RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 7/1 pp. 10-14
  • Kuwana Kuyanana Kwamarudzi muSouth Africa Yatambudzika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuwana Kuyanana Kwamarudzi muSouth Africa Yatambudzika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukurira muSouth Africa
  • Mibvunzo Yangu Inopindurwa
  • Ushumiri Hwenguva Yakazara
  • Kudzokera Kubasa Rokunyika
  • Kuyanana Kwamarudzi Kunotsiva Nyanduko Yamarudzi
  • Apo Madzinza Ose Anogara Pamwe Chete Murugare
    Mukai!—1993
  • Zvakadini Norudado Rwerudzi?
    Mukai!—1998
  • Kukura nesangano raJehovha muSouth Africa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 7/1 pp. 10-14

Kuwana Kuyanana Kwamarudzi muSouth Africa Yatambudzika

Yakataurwa naMerlyn Mehl

INI ndiri weSouth Africa, kana kuti, sezvinorondedzerwa nenzira yechienzi munyika ino, weSouth Africa woruvara. Ndiriwo purofesa paYunivhesiti yeWestern Cape, yunivhesiti hurusa yavatema zvikurusa munyika. Ndine doctorate mudzidzo yephysics. Kwamakore 20 apfuura, ndave ndiriwo mumwe weZvapupu zvaJehovha. Naizvozvo ndoupi weiyi migariro miviri wakandibetsera kuwana kuyanana kwamarudzi munyika ino yegakava nerwisano?

Kukurira muSouth Africa

Cape Town, pamugumo wokumaodzanyemba peAfrica, yakarondedzerwa se‘Cape yakaisvonakisisa mupasi rose.’ Kutarira nyeredzi pausiku hwakajeka muCape Town ndichinoitika chinoorora. Pane imwe nguva, ndichiita saizvozvo, ndinoyeuka ndichiti kushamwari: “Chiiko chiri donzo raikoku kwose? Zvirokwazvo kunofanira kureva chimwe chinhu; bva, kuno zvinhu hazvina donzo kwazvo. Vanhu vanogona seiko kusarurana zvikuru kwazvo? Neiko zvinhu zvisina kunaka kwazvo?”

Kuberekerwa muSouth Africa kuziva rusaruro pazera rapakuvamba. Zvinetso zvorudzi zvinoratidzika kuva zviri munzvimbo iri yose. Kuvambira pahuduku hwapakuvamba, vanhu vanoparadzaniswa ndokuiswa mumapoka norudzi. Mhuri yedu inorongwa seyechi“karadhi” nemitemo yeSouth Africa. Savana, takadzidziswa kuti vachena vakanga vari vadzvinyiriri nepo isu takanga tiri pakati pavadzvinyirirwi. Uye chibviro chenguva iyeyo, sezvatakakura, onano dzapakati pamarudzi kuchikoro kana kuti munzanga yakanga ichidokuva isipo, kunonzwisisika kuti vanhu vorumwe rudzi vairangarirwa nenyumwiro. Kwatiri kwakaratidzika kuti vachena vaiva nezvakanakisisa zvechinhu chiri chose—kubatanidza dzimba, nzvimbo, uye zvikoro. “Rusarura ganda,” kuparadzaniswa kwapamutemo kwamarudzi, akava mashoko anovengwa zvikurusa mumashoko edu.

Ndisati ndapedza chikoro chepuraimari, mhuri yedu yakasungirwa kusiya musha munzvimbo yakavhengana marudzi umo hanzvadzi yangu neni takaberekerwa. Neiko? Nemhaka yeGroup Areas Act, iyo yakabvumidza nharaunda yakati kurongerwa boka rimwe rorudzi bedzi. Takatamira kuimwe nharaunda, uko takagara kwechiverengero chakati chamakore kutozosvikira iyowo yaziviswa kuti “nharaunda yavachena.” Ipapo, takaendazve.

Nemhaka yokusaruramisira kuri pachena, vabereki vangu pamwe chete navadzidzisi vedu vakatikurudzira kufunda zvakaoma kuchikoro. “Munofanira kuratidza muchena kuti muri nani kupfuura zvaari,” ndiro rakanga riri shoko racho. Ikoku kwakatapura chimiro changu kuchikoro. Kunyange zvazvo ndainyara zvinorwadza, ndaida kudzidza. Kurava chinhu chipi nechipi uye chinhu chiri chose kwakabatikanisa zhinjisa yenguva yangu. Nokudaro, ndakapedza chikoro ndiri pakati pavadzidzi vapamusoro munyika. Naizvozvo kwakanga kuri kwomuzvarirwo kuti ndinofanira kuenda kuyunivhesiti. Nemhaka yokuti ndaifarikanya sayenzi nenhamba, kwakanga kuri nyore kusarudza kuronda dhigirii musayenzi, nephysics nenhamba sezvidzidzo zvikuru.

Sezvo muna 1960 (gore rimene ndakatanga payunivhesiti) Separate Universities Act yakashanda, ndakasungirwa kupinda yunivhesiti yeboka rangu rorudzi. Kwakanga kune ziviso huru yakapoteredza vadzidzi paaya mayunivhesiti akasiana. Ndakapedza kufunda gore rimwe nerimwe nokupasa kwakaisvonaka uye pakupedzisira ndakawana dhigirii reMaster of Science muphysics dzenyukireya, uye ikoko kwakakweva ngwariro huru, zvikurukuru sezvo panguva iyeyo ndakagovera kuvadzidzisi veUniversity of the Western Cape—mudzidzi wechikaradhi wokutanga kugoverwa saizvozvo.

Bva, panguva iyi ndakakangaidzwa zvikuru. Ndakanga ndisina mhinduro yomubvunzo unokosha woupenyu: Chii chiri donzo rahwo rose? Tsinhiro kushamwari yangu, yadudzwa pakuvamba, yakaitwa panodokuva paiyi nguva.

Mibvunzo Yangu Inopindurwa

Kusvikira panguva ino, rudzidziso rwakanga rwaita rutivi ruduku zvikuru muupenyu hwangu. Somwana, ndakanga ndapinda Chechi yeAnglican uye ndakasimbiswa pazera ramakore 16. Asi kwakanga kusitongorina mhinduro dzipi nedzipi dzemibvunzo yangu. Naizvozvo sezvandakakura, kupinda kwangu chechi kwakaderera uye pakupedzisira ndakarega.

Ipapo rimwe zuva ndakashanyira musha weshamwari yapayunivhesiti. Mudzimai wake, Julia, akashandisa Bhaibheri kuratidza kuti kwakanga kune mhinduro yezvinetso zvamatongerwe enyika nezvamarudzi kwete bedzi zveSouth Africa asiwo zvenyika yose. Ndakashamiswa uye ndakapanikira. Asi ndakagamuchira kabhukwana kanonzi Basis for Belief in a New World, ndakaenda kumusha, uye ndakatanga kukarava nemhaka yokuda kuziva.

Panguva yechipiri mangwanani akatevera acho, ndakanga ndichiri kurava! Muno makanga mune zvibvumikiso zvakarangarirwa pamusoro pechikonzero nei Bhaibheri riri rechokwadi, chikonzero nei mauporofita aro achivimbika, chikonzero nei rudzi rwomunhu rwuri munhamo huru kwazvo, chikonzero nei 1914 uri musi unokosha kudaro, uye chikonzero nei tichigona kukarira tsika itsva yakarurama pano pasi pano. Iyoyi inofanira kuva zvokwadi zvirokwazvo!

Zuva rakatevera racho ndakadzokera kumusha kweshamwari yangu. “Ko une mamwe mabhuku akafanana neiri here?” ndakabvunza mudzimai wake. Ndakaenda ndine murwi wamabhuku anobata nedzidziso dzapakuvamba dzeBhaibheri, tsananguro dzamauporofita aDhanieri naZvakazarurwa, rudzi rwamazuva matanhatu echisiko, uye zvimwe zvakawanda. Zvinokosha zvikuru, iwo akaratidza kuti hakuna nzvimbo muBhaibheri pane ruramiswo ipi neipi yorusaruro rworudzi, sezvo “Mwari asingatsauri.” (Mabasa 10:34, NW) Ndakarava nokukurumidza mabhuku ose. Muno makanga mune mhinduro dzemibvunzo iyo yakanga yandinetsa nguva dzose. Pashure perinenge gore rakazadzwa nefundo yeBhaibheri yakarongwa, ndakabhapatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Ipapo pakanga pari pana November 21, 1967.

Sesangano, Zvapupu zvaJehovha zvirokwazvo hazvisaruri rudzi uye hazvisi zvamatongerwe enyika. Izvo zvinopa ruvimbiko kuhurumende imwe, Umambo hwaMwari. Kwazviri mugariro wenzanga haukoshi zvechokwadi. Asi muSouth Africa, nguva dzose mune zvinetso zvine chokuita nenhau dzorudzi. Nemhaka yeGroup Areas Act, ungano dzinoratidzira kuumbwa kwamarudzi kwenharaunda yadziri. Naizvozvo muClaremont Ungano mandaipinda, vanhu zhinjisa vaiva vamakaradhi. Vachena vashomanene vaipinda vakanga vari vafundisi kana kuti varume vane nzvimbo dzokutarisira.

Ndichiri kuyeuka, pashure paaya makore ose, zvinoitika zviviri izvo zvinoratidza kuti kwakaoma sei kuzvibvisira umene zvimiro zvorudzi. Pamagungano, vachena vaivapo vaisienda pamberi pemitsetse yamabiko, kutora zvokudya zvavo, uye kuenda kuzodya vakaparadzana, nepo vasara vedu taimira tichimirira. Ikoko kwainditambudza. Zvapupu zvichena zvaivawo nekombamiro yokusuma vadzimai vazvo seizvi: “Mudiwa wangu, sangana naMerlyn. Iye ari kufunda Bhaibheri.” “Merlyn, uyu ndiye mudzimai wangu, Hanzvadzi Nhingi.” Ivo vaitaura kwandiri nezita rangu rokutanga, asi ini ndaifanira kushandisa “Hanzvadzi” kana kuti “Hama.” Ndakashatirwa!

Asi ipapo ndakatanga kurangarira. Chinetso ndechokuti nguva dzose unorangarira kuti ndimumwe munhu ari wourudzi. Asika chaunga china mapoka amarudzi chakafanana neSouth Africa chinofanira kutapura munhu ari wose anogaramo. Chokwadi, Zvapupu zvichena zvaidikanirwa kushandira paukama hwazvo navanhu voruvara rwakasiana. Asi ipapo, ndaifanirawo. Pairi pfundo Bhaibheri rinopa iri zano rakanaka: “Usakurumidza kuratidza pfundepfunde; nokuti pfundepfunde inochengetwa namapenzi.” (Muparidzi 7:9, The New English Bible) Hungu, ndaifanira kushandira pakuva anotapurika zvishoma ndizvo kwete kuona utera hunoonekwa mune zvourudzi.

Ndinofanira kududzawo kuti mugariro wose munyika wati chinjei chibviro chenguva iyoyo. Mumakore apfuura, chiverengero chakaganhurirwa bedzi chavachena chaibvumirwa kupinda misangano yorudzidziso yamamwe marudzi, uye ivo vaifanira kudya vakaparadzana. Ikoku hakusati kuchakadaro.

Kunokosha zvikurusa, kunyanguvezvo, pano pakanga pane sangano ravanhu vaivhengana norusununguko, vaifarirwa mumisha yomumwe nomumwe, uye vaidanana kuti hama nehanzvadzi uye vaikureva chaizvoizvo! Uku kupwiswa kwakanga kwakasimba uye kwakavakirwa panheyo dzeBhaibheri. Naizvozvo apo zvinoitika zvorudzi zvinomuka—uye muSouth Africa izvo zvinodokuva zvisingadzivisiki—kurangarira aya maidi nguva dzose kunonyaradza mirangariro yangu. Sezvo makore anopfuura, ndinodzidza kushandisa nheyo dzeBhaibheri zviri nani nokudaro ndokuva norugare rukuru mukati mangu ndimene panhau dzorudzi. Asi munhu anofanira kukushandira!

Ushumiri Hwenguva Yakazara

Nokukurumidza pashure porubhapatidzo rwangu, ndakanzwa kudikanwa kwokuwedzera ushumiri hwangu. Ndakanga ndisina kuroora uye ndaiva nemitoro mishomanene, naizvozvo pana October 1, 1968, ndakatanga sapiona wenguva dzose. Ikoku kwakaparira nyonganyonga chose, sezvo kwakareva kusiya kwangu yunivhesiti uye kurega iro vazhinji vairangarira sebasa rakaisvonaka. Nyaya yerimwe pepanhau pamusoro pechiito changu yaiva nomusoro unoti: “Musaendisiti Mukuru Anoenda Kundoparidza Bhaibheri.” Nokukurumidza ndakanga ndoitisa fundo dzeBhaibheri gumi kana kuti kupfuura vanhu vakasiana-siana kana kuti dzimhuri. Pagungano rimwe vaviri vaava vanhu vakabhapatidzwa, parinotevera, vana; ipapo vanomwe, zvichingodaro.

Pana September 17, 1969, ndakaroora Julia, Chapupu chakanga chasuma zvokwadi kwandiri. Iye akanga awana chatanuro pazvikonzero zvapamutemo nezvapaMagwaro nguva yakati pamberi peroorano yedu. Ikoku kwakareva kuti ndakagara nhaka mhuri nokukurumidza, sezvo iye aiva navakomana vaviri, John naLeon. Takasarudza kupfuurira mubasa roupiona kwenguva yakareba seinobvira, uko kwakabvumikisa kuva rovedzo yakanaka nokuda kwavakomana ndokundibetsera kuita kuti mhuri yedu yokurera ibudirire.

Kuvamba kwama 70 yakanga iri nguva inofadza zvikuru kuva mubasa renguva yakazara, seizvo izvi zvinoitika zvinoratidza. Tichiparidzira paimba neimba, takasangana nomumwe mukadzi anonzi Annabel. Iye akakurumidza kugamuchira bhuku raZvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi neBhaibheri. (Takaziva gare gare kuti akanga abhadhara mabhuku acho nemari yokupedzisira yaaiva nayo—murume anotengesa mukaka akasungirwa kudzokera vhiki rakatevera racho nokuda kwemari yake!) Kuvambira pakutanga, iye akagadzirira zvakanaka nokuda kwefundo yake yeBhaibheri yevhiki nevhiki pasinei zvapo nomwana anoshereketa. Iye akatangawo kuudza mhuri yake zvaakanga achidzidza. Nokukurumidza murume wake, Billy, akamuperekedza kumisangano. Vabereki vaAnnabel vakanga vatumidza mazita vana vavo vashanu munhevedzano yama A B C. Munun’una wake Beattie akatanga kufunda. Charlie nomudzimai wake havasati vaizosiiwa. Daphne akaratidzawo fariro, uye Edna nomurume wake vakakumbanira. Nhasi mhuri iyoyo yose yave ichibatira nokutendeka kwamakore akawanda. Varume vakuru kana kuti vabatiri vanoshumira, uye vazhinji vavakadzi vakabatira samapiona.

Uye ipapo kuna Stanley. Takamuwana mubasa rapaimba neimba, shanyo yokupedzisira pamasikati oMuvhuro anotonhora. Asi kugamuchirwa kwakadini! Mudzimai wake akatikoka kupinda, uye kwakanga kwakajeka nokukurumidza kuti takanga tichibata nomurume anoremekedza. Kutaura idi, iye akanga achangobva kunyengeterera betsero yokunzwisisa Bhaibheri. Kurukurirano yedu yokutanga yaiva padzidziso yoUtatu. Pashure pekurukurirano yeawa, iye akaratidzika kuva akapwiswa. Vhiki rakatevera racho, iye akatikwazisa naaya mashoko: “Imi vanhu makarurama. Ndakarava ‘Testamende Itsva’ yose, uye hamuna Utatu. Ndakaenda kundoona mufundisi kuti ndimubvunze chikonzero nei iye ave achinditsausa. Iye akaramba kundiona, naizvozvo ndakadzorera emvuropi dzokuisira mari idzo ndaisishandisa kuisa mari yaibva kumimwe mitezo yechechi.” Uye kwose ikoku pasina kuva akawana bhuku rimwe zvaro kwatiri! Iye akada kupinda misangano, uye takavimbisa kumutora. Asi Svondo iroro takanonoka kusvika namaminiti mashanu kupfuura yatakanga tavimbisa. Takasangana naye akatasva bhasikoro rake achienda kumisangano! “Ndafunga kuti manga mandikanganwa,” iye akadaro. Takafunda katatu pavhiki, uye iye akabhapatidzwa mwedzi mitatu pashure peonano yedu yokutanga. Stanley akabatira kwamakore akawanda neshingairo imwe cheteyo yaaiva nayo pakutanga.

Julia neni takaverenga kuti mumakore apfuura, takaropafadzwa kubetsera vanhu 50 kuva Zvapupu zvaJehovha.

Kudzokera Kubasa Rokunyika

Pashure pamakore mana mubasa roupiona, mari yedu yakanga yodokupera. Mutengo wokurarama wakanga wakwira, uye vakomana vakanga vachikura. Naizvozvo, nenzira inorwadza uye nokuzengurira, takasarudza kurega ushumiri hwenguva yakazara. Imomo makanga muri muna September 1972. Kwava kuitei? Rinopfuura chete gore rimwe gare gare, pana January 1, 1974, ndakadzokera kukudzidzisa kuyunivhesiti apo nzvimbo yakawanika muphysics. Ikoku kwakareva gadziridzo yakati uyewo kudzivisa kuora mwoyo. Asi netsigiro yakasimba yakabva kuna Julia, ndakakwanisa kuita gadziridzo dzacho. Kwakabvumikisa kuva kunobetsera zvikuru kuramba ndichishingaira zvikuru muushumiri neungano—kupfuurira chaizvoizvo ku‘tsvaka umambo pakutanga.’—Mateo 6:33.

Sezvo varaidzi vose veyunivhesiti vachikarirwa kuita nzvero, mubvunzo wokudzokera kuphysics dzenyukireya wakamuka. Ndakakuwana kwakaoma zvikuru kufungidzira kuita rudzi urwu rukuru rwenzvero apo nguva yangu yokunze kweyunivhesiti yaipedzwa ndichiedza kudzidzisa vanhu zvokwadi inobva muBhaibheri. Kwakaratidzika kuva kusina maturo kwazvo kubatikana munzvero nokuda chete kwayo imene. Uye, chokwadika, nzvero yephysics dzenyukireya yaigona sezvinobvira zvikuru kuva nokushanda nezvehondo, uye ikoku kwaigona kuunza zvinetso pamusoro pokusatora rutivi kwechiKristu.—Isaya 2:2-4.

MuSouth Africa yunivhesiti yakadai seiyo yeWestern Cape ine vadzidzi vazhinji avo vanonzi “vane migariro yakaipa.” Ivo vanouya kuyunivhesiti vasina kugadzirira nemhaka yokudzidza kwakaipa uye zvimwe zvinhu zvepfuma yenzanga. Muzvinoitika zvakawanda ivo havashaiwi mano—ivo havana kungova zvavo nebanza. Kwamakore 13 apfuura, sorutivi rwebasa rangu reyunivhesiti, ndave ndichinzvera zvitambudzo zvokudzidza zvavadzidzi vakadaro nokuronga mitoo yokudzidzisa yakasiana. Iyi nzvero yakandiunzira doctorate mudzidzo yephysics ndokuguma nokusimudzirwa kwangu kukuva purofesa. Gadziriro dzomushandira pamwe wenzvero zvino dziri kuitwa neyunivhesiti dzomuUnited States neIsrael. Kunofadza kuenzanisa zviwanwa zveiyi nzvero nemitoo yokudzidzisa yeZvapupu zvaJehovha.

Rondedzero yakatangwa naPurofesa Reuven Feuerstein navashandi biyake muIsrael inonzi Mediated Learning Experience. Rutivi runokosha rwerondedzero yacho nderwokuti vana vanokudziridza mano okufunga kwete bedzi nenyanduro inobva kunze inovasvika kupfurikidza nepfungwa dzavo asiwo nomurevereri womunhu anotsanangura simba kwavari. Kana ikoku kusingaitwi, vana havakudziridzi mano avo okufunga zvikuru sezvavangagona.

Zvapupu zvaJehovha zvinoisa simbiso yakasimba pabasa romubereki somuraidzi wokutanga womwana. Vabereki Zvapupu vanopedza maawa akawanda vachinzvera yamuro dzeBhaibheri dzine mifananidzo navana vavo, vachivabvunza pamusoro peizvo vanoona nokuvabetsera kunzwisisa revo yenhau dzeBhaibheri. Ivo vanosimbisa kudikanwa kwete bedzi kwefundo yeBhaibheri yevhiki nevhiki asiwo kwomuraidzo wenguva dzose, zvikurukuru munheyo dzeBhaibheri. (Dheuteronomio 6:6-8) Nzvero iri pamusoro apa inoratidzika kuva inoratidzira kuti mukuita saizvozvo, vabereki vari kukudziridza zvomenemene ungwaru hwavana vavo.

