RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 7/1 pp. 16-17
  • “Une Nhamo Iwe, Korazini!”—Neiko?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Une Nhamo Iwe, Korazini!”—Neiko?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Uya Ushanyire Gungwa reGarirea!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • A7-D Upenyu hwaJesu Panyika—Ushumiri hwaJesu Hunobudirira muGarireya (Chikamu 2)
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Rwune Nhamo Rudzi Rwusingateereri
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 7/1 pp. 16-17

Zviono Zvinobva Munyika Yakapikirwa

“Une Nhamo Iwe, Korazini!”—Neiko?

IWE zvamazvirokwazvo ungasada kuti Mwari azivise nhamo pauri, ungada here? Funga, ipapoka, kuti vaJudha vamaguta matatu eGarirea vanofanira kuva vakanzwa sei apo Mwanakomana waMwari noMutongi akati:

“Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetsaidha! nokuti mabasa akaitwa mukati menyu, dai aiitwa muTire neSidhoni, vangadai vakatendeuka kare vana masaga nedota. Asi ndinoti kwamuri: Tire neSidhoni acharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuuremi. Uye Kapernaume, . . . uchaburukira kuHadhesi.”—Mateo 11:21-23.

Chiono chiri pamusoro apa chinonangidzira ngwariro parimwe ramaguta iwayo—Korazini. Uyu mufananidzo unoonekawo nokuda kwaJuly/August mu 1989 Calendar of Jehovah’s Witnesses. Nenzira inofadza, mashoko aJesu ari pana Mateo 11:21-23 ari mupurogiramu yokurava Bhaibheri yeZvapupu zvaJehovha mukati maAugust. Chii, ipapoka, chatinofanira kuziva pamusoro peKorazini?

Eya, cherechedza paiva neKorazini yakare. Unogona kuona matongo aro pamberi pouyu mufananidzo. Tevere, cherechedza miti iri pamhenderekedzo yegungwa yokuchamhembe yegungwa reGarirea. Ipapo ndipo paiva neKapernaume, kure namakiromita anenge matatu. Nzvimbo youyu mufananidzo womumhepo ingakarakadza nzvimbo yakati sandara zvishoma, bva Korazini iri zvomenemene mumakomo mamita 270 pamusoro pemhenderekedzo yegungwa.

Inobetserawo kuziva kuti panenge padaro rimwe chetero kubva Kapernaume, nomumhenderekedzo yegungwa, pakanga pane Bhetsaidha. Nokudaro, mukuzvidza aya maguta matatu, Jesu akanga achipa ngwariro panharaunda duku yakanga yakapoteredza nzvimbo yake yomubato muGarirea. (Mateo 4:13; Marko 2:1; Ruka 4:31) Neiko Jesu akataura nhamo paari?

Jesu akapedza nguva yakawanda aina vaapostora muiyi nharaunda, uye iye akaitira mabasa mazhinji ane simba muno. Pedyo neBhetsaidha iye akadyisa nenenji vanhu vanopfuura 5 000, uye iye akadzorera chiono kubofu. (Marko 8:22-25; Ruka 9:10-17) Pakati pamanenji ake muKapernaume kana kuti pedyo nayo kwakanga kuri kurapa kwake mukomana anorwara ari kure, kuporesa munhu aiva nedhimoni, kugonesa akaoma mitezo kufamba, uye kumutsa mwanasikana womukuru mukuru wesinagoge. (Marko 2:1-12; 5:21-43; Ruka 4:31-37; Johane 4:46-54) Nepo Bhaibheri risingatidudziri kuti “mabasa ane simba” api anobatanidzwa neKorazini, Mateo 11:21 inoratidzira kuti Jesu akaita manenji imomo kana kuti pedyo nemo. Bva, vanhu havasati vaizopfidza nokuisa kutenda maari saMesia uyo aiva netsigiro yaMwari.

Uchitarira pachiono chakabatanidzwa chokuita kwaJesu mabasa akadaro, ungabvunza kuti, ‘Vanhu veKorazini vaigona sei kuva vasingagamuchiri zvakadaro?’ Zvichida kubairwa zanhi kunofanira kuwanwa pakati pamabwe matema ebasalt ayo vacheri vamatongo vakafukunura pakati paaya matongo, ayo anovambira muzana ramakore rechitatu N.V. Izvi zvisaririra zvinobatanidza sinagoge pakati peguta nenharaunda dzokugara pedyopo. Mamwe amabwe akabva kusinagoge aiva nokuveza kwechienzi. Kwechiiko? Vanhu vomungano dzechiGiriki, zvakadai saMedusa ane makushe enyoka necentaur, hafu munhu hafu bhiza. Sezvo chiJudha chinofanira kuva chakashora nesimba kwazvo unyanzvi hwakadaro hwokuveza zvidhori, neiko vatungamiri vechiJudha vomuKorazini vachifanira kuva vakazvibvumira pasinagoge ravo?

Imwe rondedzero ndeyokuti “chimiro chokuregerera chingave chaiva chamagamuchidzanwa munzvimbo macho,” kuchipa Jesu chikonzero chokukarira gamuchiro yakanaka muguta.a Asi kana shongedzero idzodzi dzomusinagoge dzichikarakadza chinhu chipi nechipi pamusoro pechimiro chomuzuva raJesu, kungagona kuva kwokuti voruzhinji muKorazini vaisaitira hanya zvikuru kunamata “Baba nomudzimu nezvokwadi.” (Johane 4:23, NW) Ivo vakaratidza ikoko kupfurikidza nokusagamuchira Mesia anoita manenji.

Apo Jesu akatuma vadzidzi 70, iye zvakare akashandisa katutsiro inobatanidza kusagamuchira kweKorazini, Bhetsaidha, neKapernaume. Kudai vaGarirea biyake vaJesu veKorazini avo vakanga vakarovedzana namabasa ake ane simba vasina kugamuchira zvakanaka, vadzidzi vanofanira kuva vasina kushamiswa kudai vagari vomumamwe maguta umo ivo vakaparidzira vasina kuvagamuchira.—Ruka 10:10-15.

Naizvozvo sezvatinorangarira matongo matema asina upenyu eKorazini, tinofanira kufungisisa nyevero yakajeka iri muna “mune nhamo” waJesu. Kundikano yokupfidza, kugamuchira basa raMwari riri kuitwa navanhu vake, kunogona kutungamirira kuderedzwo nenguva yemberi isingafadzi.

[Mashoko Omuzasi]

a The World of the Bible, Volume 5, peji 44, rakabudiswa neEducational Heritage, Inc., New York, 1959.

[Mepu iri papeji 16]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Korazini

Bhetsaidha

Kapernaume

Gungwa reGarirea

Tibherio

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe