaka—zvose nemhaka yorunhare rwetsaona rwakaridzwa nomusikana wake muduku.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe