Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Mashoko Akanaka Anobudirira muKupro Pasinei Zvapo Nechishoro
MUAPOSTORA Pauro akaparidzira mashoko akanaka oUmambo muKupro. (Mabasa 13:4-12) Imomo makanga muri muna 47-48 N.V. Nhasi, mashoko akanaka ari kuparidzirwa muichi chitsuwa chakaisvonaka neZvapupu zvaJehovha 1 154, uye muna April wegore rino, vane 2 570 vakapinda Chirangaridzo, uko kunoratidza kuti muchitsuwa macho mune vanhu vazhinji vane mwoyo wakatendeseka navanotya Mwari. Asi nepo vazhinji vavanhu vachifarira shoko reBhaibheri rine rugare rinopiwa neZvapupu zvaJehovha, vakuru veGreek Orthodox, kungofanana navakuru vechiJudha vomuzuva raJesu, vanoshora basa. (Johane 15:20) Hofisi yebazu yeKupro inonyora, ichiti: “Sezvisakamboitika nakare kose, Chechi yeGreek Orthodox iri kuratidza rusimbiriro rwayo rwokuvhiringidza mubato wedu wokuparidzira.” Ipapo mushumo unotorondedzera kuti vakuru vorudzidziso vanonetsa sei hama muushumiri hwadzo hwapaimba neimba ndokuedza kudzinyandura kuti vadzibatanidze munharo. Ivo ipapo vanodzipomera kuparira vhiringidzo, asi hama dzinoramba kunyandurwa ndokuenda.
Zvamazvirokwazvo, chishoro chavakuru vorudzidziso kazhinji kazhinji chinokundikana, sezvinoratidza chinoitika chinotevera: “Mwedzi mishomanene yapfuura, mumwe mukadzi akatanga kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye misi ichangobva kupfuura iyi murume wake akakumbanira. Ipapo mufundisi akashanyira ava varoorani, achikarira kuvapwisa kuti varege fundo yavo yeBhaibheri. Mufundisi akaedza kutsanangura Utatu kwavari. Pashure penguva yakati murume akapindira ndokuti: ‘Handinzwisisi kuti Jesu, zvino ari mudenga ane muviri wenyama, sezvo munotaura, angagona sei panguva imwe cheteyo kuva mumwe naMwari uyo ane chimiro chomudzimu.’ Mhinduro yomufundisi yaiva iyi: ‘Eya, hausati uchifanira kunzwisisa chinhu chiri chose.’ Munhu anofarira akati: ‘Asi ndinonzwisisa kuti Jesu Mwanakomana waMwari uye kwete Mwari amene. Handidi kunzwazve chipi nechipi pamusoro poUtatu.’ Pana ikoku mufundisi akamira ndokuti nokushatirwa: ‘Iwe wafambira mberi zvikuru nefundo yako yeBhaibheri. Haungagoni kuchinja.’”
Zvino mudzimai ari kupinda misangano yose uye akabhapatidzwa pa“Vimba naJehovha” Kokorodzano Yoruwa. Murume anopfuuridzira fundo yake uye ari kupinda mimwe yemisangano.
“Nokudaro, pasinei zvapo nenhamburiko dzavo, vakuru vorudzidziso havasi kuwana nharidzano yavo,” unodaro mushumo wakabva kuhofisi yebazu yeKupro. “Panzvimbo pezvo, chatinocherekedza ndechokuti vanhu vanofarira vakawanda zvino vari kupinda misangano kupfuura kare. Panguva imwe cheteyo, hama dzakatsunga zvikuru kuendesa mashoko akanaka kuvane mwoyo wakatendeseka.” Jehovha ari kutsigira vakavimbika vake sezvaakapikira kuti aizoita pana Jeremia 1:19: “Vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire—ndizvo zvinotaura Jehovha.”