Kuvaka ndiimwe rondedzero inotaura kuti kudzidzisa hakusati kuchingova zvako kubviswa kwamashoko mundangariro yomuraidzi kuenda kundangariro yomudzidzi. Panzvimbo pezvo, munhu mumwe nomumwe anoumba kuvaka kwake amene kubva muizvo zvinoonwa kana kuti kunzwiwa kana kuti kuwanwa. Ndokusaka vanhu vaviri vachigona kuteerera kumashoko mamwe chetewo ndokuita mhedziso dzakasiana. Kuti vanhu vadzidze zvinobudirira, ivo vanofanira kubata namashoko ivo vamene.

Misangano yeZvapupu zvaJehovha inokurudzira ikoku chaizvoizvo. Munhu ari wose anokarirwa kugadzirira pachine nguva mberi mashoko achakurukurwa mubhuku rinowanika. Mukati momusangano umene, tsinhiro dzinotorwa kuvateereri pamashoko akagadzirirwa. Neiyi nzira vanhu vanokurudzirwa kwete bedzi kutaura zvavakadzidza asi kubetserwa negadziriro vamwe vakaita.

Kusvika kwedzidzo yakavakirwa pakomupiyuta kwakarumbidzwa somutoo wokuita kuti muraidzo uve womunhu oga. Bva, basa refundo dzeBhaibheri iro Zvapupu zvakaronda kwamakore akawanda mumisha yavanhu rakapfuura ikoko! Muraidzi mumwe anobetsera vanhu mumwe, vaviri, kana kuti vatatu (vasingawanzokupfuura) kurangarira mashoko akatsikirirwa panhau yeBhaibheri iyo mudzidzi akahwirudzura mugadziriro. Mudzidzi anokurudzirwa kutsanangura izvo anonzwisisa, ndima nendima, uye ipapo ikoku kunokurukurwa—zvirokwazvo fundo yeBhaibheri yomunhu oga. Sezvo zvichipiwa kushandiswa kwakadaro kwenheyo dzakanaka dzomuraidzo, hakushamisi kuti Zvapupu zvaJehovha zvinobudirira sezvazvinoita. Chokwadika, izvo hazvifaniri kudzidza idzi nheyo payunivhesiti. Zvinodziwana kumanyuko makuru—Bhaibheri.—Mateo 28:19, 20; Johane 6:45.

Kuyanana Kwamarudzi Kunotsiva Nyanduko Yamarudzi

Makore anopfuura 20 maviri apfuura nokukurumidza chibviro chaapo ndakava mumwe weZvapupu zvaJehovha. John naLeon, vanamubvandiripo vangu, zvino vakura, vose vari vaviri vakabhapatidzwa uye vanobatira nokutendeka. Muna 1976 mwanakomana wedu Graeme akaberekwa. Iropafadzo kumurerawo munzira yezvokwadi. Mhuri yedu yakakomborerwa nemhaka yokuti Julia anokwanisa zvakare kupayona, apo ini ndinoita upiona hwebetsero kanenge katatu pagore. Makatipoteredza muSouth Africa, mave mune kukura kunoshamisa munyanduko yamarudzi. Munhu anokuona mumashoko akabharangadzwa pazvivako uye anokunzwa mumhepo. Bva, pakati pamapoka ose amarudzi, nenji razvino uno riri kuitika. Nokupfaviswa kwemitemo kunoitwa neHurumende pasonganirano, Zvapupu zvaJehovha zvino zvinokwanisa kusangana pamwe chete zvakasununguka zvakanaka, zvikurukuru pamagungano makuru. Ndakaropafadzwa kugoverana mukuronga mamwe aaya magungano amapoka ose amarudzi. Ikoko tinoona kusava nourudzi kuchishanda, vanhu vakadzidziswa nemipimo yakakwirira yeBhaibheri kuva vasingazivi ruvara zvirokwazvo! Pano pane vanhu vanoona zvakaita vamwe mukati, kwete chete ruvara rweganda ravo.

Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinoumba boka bedzi rechokwadi rapasi pose rorudzi rwomunhu. Nokukurumidza, mutsika yake itsva yezvinhu, Jehovha acha“pukuta musodzi uri wose pameso avo, uye rufu harusati ruchizovapozve, uyewo kuchema kana kuti kurira kana kuti marwadzo hazvisati zvichitongovapozve.” Pamwe chete namamirioni ehama dzangu nehanzvadzi munyika yose, ndinotarira mberi kunyika itsva iyoyo inofadza, yakarurama, isina urudzi.—Zvakazarurwa 21:3-5, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe